Вы находитесь на странице: 1из 129

1

DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

By
Dr TM
Cell: +263 735 879 183
+263 779 570 880
ISBN: 9780797469549
Copyright © 2016 Dr TM
All rights reserved.
Photocopying and/or sharing of this book is strictly
prohibited; Such actions will result in imprisonment if
caught.
No part of this publication may be reproduced, or transmitted, in any
form, or by any means, without the prior written permission of the author
and/or publisher.
Published with the help of Pearl Press Media (Inko)
Cell: +263 782 456 588
www.pearlpressmedia.net

2
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

Contents
CHAPTER 1 ............................................................................... 4
CHAPTER 2 ............................................................................... 9
CHAPTER 3 .............................................................................16
CHAPTER 4 .............................................................................24
CHAPTER 5 .............................................................................30
CHAPTER 6 .............................................................................38
CHAPTER 7 .............................................................................45
CHAPTER 8 .............................................................................53
CHAPTER 9 .............................................................................60
CHAPTER 10...........................................................................66
CHAPTER 11...........................................................................73
CHAPTER 12...........................................................................81
CHAPTER 13...........................................................................88
CHAPTER 14...........................................................................92
CHAPTER 15...........................................................................98
CHAPTER 16........................................................................ 103
CHAPTER 17........................................................................ 108
CHAPTER 18........................................................................ 113
CHAPTER 19........................................................................ 118
CHAPTER 20........................................................................ 124
OTHER INTERESTING BOOKS BY DR TM TO
READ. ............................................................................................. 127

3
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

CHAPTER 1
Mavatiro aiva aita Nathan musi uyu ndiwo akaita kuti
ndifunge kuti something was wrong. Kubva zvataiva tabuda
muchipatara waiona zvako kuti semunhu aiva aitwa operation
nyama dzaiva dzisati dzanyatsoita zvakanaka zvekuti kubasa
aiva asati amboenda ini ndini ndaiva ndava kutonoona kuti
kubasa kwaifamba zvakanaka here?
Manheru acho Nathan aiva angonovata zvandisina
kunzwisisa. Haaisimbodaro, taisiwanzotandara kusvika taona
news dza8 tese asi manheru aiva apfuura akangoti ndichisvika
kubva kubasa akabva atoti ndava kunovata. Zvakandinetsa.
Mangwanani iwayo ndakamuka ndichibva ndageza
kwava kupfeka. Pese pandaita ruzha ndichigwenderedza
kugadzirira kuenda kubasa Nathan haana kumuka
sezvaaisiita. Akaramba akangovata muroom make.
Ndakamboda kuti zvimwe munhu aiva akazorora regai
ndingoenda kubasa ndisiye akavata asi ndakazoti no, that was
not good.
Ndakabuda muroom mangu kwava kufamba zvishoma
zvishoma ndichienda kuroom kwaaiva akavata. Ndakasvika
padoor ndichibva ndambomira ndichiteerera kuda kunzwa
zvaiitika mukati. Hapana chandakanzwa kunze
kwerunyararo. Ndakavhura door chinyararire ndichibva
ndapinda. Aiva akavata akatarisa kumadziro asina kufuka jira
akatsamira ruoko rwake rweruboshwe rwakabata pen.
Ndakambomira ndakanyarara ndichida kunyatsoona zvaiitika
asi hapana movement yakaitika. Nathan akaramba akangodaro.
"Watopedza kugadzirira kuenda kubasa Joel?"
ndakavhunduka pandakanzwa Nathan ava kudaro neinzwi
raiva pasi pasi. Haana kucheuka, akataura akangotarisa
kumadziro ikoko. Ndakashaya kuti aiva aona sei kuti ndini.
"Nathan," ndakadaro.
"Yes Joel I am listening," akapindura asi haana kucheuka.

4
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"Ndinokumbirawo utarise kuno. I want to see your face,"


ndakadaro ndichiwedzera kuswedera pamubhedha pake.
Akambotora chinguva akatarisa kumadziro achipukuta
kumeso kwake nevhesi yaaiva akapfeka achibva azocheuka.
"And all along you were crying Nathan? Are you okay? Tell
me I am your friend," ndakadaro ndichibva ndagara
pamubhedha pake nechekumakumbo iye achibva arara
akatarisa mudenga.
"Nathan why are you doing this to me why?" ndakadaro
ndakabata pachidya chake neruoko rwangu rwerudyi. Haana
kupindura asi Nathan akanditarisa achibva aerera misodzi
maziso ese ichidzika nekunzeve. Something was wrong with my
friend. Ndakawedzera kuswedera nechekumusoro kwake
ndichibva ndatanga kupukuta misodzi yake neruoko rwangu.
Ndakanzwa misodzi yangu yava kunyangarara mumaziso. I
found no reason to smile while my friend was crying.
Ndakazofungazve kuti ko kana ndikachemawo ndiani
aizonyaradza mumwe. Ndakazvishingisa.
"Nathan God himself admires a man who smiles in trouble,
tell me what is troubling you my friend?" ndakadaro ndakaisa
ruoko rwangu padama rake.
"Joel I thank you. I thank you for everything. I thank you for
giving me life. I thank you for your sacrifice. You sacrificed your
life for me Joel. In my life I have only two things, my God and you.
I pray that this friendship will last until Amen," Nathan akadaro
neinzwi raiva pasi pasi.
"Even after Amen, our friendship will remain," ndakadaro.
"I don't know how to thank you Joel. God bless you in
abundance," akadaro achibva amuka kwava kugara.
"Amen. So how are you feeling now. You slept earlier last
night are you okay Nathan? If not tell me so that we go back and
see the Doctor," ndakadaro ndakamutarisa mumaziso.
"Worry not my friend. I am okay. Tichadzokera kana date
ratakanzi todzoka kucheck up rasvika. I have a request Joel....,"
Nathan akadaro.
"Yes, Nathan go ahead," ndakadaro.

5
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"Promise me that you will do that for me and you will never
betray me?" Nathan akadaro.
"I promise and I will betray you not," ndakadaro.
"Good. Joel I want you to help me find my son. I want my son
back in my arms. Please Joel, will you do that for me?" akadaro.
"Ishuviro yangu kukufadza Nathan.....very soon, very very
soon, I am embarking on a journey, a journey to find my friend's
son. Relax Nathan, leave everything to me. I will do that for you,"
ndakadaro ndakamutarisa ndakamubata pabendekete.
"I trust you Joel. I know you will do that for me. When you get
there tell them I am ready to pay them any amount in return of my
son," Nathan akadaro.
"Give me directions. Where is that family? I am ready to
embark on that mission like tommorow," ndakadaro.
"No, not tomorrow. You need to proceed with your journey to
Masvingo first. Go home see your mother and everyone you miss.
Bring your friend Mukuwe. I know you love him and you miss him
very much, once you are back your mission will begin," akadaro
Nathan.
"So I am going home tomorrow via Masvingo. Your wish is
my command Nathan, good day I am off to the office," ndakadaro
ndichisimuka.
"Wait," Nathan akadaro achibva avhura mudrawer make
kwava kubudisa wallet.
"Take this card," akadaro achinditambidza ATM card rake.
Ndakatambira.
"I once heard you saying you wanted to sell your car to cover
that balance yawakatora kushop uchibhadhara kuchipatara.
You can't do that Joel no. That is my ATM card go to the bank
and withdraw $8,500. Take $8,000 wonoidzosera kwaFinance
Manager for him to clear that debt. $500 you use it for tomorrow's
journey okay?" Nathan akadaro akandibata ruoko. Hana yangu
yakarova. Ini nguva yese ndaiva ndatofunga zvekutengesa
mota kuti ndidzoserere mari yekushop.
"Thank you very much Nathan. Thank you. I will do as you
just said," ndakadaro.

6
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"I am going Nathan, good day brother. Tobatana manheru,"


ndakadaro ndava kuda kubuda.
"Wait once again," Nathan akadaro.
"What is it again?" ndakadaro ndichicheuka.
"Take that envelope iri padressing table. It's yours but listen to
me and listen very attentively, don't open it usati wasvika kubasa.
You open it only wava kubasa Joel. Am I understood?" Nathan
akadaro achinditendekera envelope iya. Handina kunonoka, I
went to the dressing table and picked it up.
"Okay, I will never betray you," ndakadaro ndichibva
ndabuda.
"Oh before I forget, what's your pin number?" ndakadaidzira
ndava mudining.
"1001, ukaona mudhara Sibanda panze umuudze asvike
kuno Joel," Nathan akapindura ari mumba.
"Okay thank you," ndakadaro kwava kufambisa ndichienda
kumota.

Ndakasvika ndichibva ndangoridza hooter kamwe chete


ndikaona mudhara Sibanda ava kumhanya achiuya.
"Boss mamuka sei?" akadaro paakasvika.
"I am fine how are you? Ndivhurireiwoka gedhi then kana
ndabuda mozoona Boss Nathan vanoda kukuonai kumain
house," ndakadaro achibva afambisa achinovhura gedhi.
"Okay boss mofamba zvakanaka Mambo," vakadaro ndava
kubuda.
"Okay thank you," ndakadaro ndichibva ndaitsika mota
ndananga kutown.

Ndiri munzira mwoyo waingodokwaira kuda kuziva kuti


chii chaizvo chaiva muenvelope. Ndaitya kuti ndaigona kuenda
iye munhu anyora suicide note akasara akazviuraya ini
ndichishingirira kusvika kubasa. Mumwe mwoyo
wakambonditi regai nditsvage pekupaka ndivhure.
"I will never betray you," ndakarangarira mashoko andaiva
ndaudza Nathan mumwe mwoyo ukanditi kwete, ndaifanira

7
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

kuita zvandaiva ndaudzwa. Ndakaitsika mota kunge munhu


aipenga. Kubva kuMt Pleasant kuenda kubasa kwakandiitira
kunge kubva Harare kusvika Chivhu. Zvese zvandaiva
ndamboronga zvekuti ndaizotanga kuenda kubank
ndozopfuurira kuoffice ndakabva ndazvikanzura. Izvo
ndaizozviita ndavhura envelope iyi.

Ndakasvika kwakupaka mota pabay rangu remazuva ese


kwava kumhanya ndichipinda mushop. Vese vaindimhorosa
ndaidavira ndichifambisa. Ndakamhanya kwava kunokwira
masteps aikwidza kuma office. Ndaiita kunge ndichadonha.
"Morning Sir Joel?" Nancy akadaro pandaipfuura
nemuoffice make.
"Hesi Nancy how are you?" ndakadaro ndava kutokiinura
office.
"I am fine Sir. Sir Nathan vava sei?" akabvunza.
"He is improving," ndakapindura.
"Okay ko Sir ndandichikumbirawoka kuti patinochaisa
mugoendawo neni ndinovaona. Handina kuzokwanisa
kuvaona pavaiva kuchipatara paiuya vana Mr Moyo?" Nancy
akadaro.
"No problem Nancy tinoenda tese don't worry," ndakadaro
ndichibva ndatopinda muoffice. Mwoyo waiva wava
kuEnvelope. Ndakasvika ndichibva ndangonozviwisira
pacheya ndichibva ndatanga kuvhura envelope iya.

8
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

CHAPTER 2
Maiva mune tsamba yaiva yakanyorwa nemacapital letters
nepen yeblack. Ndakatanga kuverenga zvaiva zvakanyorwa
naNathan;

JOEL

HANDAIZIVA KUTI NDIZVO ZVAURI, HANDAIZIVA


KUTI UNE RUDO RWAKADARO. VANGANIKO PASI
PANO VANGAITA ZVAWAKANDIITIRA JOEL? NDIRI
KUPERERWA KUTI NDINGAKUTENDA SEI, NDICHITI
KUDII? YOU RISKED YOUR LIFE BECAUSE OF ME
JOEL. CHINZWA, PAUNODZOKA KUBASA JOEL,
NDODA KUTI USVIKE UCHINDIUDZA ANYTHING
CHAUNODA KUTI NDIKUITIRE KUNGAVA
KUKUTENGERA IMBA, MOTA KANA CHII,
NDAKAZVIPIRA KUITA CHESE CHAUCHATAURA
NEKUTI HAPANA CHAKAKOSHA KWANDIRI
KUPFUURA HUPENYU HWAWAKANDIPA. I AM
WAITING FOR YOU JOEL, READY TO HEAR AND DO
FOR YOU WHATEVER YOU WILL SAY.

GOD BLESS YOU JOEL. ROPAFADZWA ZVAKO


NAMWARI. IWE NDAKAKUPIWA NEDENGA. HAVE A
NICE WORKING DAY. I AM HOME.

YOUR FRIEND

NATHAN.

Ndakapedza kuverenga tsamba iya ndichibva ndaramba


ndakaibata. Oh my God what an offer? That was like an open
cheque for me. I knew what I wanted from him. Ndakafarira
chinhu chimwe kuna Nathan, he was someone who appreciates.

9
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

Ndaiva ndava kumirira kudzokera kumba kuti ndinomuudza


zvandaida kuti andiitire, chishuvo chaiva pamwoyo wangu.
Ndapedza ndakatora zvangu mapapers edelivery yaiva
yauya nezuro wacho wacho ndichibva ndasaina kwava
kupedza.
"Nancy!" ndakadaidza Nancy aiva muoffice make
pandakapedza.
"Sir," akadavira.
"Come here," ndakadaro, haana kumbotora nguva akabva
atopinda.
"Oh endesa mapapers aya kuoffice kwaMr Moyo, ndapedza
nawo," ndakadaro ndichitambidza Nancy mapapers aya.
"Okay Sir," akadaro achitambira.
"Another thing, ndanzwa uchiti unoda kuzonoona Boss
Nathan after work?" ndakadaro.
"Yes Sir," akapindura.
"Yah but ini I think ndichakurumidza kubuda nhasi. I think
around lunch because mangwana ndine journey so ndoda
kunogadzirira. So iwewe ndava kukusiira mari yekombi,
unokwira makombi eMt Pleasant paParkade yepana Rezende
apo woti ndoda kusarira paPendenis pamashops. Wava ipapo
you call me I will come and pick you," ndakadaro
ndichimutambidza $5.
"Okay Sir, thank you very much," akadaro achitambira mari
iya achisekerera akanditarisa. Zvekundisekerera aizvifarira.
Handina kuzogarisa muoffice, ndakabva ndabuda ndava
kuenda kubank kunoita transaction yandaiva ndatumwa
naNathan. I transferred $8,000 from his account ndichiisa
kuaccount yebasa and withdrew $500 yaaiva ataura ndichibva
ndadzokera kubasa. Ndakasvikopa Finance Manager
mareceipts etransaction yandaiva ndaita ndichiti agobva aclear
chikwereti.
"Okay Nancy, ini ndava kubuda. Ndokuona wasvika,"
ndakadaro ndava kukiya office.
"Okay Sir mofamba bhoo," Nancy akapindura.

10
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"Thanks wena. Kwete kuzorasika kkkk," ndakadaro


ndichiseka zvangu.
"Kana Sir handimborasiki. KuMt Pleasant ndinokuziva
zvisingaiti kubva ndichiri paUZ," akadaro achiseka.
"Saka kana wakadaro wakanaka. Ndaenda ini," ndakadaro
ndichibva ndabuda ndava kuenda kumota. Pfungwa dzangu
dzaiva dzava kumba kuna Nathan zvekare ndaiva ndava
kufunga rwendo rwandaiva narwo mangwana acho
rwekuenda Masvingo ndichizonopfuurira kuenda kumusha
kunana Mukuwe. Ndakasimuka pabasa kwava kunanga
paService Station ndichibva ndadira full tank. Ndiri ipapo
ndakabva ndaona rimwe ziposter raiva neadvert yeAlbum
Launch yaJah Prayzah 'MUDHARA VACHAUYA' yaiitwa
manheru emusi iwoyo. Ndaimufariraka, ndakati ndaizoenda
chete kunomutsigira asi ndaida kutanga ndaenda kumba
kunoona Nathan ndichionazve kuti zvinhu zvangu zvese
zvaiva zvava in order nekuti mangwana acho ndaida
kungomuka ndakarova road. Ndakabva apa kwava kunanga
kumba straight.
Ndiri munzira ndaiimba zvangu nziyo dzekurumbidza
Mwari ndichivatenda nezvavaindiitira pahupenyu hwangu.
Ndichisvika pamba ndakawana Nathan akangovata.
Ndaifunga kuti zvimwe ndichawana akagara mudining
achiona TV. Izvi zvakandiratidza kuti mukomana aiva achiri
kurwadziwa. Ndakabva ndangonanga mumba maaiva
akarara. Aiva akangozorora zvake asina kukotsira.
"Oh Joel you are back?" akadaro Nathan pandakapinda.
"Yes Nathan I am back. So how are you now?" ndakabvunza
ndichigara pamubhedha pake.
"I will be okay," akadaro.
"You will be okay? Meaning right now you are not okay? You
have been sleeping all day, if you are not okay Nathan then let me
go with you to the Doctor," ndakadaro ndakamutarisa. Haana
kupindura zvairatidza kuti zvandaitaura aisazviramba.
Akatora chinguva akanyarara.

11
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"I am worried Nathan. Honestly speaking I am now worried


because of you," ndakadaro ndichibva ndagara ndakabata
shaya.
"You don't need to be worried Joel. Remember Psalms 46, it
says, 'God is our refuge and strength, a very present help in trouble.
Therefore we will not fear, even though the earth be removed, and
though the mountains be carried into the midst of the sea.' Joel God
is with us, you don't need to be worried bro. I am okay. Very soon I
will resume my duties at work," akadaro Nathan achibva amuka
achigara.
"So how was work today?" akaenderera mberi.
"Fine, so are we going to see the doctor or not?" ndakadaro.
"Don't worry Joel, tichaenda patakanzi tozodzoka kucheck
up. Handiti Doctor vakatiti musi wa16? Chimboenda
kuMasvingo first," akadaro Nathan achibva andibata
bendekete.
"Okay then. Anyway ndazoita withdrawal as per your
instruction, I deposited $8,000 kuaccount yekubasa mareceipts
acho ndamaisa kwaFinance Manager kuti vabve vaclear mari
yacho," ndakazodaro papera chinguva ndakanyarara.
"Well done Joel, well done my friend," akadaro Nathan
achindibhabhadzira kumusana.
"I read the letter, ndanzwa zvawataura. You are welcome
Nathan," ndakadaro.
"Oh you did? So tell me, I am listening," akadaro Nathan.
"Tell you what?" ndakabvunza.
"Revisit the letter Joel. Tell me what you want me to do for
you," Nathan akadaro.
"Oh, so you want to pay me? Nathan, you want to pay me
right?" ndakadaro ndakanyatsomutarisa.
"No Joel, not to pay you back as such but just to appreciate
what you have done for me."
"Really?" ndakadaro.
"Yes Joel," Nathan akapindura.
"Okay, manje ndikataura zvandinoda ungazvikwanisa
here Nathan. Handizokuomeseri here?" ndakadaro.

12
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"No, just tell me what you want Joel," Nathan akadaro


achinyatsogara zvakanaka.
"No, chirega ini nditange ndambogeza ndichinyatsofunga
then pandinodzoka ndouya ndichikuudza," ndakadaro
ndichisimuka.
"No problem Joel, I will be waiting," Nathan akadaro.
Ndakabuda mumba muya ndichibva ndangonanga kubath
kunogeza. Ndaiwanzozviita zvangu kuti pese pandinobva
kubasa ndinosvika ndichirova shower. Ndakaona kuti Nathan
aiva anyatsomirira kuti ndaizomuudza kuti ndaida chii. Ini
zvandaida ndaizviziva nechekare. Pandakabuda mubath
ndichipedza kuchinja foni yangu yakabva yarira. Ndakatarisa
ndikaona ari Nancy.
"Nancy," ndakadavira.
"Hallo Sir, yah ndadzika ndava paPendenis pamashops,"
Nancy akadaro.
"Okay wait for me there I am coming," ndakadaro ndichibva
ndakata foni.
"Nathan ndichambo picker Nancy pamashops ati auya
kuzokuona. I will be back soon," ndakadaro kuna Nathan.
"Oh inga aita hake ane rudo," Nathan akadaro ndichibva
ndabuda. Ndakamutsa mota ndichibva ndangonanga
kumashops. Ndakawana akamira patara opposite mashops. Mota
aiiziva paakangoona ndamira akabva afambisa achiuya
achibva asvikopinda mumota.
"Pachipamwe Sir," akadaro paakapinda.
"Pamweni Nancy, masara bho here kubasa?"
ndakabvunza.
"Haa tasara bhoo isu, vamboswera sei Boss Nathan?"
Nancy akabvunza.
"Haa vari nani, rega tisvike unovaona," ndakadaro
ndichisimudza mota.
Takasvika tikawana Nathan agara mudining.
"Eh hesi Nancy. Nhasi wandifunga?" Nathan akadaro
kuna Nancy pataipinda.

13
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"How are you Sir? Yah ndatoti regai nhasi ndimhanye


ndizokuonai paya muri kuchipatara ndakazoshaya mukana
wekuuya kuvisiting."
"Yah yah I know zvaisaita kuti usiye kubasa kusina
munhu. Otherwise kuri sei?" Nathan akadaro.
"Kuri right Sir hameno miviri yava sei?" Nancy akadaro.
"Haa ndasimba ini. Ndanga ndaenda wena," akadaro
achiseka.
"Kana Sir hamumbofi," Nancy akadaro.
"Yah taura hako, kana nguva isina kukwana inenge isati
yakwana. Vari sei vana mhamha kumba?" Nathan akabvunza.
"Haa vari right zvekuti," Nancy akadaro. Takazogara
zvedu tichikurukura dzimwe nyaya kusvika Nancy
akazooneka.
"Sir ini ndakuonai. Chiregai ndichimhanya kumba
kuchakachena makombi eSunningdale anokurumidza kupera
paCharge office," Nancy akadaro.
"Horaiti Nancy waita basa. Wonofarisa vana mhamha.
Chiperekedzana naboss vako vanokusiya pamakombi," Nathan
akadaro isu tichibva tabuda.

"Ah Sir Joel, ndazokanganwa kukuudzai. Pane till imwe


yasara ikafa hameno Tecla ati yangodzima ari pakati
pekuchaya zvinhu muchangobva," Nancy akadaro pataiva
mumota ndichimuperekedza kukombi.
"Okay ndichauya ndozoigadzirisa or ndichafonera vanhu
vacho veVisual Electronics vozouya voona Mr Moyo kuti
igadzirwe," ndakadaro pataiva tava kutosvika pamashops.
"Okay Sir mosara mushe. Journey mercies tomorrow Sir,"
Nancy akadaro ava kudzika mumota.
"Thanks Nancy. Chibva wangopinda mukombi yakamira
iyo usvike kumba kwakachena," ndakadaro achibva adzika
ava kumhanyira kombi iya. Ndakabva apa kwava kunanga
kumba. Ndakawana Nathan akandimirira.

14
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"I was waiting for you Joel. Handei mberi nenyaya yedu
iya I am ready kunzwa zvauchataura," Nathan akadaro
ndichangogara pasi.
"Nathan," ndakadaro.
"Yes Joel," akapindura.
"Promise me that you will do for me what I am going to ask
you to do for me?" ndakadaro.
"I promise," akadaro Nathan.
"Promise me that you will never complain?" ndakadaro.
"I do promise," akadaro Nathan. Ndakabva ndanyatsogara
zvakanaka. Ndakaona shasha yanyatsoteya nzeve kuda
kunzwa zvandaizotaura. Ndakabva ndagadzirira kutaura
nyaya yangu.

15
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

CHAPTER 3
"Talk to me Joel, I am listening," Nathan akadaro.
"Nathan what I want from you is one thing," ndakadaro.
"Yes tell me, is it a house? A nice car? What is it?" Nathan
akabvunza. Yaisava mhosva yake, ndizvo zvaaifunga.
"I just want your smile Nathan. That's the only way you may
pay me back. Pay me with your smile my friend. Your happiness
means a lot to me. I rest my case," ndakadaro ndichibva
ndasimuka Nathan achibva andidhonza ruoko kuti
ndigarezve pasi.
"Joel sit down," akadaro ndichibva ndagara pandaiva
ndakagara.
"Thank you. Thank you very much Joel for your love. You care
for me more than anyone else in this world. I love you Joel. I will
always give you a smile but I know what I am going to do,"
Nathan akadaro akandishamwaridza nerumwe ruoko.
"You are welcome my friend. Anyway ukuzviziva here kuti
nhasi kune Album Launch yaJah Prayzah kuHICC?"
ndakadaro kuna Nathan.
"Album launch? Inonzi chii album yacho?" Nathan
akabvunza.
"MUDHARA VACHAUYA, ndakanzwa kuti yakapenga.
Ini ndiri kuenda then ndozomukira kuMasvingo tomorrow
because uuuum kwaMukudzei handiregi. Tisuka mafans acho,"
ndakadaro.
"Ah kana ini wati ndichasara here? Chirega ndingogeza
tibve taenda," Nathan akadaro achibva atosimuka.
Ndakanzwa mwoyo wangu kufara paakati naiye aidawo
kuenda. Ndiro raiva zuva rake rekutanga kuda kubudawo
pamba kubva zvatakanga tabva kuchipatara. Zvakandiratidza
kuti aiva ava kusimba.
"No problem Nathan. Ndiko kuti ubve warohwa nemhepo.
Geza zvako ini ndichimbobata muchembere ndinzwe zvangu

16
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

kuti vari sei," ndakadaro ndichisimuka ndichibuda panze uyu


Nathan achibva anogeza.

Ndakafona pafoni yambuya vaNathan.


"Hallo," vakadavira.
"Eh muchembere makasimba here? NdiJowero,"
ndakadaro.
"Ah hevozve mwanangu. Kwakadii Harare?" vakabvunza.
"Haa kutsvene muchembere. Vakadii vamwe vese ikoko?"
ndakabvunza.
"Haa vatsvene. Mai vako vatobva pano izvezvi avo
vatova paruzhowa avo," mbuya vaNathan vakadaro.
"Ah munogona kuvadzosa here nditaure navo?"
ndakadaro.
"Horaiti mwanangu mira nditume munhu avadane. Ko
iwe ndiudze, ndongonzwa nemakuhwa kuti uyu mukomana
haasi kuita zvakanaka ishuwa here?" vakabvunza.
"Mukomana upi muchembere?" ndakabvunza.
"Umwe wakozve Nathan. Takangonzwa neuyu Jefta
wekwaMadondo paakabva Harare achiti aiva ambosvika
nepabasa pake akanzi aiva asipo ari kuchipatara. Ko
makatadza kutifonerawo here nhai vakomana?" mbuya
vaNathan vakadaro.
"Kkkkk haa muchembere zvaisambova zvinhu zvekuti
taimbotaura. Zvaingova zvinhu zvinopfuura. Tozivaka imi
vanhu vakuru kungokuudzai chinhu neBP inobva yatokwira
but anyway ava right zvake uyo ava kutoenda kubasa. Regai
kana apedza kugeza ndichati agofona," ndakanyepa apa.
Nathan aiva asati amboenda kubasa. Chandaida kuti
vasazonyanya kufunga.
"Ah bva zvakanaka jaya redu. Chitaura namai vasvika
ava. Oh mai Jowero chiitai hallo," vakadaro ndikazonzwa
vozevezera vachitambidza mai foni.
"Hallo," ndakanzwa inzwi ramai vangu pafoni. Mai
nyakunditumbira, mukadzi akaita mwedzi mipfumbamwe
achitekaidzana neni ndiri mune rake dumbu. Dzimwe nguva

17
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

ndaivatuma kudya zvisingadyiwi, vachikumha mujuru pamiti


kuri kuvavarira kufadza ini ndaiva mudumbu. Vaiva
vakandikoshera amai ava. Ndakanzwa mwoyo wangu
kusununguka pandakanzwa inzwi ravo panhare. Vaiva ivo
zvechokwadi.
"Mhai makadii?" ndakadaro ndichisekerera kunge
vaindiona.
"Mwanangu ndinofara, wakadiiwo zvako iwe?"
vakapindura.
"Ndinofara ini mhai kwakadii kumusha ikoko?"
ndakabvunza.
"Kutsvene chose mwanangu. Kwakadii ikoko kwauri?"
vakadaro.
"Kuno kwakanaka mhai. Chii chisiko kumba?" ndakadaro.
"Haa handina chichemo mwanangu. Kuda chibage ndicho
chava kuda kupera, gore rino hakuna kunayazve zvematura
hakuna," vakapindura.
"Okay ndichakufonera mangwana ndoisa pasuro yenyu
pabhazi momirira pamagirosa paChatikobo," ndakadaro
nekuti ndaisada kuti vazive kuti mangwana acho ndaizoenda
ikoko kumusha.
"Zvakanakai Tembo, unongofona ipapa vanondiudza
mbuya vaNathan," vakadaro mai.
"Zvakanakai mhai. Mova nezuva rakanaka," ndakadaro.
"Ndinotenda mwanangu wandirangarira," vakadaro
ndichibva ndakata foni. Mwoyo wangu wakazorora. Zvainge
zviroto kuti mangwana acho ndaizoendawo kumusha
kekutanga ndichionekera. Mwari ndiMwari vanosimudza
marombe kubva muguruva. Hanzi ibwe rakarashwa nevavaki
ndiro rakazova musoro wekona. Ndizvo zvavanoita Mwari
ava regai ndikuudzei.
"Yah Joel ini ndapedza wena," ndakanzwa Nathan ava
kudaro ari mugotsi mangu.
"Okay, dzambova nguvaiko?" ndakadaro ndichitarisa
pafoni.
"Ah kuti six haina kutochaya here?" Nathan akadaro.

18
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"Yah you are right it's now twenty one past six," ndakadaro
ndichipinda mumba.
"Yaa dzatofamba. Iwe handiti utori ready kudhara?"
akadaro Nathan.
"Yah ini ndiri ready maybe ndingangoda kutora jacket kuda
kungazotonhora," ndakadaro.
"Haa kunopfekwa juzi here uko? Handiti munenge
muchijamba mangoma? Chibva wangototora neranguwo
jacket racho," akadaro Nathan.
"Uuuum shamwari zvinhu ndezvekungofamba nazvo
wakakwana, weather inogona kuchinja anytime. Kana
kukasatonhora tinongomasiya arimo mumota," ndakadaro
ndava kunanga kuroom kwangu ndichibva ndazodzoka
nekwaNathan kwava kuzobuda panze paiva naNathan.
"Tiri kumboenda nemota ipiko?" ndakadaro kuna
Nathan.
"Haa hande neziNavara iro ragarisa risiri kufamba
ipapapo. Makeys aripo pachirack mukitchen," Nathan akadaro.
Ndakafambisa ndichidzokera mumba ndichibva ndanouya
nemakeys.
"Oh Nathan you drive," ndakadaro ndichimutambidza
makeys.
"Okay no problem," paakadaro hana yangu yakafara.
Ndakaona kuti shamwari yangu yaiva yasimba zvechokwadi.
Ndizvo zvimwe zvezvinhu zvaaiva asina kumbokwanisa kuita
kubvira paakabva kuchipatara. Akatambira makeys achibva
atenderera achienda kudriver's seat ini zvangu ndakabva
ndapinda kupassenger's seat.
"Uuum iwe, paya uchigeza ndanga ndichifona kumusha
muchembere anga achitobvunza zvekurwara kwako.
Ndavhunduka unonzwa," ndakadaro pandaiva ndichangogara
mumota.
"Ah ko vakazvinzwa nani? Isu takatenderana kuti
vaisafanira kuziva nyaya iyi. Ndaizviziva kuti machembere
anogona kutoita BP," Nathan akadaro achibva ambomira

19
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

kumutsa mota mushure mekunge apererwa nezvandaiva


ndamuudza.
"Pakaipa. Hameno muface wekwaMadondo anonzi aiva
auya kushop achikutsvaga hameno kuti kushop ikoko ndiani
akabva azomuudza zvekuchipatara," ndakatsanangura.
"Oh my God!! Haisi mhosva yake. Kwaivawo kusaziva
kwake but anyway wabva wavati kudii? Let's hope havana
kutobatikana?" Nathan akadaro.
"Haa I explained to her very well vanzwisisa. Ndangovati
kurwara kwacho was not that serious zvekuti taibva takuudzai
plus ndatovaudza kuti wava right ndikatonyepa kuti wava
kutoenda kubasa."
"Saka kana wadaro wagona. Haadi kuvhiringwa
machembere aya. Saka zvandakutoita ndakutofanira
kuendawo kumusha," Nathan akadaro achibva amutsa mota.
"Meaning tongobva taenda tese tomorrow?" ndakabvunza.
"No iwe chimboenda wega udzoke ndizvo ndichimboona
kuti wava kugona kufamba wega here kuenda kumusha.
Paunodzoka ndozoendawo or togona kungodzokera tese,"
Nathan akadaro.
"Okay okay, haisi problem ndanzwisisa. Handei shamwari
tinodya manonoko kumusoja uko," ndakadaro Nathan
achibva areverser mota achiridza hooter kuti mudhara Sibanda
avhure gedhe asi haana kuuya.
"Amboendepiko mudhara uyu?" Nathan akadaro.
"No don't worry rega ndivhure. Maybe ava kumba kwake
semunhu achaisa," ndakadaro ndichibuda mumota ndichibva
ndanovhura gedhe. Nathan akabuditsa mota ndichibva
ndasiya ndavhara kwava kumhanya ndichidzokera mumota.
"Wati kuHICC zviya?" Nathan akadaro tava kusimuka.
"Ndizvo chaizvo nanga ipapo. Hanzi ndikakushaya ikoko
sahwira ndingakunyarira kkkk," ndakadaro zvangu ndafunga
song yaJah Prayzah yandaifarira inonzi Tsviriyo yaiva
yambonetsa mazuva iwayo.

20
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"Kkkkk haa saka isu hatidi kushaikwa tingazonyarirwa.


Hande ikoko," ah Nathan aiva asimba. Paakataura izvi akabva
atsika mota ichibva yavhunduka. Ndakangoseka zvangu.
Yakarohwa mota takananga kutown tichibva tazoenda
kuHICC. Ah paiva pakazara zvechokwadi vaiva vasara
mudzimba ndevaya vaiva pazvipare. Waisati munhu iyeye.
"Chimira Nathan ini ndichinotenga maticket iwe
haungaite zvepressure," ndakadaro ndichibuda ndichibva
ndamusiya akagara mumota. Paiva pasina zvapo pressure
zvinhu zvacho zvaiva zvakarongeka. Ndakatenga maticket fast
tichibva tangopinda mukati. Paiva nevamwewo vaimbi
vaisanoridza asi wandakaziva ipapo ndeuya mufana anoimba
mazuvano uyu Sam Dondo. He performed very well and that
was my second time kumuona achiperformer nekuti ndaiva
ndambowana rimwe disk raakaimba kumusha kwavo
kuChivhu paHokonya paiitwa farewell yemukoma wake aiva
akashaya. Akatitandadza musi uyu. That was talent at it's best.
Taiva zvino tachimirira kupinda kwemukomana. Jaya
rekwaMukombe raiva rakazvarwa rakapfumbata chipo
charisina kugarira, chipo chekuvaraidza ruzhinji. I knew very
well that he was not going to disappoint but to give the world the
best album ever.
'MUDHARA VACHAUYA.' Tererai ndikuudzei
zvakaitika musi uyu ini Jowero ndichitaura. Anogona stage
work zvake, regai titaure chokwadi hatina godo. Ko ini nguva
yese ndaiva ndangojairaka kuita wekunzwira kubhawa. Apa
zvaiva zvasiyana manje, live. Yakarohwa song iya yekuti,
'MUDHARA VACHAUYA,' hapana akasara akagara pasi,
munhu wese akajamba. Zvipo zvinosiyana, ndakashaya kuti
zvese izvi aizvifunga nguvai kusvika pakunyora song
yakadaro inonakidza zvakadaro.

"Kamoto kerudo kamberevere aiwa tamba-aa,


Chirega kuramba uchingonanaira kunge kamba-a,
Kamoto kerudo kamberevere musazokadzima-a,
Vanosara vachingoringaringa tanovhima-a,

21
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

Kuti dzive ngano, aiwa sungano-o,


Ichi chirangano-oo,
Chibvumirano-o,
Vanoziva kuti mudhara achauya ahaaa,
Mudhara wacho shumba inoruma ahaaa.'

Apa ndipo pakanyanya kundinakidza apa. Hameno kuti


zvaibva pai. Mudread iroro here? Unozvishaya. That was
another talent at it's best. Unfortunately in Zimbabwe or in
Southern Africa we don't appreciate talent like the Western
countries do. I wanted a handshake with the young man. Ndaida
kumubvunza chete kuti mudhara wauri kuti achauya uyu
ndeupi uyu? NdiMwari here? Nanhasi handisati ndawana
mhinduro mukamuona muti hanzi naJowero ndine mubvunzo
but anyway he did the best.
"Shamwari ini handichabvi pano ndisina kutenga disk
racho, ndotozoridza mumota ndichienda Masvingo,"
ndakadaro kuna Nathan.
"Yaa ndiko kugona. Zvino vamwe unoona vachinotenga
aya ari pirated emuroad hanzi 50 cents. Marwadziwa here
nekupromoter mwana wevanhu aimba nekungotengawo
original disk re$1? Those people need to be dealt with. Izvezvi
mangwana anoidza uchaona ratozara muroad. Ini manje disk
remuroad handitengi," Nathan akadaro nehasha.
"Kana ini wati ndotenga here Nathan. In fact ndotonzwa
kuti dai ndatodira ari kutengesa wacho mbama instead
yekumupa coin," ndakadaro nekuti neniwo zvaindirwadza.
Wonzwa munhu achiti ndiri fan yaJah Prayzah yet achitenga
madisk ake muroad apa hapana kana show yemuimbi iyeye
yaanopinda. Hakuna fan yakadaro.
"Nxaa apa hanzi tiri mafan?" ndakadaro.
"Ehe Joel iwawo ndiwo mafans awataura. Kune anonzi
masupporters and there is a different between a fan and a supporter
even kubhora. Fan ndiye munhu anongotaura kuti ndiri fan
yeDembare apa musi unotambwa bhora kuground haumuoni.
Anoonera paTV kumba achitya kunobhadhara $1 pagedhe

22
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

rekusimudzira team. Then supporter manje ndiyo inoti TV


kumba anayo 32 inch flat screen inoona zvakanaka asi musi
unonzi Dembare iri kutamba unoona achisiya TV iyoyo
oenda ne$1 rake kuground kunosupporter team yake, ndiyo
supporter iyi," Nathan akadaro.
"Yaa well explained Nathan. Ah iwe uri kuonawo zvandiri
kuona here?" ndakadaro ndichikwenya Nathan bendekete.
Pane zvandaiva ndaona. Ndakavhunduka.

23
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

CHAPTER 4
"Handina zvandaona ini. Chii Joel?" akadaro Nathan
achicheuka.
"Hona munhu uyo ane shirt yered. Wamuziva here?
Kkkkkkk," ndakadaro ndichiseka.
"Uuuuum vanhu vanoda mafaro wena. Haasi Moyo here
uyo Ops Manager?" Nathan akadaro.
"Kkkkkk ndiye. Uuuuum Jah Prayzah akaoma. Didn't
know kuti type dzana Moyo idzo dzingatosimuka kuuyawo
kuband. Ndiko kunonzi kusimudza hwereshenga uku, sando
dzake. Hona kutamba apa zimunhu rakasimbisa," ndakadaro
ndichiseka zvangu. Ndaisazvifungira.
"Mira hande padziri," Nathan akadaro tichibva tatanga
kufamba tichienda kwaiva naMr Moyo. Takaenda
nekumashure kwavo Nathan achibva asvika achivabata
bendekete nekumusana. Shasha yakavhunduka ichibva
yacheuka.
"Eh nawo mafaro comrade," Nathan akadaro.
"Ah ko Boss ndimi ndavhunduka wena. Ah ah mese
naBoss Joel? Maswera sei mashefu?" Mr Moyo vakadaro.
"We are okay. Ndimi zvenyu muri kudai kunakirwa?"
Nathan akadaro.
"Haiwa izvi hazvitaurwi izvi. Ishasha mukomana uyu.
Kugona kuri pachena. Otherwise Boss miviri yava sei?" Mr
Moyo vakabvunza Nathan.
"Haa I am fit now. Very fit and very soon ndinenge
ndakutouya kubasa," Nathan akapindura.
"Ah that's good mhani. Ko Boss Joel maswera bhoo?" Mr
Moyo vakabva vazobvunza ini.
"Aiwa ndingaonei zvangu? Mukaona tiri pamafaro kudai
kureva kuti zvinhu zviri kuendeka," ndakadaro ndakavabata
ruoko ndichivamwiza mwiza.

24
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"Yaa yaa zviri kuonekwa. Ah hoo imi matotenga disk?"


vakadaro pavakaona ndakabata disk kuruoko rwangu
rweruboshwe.
"Kare, kutadziswa nei. Mangwana zvangu ndozvinzwira
ndiri muroad," ndakadaro.
"Hoo gara zviya mangwana makati mune rwendo?
Ndanga ndatokanganwa," vakadaro Mr Moyo.
"Yaa mangwana ndichamboti budei zvishoma asi
handinogarisi zvangu," ndakadaro.
"Journey mercies Boss, mofamba nenyasha," Mr Moyo
vakadaro.
"Thank very much," ndakadaro.
Takazokurukura zvedu dzimwe nyaya kusvika
pakazopera launch tichibva taparadzana tava kuenda kumba.
Ini ndaida kukasira kuzorora semunhu aimukira rwendo.
Zvese ndaiva ndagadzirira fuel ndaiva ndadira kudhara.
Kwaingova kumuka nekubuda. Tichisvika kumba takanamata
tichibva taenda zvedu kunozorora. Ndakaseta alarm yangu 5
a.m.
Hope chaidzo hadzina kubata, mwoyo waiva wangova
munzira. Alarm yakazorira zvayo asi yakatorira ndasvinura
kare. Handina kumhanya kumutsa Nathan, ndakatombotanga
ndageza zvangu kwava kuzomumutsa ndatopfeka and ready to
go.
"Uuuum watopfeka Joel?" Nathan akadaro pandakapinda
muroom make.
"Yah yah ndakutoda kupinda paroad wena," ndakadaro.
"Yah wofamba zvakanaka wena. Kungoti wazokasirisa
kubuda ndanga ndichida kuti ugopfuura nekuChitungwiza
kushop uchimbonoona kuti kwakamira sei then waizodzoka
neroad yeMakoni nekunze kuIvens kuuya paroundabout but
anyway rova pasi ndosara ndoita plan. Ini nhasi
ndingangosvika kuoffice," Nathan akadaro achibuda
mumachira ava kupfeka mapush.
"Yah dai ndaenda zvino nguva dzacho idzi obvious
ndinowana kusati kana kwambovhurwa. But still kana

25
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

uchienda kubasa unogona kungozomhanya uchisimbisa


muviri. Wanyanya kutora nguva refu usina kumbofamba
Nathan iwe," ndakadaro tava kubuda panze.
"Taura hako. Saka wofamba bhoo Joel. Mira
ndinokuvhurira gedhe uyu mudhara Sibanda haasati amuka
uyu," Nathan akadaro achibva afamba achienda kugedhe ini
ndichipinda mumota. Ndakasvika ndichibva ndangobairira
disk riya raJah Prayzah 'MUDHARA VACHAUYA' ndiyo
yakabva yangotanga kurira. Ndakaisa mazivolume ekunzwisa
Nathan mwoyo. Yaiva yakabikwa zvayo track iyoyo.
"Maiwe nhasi zvedu muroad imomo. Usazonakirwa
nemusic ukamhanya nekuti music inorivadza. Upote
uchichecker speedometre yako please. Ko spare wheel wacheka
kuti riri right here usati wasimuka?" Nathan akadaro akabata
gedhe pandaiva ndoda kubuda.
"Uuuuum izvozvo ndanga ndisina kumbocheka wena.
Watoita bhoo," ndakadaro ndichidzikisa volume ndava kuda
kubuda.
"No gara zvako ingondivhurira boot tione," Nathan
akadaro achifamba kuenda kumashure kwemota. Ndakabva
ndangomuvhurira achibva atarisa.
"Yaa riri right hatizodi zvevanhu vanovata pasango
nekuda kwevhiri. Anyway journey mercies bro. Nyasha dzababa
wedu Jesu Kristu dzifambe newe nekusingaperi...," Nathan
akadaro achibva atsikitsira.
"Amen. Thank you very much," ndakadavira ndichibva
ndasimudza mota. Ndakazoona ava kuvhara gedhe nepaview
mirror.
Ndakaizvambura mota ndonanga kutown. Ndichisvika
mutown ndakabva ndangobuda naSimon Mazorodze ndava
kunanga kuMbudzi. This time handina kuda kumira kuti
nditsvage munhu wekutakura nekuti ndaiva ndava
kuvaraidzwa zvangu nemusic. Ndiri pakati pekufamba kudaro
ndakatanga kurangarira zvangu kuti ndaiva ndakambobvepi.
Ndaiti ndikarangarira nhoroondo yehupenyu hwangu
ndaitanga kuerera misodzi yemufaro ndichiti Mwari variko

26
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

zveshuwa. Hadzisi nhema kana zvichinzi Mwari


vanorangarira and kana vorangarira vanorangarira nenguva
yavo. Hongu tingagone kutongera Mwari asi ivo vanozobata
mabatiro anoshamisa. Inini Joel Zanda was a living testimony.
Ndakangoti Mwari makaita zvenyu. My life moved from
ground to grace.
Ndakaramba ndakatsika mota ndichinzwa zvangu mhanzi
yairira. Ndichangopfuura paGolf Club paya ndava kuda
kuenda paHarare South paMutangaz Truck Inn ndakabva
ndaona mota dzaiva dzakamira mberi dzichiisa mahazards
paiva pakaungana vanhu. Ndakada kuonawo zvaiva zvaitika
ndichibva ndamisa mota yangu pamashure paInter Africa
raiva rakamirawo ipapo. Ndakambofunga kuti zvimwe yaiva
tsaona asi ndakaona vanhu vese vaingodzika vachienda mberi
kwaiva kwakamira imwe mota yakanaka naka.
Ndakafambawo ndichitevera ikoko. Ndakatarisisa mota
ndichiti zvimwe ndaizoona yakaita tsaona asi yaiva
yakangozvimirira zvakanaka.
"Ko hanzi yaita seiko?" ndakabvunzawo vamwe mai vaiva
pedyo neni.
"Hanzi mune munhu akafa mukati," ambuya vaya
vakapindura. Ndakaona vanhu vazhinji vaingodongorera
vobvapo vachingodzungudza musoro. Ndakazvivhurira
mukana wekuti ndiswedero pedyo nemota iyoyo
ndinyatsekuonawo. Semurume ndakatswinyikidza
ndikakwanisa kupinda. Zvainzwisa tsitsi. There was a lifeless
body of a beautiful young lady. Aiva akangogara paseat pake
akatsamira pasteering. Pavanhu vese vaivapo hapana aiva
achiziva kana kufungidzira kuti chingava chii chaiva
chakaitika kwaari. Vamwe wainzwa vachizevezera kuti
zvimwe aiva aita suicide asi chokwadi chaicho hapana aiziva.
"Excuse us," ndakazonzwa inzwi rechikadzi rakataura riri
kumashure. Ndakacheuka ndichishaya kuti mukadzi aiita
zvivindi izvi aiva ani ivo vamwe vakadzi vaitotadza kuona
nepressure yevarume. Ndakacheuka ndikaona ari mukadzi
wechidiki aiva akapfeka trouse aipinda ane vamwe varume

27
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

vaaiva navo. Ndakatozozviziva pava paya kuti mupurisa


pandakazonzwa achidanwa nemumwe wake kuti Inspector
PD. Ndakazovhunduka pandakacheuka ndoona mumwe
mukuru wemuhurumende wandaiziva Honourable Minister
Sinoya vaivapo, ndakazonzwa vanhu vongohon'erana kuti
hanzi aiva mwana wavo aiva ashaya. Mapurisa akatanga kuita
basa rawo achinyora zvaainyora. Ini semunhu aiva akanonoka
handina kuzomira, ndakazobva ndomamhanyira kumota
ndichibva ndasimuka zvangu ndava kunanga Masvingo.
Ndakangoti kana paine zvaizoitika taizozvionera mupepa.
7:00 am ndaiva ndatova muChivhu. Ndakambobuda
muhighway ndichibva ndati regai ndimbotsvaga chekunwa.
Ndakasvika ndichibva ndamira paSpar. Ndakabva
ndarangarira kuti ndaiva neimwe mari yandaida kutora
muEcocash yandaida kuzoshandisa.
"Eh makadii zvenyu? Panewo pangaita Ecocash
padhuze?" ndakabvunza mumwe mukomana aitengesa
airtime.
"Ehe iyo iri kwamakafuratira iyo. Mai Juju!! Customer
iyo!!" mukomana uya akabva adaidzira kumunhu aiva muchi
Ecocash chiya. Ndakafamba ndava kuenda paya. Ndakawana
mune mudzimai wechidiki. Ndakashamisika kuti ndivo here
vaidanwa kunzi mai Juju mwana mudiki akadaro.
"Makadii zvenyu mai Juju?" ndakadaro.
"Kkkkkk tiripo hedu makadiiwo," vakapindura vachibva
vaseka. Chavaiseka kwaiva kushamisika kudanwa nezita
nemunhu wavasingazivi.
"Mashamisika kuti ndakuzivai sei?" ndakadaro.
"Ah handiti manzwa ndichideedzwa apo," vakadaro.
"Kkkkkk ndingaitewo here cash out ye$180.00?"
ndakadaro.
"Ehe itai zvenyu," vakadaro ndichibva ndatora phone
yangu ndobaya baya ndichiita transaction zvichibva zvangoita.
Ndakapiwa mari yangu kwava kufambisa ndichipinda maSpar
ndichibva ndatenga zvandaida kutenga kwava kupinda
mumota ndava kusimudzira nerwendo rwangu. Shungu

28
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

dzangu dzaiva dzekuti ten yaizochaya ndatopinda


muMasvingo.
Ndakarusimudzira rwendo rwangu ndananga
kuDzimbabwe. Ndakapfuura paMvuma handina kumira
ndakazotomira paChartsworths turn off ndamiswa
nemapurisa aiva paroad block.
"Vakuru makadii?" mupurisa akadaro nepahwindo.
"Ndinosimba mukoma. Rakadii basa?" ndakadaro.
"Aiwa basa ndirori. Ndingaonewo here driver’s licence
yenyu?" akadaro. Handina kumbononoka semunhu aiva
nacho. Ndakangovhura mudashboard machaigara sezvo
chaiva chichiri chebepa disk ndaiva ndisati ndava naro
ndichibva ndamutambidza. Akatora chinguva akaritarisa.
"Mofamba zvakanaka," akadaro achindidzosera rezinesi
rangu. Ndakaridzorera makare mudashboard ndichibva
ndasimuka. Masvingo yaiva yonhuwira nekuti ndaiva
ndichangobva kuona paiva pakanzi Masvingo 60.
9:51 ndaipinda muMasvingo. Kushop ndaikuziva so
ndakabva ndangonanga ikoko. Ndakasvika ndichibva
ndamisa mota yangu pamberi peshop. Vashoma vakandiziva
pandakapinda vaingoti hameno customer zvayo. Ndakabva
ndangonanga direct kuoffice kwaManager. Ndisati ndapinda
ndakabva ndasangana nababa vaya vekumbonditarisa kubva
kutsoka musi wandakauya apa naNathan ndine trouse rangu
rekudonha riya kana vanorangarira nhau yangu iya yegavi.
"Eh vakuru makadii?" ndakamukwazisa ndakarembedza
makey emota kuruboshwe. Haana kupindura ndakaona
achingoshama muromo akanditarisa.
"Hezvo asi hamumhorese vanhu?" ndakadaro zvekare,
ndaiva ndamirira mhinduro yake. Chandakaona aiva
apererwa. Ndizvo zvinoita hupenyu. Usatarisire mumwe
munhu pasi ramangwana hapana anoriziva kuti richazovei.
Bvunzai ini ndinozviziva.

29
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

CHAPTER 5
"Mr Shoko asi mandikanganwa?" ndakadaro ndaona
varamba vakangonyarara.
"No Boss, ndiri kurangarira. I remember you muchiuya
naBoss Nathan pano. How are you Sir?" vakazodaro vaona kuti
ndaiva ndavaisa pakona. Ini zvangu ndaiva ndisina basa
nazvo kuti munhu aiva akambondizvidza, chandaigona
kukanganwira.
"Yah hamukanganwi. Ndini chaiye, anyway varimo here
Mr Ruzive?" ndakadaro ndava kuda kufamba kupinda
muoffice.
"Yah huyai zvenyu varimo," vakadaro vachibva vatanga
kufamba mberi vachinopinda neni muoffice. Tichingopinda
chete Mr Ruzive vachingonditi baa vakabva vasimuka
nekukasira kuratidza rukudzo, ava vaindiziva nekuti
taisangana kuma meeting mazhinji emanagement so
vainyatsoziva position yandaiva ndava nayo mucompany.
"Sir Joel, you are welcome Sir," vakadaro vachindikwazisa
vachibva vabva pacheya yavo vava kuda kuti ini ndizobva
ndanogara ikoko.
"Thank you Mr Ruzive. Don't worry, don't worry Iet me sit
on this one," ndakadaro ndichigara zvangu kuvisitor's chair
yaivamo. Mr Shoko ndakaona vachipererwa nerukudzo
rwandaipiwa naBranch Manager wavo. Havana kuzoramba
varimo vakazobva vobuda zvavo kwava kutisiya tiri vaviri.

"So how are you Sir? We have been waiting for you. We
received a message kubva kuMain Branch kuti makazodzokera
panzira pamaiva mava kuuya. Saka vava sei Boss Nathan
now?" Mr Ruzive vakabvunza.
"He is fine now. So kuno kwakadii?" ndakabvunza.
"Kuno kwakanaka except issue yemapapers aya aida
approval yaC.E.O so pandakavafonera vakati ndimi muri
kuuya," vakadaro.

30
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"Yaa that's why I am here. Any other problems?"


ndakabvunza.
"Uuuum parizvino hatina. Zvese zviri right kungoti tine
musikana one akasiya basa mushure mekunge aroorwa aiva
kuTake Away but I notified Main Branch so tine short fall
yepersonnel," Mr Ruzive vakadaro.
"Okay noted. Ndichaita kuti zvigadziriswe," ndakadaro.
Ndakazotora mapapers aya ndava kusaina zvese zvaidiwa
tikazotanga kukurukura zvedu dzimwe nyaya dzebasa.
Tapedza vakazonditora vava kufamba neni vachindiratidza
shop yese plus introductions to other employees. Ndakagadzirirwa
lunch ndikadya ndiri ipapo. Vakandibata zvakanaka.
Ndapedza ndakafonera Nathan ndava kumuudza kuti zvaaiva
andituma ndaiva ndaita.
"Thanks very much Joel. So wava kutosimuka kunanga
kumusha handiti?" Nathan akadaro.
"You are welcome bro, yah ndava kuda kuchisimuka manje,"
ndakadaro.
"Yaa ita ufambe kwakachena," Nathan akadaro.

"Right Mr Ruzive ini handichagari. From here


ndakutonanga kwaGutu ndoda kumbosvika kumusha
ndozonopfuurira Harare," ndakadaro ndava kusimuka.
"Okay okay shefu, mofamba zvakanaka," vakadaro.
"Okay, ndisati ndakanganwa pane zvandinoda
kumbononga mushop menyu umu," ndakadaro.
"Okay Boss no problem," vakadaro vachibva vasimuka vava
kufamba neni. Ndakatora trolley ndava kutsvaga grocery
rekuenda naro kumusha.
"Mr Ruzive ndokumbirawoka munditorerewo imwe
trolley muchinditevera. Chandanhonga ndikaisa mutrolley
yangu ndicho chamuchanhongawo muchiisa mune yenyu,"
ndakadaro.
"No problem Sir," vakadaro Mr Ruzive tichibva tatanga
kutenderera ndichitsvaga grocery, hapana chingadiwa
mumba chandakasiya. Ndakatora zvese zvandaiziva

31
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

zvaikoshera vana mai kumusha. Ndakazoenda paLiquor


ndobva ndatenga Red Label yaiita $22.50 yandaida kuvigira
hama yangu Mukuwe. Tapedza takaenda patill ndichibva
ndabhadhara zvese zvakaita $244.30. Ndakabetserwa
kurongedza nevamwe vashandi vachibva vanditakurira
vachinoisa kumota. Mota yakarembera negrocery. Ndaiva
ndava kuda kunofadzawo mai vangu kekutanga muhupenyu.
"Right Mr Ruzive thank you. Regai ndimhanye. Pane
pangaitawo Econet Shop padhuze here?" ndakabvunza. Ndaida
kutsvagirawo mai vangu foni. Chinhu chavaiva vasina
kubvira vakamboitawo muhupenyu hwavo.
"Ah iyo iri across the road iyo. Manga muchida chii ipapo?
Nditori neshamwari yangu inoshanda ipapo ndiye Manager
futi ipapo anonzi Oswell Muswiti," Mr Ruzive vakadaro.
"No ndiri kungoda zvangu kutenga foni neline,"
ndakadaro.
"Okay I was thinking kuti pamwe pane zvamuri kuda
kugadzirisa zvingazokunetsai. Aikubatsirai," vakadaro.
"Yaa ndikangoita any problem ndinomutsvaga,"
ndakadaro ndava kupinda mumota. Ndakabva apa kwava
kunanga paEconet. Ndakatengera mai vangu foni ye$100
neline racho. Handina kuzopedza nguva ndakabva ndasimuka
ndava kunanga kwaGutu. Ndaifanira kuenda nekwaRoy.
Pese apa ndaingoridza song yangu yekuti 'MUDHARA
VACHAUYA' asi ndakazofunga zvangu kumboizorodza
ndava kuisa rimwe disk raJah Prayzah 'KUMBUMURA
MHUTE ALBUM.' Pane song yandaida ipapo yekuti,
'MUKOMA MAKAOMA,' yaindifungidza zvakawanda song
iyoyo. Ndakarova mota zvekuti kubva muMasvingo kusvika
paGutu turn off paRoy handina kumbotora nguva plus semota
yaiva yatakura yaiva yava nebalance.
Ndichisvika paturn off paRoy ndava kufanira kuchisiya
road inoenda Bikita Nyika ndakabva ndambomira ndisati
ndatena ndakatarisa Bikita. Ndaiti ndikafunga Bikita pane
zvandaibva ndarangarira. Kana ndafunga Bikita ndaibva
ndafunga PAMUSHANA MISSION. Ndaiti ndikafunga

32
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

nzvimbo iyi ndaibva ndarangarira cousin brother yangu


yandaidisisa yaishanda apa seMufundisi kwemakore asi
akazofa rufu rwakashata achifira kumiririra chokwadi.
Ndakaramba ndakamira ndakatarisa Bikita ndichirangarira
mukoma wangu. Chimwe chinhu chandaifunga ndechekuti
dai pandakapedza chikoro ndaiva ndapedza vari vapenyu
nhamo yese yandakaona iyi ndingadai zvimwe ndisina
kuzoiona. Havaimbozorega ndichidzaita nenhamo
sezvandakaita. Ndakarwadziwa ndakamira panzvimbo iyi,
ndangariro dzakandikurira misodzi yangu ikatanga kuerera.
Zvakaitika kunzvimbo yeBikita zvakandirwadza zvikasiya
musha wedu wafumuka. Asika Mwari ndivo vanotonga. Isu
taigona kutonga vanhu here? Zvese takangozviisa mumaoko
aMwari kuti ivo ndivo vaizotonga matongero avo.
"REST IN PEACE DEAR BROTHER, MENARD.
WHEREVER YOU ARE, I LOVE YOU," ndakataura
mashoko aya nezevezeve ndakagara mumota ndichipukuta
misodzi yaiva yava kuerera. Ndakazovhunduka ndava
kunzwa hwindo rava kugogodzwa. Ndakadzikisa kuti ndione
kuti aiva ani achidei. Ndakaona vari vakadzi vaya
vanotengesa vachimhanyira mabhazi nemota dzinenge
dzamira.
"Airtime here? Chibage here? ......Mbambaira here
mukoma?" Mumwe nemumwe pavari aingodaidzira zvaaida.
Hana yangu yakarova pandakatarisa munhu aiva neinzwi
raidanidzira airtime. Ndakasimudza musoro ndikaramba
ndakamutarisa. Mashoko angu akapera ndikaramba
ndakangotarisa chete.
"Sister vane airtime," ndakadaro musikana uya achibva
amhanya achiuya.
"Yes airtime iripo mukoma," akadaro paakasvika pamota.
Ndakamutarisa, ndikamutarisisa. Aiva asiri munhu aneganda
rekutaundi, ganda rake rairatidza kuva rekuruzevha.
Mumusoro aiva akarukwa aya anonzi magodi kana mabhanzi
zviya zvekumona mona bvudzi neshinda tema. Aiva akapfeka
dress dema raiva risina maoko rakarudunuka nechepadivi.

33
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

Pachimiro aiva mutete ari mupfupi zvishoma. She was light in


complexion asi munongozivawo hutsvuku hwekumusha
zvahunoita kana mafuta asinganyatsowanika. Kutsvuka
kunoguma kwava kutsvukuruka asiwo munhu anenge
achitova neganda rakanaka asi nenyaya yekushaya
zvikwanisiro munozviziva. Ndakaramba ndichimuringa
kubva kumusoro kusvika kutsoka. Aiva akapfeka mapush aya
ndiri kukanganwa kuti anonzi mayi, maLuna Park yes aya
anowanika muma China shop eplastic aya ekuti chero
mumvura unopinda nawo. Anowanzoita eyellow, green kana
red in fact anowanikwa pamacolour akasiyana siyana. Ake
aaiva akapfeka aiva apera pasi zvekuti I am sure kuti aiva
atobvooka zvekusara gumbo richitsika pasi.
Anobvuma kuperaka mazipush aya. Rimwe racho raaiva
akapfeka kurudyi raiva ratodambuka pamusoro. Vari kuziva
mazipush andiri kutaura aya vari kufamba neni and muri
kunzwisisa push randiri kutaura nezvaro. Zvarinoita manje
inzwai, push iroro rikadambuka hariendeswe kwashoe maker
because harisoneke. Chaungatoita kana radambuka kutsvaga
soft wire wobvoora wosunga. Ndizvo zvaiva zvakaitwa
nemusikana uyu. Aiva akapfeka chibhibhi chiya chireflector
chine colour yezviya zvinopfekwa nemapurisa epa road block.
Uri kure waigona kutofunga kuti ipolice waitozoona wasvika
kuti haisi waona pakanyorwa kuti Buddie. Muhuro aiva akaisa
chikwama chairembera pachipfuva chake. Munoona
zvikwama zviya zvinoisirwa mari nemafoni nemadzimai
emusika zvitema zvine chizip kumusoro netambo inenge
shoelace yekuzoisa muhuro. If you know it that is the exact wallet
I am talking about. Ndicho chaaiva akarembedza muhuro.
"Ndokupai ipi yacho mukoma? Netone, buddie kana
Telecel?" akadaro achigadzika dish raaiva naro pasi raiva
rakasungwa tuputwa twenzungu dzakabikwa dzikaomeswa
achibva atanga kuvhura chikwama chiya achivhovhonyora
majuice card hobho hobho. Chandakanyanya kufarira
paaivhovhonyora kudaro akabva abuditsa foni Nokia 1200
achibva aibata kuruboshwe.

34
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"Yaa I need airtime but I don't know if you may help me?"
ndakadaro.
"Taurai zvenyu togona kubatsirana," akadaro achibva
amira zvaaiita.
"I want to call someone but unfortunately foni yangu
yadzima apa ndakanganwa car charger, so ndanga ndichida
kuti nditenge airtime ndojusa foni yenyu then ndofona
ndichishandisa foni yenyu. I don't know if you are comfortable?"
ndakadaro.
"No problem. Regai ndijuse," akadaro achida kuscratcher
juice card re$1.
"No ndijusirei solid re$5 it might be a long conversation,"
ndakadaro.
"Okay," akadaro achibva atanga kuscratcher re$5 achibva
ajusa kwava kunditambidza foni. Ndakadzika kwava kufamba
chinhambo ndichibva pamota. Zvandaida zvaiva zvaita.
Ndichingoona kuti asara chete ndakabva ndakurumidza
kuzviisira call me back pafoni yangu nefoni yake kwavakubva
ndasevha nhamba dzangu kuti Joel mufoni make.
Ndakazonyebedzera zvangu kumira mira ndichibaya baya
foni ndichiisa panzeve ndobvisa kunge nhamba dzandaida
kufona dzairamba. Ndakazofamba ndichidzokera kwaive
nemusikana uya ndaona kuti zvandaida zvaiva zvaita.
"Sister maita basa. Iri kuramba zvayo nhamba yacho.
Huyai pamota ndibve ndakupai mari yenyu," ndakadaro
ndichivatambidza foni yavo.
"My God!! Saka mari yenyu iri mufoni muchaita sei?
Togona kungo transfer airtime kuisa kune yenyu kana
zvichiita," akadaro achiratidza kupererwa.
"No no, don't worry. Munozofonesa zvenyu. By the way I
am Joel, Joel Zanda," ndakadaro ndavhura mota asi
ndichakamira panze.
"I am Brenda Muzvuve," akadaro achidzosera foni yake
muchikwama chake chiya.
"Nice to know you Brenda. I am humbled," ndakadaro
ndichibva ndapinda mumota ndichida kutora mari.

35
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"How much nzungu dzako?" ndakabvunza ndichitendeka


nzungu dzaiva mudish rake.
"Dzoita 50 cents chipepa," akadaro.
"So dzasara umo ndedzemarii?" ndakadaro.
"Zvasara zviputwa 15 so it's $7.50," akadaro.
"Okay isa dzese paseat repamashure apa. I will pay,"
ndakadaro ndichivhura wallet yangu iya yandakatengerwa
naNathan musi wandakatanga kupinda muHarare.
"Iiii shuwa here?" akadaro achisekerera achibva atora dish
renzungu dziya kwava kudzidira paseat rekumashure.
"Take this money. Keep change for yourself. But I want you to
go home, go home like now. You are too beautiful to do this type of
business. I will call you," ndakadaro ndichimutambidza $20 asi
haana kupindura. Chandakaona pachinhambo chekupindura
akatanga kuzvitarisa achizvisvora iye pachake.
"Usare bhoo Brenda, I am going," ndakadaro ndichibva
ndatosimudza mota. Akasara akangobata mari iya mumaoko
achipererwa. Nezvaaiva izvozvo kwandiri ndakaona ari
ngirozi. Zvandaizoita ndaizviziva.
Ndakabva apa kwakurova bhora mberi ndatarisa
kwaGutu. Ndakapfuura paMawere hezvo paMukaro
paMission ndikaona pfee paGutu Garage. Ndakasvikotena
ndava kukwidza kuenda kurank asi handina kumira,
ndakangorova straight nekunze sendaiva ndoenda kuGutu
Mission kwavakuzonotena paBuhera turn off ndatarisa
kuUtsinda. Ndakasvika paMachinya ndipo pakabva paperera
tara ndava kutanga dust road. Ndaiva ndava kunzwa
munhuwi wekumba zvino. Pakatanga kuchirwadza kufamba
kubva ipapo munongoziva mota yakaderera apa yakaremerwa
mudust road. Ndipo pandakazoona kuti sei Nathan aiuya
neNavara, aiitira road.
Ndakainanaidza zvishoma nezvishoma ndichizviridzira
music yangu kwakuzosiya road yeBuhera ndava kukwidza
neyeChitsa Magombedze. Ndakapfuura paMakanga hezvo
Rafomoyo Zvavahera. Zuva raiva rava kuda kunovira manje.
Pandakasvika paZvavahera ndangariro dzakatanga kuwanda.

36
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

Ndipo pataisiuya kuClinic kunyange kuma sports tichiri


kuchikoro. It was a walking distance kubva apa kuenda pedu
paChatikobo. Mazuva edu 5 km idzodzo taisadziona, taingoti
svanhu svanhu tatosvika. Ndakapfuura apa kwava kupfuura
turn off yekwaMuzenda. Apa ndipo pandakatanga kuona
mabuildings ekumba kuti ayoo. Ndini here Jowero ndaiva
ndasvikawo ndichityaira musvisvininga wemota unonzi
wangu. Mwari vanobata zvinoshamisa. Ndakaramba
ndichifamba asi chimwe chinhu chaiti chikauya mupfungwa
dzangu ndainetseka inhau yemwana waNathan netask yaaiva
andipa. Ndaizozvigona here? But I was supposed to succeed in
that mission because I promised him. What I was not supposed to
do was to betray my friend. Ndaizoshingirira.
Ndakasvika pamashops paChatikobo asi handina kumira,
ndaida kutanga ndambosvika kumba ndaizodzoka gare gare.
Ndakasvika paSecondary paSote RCZ apa ndipo pandaizosiya
mugwagwa mukuru wemabhazi ndava kutena kuenda kumba.
Ndava kusvika kumba ndakabva ndaona munhu aitinha
gurumwandira remombe ari mberi kwangu. Dzaiva dzava
nguva dzekunovharira mombe. Ndakatarisisa munhu wacho
ndikaita sendaifananidzira. Ndakaridza hooter kuti acheuke
iye akabva atofunga kuti kuridzirwa kuti abuditse mombe
muroad. Akabva atanga kurwisana nemombe achiedza kuti
dziende kunze kweroad. Ndakaridzazve hooter achibva
azocheuka. Oh my God!! Ndakabva ndamuziva. Ndakamisa
mota nekukasira ndichibva ndabuda panze kuti aone.
Akacheuka tichibva tamira takangotarisana.

37
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

CHAPTER 6
"Jowero!! Is this you? Oh my God!! Am I dreaming or what?"
Mukuwe akadaro paakaona kuti ndini achibva apfugama pasi
nekupererwa.
"This is me my friend. I am back. Stand up," ndakadaro
ndichibva ndanomusimudza. Ndakatarisa mumaziso make
ndikaona achierera misodzi.
"Yes, I am back my friend," ndakadaro.
"Joweldo, Joweldo," akadaro akanditarisa maziso akazara
misodzi yemufaro.
"Mukuweldo, Mukuweldo," ndakadaro ndichiseka
zvangu.
"Vakomanaka, aiwa izvi zvinoda kuti titombogara pasi
izvi? Whose car?" akadaro Mukuwe achifamba achiswedera
kumota yandaiva ndasiya ndakavhura door.
"Joel's car. My car Mukuwe," ndakadaro.
"Jowero, munguva pfupi pfupi iyoyi here?" Mukuwe
akadaro akanditarisa.
"Kubata kwaMwari hakunei nenguva Mukuwe. God can
lift you from ground to grace in a short period of time. To him and
only him, nothing is impossible. Just try him in your life,"
ndakadaro.
"Aiwa izvi zvinotoda takagara pasi Jowero. Mira
ndivharire mombe. Saka apa uri kudii?" Mukuwe akadaro.
"Ndiri kusvika paden. Iwewe vharira mombe ubve
wangouya," ndakadaro. Ndakatarisa Jowero paari ndakaona
nguva yangu yakare. Nyatera mugumbo muviri uchinhuwa
ziya. Handichatauri zvakawanda mwoyo wangu
unorwadziwa asi zvaiva Mukuwe zvakandirwadza.
"Muchembere wangu ariko here?" ndakabvunza
Mukuwe.
"Haa vanofanira ndambovaona kuti mvee masikati
vachibva kugarden."

38
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"Ah okay chirega tisvike handiti mombe dziri kufamba


dzega here? Chiuya mumota tifambe pamashure padzo,"
ndakadaro.
"Haa Jowero chirega ndifambe hona ndine madhaka.
Ndikadai dai ndotogeza uchangoona ndapindira paden pako,"
akadaro Mukuwe.
"Okay bva chifamba asi kwete kuzononoka, ndine parcel
yako," ndakadaro ndichibva ndapinda mumota. Mwoyo
wangu waiva wazadzwa nemufaro kuonana zvekare nehama
yangu Mukuwe. Iye pachake aiva asisina kugadzikana.
Ndakasimudza mota ndopfuurira nerwendo kuti ndisvike
pamba.
Makamboona zvinoita munhu kana achiona pamba
pachisvika mota yaasingatarisiri kana kufungidzira kuti
ndeyani? Kaazhinji munhu iyeye anogona kuramba
akangomira akayeva achingoti zvimwe vanhu varasika
vanoda zvavo kubvunza nzira. Ndizvo zvakaitwa namai musi
uyu. Ndakasvika pakunomira pachivanze ivo vakangomira
vakayeva. Ndakadzika mumota ndikaburuka kutarisana navo
asi mai havana chavakamboona kuti ndiani. Vakangoramba
vakamira vakabata tswanda yavaiva nayo.
"Nhai mhai, asi hamuchaoni?" ndakadaro. Ndakaona
shasha yoita zvekuvhundikira ichidonhedza tswanda iya pasi
kwava kuzvidonhedzera pasi vachiita zvekunogwadama
nemabvi vakasimudza maoko mudenga.
"Ndini mhai mwana wenyu Jowero. Ndauya," ndakataura
izvi misodzi yangu ichibva yatanga kuerera. Ndaiva
ndakachena ndakapfeka trouse rewhite asi ndakafamba
ndichibva ndanogwadamawo pasi paivhu paiva namai.
Ndakavabata maoko avo ese ari maviri misodzi yangu
ichingoerera.
"I am back home mhamha. This is Joel your son. God took me
this far," ndakadaro asi mai havana zvavaipindura.
Wainyatsoona kuti mukadzi mukuru aiva apererwa
nemashoko.

39
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"Jowero, ndiwe here Jowero?" vakazodaro papera


chinguva vakanditarisa mumaziso.
"Ndiyeyu mwana wenyu Jowero. Ndirori jaya renyu riya
mhai," ndakadaro.
"Makaita zvenyu Mwari. Makaita zvenyu Mwariwe, Ishe
wangu ndinokutendai nenyasha dzenyu zhinji pahupenyu
hwemwanakomana wangu," amai vakadaro vakatarisa
mudenga.
"Amen mhai. Chisimukai, simukai ipapo," ndakadaro
ndichivasimudza.
"Your life will never be the same again," ndakadaro.
"Ko mota iyi-iiiii?" vakadaro vachiswedera pandaiva
ndamisa mota.
"That's my car mhamha, your own son's car," ndakadaro
ndikaona mai vachimhanya vachinozviwisira pasi
vakaimbundikira nemaoko ese.
"Lelelelelelelelele-eeeeh," vakapururudza zvakandiratidza
mufaro wavo wese. Ndakavasiya vakadaro ndichibva
ndanovhura kuboot ndava kututunura grocery ravo randaiva
ndauya naro ndichiisa pachikumbaridzo cheimba yekubikira.
Ndakatutunura zvese ndichibva ndazosiya rimwe riya repiri
kwava kuvhara boot. Ndaiva ndangotenga zvakafanana
handina kana kusiyanisa nechinhu chimwe chete zvacho.
"Aiwa mwanangu ndinotenda. Handigoni kutaura. Izvo
ndiyo pasuro yawaitaura zuro iyi? Ini ndatoona zuva
rakutovira nguva dzebhazi dzotokwana usina kana kufona
zvawakataura ndikatoti pamwe wakundikana," vakadaro mai
vachisimuka pavaiva vakapfugama.
"Kkkk ndaizviziva zvangu kuti ndaiuya," ndakadaro.
"Ngatipindei mumba Tembo," vakadaro mai
vachindibatsira kuzvuvira zvinhu mumba. Ndaiva ndisati
ndakamboona mufaro wakadaro pachiso chamai vangu
kubvira nekubvira.
"Ndiniwo here muraini muno ndava kumirirwawo
nemota yemwana wangu pachivanze kudai? Ah Mwari

40
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

vanoshamisa," vakadaro mai vachigara pachidhava chavo


mukitchen.
"Eh makadiiko mhai?" ndakadaro mushure mekunge
tagara pasi.
"Ndinofara mwanangu wakadinivo nekumasango
kwamuri uku?" vakadaro.
"Aiwa kutsvene mhai. Vakadiiko vamwe vese kuno?"
ndakabvunza.
"Vatsvene mwanangu, iyi hanzvadzi yako ndiyo yaiva
pano marimwe zuro Shorai, ah handina kumbofara ini
mwanangu izvezvi ndaitoti pauchafona ndichakuudza zuro
paya ndakazotadza," vakadaro mai.
"Ah ko chii futi mhai?" ndakabvunzisisa.
"Jowero, mwana haana kumbogara zvakanaka iyeye.
Ndaitomboti ndichati adzoke zvake agare pamba. Iri
kutambura hanzvadzi yako. Izvezvi funga kuti akabva
kwaChitsa netsoka nemwana kumusana dziri shunguwo
dzekuti ndinoona mai vangu. Dhora rebhazi razobvepi nhai
mai nhiya. Shasha kwakutouyawo nematamba kuti mai
vawanewo chekutambira. Izvezvi paakadzokera
ndakatozomupa $5 ndikati chikwira mubhazi change
wotsvagirawo mwana firiziti," mai vakadaro vachiratidza
kunetseka.
"Ehe ndazvinzwa mhai asi hatidarozve. Hatingadaro
amai. Murume wacho anorova here?" ndakadaro.
"Kana hanzi haarovi, vanongogara vese ikoko
haasevenzi," vakadaro mai.
"Ko haachamudi here?" ndakabvunzisisa.
"Kwete," vakadaro.
"Hatidaro, hatingadaro amai. Musakanganwa chazuro
nehope imi. Dai ndaiva ini mazuva aya dai ndakawana
ndaizouya ndichitorerwa mukadzi nehama dzake nekuda
kwenhamo mainzwa sei? Pafungei ipapo mhai pafungei,"
ndakadaro ndichirova rova pasi.
"Wataura zvandanga ndisingambofungi mwanangu.
Chakakosha rudo pakati pavo. Chatichaita isu kuramba

41
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

tichivanyengeterera kuti Mwari avawanire nyasha tichiti


zvishoma zvatawana tovatumirawo saizvozvi grocery rese
rawauya naro wati ndingadya mwoyo wakafara mwana
achinonga mafufu segonzo. Ndichatonongawo zvishoma
ndomuisira pabhazi," mai vakadaro vachiratidza kurwadziwa.
"Aiwa imi chisiyai zvese kwandiri. Ndini ndichaziva
zvandichaita. Zvandakura kudai ndini ndatova baba pano
sezvo baba vakashaya, zvomoita chigadzirai mangwana
makuseni timukire ikoko kwaChitsa tinomuona," ndakadaro.
"Iiii maita basa Tembo. Mungandisunungura mwoyo
wangu ndimboonawo pakagara mwana wangu," mai
vakadaro.
"Yaa. Asi mhai ndanga ndine imwe nyaya yandinayo,"
ndakaenderera mberi.
"Inyaya yeiko mwanangu ngaitaurwe zvayo," mai
vakadaro vachizvigadzirisa kuti vanyatsogara zvakanaka.
Vakadzi nyaya ndidzo dzavanoda.
"Mhai handiti makaona kuti ini ndizosvika pano
ndakabatsirwawo nemumwe wangu?" ndakadaro.
"Ichokwadi ichocho mwanangu," vakapindura.
"Yaa, zvino ini semunhu akabatsirwawo ndanga
ndafunga kubatsirawo mumwe wangu uyu Mukuwe
ndimubvisewo mumatope. Zvandatouya kudai ndiri
kutofunga kuti pandinodzokera mangwana ndotoenda naye,"
ndakatsanangura.
"Ah ndiko kugonazve uku mwanangu. Handioni pane
chakashata apa. Ndisingazive mbuya vaanogara navo kuti
vanotiiwo?" mai vakadaro vachiratidza kufarira zvandaiva
ndataura.
"Aiwa ko apo handiti anga ari mukomana webasa here?
Vanokwanisa kungotsvaga mumwe then imimi pano ndanga
ndichida kuti muvewo nemukomana achakubatsirai mabasa
ese echirume epano sezvo ndisisipo kudai. Ndichanoisa
chiziviso pachikoro vagodaidzira kuvana kuti kana pane
anoziva mukomana anoda basa ouya motaura naye,"
ndakadaro.

42
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"Iiii unenge wandibvira nepiko mwanangu. Aiwa kana iri


nyaya yaMukuwe batsiranai zvenyu vanangu," mai vakadaro.
"Tisvikewo pano!!" ndakabva ndanzwa inzwi raMukuwe
panze.
"Mukuwes, pinda hama yangu. Watopedza kuvharira
mombe here?" ndakapindura ndiri mumba.
"Haa zvaita wena. Mhai maswera sei?" akadaro kuna mai.
"Ndaswera mwanangu waswerawo?" mai
vakamupindura.
"Ndaswera ini. Ndimi madai kutsikwa nejaya renyu
ratsvukira kudai. Vakomana, ungambozoti ndiye munhu
wandaiswera naye kumafuro uyu?" Mukuwe akadaro.
"Haa kana neni handiti paasvika pano ndanga
ndatomushaya," mai vakadaro.
"Kkkkk aiwa taundi yakanaka, saka zviri sei mukomana?"
Mukuwe akadaro.
"Haa zviri bhoo wena. Ah mhai ndisati ndakanganwa
regai ndimbosvika pambuya vaNathan apa ndimbovasvitsa
zvandinoda kuvasvitsa," ndakadaro ndava kuda kusimuka.
"Zvakanaka mwanangu ini chirega ndichisara
ndichigadzira jongwe rako randinoda kukuuraira," mai
vakadaro.
"Ah saka neni nhasi ndiri wepanozve kkkkk," Mukuwe
akadaro.
"Taura hako. Maita basa mhai. Chiregai tifambe ndoda
kuzodzoka nekumashops," ndakadaro ndichibva ndasimuka
tava kubuda kuenda kumota.
"Pinda zvako kuseri Mukuwe," ndakadaro ndichivhura
door iye achibva apindawo. Shena iya yaiva yabviswa bviswa
ava smart.
"Vakomanaka-a kukwirawo mota here uku. Chizvarirwe
kubvira nekubvira," Mukuwe akadaro paakapinda.
"Kkkk unopenga iwe. Iwe tell me Angeline aripo here
apo?" ndakabvunza.
"Aripo haa nhasi manje kahwani. Kurambwa
kwawaisiitwa kuya kwapera. Kana chiticha chaaive odanana

43
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

nacho chepa secondary apa nhasi chinotorambwa," Mukuwe


akadaro.
"Yaa ndipushe pambuya vaNathan apa from there tobva
tangonanga ikoko timbonoona reaction yake," ndakadaro
ndichimutsa mota.
"Hapamborina reaction apa zvinhu zvinongova pachena
izvi," Mukuwe akadaro tichibva tasimuka. Pfungwa dzangu
dzaiva dzava kuna Angeline.

44
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

CHAPTER 7
"Ko iwe, wambotaura zvepasuro yangu wazodii?"
Mukuwe akadaro pataiva tichangobva pamba.
"Kkkk ndiri kuzviziva Mukuwe. Mira tisvike pamashops
ndozokusota," ndakadaro zvangu ndichiseka. Ndakafamba
zvangu zvishoma nezvishoma ndichienda pamba pambuya
vaNathan. Ndakasvika ndikamisa mota pachivanze chaipo.
Mbuya vaNathan vaivapo. Pavakaona mota ichisvika vakabva
vatanga kufamba zvishoma nezvishoma vachiswedera
kumota. Ko vaiva vazvijairaka zvekusvikirwa nemota pamba.
Vaiva vasiyana nana mai Jowero.
"Ah ah Jowero ndiwe here mwanangu? Maiwe maiwe
ndimi here Tembo vangu?" mbuya vaNathan vakadaro
vachibva vauya kuzondimbundira.
"Ndini muchembere," ndakadaro.
"Titambire titambire, yoweh zvawava murunguzve nhai
mwanangu," vakadaro. Vaiva mbuya vasina godo. Pavaifara
vairatidza kufara nemwoyo wese.
"Shuwa here kkkkk," ndakadaro.
"Huyai mugare paverondor apa vanangu. Mukuwe
waswera here mwanangu?" vakadaro kuna Mukuwe
vachititambidza macheya.
"Uuuum nhasi mungambotibvunza kuswera here mbuya
isu tatsikwa kudai? Ndiri kutoita kunge ndiri kurota izvezvi,"
Mukuwe akadaro.
"Chokwadi haungatadzi kushamisika. Mwari vatiratidza
kubata kwavo pana Jowero uyu," vakadaro.
"Kkkkk haa mbuya mazuvano chiitai kuti Joel. Moda
kuzondirambisa nevasikana manje," ndakadaro zvangu
ndichiseka asi ndaiva ndatoona kuti zita rekuti Jowero
raigona kutotadza kupera.
"Kkkkkk rega tigochinja madaniro mwanangu. Ko isu
tachemberazve," vakadaro vachiseka zvavo.

45
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"Yah munodzidzira," ndakadaro tichibva tatanga


kukurukura zvedu dzimwe nyaya. Ndakazoti papera chinguva
kwava kuti kuna Mukuwe, "Mukuwe endaka unovhura
muboot umo uburutse zvinhu zvese zvirimo upe mbuya."
"Horaiti, haa mira tizvijime," akadaro Mukuwe
achisimuka. Ndakaona shasha ichingonanga kuboot straight
achibva angonotanga kurwisana naro achidhonzera mudenga
kuti rivhurike. Oh my God!! Kwaiva kusazivaka uku? Ndiyo
nhamo yangu iya yandaiva ndakamboitawo. Pandakaona izvi
ini semunhu aiva ambosangana nazvo ndakakasira
kuzvinzwisisa. Ndakakurumidza kusimuka pandaiva
ndakagara ndichienda kumota.
"Sorry, mira mbichana Mukuwe," ndakadaro ndichibva
ndarivhura nemukati richibva ravhurika. Handina kuda kuti
aratidzike semunhu asingazive. Ndaizomudzidzisa pedu tega
sevarume.
"Hoo nhayi, asi wanga wakakiya?" akadaro.
"Yaa ndanga ndakanganwa kukinura," ndakadaro
ndichibva ndatoenda paaiva ndava kunomubatsira kuburutsa
zvinhu tichiisa paverondor.
"Yoweh yoweh, tigashirezve nhai Tembo. Matibvira
nepiko?" vakadaro mbuya vaNathan vachiombera.
"Muchitendeiko mbuya? Ikodzero dzenyu kuchengetwa
nevana vamakarera," ndakadaro ndichivakumikidza zvinhu
zviya. Mbuya vakafara vakatenda zvaibva pasi pemwoyo
wavo. Regai ndikuudzei, maropafadzo mazhinji anobva
pakuudzwa nemubereki kuti waita hako. Haisi nyaya yekuti
wavapa zvakawanda aiwa, 2litres yemafuta iyoyo iri imwe
chete ukavapa vakangoti waita basa chete atova maropafadzo
pamusoro pako. $2 yawavapa iyoyo ine zvainoreva
pahupenyu hwavo, vanotozviziva kuti dzimwe nguva
unoshaiwa. Vabereki vanoda kuchengetwa nemi vana. Variko
vamwe vari kutovashaya vabereki ava asi mumwe munhu
anotova navo vapenyu asi gore rinopera asina kumbofunga
kuti vadyei kana vapfekei. Ini naNathan taidzidzisana
zvakanaka. Vakatenda zvekuti ndakanzwa muviri wangu

46
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

uchimerera nemanyawi. Zvandaifunga kuti zvidiki kwavari


zvaiva zvihombe.
"Aiwa mwanangu ndinotenda. Saka mugere zvenyu
zvakanaka nemumwe wako?" vakabvunza.
"Aiwa takagara zvakanakisa mbuya," ndakapindura.
"Ko miviri yake yatakanzwa?" vakadaro.
"Akasimba mbuya musambotya. Ari kufanira kuuya kuno
ndofunga svondo ratiri kubata irori," ndakadaro.
"Ah saka zvakanaka. Tinomuona auya," vakadaro.
"Mbuyaka isu hatichagari. Ndiripo asi mangwana
ndichambomukira namai kwaChitsa kuya kwakaroorwa
Shorai timbonoona magariro ake. Parizvino regai timbosvika
pamagirosa apa," ndakadaro ndichibva ndasimuka.
"Chinzwa mwanangu. Kana zvichibvira musandisiya
kunoona pagere Shorai. Ndinoda kubatana nemi. Mwana
wangu uya ndaimuda chose zvekare aindibatsira chaizvo,"
vakadaro mbuya.
"Zvakanaka mbuya hapana kana dambudziko. Chirarai
makagadzirira tichabuda pano na7 mangwanani," ndakadaro.
"Zvakanaka mwanangu. Ndichapa mai vako pasuro yako.
Ndichavagamuchidza manheru ano," vakadaro.
"Horaiti muchembere maita basa," ndakazodaro
nepahwindo tava kusimuka.
"Ini wati ndini ndichasara here? Kuvakwashaka uku.
Mogona kunotadza kuwirirana kukamuka zvibhakera saka ini
ndoda kuzokubatsira pakuvhika kkk plus Shorai ndaikadaka
kaya ndaingozonyara iwe chete kuti manje hanzvadzi
yemuface hazvizoite," akadaro Mukuwe achifara zvake.
"Haiwa ibva apa. Waigona kunyenga kwacho here
tibvire," ndakadaro ndichiseka.
"Kkkkk haa tingaseke zvedu but kana zvichiita
ngatingoenda tese. Mombe ndinotsvaga wekusiira," akadaro.
"No problem unogadzira toenda. Ndizvo tinoitawo
chiremerera kuvakwasha," ndakadaro.

47
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

Panguva iyi ndakabva ndamisa mota tisati tasvika


kumashops. Pane zvandaiva ndafunga.
"Asi unoda kumbozvibatsira?" Mukuwe akabvunza.
"No I just want to talk with you before you are drunk. Ndine
nyaya yandinayo," ndakadaro ndichibva ndadzima mota.
"Mukuwe!" ndakamudaidza.
"Yes Jowero," akadavira.
"Ndine chimwe chishuvo chiri pamwoyo pangu.
Chishuvo ichocho ndicho chandisimudza kubva Harare kuuya
kuno," ndakadaro ndakamutarisa.
"Taura tinzwe Jowero. Ndakaterera," akadaro Mukuwe.
"You are my friend and I know we have suffered together
before. Now I am here for you. I want to go with you back to the
city and find you something better to do," ndakadaro.
"Handingafare kukuona wakadai Mukuwe, kwatakabva
kure. Rega ndikubatsirewo nepandinokwanisa. We are going
back together," pese pandaitaura izvi ndaingoona Mukuwe
achisekerera akanditarisa.
"Ah wandibvira nepiko Jowero? Serious here?" akadaro
achiratidza kufara.
"I really mean it, I am going with you to Harare tomorrow, so
get prepared," ndakadaro.
"Ah wati ndinogadzirira chiiko? Chero izvezvi ukati
handei tinoenda. Ndava kutongotyira muchembere wangu
wandaishandira uyu kuti mombe anozodii plus handiti
unoziva kuti chero dekuden kwenyu ndini ndanga ndava
kudzivhura kubva pawakaenda paya?" akadaro Mukuwe.
"Mombe haisi problem, tinoita plan nemachembere. Moms
ndanga ndatovati vagoenda pachikoro vonodaidzira
mukomana webasa," ndakatsanangura.
"Saka kana pakadaro pakanaka because mangwana
ndaigona kumbosiira Jotamu then ndanga ndichizomupa
pondo yake," Mukuwe akadaro.
"Saka bhoo, hazviite here kuti uchingoti apedze vhiki
achitora nedzepaden then ndaingomupa mari yemazuva ake
ose iwayo?" ndakabvunza.

48
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"Haisi kana problem as long as mari iripo mufana wacho


haarambi mari iyeye," akadaro Mukuwe.
"Saka fine wotaura naye then ini ndozomupa mari yacho,"
ndakadaro ndava kumutsa mota.
"Haandinetsi. Izvezvi kumashops ikoko togona
kudhumana," Mukuwe akadaro.
"Saka bhoo," ndakadaro.

Takasimuka apa tichibva tangonanga kumashops.


Ndakasvikomisa mota pazimumvuri remushavhi raiva
pamashops. Nguva dzatakadzika tava kubva pamota tichienda
kushop kwaitengesa Angeline team zhinji raivapo hapana
akambotoona kuti ndini. Munhu wavaingoziva ndiMukuwe.
Ko vaitizivaka nemarengenya netsvina zvino apa zvaiva
zvasiyana. I was a new man.
"Team rese iri harisi kutombotaimira kuti ndiwe ipapa,"
Mukuwe akadaro achindikwenya kwenya.
"Yah ndiri kuzviona wena," ndakadaro.
"Mira isu ngatirambe takanyarara," Mukuwe akadaro.
Takapinda mukati munhu wandakatanga kusanganidzana
naye maziso ndiAngeline. Uyu manje akakasira kuona kuti
ndini.
"Ah ah ah Joel!! Ndiwe here dia," akadaro achidaidzira
zvinova zvakadrawer attention yemunhu wese. Hoo nhasi
ndaiva ndava Joel? Nhasi ndaiva ndava dia?
"Ah ah Jowero upi? NdiJowero here ana Mukuwe iyu,"
ndakanzwa mamwe mafesi ekwaMadondo ataiwanzotamba
nawo pamagirosa achihon'erana ari mukona maaiva akagara
achimwa scud. Vese vakatanga kusimuka one one vachiuya
padhuze neni kuzonyatsoona.
"Jowero Jowero!! Vakomana-a ndiwe here? Haa
wotomboita scud shamwari tiwane kukumhorosa,"
ndemumwewo akadaro uyo.
"Kkkkk ndini wena," ndakadaro ndichibva ndabuditsa
mari ndichipa Angeline.

49
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"Ndipirewo varume ava macrates two ema scud,"


ndakadaro.
"Jowero!! Jowero!!" vakadaro vese vachidaidzira nguva
imwe chete. Vanhu kumaruzevha uko vanoda doro
vakomana. Ndakanyatsozviona plus ini handaiudzirwa nekuti
ndaiva ndakabva neko.
"Joel, ismart here iyi? Kubva wachinja kudai nhaiwe?"
Angeline akadaro achindidzosera change. Shasha yaifunga
kuti ndichati keep change asi ndakatambira mari yangu.
"Ah Angeline, uri kutaura smart chete nhaiwe? Huya
kuno. Tenderera kuseri kwekaunda uuye ndikuratidze
something," Mukuwe akadaro achidhonza Angeline kuti abude
seri kubva mukaunda. Haana kumboita nharo akabva
angobuda ndikaona Mukuwe ava kubuda naye panze. Vanhu
vese vaivamo vakabva vaita chidokwa dokwa chekudawo
kunoona zvaairatidzwa vachibva vatevera. Pavakabuda
ndakabva ndabuditsa zvangu foni ndafunga kufonera Nathan
kuti ndimuudze kuti ndaiva ndasvika zvakanaka.
Pandakabuda ndakaona vese vanoungana pamota Mukuwe
achivaratidza ratidza. Ndakaona vese vapererwa vachiona
zibango remota randaiva naro.
"Tokuzivai vana baba nhiya vegodo ipapa uchatonzwa
rimwe rava kuti akaromba," ndakanzwa Mukuwe ava kudaro
achiudza vamwe vake. Ndakafonera zvangu Nathan ndiri
nechekuseri kweshop ndichibva ndapedza kwava kudzokera
mushop. Kana munhu une mari mubhawa unopiwa respect
chero nevanhu vakuru kwauri. Pandakapinda
ndakasimukirwa nemumwe mudhara achida kundipa
pekugara.
"Gara nepapa mwanangu," akadaro.
"Ah baba mati ndingakusimudzei kuti ndigare here?
Garai zvenyu muchimwa nevamwe ini regai ndidai,"
ndakadaro ndichibva ndanomira ndakazembera snooker
yaivamo.
"Shuwa here mwanangu?" vakadaro baba vaya vachibva
vagara zvavo.

50
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"Chokwadi garai zvenyu baba vangu," ndakadaro. Ziso


randaitariswa naro naAngeline raitaura zvakawanda. Ini
ndaiva ndava kungoti ndikaona kuti akanditarisa ndaibva
ndanyebera kubaya baya foni. Ndakaona zvava kukurukura
naMukuwe shasha dzakabaya kaunda nemagogokora.
Hameno zvaitaurwa. Vakatora nguva vakadaro ini ndichiita
zvangu zvandaiita.
"Mukuwe!!" ndakazodana Mukuwe papera chinguva.
"Yes Jowero," akadavira.
"Unondiwana kumota ndava kumbonogara zvangu
imomo pane zvandinoda kuita," ndakadaro ndichibva
ndabuda.
"Okay iri bhoo."
Ndichipinda mumota ndakabva ndatanga kutsvaga
nhamba dzaBrenda uya wekwaRoy. Ndakaona message iya
yecall back ndichibva ndadzisevha. Ndakabva ndato dialer
ipapo ipapo dzichibva dzapinda.
"Hallo," Brenda akadavira.
"Hallo Brenda, wasara bhoo here?" ndakadaro.
"Kkkkk hayas," akabva angoseka.
"Ko chii?" ndakabvunza.
"Mune misikanzwa chete. Ko nhamba dzangu madzitora
kupi?" akadaro.
"Ndadzitora nekuti ndaona dzakandikoshera. You are very
beautiful Brenda," ndakadaro asi haana kudavira. Ndakanzwa
foni ichingoshinyira.
"Hallo Brenda, are you there?" ndakadaro.
"Yah ndiripo zvangu," akapindura.
"I love you Brenda. I want you to be my wife," ndakabva
ndangonanga paiva nenyaya yangu.
"I am not worthy. Find yourself a girl of your class. I am sorry
I can't," akadaro.
"Brenda listen, I am a man and I choose what I want and I
know what is good or bad for me. Accept my request, are you home
now?" ndakabvunza.
"Yes ndava kumba," akadaro.

51
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"So can I pass through ndichikuona ndava kudzokera


kuHarare?" ndakadaro.
"No problem," hana yangu yakaita seichatsemuka
nemufaro paakadaro.
"Okay unogara nani kumba?" ndakabvunza.
"With my mom. My father died when I was 7 years old,"
akadaro.
"I am sorry about that. Tell your mother about me. Tell her
that I am there and let her know that I am coming. Are we together
Bee?" ndakadaro.
"I will do so," akadaro.
"From now on, I don't want to see you selling airtime at that
junction okay?" ndakadaro.
"It's okay," akapindura neinzwi raiva pasi pasi ndichibva
ndakata foni. Ndakazovhunduka pandakasimudza musoro
ndichiona speed yaiuya naMukuwe pandaiva ndazonogara
zvangu mumota. It showed me that he had something to say.
Akangosvika achivhura door achibva apinda.
"Jowero, pano paita nyaya wena," akadaro.
"Tell me I am listening," ndakadaro ndichiisa foni yangu
mudashboard waiting to hear whatever he was going to say.

52
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

CHAPTER 8
"Shamwari watopinda machena," Mukuwe akadaro.
"Hindava?" ndakabvunza.
"Shamwari babie riri kutokukara rough," akadaro.
"Babie meaning Angeline here?" ndakabvunza.
"Ehezve rimwe ripi," akapindura.
"Really?" ndakadaro.
"Yah kahwani," Mukuwe akadaro.
"Then it's fine. Tell her to come here fast," ndakadaro
ndichinyepera kusekerera.
"Zvega here? Mira ndimudane. Anouya pano just now,"
uuuum kakufarira kaiita Mukuwe kuti ndidanane naAgeline
zvakandiratidza kuti aiva nema interests. Ndakaona Mukuwe
achibuda mumota nekuchimbidza achibva amhanya ava
kunanga kushop. Ndakaona mushure mechinguva
vadungamidzana vachidzoka. Ini ndakaramba zvangu
ndichibaya foni yangu ndakagara mumota.
"Eh chipinda umu, ko wotomboikwirawoka kkkkk,"
Mukuwe akadaro kuna Angeline achibva aseka.
Zvakamuremera Angeline kuti avhure door remota kupinda
mukati.
"Pinda zvako," pandakadaro ndipo paakazoita confidence
dzekupinda achibva agara pafront seat.
"Kuri sei?" akadaro paakapinda.
"Right imi vanhu chisarai muri vaviri muchitaura nyaya
dzenyu ini ndimboita maths dzangu," Mukuwe akadaro
achibva afamba zvake achidzokera kushop.
"Saka uri sei?" Angeline akadaro.
"Ndiri bhoo zvangu uri sei?" ndakadaro ndichitora
zvangu newspaper raiva padashboard ndobva ndatanga
kuverenga.
"Ko kurova?" akadaro.
"Kuroverana wena," ndakapindura.

53
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"Taura hako. Apa vanhu vari pano vari kutaura zvanoda


sei?" akadaro achinyepedzera kuseka.
"Eh hanzii?" ndakabvunza.
"Hanzi Angeline wafaraka mukomana wako adzoka,"
akadaro.
"Hoo saka iwe wabva wavati kudii?" ndakabvunza
ndichida zvangu kunzwa mafungiro ake.
"Ndingagotii hangu kana ndakupiwa?" akadaro.
"Kkkkkk saka zvarongekaka izvi?" ndakabvunza.
"Yaa," akapindura.
"Okay okay. Ko zvaimboregerei kurongeka kare kwese
nhai Angeline?" ndakabvunza.
"Nguva yaMwari yaiva isati yakwana," akapindura.
"Hoo saka yakwana manje?" ndakabvunza.
"Yaa," akadaro.
"And you call that love Angeline? You rejected me ndichikuda
nekuti ndaitambura. Chinhu chawaisaziva ndechekuti Mwari
vaiva vakandirongereiwo," ndakadaro misodzi yangu ikada
kubuda ndafunga matsvinyirirwo andaimboitwa naAngeline.
"Sorry Joel nezvakaitika," Angeline akadaro.
"I know you are sorry but what I know is that you don't love
me but you love what I have. That means if I lost everything I have
tomorrow you will abandon me. I am sorry Angeline," ndakadaro
misodzi yangu ichierera.
"Joel please stop crying," akadaro achida kubata bendekete
rangu ndichibva ndamufizura.
"Stop it!! I am okay. You may go. I am going back home,"
ndakadaro ndichibva ndakanda newspaper paseat rekumashure
kwava kumutsa mota. Ndakaifambisa arimo ndichibva
ndanomira padoor reshop yavo.
"Undidaidzirewo Mukuwe uti hanzi naJoel handei,"
ndakadaro achibva avhura door.
"Saka uchadzoka nguvai?" akabvunza achibuda.
"Kuzodii? Handichanwe doro zvandaiita zviya saka
handina chekugarira pamagirosa. I just want to go home and
spend some time with my mother. Good bye," ndakadaro achibva

54
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

apinda mushop. Haana chaakazopindura. Ndakazoona


Mukuwe ava kufambisa achibuda.
"Tobaya paden?" akabvunza nepahwindo.
"Yah handei tinodya I think muchembere vapedza kubika.
Ndava nenzara now," ndakadaro.
"Ah saka bhoo mira two minutes nditenge midzanga
yangu," akadaro achibva amhanya mushop. Haana kutora
nguva akabva atodzoka.
"Yah ngatibaye zvedu," akadaro achipinda mumota.
"Waonekana negen'a rako here?" ndakabvunza.
"Haa hazviudzwi munhu. Vanongozoona nekushota
kutanga mangwana. Ko nhai Jowero chinguri chawati pasuro
yangu pasuro yangu ipasuro rudziiko isingabudi?" Mukuwe
akadaro ane chidokwa dokwa chekuda kuziva.
"Kkkkkk mira Mukuwe tisvike kumba ndinokupa,"
ndakadaro ndichiseka zvangu.
"Because hazvidi kuudzwa chinhu wononokerwaka,"
Mukuwe akadaro.
"Kkkkk unopenga chete Mukuwe," ndakadaro ndichiseka
zvangu tava munzira kudzokera kumba.

Tichisvika kumba takawana mai vatopedza kubika.


"Ah titambirezve vanangu. Inga makasira kudzoka
vanangu," mai vakadaro pavakationa tichisvika.
"Muchitambireiko mhai, tatokasira zvedu kudzoka
sevanhu vari kufamba mangwana. Ndataura nambuya
vaNathan nezverwendo vakati ivo vanoda kubatana nesu.
Saka tichaenda tiri four naMukuwe ndigowana zvangu
munhu wekutaurawo naye nyaya munzira sezvo munenge
muchitaurawo nemumwe wenyu," ndakadaro.
"Ah zvakanaka chose. Ini ndatopedza kugadzira. Chasara
kungoti matenesi angu aome chete asi ndinovimba
mangwana anofuma aoma," panguva iyi ndipo pandakabva
ndarangarira kuti pane chinhu chandaifanira kupa mai, foni
yavo. Ndakangosimuka mukitchen mandaiva ndakagara ivo
vachisara vachipakura sadza ravo ndichibva ndadzokera

55
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

kumota. Ndakasvika kwava kutora foni iya mudashboard


ndichibva ndadzoka nayo.
"Sorry mhai ndanga ndakanganwa kukupai pasuro yenyu
iyi," ndakadaro ndichivatambidza bhokisi refoni iya.
"Chiizve nhai Tembo?" vakadaro vachitambira.
"Ifoni mhai. Ndakaona kuti ndikufambisei pese pandinoda
kutaura nemi muchienda kwambuya vaNathan
mungatozvimba makumbo ndichibva ndakutengerai yenyu,"
ndakadaro.
"Iiii mwanangu, unodarirei? Ndiwe here Jowero wava
kushandurawo hupenyu hwangu kudai. Ndava mai vava
kukutendekwawo pane mamwe madzimai. Nhasi
wanditengera chinhu chandanga ndisingambofungiri kuti
ndichazochiitawo pahupenyu hwangu. Mwari vakuitire
zvakanaka. Zvino ndogona kuvhura here chindivhurira," mai
vakatenda zvandakanzwa tsitsi. Zvechokwadi vaiva vasina
tarisiro yekumbozobata foni pahupenyu hwavo asi nenyasha
dzaMwari zvakashamisa.
"Ah Jowero, apa ndipo pawazogonera muchembere apa.
Ndafara zvakanyanya shamwari nezvawaita. Muchembere
matova murunguka imi," Mukuwe akadaro.
"Wati ndichabvira here mwanangu, chiregai ndipedze
kukupakurirai sadza kana madya motombondidzidzisa
kubaya baya," mai vakadaro vachibva vapakura sadza.
"Iwe yako pasuro Mukuwe inoda wadya sadza first,"
ndakadaro kuna Mukuwe.
"Aiwa haa handiti ratoibva zvaro. Rega tidye tipedze,"
Mukuwe akadaro tichibva tapiwa sadza tikadya. Kunze
kwaiva kwasviba zvino. Ndapedza ndakadzokera kumota
kwava kunowetsa zibhodhoro reRed Label randaiva
ndavigira Jowel.
"This is for you. Wombonwawo uhwu nhasi. That's why
waona ndisina kukutengera doro kumashops paya," ndakadaro
ndichitambidza Mukuwe bhodhoro riya.
"Ah ah ah ndohupi uhwu. Vakomanaaaa," Mukuwe
akadaro achiombera.

56
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"Verenga uone," ndakadaro.


"Red label? Uuuum uhwu handisati ndambosangana
nahwo. Mira ndizvinzwire," Mukuwe akadaro achibva avhura
bhotoro riya nekutoisa kumuromo.
"No no no, Mukuwe harinwiwi rakadaro. You dilute first.
Unokuvara nazvo izvi. Mira nditarise kuti mucooler box
yandauya nayo ichiri nemaice block here," ndakadaro
ndichibva ndasimuka ndichienda kumota. Ndakanotora maice
aivamo ndichibva ndauya nawo kwava kumuisira achibva
atanga kunwa.
"Haa apa Jowero wandigonera apa. Izvi zvava zvinhu
izvi. Saka ndiro rinonwiwa Harare here?" Mukuwe akadaro
achipukuta muromo.
"Kkkkk kunonwiwa rese. Chero masupa amunonwa kuno
anowanika," ndakadaro ndichiseka zvangu.
"Zvino zvowogomurega achinwa kudaro mangwana
anozomuka here sezvo tine rwendo?" mai vakadaro
vachiratidza kushushikana.
"Haa musatya mhai, regai anwe. Iye anogona kungorara
mumota mungatotyira ini ndinozodhiraivha," ndakadaro
ndichipodza mai. Jowero akanwa zvake doro rake achiratidza
kunakirwa chaizvo tichikurukura zvedu dzimwe nyaya.
Haana kuzonovata kumba takabva tangorara tese kumba
mugota mangu.

Ndichipinda mugota mwoyo wangu wakarwadza


pandakaringa imba yandaivata kana ndaenda kumusha. Imba
inodzurwa nendove pasi, imba inobvinza kana kuchinaya,
imba yekuti ukatarisa mudenga waiona nyeredzi. I had a lot of
to do in my life, to transform everything. Ini here Deputy Director
pacompany ndini ndaivata muimba yakadaro ndichirara pasi?
Ndakazvipa home work. Mangwana acho takamuka kuseni
chaiko tichibva tageza tava kugadzira kubuda. Mukuwe
ndakamupa mvura yekugeza. Panguva yaaigeza
ndakanotarisa mubhegi mangu hembe dzandaida kumupa
kuti apfeke nekuti dzaaiva akapfeka dzaiva dzisingaiti.

57
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

Hapana chaindishamisa apa nekuti ini ndaiva ndakabvawo


neko. Ndakadziwana dzaimukwana.
"Tora jean iro net-shirt ubve wapfeka izvozvo," ndakadaro
panguva dzaakapinda achibva kunogeza ava kuzora mafuta.
"Iii shuwa here Jowero. Waita hako shamwari. Ipapa
ndanga ndichitopererwa kuti ndopfekei nekuti chero kumba
kwacho hakutorina," akadaro achiombera zvaipisa tsitsi.
"Don't worry. Ndinozvinzwisisa. Pfeka tiende tanonoka.
Ndinovimba muchembere atopedzawo nekuti amuka kava
kare ndisingazivi mbuya vaNathan," ndakadaro ndichisunga
belt rangu pathree quarter randaiva ndapfeka. Apa ndakabva
ndayeuka musi wangu uya wegavi. Hama dzangu hupenyu
hunoshanduka.
"Yaa handimbotori nguva ndatopedza. Waita hako
Jowero," Mukuwe akaramba achitenda achipfeka hembe
dziya.
"Don't mention," ndakadaro ndichimukandira mateki
andaiva ndakapfeka pamberi pake ini ndaida zvangu
kuzopfeka mapush andaiva ndauya nawo ari mubhegi.
Handina kumboziva kuti hembe dzinogona kuchinja munhu
zvakadaro. Mukuwe akafitwa nehembe zvekuti wairamba
kuti ndiye Mukuwe. He was looking good.
"You are looking good man," ndakadaro.
"Shuwa here? Thanks Jowero," akadaro achizvitarisa.
"Right chibudai tifambe. Mai vatomira panze," ndakadaro
ndichibva ndatobuda iye achitevera.
"Yowe yowe ndiMukuwe here uyu?" mai vakadaro
paaibuda.
"Ndini muchembere. Handizivi kuti Jowero ndomutenda
sei mhai nezvaandiitira," Mukuwe akadaro achibva atanga
kuerera misodzi.
"Don't worry my man. Kubatsirana. You know my history
iwe hapana chausingazive," ndakadaro
ndakamushamwaridza.
"Waita hako Jowero mwanangu nezvawaitira mumwe
wako," mai vakadaro vachiombera.

58
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"Muchitendeiko mhai. Pindai mumota tinotora mbuya


vaNathan tirove road. Oh my God, pane zvandakanganwa futi.
Heyy inguvaiko idzodzi," ndakadaro ndichitarisa time pafoni
pangu.
"Chiizve nhai Tembo?" mai vakadaro vachida kuziva.
Pane zvandaiva ndarangarira.

59
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

CHAPTER 9
"I think tofanira kutsvaga something chekuti tigosvikawo
takabata. Anyway handei tipfuure nekumashops kwacho,"
ndakadaro ndichipinda mumota.
"Zvino kuti mai Jeke vanenge vavhura here kuseni kuno,
kuchiri mangwananisa uku mwanangu," mai vakadaro.
"No musazvinetsa. Handei ini vanondivhurira anytime,"
ndakadaro ndichimutsa mota. Mukuwe namai vakabva
vapinda.
Handina kuzotanga nekuenda kwambuya vaNathan,
ndakazobva ndonanga kumashops kwava kunomisa mota
pashop pamai Jeke chaipo. Takawana ichakavhara.
Ndakaburuka kwava kufambisa ndichienda seri ava mai
naMukuwe vakasara zvavo vakagara mumota. Ndakasvika
ndichibva ndanoka padoor pavo havana kumbononoka
kudavira.
"Ndiani?" vakadaro vari mumba.
"NdiJowero muchembere ndokumbirawo mundivhurire
kuseri pane zvandoda," ndakadaro.
"Ah hevozve nhai mwanangu. Chitenderera tisangane
ikoko seri ndava kunovhura nemukati," vakadaro ini
ndichibva ndatenderera ndava kunomirira kuvhurwa kwedoor
ndiri paverondor. Nguva pfupi pfupi ndakanzwa door rava
kukwechekedzwa kuvhurwa. Ndakaninira mai ruoko kuti
vauye.
"Torai zvamungada kuti tivigire Shorai. Torai zvose
zvamungashuvira," ndakadaro patakapinda.
"Zvakanaka Tembo. Mai Jeke mamuka here?" mai
vakadaro kuna muzvinachitoro.
"Ndamuka chose mai Jowero mamukawo? Ndimi mune
jaya radai kuita murungu. Ndakangonzwa nembiri muno
mutaundishipi kuti Jowero akauya nemota haachabviri," mai
Jeke vakadaro.

60
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"Ah zvinoita Mwari zvinoshamisa. Anosimudza marombe


kubva muguruva," mai vakadaro.
"Chokwadi vasikana. Makorokoto," vakadaro mai Jeke.
Mai vakatendeka vachitora zvese zvavaida kuvigira
mwanasikana wavo kubva kugrocery. Vapedza ndakabhadhara
zvese zvavaiva vatora ndichibva ndasimudza ndichinoisa
kumota. Mai Jeke vakatenda tichibva tabuda. Shungu dzangu
dzaiva dzekuti tabva kunoona Shorai ndaibva
ndangosvikopfuurira kudzokera Harare musi iwoyo, ndiko
kwaiva nebasa. Ndaida kunozadzisa zvishuvo zvaNathan.
Takabva apa kwava kupfuura tichitora mbuya vaNathan.
Takawana vatopedza kugadzirira vatomira paverondor.
Vakakwazisana namai vachibva vagara zvavo vese
kumashure vachikurukura ini ndichibva ndagara naMukuwe
mberi tava kunanga kwaChitsa. Takapfuura paChikandamina
zuva richangoti kwirei zvishoma tichibva tasvika paChinyika
kwava kupfuura tonanga Chitsa. Nine yakachaya tatova
paChitsa pamashops. Pakati pedu hapana aiva ambosvika
kwaiva kwakaroorwa Shorai asi taingoziva kuti kwaParehwa.
Ndakasiya vana mai vakagara mumota ndichibva ndadzika
naMukuwe tava kunobvunza varume vaivapo.
"Eh zviri seiko varume?" ndakadaro patakasvika pavaiva.
"Vakuru vakuru, makadii zvenyu madzishe?" mumwe
wavo akapindura.
"Tiri nani chose. Hameno tingabvunzewo here?"
ndakadaro.
"Aiwa bvunzai zvenyu varume," vakadaro.
"Kunonziwo kwaParehwa ndekupi?" ndakabvunza.
"Yah kwaParehwa-aaa, hapasi kure kubva pano. Paseri
pegomo iro rine tank mudenga iro zvekuti netsoka kutokwira
nemugomo asi manje imi nemota motombotevedza road
yebhazi iyi then muchasvika panemusha wakapendwa newhite
ipapo pane nzira inotena kuruboshwe munobva matora iyoyo.
Rambai munayo kusvika mayambuka rukova muchaona
misha iripo ndipapo," murume uya akatsanangura
zvandakanzwisisa.

61
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"Okay maita basa chose. Regai tifambe," ndakadaro.


"Aiwa muchitendeiko mangwana tisuwo ticharasikira
kwenyu," akadaro tichibva tafamba tava kudzokera kumota.
"Hanzi ndekupi?" mai vakabvunza pataipinda mumota.
"Hanzi misha iri seri kwegomo," ndakadaro ndichibva
ndamutsa mota.
"Ah saka padhuze zvapo," mbuya vaNathan vakadaro.
"Yah atiudza atoti hapasi kure kubva pano," ndakadaro
mota yava kutofamba ndava kunanga kwandaiva ndaudzwa.
Ndakatevera gwara randaiva ndarairwa dakara ndayambuka
rukova. Chido changuwo kwaiva kuda kunoona hanzvadzi
yangu Shorai. Shungu dzangu dziri dzekusanganawo
nemwana wamai vangu wandaiva ndava nemakore ndisati
ndaona.
"Misha yataurwa ndiyoyi, regai ndimire titsvage
watingabvunza kuti ipo chaipo ndepapi," ndakadaro
ndichimisa mota kunze kwemugwagwa. Ndakabva ndaona
vamwe mai vaisunda bhara vachiuya nekwataiva tiri.
Ndakabva ndadzikisa hwindo remota.
"Ambuya makadii zvenyu?" ndakadaro.
"Tiripo mukwasha makadiiwo?" vakapindura.
"Hameno tinobvunzawozve pa.....," ndakakakama ndava
kushaya kuti ndoti paani.
"Mhai kugara zviya ava kunzi mai ani Shorai?"
ndakadaro ndakatarisa mai.
"Mai Tafadzwa," mai vakapindura.
"Okay tinobvunzawo panogara vanonzi mai Tafadzwa,"
ndakadaro kumukadzi uya.
"Horaiti, ndeapo pane maround maviri ehuswa apo. Asi
handifungi kuti varipo ini vanenge vaenda kumaricho
kwavari kuforoma zvidhinha nemurume wacho. Svikai henyu
mbuya vacho vanenge varipo," mai vaya vakadaro.
"Okay, zvidhinha vanoforoma kupi?" ndakabvunza.
"Hakusi kure, kungoramba neroad iyoyi muchapfuura
matanga ari pamberi apo mukangoti dzire dzire kubva ipapo

62
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

muchaona pari kurohwa zvidhinha kuruboshwe kwenyu,"


vakadaro amai vaya.
"Okay maita basa mhai. Zvamati pedyo chiregai titange
tavatarisa ikoko kwacho tozodzoka," ndakadaro
ndichisimudza mota.
"Zvakanakai mukwasha," amai vaya vakadaro vachibva
vasunda bhara ravo vava kuenda.

Ndakatevedza nzira iya zvinyoro nyoro ndichienda


kwaiva kwataurwa nekuti road yacho yaiva yakashata.
Ndakapfuura matanga aiva ataurwa zvechokwadiwo
pandakati dzirei ndakaona paiva nehovhoni yezvidhinha
paiva nevanhu vaviri vaivapo. Handina kuda kutenesa mota
kuenda ikoko nekuti ndaitya kuzobairwa matyre.
"Kuti havasi avo here avo?" ndakadaro.
"Ndivo chete uyo munhu akabata foshoro ndiShorai uyo
mai Jowero," mbuya vaNathan vakadaro.
"Mataura chokwadi ndiye uyo," mai vakapindura.
"Saka zvotoita isu ngatiburuke tiende ikoko," ndakadaro
ndichidzima mota.
"Iii hungava hupenyu here hwuri kuraramwa nemwana
wangu vasikana? Aiwa zviri nani nditore mwana wangu ini,"
mai vakadaro vachida kuerera misodzi.
"Zvakaoma mai Jowero chiregai kuchema. Mukachema
moti mwana akakuonai muchidai angazofara here kuti mai
vauya?" mbuya vaNathan vakadaro vachinyararidza mai.

Takafamba tichienda kwaiva naShorai nemurume wake.


Zvainzwisa tsitsi. Zvidhinha ndaizviziva apa zuva richipisa.
Shorai aiva akabereka mwana kumusana achifidhira murume
wake dhaka muforoma murume wacho achimhanya. Nguva
yataifamba kuendako havana kumboona kuti kune vanhu
vaiuya.
"Shorai mwanangu!" mai vakadaro pataiva tava kusvika.
"Ah mhamha-aaaaa," akadaro Shorai achirashira foshoro
kure achibuda mugomba maaiva achibva amhanya kwava

63
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

kuzombundikirana namai achibva azombundikira mbuya


vaNathan.
"Ah mukoma Jowero. Ndimi?" akadaro achindikwazisa.
Zvainzwisa tsitsi pakutarisa, misodzi yangu yakada kubuda.
Nhamo ndaiiziva ini. Zvaiva zvakapfekwa zvacho? Iwo
madhaka zvawo? Zvaichemedza. Murume wacho paakaona
izvi akabva akandira foroma pasi achibva atanga kufambawo
achiuya kwataiva. Akasvika achibva atikwazisa kwava
kuchonjomara nechekure ava kuombera.
"Eh makadii vana amai?" akadaro.
"Tiripo mwanangu makadiiwo?" mbuya vaNathan ndivo
vakapindura mai vakaramba vakanyarara vakatarisa Shorai
vachibva vazomuburutsa mwana aiva kumusana.
"Eh vana baba makadii?" akadaro ava kuombera ini
naMukuwe.
"Tiri right mukwasha. Don't worry simuka zvako,"
ndakadaro ndava kutsvaga chidhinha chekugara.
"Ah mungagara ipapo here baba? Regai tichibva
tangoenda pamba. Mai Tafadzwa torai foshoro yenyu tibve
taenda nevaenzi kumba," akadaro murume waShorai.
Takabva apa tava kufamba kuenda kumota. Ndakazotorera
Shorai foshoro yaaida kubata ndichibva ndaitakura ini.
Zvakandinetsa kuti mwana aiva akagara zvakanaka here?
Ndakasvika pamota ndichibva ndavhura kuboot kwava kuisa
foshoro iya neforoma yaiva nemukwasha.
"Asi mafunga kuvaka kani mukwasha?" ndakabvunza
murume wake.
"Kana tiri kutozviroverawo vamwe vepa next door pedu
zvedu," akapindura.
"Hoo zvingani?" ndakabvunza.
"Toda four thousand," akapindura.
"Chineke!! Muchirova muri vaviri?" ndakavhunza
ndavhunduka.
"Hapana zvekuita baba. Baba muchiti isu tingapinda
mumota nemadhaka iwaya here? Chiregai tifambe tosangana

64
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

pamba," akadaro murume waShorai pandaiva ndava kupinda


mumota.
"Pindai mumota," ndakadaro ndisingaseki ndichirevesa.
Ndakaona ava kupinda vachibva vazogara vari four
kumashure mai vakangobata muzukuru wavo. I had a lot of
unanswered questions in my mind. I wanted some answers from
them.

65
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

CHAPTER 10
Vese vakabva vapinda mumota ndichibva ndatena ndava
kukwidza kudzokera kumba kwavo. Mwoyo wangu
wairwadza nezvandaiva ndaona zvichiitwa naShorai.
Marwadziro ezvitinha ndaimaziva. Takatena kubuda muroad
tava kuenda pamba pacho. Zvainzwisa tsitsi. Paivawo pamai
Jowero part 2. Paiva netuimba tweround twuviri twaiva
nematenga aitoda zvawo kuwira mukati. Ndakatarisa
pamastoob ndikabva ndaona kuti dzimba dzacho dzaitoita
zvekudzurwa nendove dzisina floor. Pamadziro eimwe round
paiva pakavata vamwe mbuya vechikuru vakazomuka vaona
mota ichisvika vachibva vagara. Ndakasvika ndikamisa mota
pakati pedzimba dziya pachivanze chaipo. Mbuya vaya
vakangoramba vakatarisa vachiratidza kunetseka kuti aiva
ani aiva avatsika nemota. Munoziva zvinoita munhu kana
achiona mota ichisvika pamba pake iye asina kana hama
yaanotarisira kuti ingamutsikawo nemota. Mbuya vaya
vakatozosimuka pavakaona tabuda nana Shorai.
"Ah titambire titambire," mbuya vaya vakazodaro
vachisimuka.
"Muchitambireiko mbuya?" ndakadaro.
"Vaenzi," vakadaro vachiwaridzira vana mai saga
rekugara muberevere reimba uyu murume waShorai akabva
amhanya achinotitorera zvituro zvekugarira tichibva tagara.
Pakamboita karunyararo kwechinguva.
"Eh mhamha ava ndivo mbuya vatinogara navo ava
vanova vakazvara baba vemukwasha wenyu baba Tafadzwa.
Mbuya ava ndivo mhamha vangu ava, ava ndimbuya vangu
vatakagarisana kumusha. Iyi ihanzvadzi yangu
yandinoteverana nayo neshamwari yavo," Shorai akadaro.
"Ah tafara kukuzivai vana mhai. Vana baba tafara
kukuzivai. Mambotitsikawo kuno kuti muzoona pakagara
mwana?" mbuya vaya vakadaro vachiombera.

66
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"Nesuwo tafara kukuzivai mbuya. Yah tamboti


timbozosvika tizoona pagere musikana uyu," ndakadaro.
"Aiwa tigere naye zvakanaka chose huye munhu kwaye
chaizvo hatina kana chigumbu naye," mbuya vaya
vakatsanangura.
"Ah kana zvakadaro zvinokudzwa. Rapisaka zuva iri?"
mai ndivo vakazodavira.
"Aiwa zuva racho inyika yese kani hameno taitoti zvimwe
kwenyu riri nani?" mbuya vaya vakadaro.
"Kwaaniko rapisa nyika yese iri," mbuya vaNathan
vakazopindurawo vachitamba nemwana waShorai.

"Mukuwe handiti maths dziya wakadzibataka dzekuvhura


mota?" ndakadaro ndichizevezera Mukuwe.
"Yah yah. Wati ndichakanganwa here?" akadaro.
"Kkkk okay. Shorai endaka naMukuwe namai pamota apo
vanokupa zvavari kuda kukupai," ndakadaro kuna Shorai
vachibva vasimuka vese pamwe chete namai.
Vakanovhurirwa naMukuwe vachibva vatutunura grocery
raiva mumota vachiriisa pamberi peimwe imba murume wake
achibva asimuka ava kunovabatsira. Panguva iyi ndakabva
ndanzwa message yakapinda pafoni pangu. Ndakatarisa
ndikaona kuti yaiva yabva kuna Brenda. Aiva angoisa
message yekuti muri sei? Ndakabva ndamupindura ndava
kumuudza kuti ndaizopfuura neko manheru emusi iwoyo
ndava kudzokera Harare.

"Mbuya pasuro yatavigirwa iyo," Shorai akadaro


akapfugama pamberi pambuya vake. Ndipo pandakaona kuti
aiva asina kurasa tsika dzake. Mbuya vaya pavakanzwa izvi
vakabva vasimuka vava kupembera nemufaro vachienda
kuzvinhu zviya vachitenda. Vakatenda zvainyatsokubva pasi
pasi pemwoyo wavo. Panguva yavaiva vava kutakura zvinhu
zviya vachiisa mumba mai vakabva vadzoka kwava kugara
pasi uyu Shorai nemurume wake nambuya vaya vava
kurongedzera zvinhu mumba.

67
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"Haa ini ndafunga kutora mwana wangu ini. Hupenyu


hwaari kurarama hwakaoma. Zviri nani ndinotambura
ndinaye izvi bodo," mai pavakataura izvi ndakanzwa hasha.
Ndakangovatarisa neziso raitaura zvakawanda.
"Hakuna zvakadaro zvinoitika mhai, I repeat nothing like
that is going to happen," ndakadaro ndichibva ndaona Shorai
ava kudzoka. Ndakatarisa ndikaona kuti mbuya vaya
nemurume wake vaiva vachiri mushishi vari mumba.
Achingogara ndakabva ndati, "Shorai wakagara zvakanaka
here pano?" Pandakadaro ndakaona ava kukwenya kwenya
musoro waiva wakagerwa nechigero chemaoko zvairatidza
kusamira zvakanaka kwehupenyu.
"Hello, kana ndichikubvunza zvekugara zvakanaka
handisi kureva kuti kana usiri kunwa tea nemazai pano
wobva wati hauna kugara zvakanaka or kudya sadza nenyama
no. I mean kuti wakagara zvakanaka here without any
harassments?" ndakadaro.
"Yah ndakagara zvakanaka mukoma. Hapana problem,"
akapindura.
"Okay ndozvandiri kubvunza. Now chindiudza
machallenges, ndoandava kuda manje ekuti unoti pano hatidyi
nyama and the likes?" ndakaenderera mberi.
"Yah kungoti zvazvo hupenyu hwacho hwakaoma
mukoma baba Tafadzwa semunhu asingaendewo kubasa
zvinhu zvacho hazvina kumira mushe tongoita hupenyu
hwemaricho ihwohwu," akapindura.
"Asi murume wako anokuda zvake?" ndakabvunzisisa.
"Hongu murume anondida," akadaro.
"Then it's fine, mhai Shorai is here to stay musambofunga
zvenyu pfungwa dzenyu dzakashata dzamangamoda
kunditaurira pano dziya. Mukaita pfungwa idzodzo neni
tapesana," ndakadaro ndakatarisa mai. Ndaida kuvadzima
pfungwa dzavo dzavaiva nadzo dzekuda kuputsa imba
yemwana nekuda kwenhamo yemurume. Hapana aiziva
ramangwana. Mari inoshaikwa nhasi mangwana yowanikwa
zvichidaro. Ndihwo hupenyu. Handina kuzoenderera mberi

68
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

nenyaya ndaona mbuya vaya vava kudzoka. Takabva


taidimurira pakati.

Mbuya vachingoti garei ndakabva ndasimuka. Hapana


wandakaudza kuti ndaiendepi. Ndakatanga kurangarira
hupenyu hwandaiva ndaona hwuchiraramwa naShorai
misodzi yangu ikatanga kubuda. Hongu nemurume wake
vaidanana asi zvainzwisa tsitsi. Zvakadaro, I was against that
idea yekubvisa Shorai pamurume nekuda kwenhamo.
Ndakafunga Nathan asi ndakanzwa ndichishaya pekutangira
nyaya yangu kwaari. Ndiye ega munhu wandaiziva aigona
kundibatsira. Ndaiva ndafunga kumufonera. Ndakafamba
chinhambo ndichibva pachivanze ndichibaya nhamba dzake.
Yakabva yangopinda.
"Joel how are you. Kuri sei ekhaya? Ugoona ndatomboedza
foni yako this morning you were unreachable," Nathan akadaro.
"Yah yah this morning I was travelling maybe pawaedza
ndanga ndiri pasina network," ndakadaro.
"Travelling? Asi wava kutodzoka?" akabvunza
achishamisika.
"No no no, sorry handina kuzokuudza, ndiri kwaChitsa
izvezvi nana muchembere vese naMukuwe," ndakadaro.
"Okay okay, kuri right here?" Nathan akabvunza.
"Kuri right. Tanga tanoona Shorai," ndakapindura.
"Oh you are right, saka ari sei?" akabvunza Nathan and I
took advantage of his question to tell him what I wanted from him.
"That's why I called you Nathan. My sister is suffering.
Mwana ari kutambura Nathan. Believe me you, tasvika achiita
maricho ekuforoma zvidhina like now heh just imagine. You
know what mai vakutofunga zvekuti timutore tidzokere naye
kumba. Of course vari right semunhu akabereka vanorwadziwa
but I am against that idea yekubvisa munhu pamurume nekuti
vaita nhamo asi vachidanana," ndakatsanangura.
"I am against that idea as well. Bvunza ini ndinoziva
kurwadza kwazvo kutorerwa munhu waunoda nekuda
kwenhamo. Ngatipfekei tsoka dzemurume iyeye tinzwe

69
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

marwadziro azvo. Anyway saka iwe wanga wafungei Joel? I


know watofona uine idea yako," Nathan akadaro.
"Nathan it's not an idea as such but chikumbiro," ndakadaro
ndichibva ndambonyarara.
"Okay go ahead," akadaro.
"When I passed nekuMasvingo kubranch ndakanzwa
manager achiti vaiva nevaccant kuTake away pane musikana
akasiya basa and ndanga ndichakuudza ndasvika nezve issue
iyoyo. So my request to you is, kana zvichiita taitora murume
wacho onotora that post kuTake away oshanda achichengeta
mhuri yake. Chikumbiro changu kwauri Nathan. Kana
wabvuma ndaigona kuvarojera room muMasvingo imomo
kusvika vakuzokwanisa kuzvibhadharirawo," ndakatsangura
chichemo changu.
"Joel," akadaro Nathan.
"Yes Nathan," ndakadavira.
"Who are you kana tichitaura nezve Natchop
Supermarkets?" Nathan akabvunza.
"I am the Deputy Director," ndakapindura.
"So you tell me with that post you can't finalise kuemployer
munhu kuTake away zvinhu zvinogona kuitwa even
naManager zvake. Joel, use your authority hazvisi zvinhu
zvekuti unganditi ndine chikumbiro dai wanga uri
kutovakumbirira accommodation better not zvebasa izvo iyo
inyaya yako iyo chako kungonopa branch manager
weMasvingo woti munhu uyu ngaashande apa then
wotoendesa madetails kuna HR opinda paPay roll simple.
Zvauri kutaura zvekuzovarojera one room ndezvekupenga
kwako. Masvingo ndakakuratidza imba Joel isina anogara
kuRujeko uko ine property yese. Shorai is your sister and my
sister as well. Chii chingandirwadza kana akanogara kumba
and neni ndotoziva kuti imba yava safe nekuti iye achaibata
zvakanaka achiziva kuti imba yemukoma wake. Kana
zvichiita chitobva navo ikoko woita pass through uchivasiya
Masvingo mukwasha wosiya atotanga basa then ini ndava
kufonera Zondi anochengeta imba yekuMasvingo kuti kune

70
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

vanhu vachauya because iye agara anotoshandisa zvake room


one yekuseri. As simple as that Joel," Nathan akataura
ndikanzwa misodzi yangu ichibuda nemufaro. He was a true
friend.
"Nathan I am humbled. You are a true friend. I thank you,"
ndakadaro ndichipukuta misodzi ndakabata foni.
"You are a good friend Joel. Do everything that will make you
happy. And you know what?" akadaro Nathan.
"Eh," ndakapindura.
"Ndafarira chinhu one pauri Joel. Pawafunga zvekutsvaga
basa hauna kuda kuti ndotsvagira hanzvadzi yangu no
watsvagira mukwasha wacho. That showed me kuti you
respected your sister's marriage. Dai wangoti ndinoda
kutsvagira Shorai I was going to hate you ndichiti une pfungwa
dzakashata. I like the way you handled this case. Go drop them
kuMasvingo. But uyu Mukuwe unopfuurira naye kuno.
Ndisingazive fuel yako ichakwana here kuzotenderera
neMasvingo plus ndanzwa uri kuti wazopfuurira kwaChitsa
uko. Are you safe mutank?" Nathan akadaro.
"Thanks Nathan as for fuel mira tione I will squeeze
handichamhanyi zvangu," ndakadaro.
"No Joel you don't need to squeeze. Check your Ecocash in the
next one hour. Ndichaisa neyekuti wosiya watengera vana
Shorai chikafu. Ukasvika navo Zondi anokupai makey
voshandisa marooms ekufront," akadaro Nathan.
"I thank you my friend. May God bless you," ndakadaro.
"So when will I expect you to be back in Harare?" akabvunza.
"Was supposed kuuya nhasi but since ndava
kumbonogadzirisa zveMasvingo chirega ndinzwe kuti
vanokwanisa here kuti vagadzire tiende tese nhasi kana
vachikwanisa nhasi toenda Masvingo we sleep over there drop
them and will proceed to Harare tomorrow naMukuwe. Is that
okay?" ndakadaro.
"No problem Joel. Ita zvinhu nepace yako don't rush. Mind
you, you have a pending journey kuno kuHarare saka
nyatsopedzisa zvinhu zvako zvese zvova settled because nguva

71
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

yacho uchaishaya," Nathan akadaro asi zvakandinetsa.


Ndaizoshaya nguva sei?
"Thanks Nathan. Ndichazofona time time ndichaita kuti
utaure nambuya," ndakadaro.
"Okay Joel thank you," akadaro ndichibva ndakata foni.

Ndapedza ndakamira ndichipukuta misodzi yangu


yemufaro. Ndakatendeuka ndikamira ndakatarisa kuchivanze
kwaiva kwakagara vanhu. Ndakatora chinguva ndakamira
ndichitarisa pamusha paigara hanzvadzi yangu.
Ndakarwadziwa.
"Shorai!" ndakadaidzira ndichimuninira ruoko kuti auye.
"Huyai mese kuno nemukwasha muri vaviri," ndakadaro
ndikaona vava kufambisa vachiuya vese. It was a nice couple
wakavatarisa asi nhamo yaivaita kunge zvimwe zvinhu. I
wanted to transform them and build their marriage not to destroy.
That was me Joel Zanda. I waited for them as they came closer.

72
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

CHAPTER 11
"Ndanzwa kuti matidaidza tsano?" murume waShorai
akadaro achibva asvika achipfugama pamberi pangu. I looked
at him, direct in his eyes, he was a very innocent man.
"No no mukwasha simuka zvako. Tsano vacho havasi
tsano vamwe vaya vaya. Relax feel free. Simuka titaure
takamira zvedu sevarume," ndakadaro.
"Okay maita basa baba," akadaro achibva asimuka.
"Right ndini ndakudaidzai. Mukwasha are you comfortable
nehupenyu hwamuri kurarama kuno kumusha?"
ndakamubvunza paakasimuka.
"Zvakaoma baba. Asi hapana zvekuzviita. Tinotongojaira
zviripo. Ndihwo hupenyu hwacho. Tingadii tisina kana
pekutangira?" akataura zvainzwisa tsitsi.
"Ndikati tiende tese izvezvi nemhuri yako unotanga basa
kuMasvingo unokwanisa here? I am not comfortable with this
type of life yamuri kurarama."
"Chero izvezvi mukati basa racho rinototangwa nhasi
baba ndinoenda. That is my dream kuti ndigonewo kushandira
mhuri yangu idye ichiguta asi zvinoramba," akadaro
achiombera. Chiso chake chaiva chakazara kunzwisa tsitsi.
"And you, are you comfortable kuti toenda tese monogara
kuMasvingo murume achienda kubasa?" ndakabvunza
ndakatarisa Shorai.
"Iiii mukoma mati ndingaramba izvozvo? Ndinoda ini,"
Shorai akadaro.
"Good, handiti mbuya vanogona zvavo kusara vega pano
pasina problem?" ndakabvunza.
"Haa vanokwanisa chose plus vane chimwe chimuzukuru
chavo chimwana chasisi vakashaya chisikana chatinogara
nacho kungoti iyezvino chakambodzika kwaMagombedze
kuweekend," mukwasha akadaro.
"That's fine. Chiendai izvozvi monoudza mbuya nyaya iyi
then iwe Shorai wondidanirawo vana mai naMukuwe vouya

73
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

kuno pavanouya imi mosara muchioneka mbuya. We are going


together like now so do that fast." Ndakaona nyemwerero
yandaiva ndisati ndakamboona pazviso zvevaviri ava.
Vakazadzwa nemufaro vachibva vafambisa vachidzokera
kumba munguva pfupi ndikaona vana mai vava kufamba
vachiuya. Ndakavatsanangurira hurongwa hwaivapo vese
vakafara nazvo.
"Hamuonizve Tembo vedu, apa ndipo pamaronga sababa
vemusha apa. Hamuna kufunga wenyu chete marangarira
vese. Aiwa tinozvikudza Dube," mbuya vaNathan vakadaro
vachiombera.
"Aiwa mwanangu ini mai vako ndafarira kuronga
kwehuchenjeri kwakadai. Mwoyo wangu wawana zororo
ndinokutenda mwana wangu Jowero," mai vakadaro
vachiratidza kufara. Ndinofunga vana Shorai
pavakanoudzawo mbuya vavo havana kumboita nharo nekuti
ndakaona munguva pfupi pfupi vava kutomhanya mhanya
kurongedza. Patakazodzokera kuchivanze mbuya vacho
vakatenda chose nemufaro zvataiva taronga. Vachingopedza
kugadzirira handina kuzoda kupedza nguva, ndakatora
mabhegi avo ndava kumaisa kuboot tichibva taonekana
nambuya.
"Aiwa mofamba zvakanaka Mwari vakuchengetei
mumugwagwa, iwe baba Tafadzwa wonoitawo munhu kwaye
ikoko," ndiwo mashoko evakuru, mbuya vaya vakadaro.
"Maita basa mbuya nemi mosarawo zvakanaka. Mukuwe
chigara nana mai vako nehanzvadzi yako kumashure
mukwasha ouya pamberi haangazosununguki kugarisana
nana ambuya vake kumashure uko," ndakadaro ndichivhura
mota.
"Okay haa no problem. Rega tikwesherane navo isu ko
kunyarei ivo varivo vakatibereka kkkk," Mukuwe akadaro
achiseka zvake achibva azonogara nana mai pamashure ini
nemukwasha tichibva tagara tiri vaviri mberi. Takasimuka
apa tava kunanga kumba. Ndaisada kunomirisa ndaingoda

74
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

kusvika ndichipfuurira. Shungu dzangu dzaiva dzekuti


ndigonosvika paRoy kwakachena. Ndaida kuona Brenda.

Takasvika kumba uyu Mukuwe achibva amhanya kumba


achinotora zvinhu zvake zvaaida kutora ava mbuya vaNathan
vachibva vati vaida kunotora pasuro yavaida kuti ndigonopa
Nathan. Munguva pfupi vese vaiva vatodzoka tichibva
taoneka tava kupinda muroad.
"Mofamba zvakakanaka vana vedu," mbuya vaNathan
vakadaro.
"Ndinozvitenda muchembere. Mosarawo munyasha,"
ndakadaro ndava kupinda mumota. Ndakazogara naMukuwe
mberi uyu mukwasha akazobva agara nemudzimai wake
paseat rekumashure tava kurova road.
"Ko iwe hauchapfuuri uchioneka Angeline here?"
Mukuwe akadaro pataiva tava kupfuura pamashops.
"Zvakapera nenguva yazvo Mukuwe. Handei Harare,"
ndakapindura.
"Kkkkk haa and Jowero hauite futi. Anyway rega
tinakirwe zvedu nemota takananga kuguta via Masvingo,"
akadaro Mukuwe. Ndakaitsika mota ndatarisa paGutu kwava
kupfuura ndotena neroad yeMasvingo.
"Uuuum Mukuwe, nyaya yemombe wazosiya wadii iwe?"
ndakabvunza Mukuwe tava kusvika paMukaro mission.
"Covered. Hanzi namuchembere ndazowana mumwe
anofudza," akapindura.
"Yaa saka kana zvakadaro zvakanaka," ndakadaro
ndichibva ndafonera Brenda ndava kumuudza kuti agadzire
auye kuzomira patara. Yakabva yapinda akabva ati aizouya.
Aiva atora mwoyo wangu mwana iyeye regardless of her
background.
"Mukuwe today I want to show you something," ndakadaro
ndakamutarisa.
"Something like what?" akadaro.
"Where my happiness belongs," ndakadaro.
"Ah so it's okay then," akapindura.

75
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

Ndakasvika patara ndikatarisa asi ndakaona kuti Brenda


aiva asati avapo. Ndaisada kuti mukwasha naShorai vaone
zvaiitika so ndakaita kunge ndaida kumbonotsvaga ma
refreshments pamashops paRoy ndichibva ndatena.
Ndakaburuka ndichibva ndavatengera madrinks ndikavati
vambogara mushop muya ndaizodzoka munguva pfupi.
Ndakabva ndafonera Brenda.
"Hallo," akadavira.
"Yes Bee uri papi?" ndakabvunza.
"Ndiripo paya pamakatanga kundiona musi uya ndipo
pandakamira."
"Okay. Ramba wakamira ipapo ndinosvikapo just now,"
ndakadaro ndichibva ndakata foni.
"Mukuwe hande pandiri kuda kuti undiperekedze,"
ndakadaro kuna Mukuwe ndichifamba kuenda kumota
achibva atevera. Ndakairova mota ndava kuenda paturn off.
Takawana aripo Brenda akamira. She was just a descent, simple
village girl. Ndaimuda akadaro. Ndakamisa mota tichibva
taburuka tese naMukuwe tichienda paaiva akamira.
"Brenda, how are you?" ndakamukwazisa ndakamutarisa
neziso rakazara rudo.
"I am fine," akapindura achinyara nyara. Mugumbo aiva
akangopfeka push rake riya asi kungoti musi uyu aiva asisina
shena.
"Brenda meet my friend Mukuwe. Mukuwe meet Brenda my
love. This is where my happiness belong. I just loved her from the
first day I met her. I fell for her and she loved me back. Brenda I
appreciate your love," ndakadaro ndakamubata ruoko.
"You are welcome," akadaro achibva atanga kudonhedza
misodzi.
"Nice to meet you gules," Mukuwe akadaro achimukwazisa.
Akangonenekedza ruoko asi akaramba akatsikitsira pasi.
"Brenda why? Why are you crying?" ndakabvunza
ndichisimudza musoro wake kuti anditarise.

76
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"But I am not worthy. I am not worthy to be loved by you Joel.


Look at me and look at yourself. I am just an ordinary village girl.
Joel go out there in the city, look for a girl who is of the same class
with you. As for me I am not comfortable, I am going home,"
akadaro achibva avhizura ruoko rwangu ava kuda kufamba
achienda kumba. Ndakamubata ruoko ndichibva
ndamudhonza kuti asaenda. Ndakapfugama pamberi pake.
"Brenda I love you as you are. I don't love you because of what
you have. As for the class Brenda I will transform you myself to
become the Brenda I want. Worry not. You said you stay with your
mother where is she?" ndakadaro.
"She is at home," akapindura achindidhonza kuti
ndisimuke. Ndakasimuka.
"I want to go and meet her today. I want her to know me. I
want to talk to her. Shall we?" ndakadaro.
"Yes we may go," akapindura neinzwi raiva pasi pasi.
Takafamba ndakamubata ruoko tichienda kumota. Mukuwe
akabva anogara kumashure ndichibva ndanovhurira Brenda
door repamberi ini kwava kutenderera ndava kuenda kudoor
radriver. Ndakafambisa mota kusvika tasvika pamba pavo.
Paisava pamba panonyadzisa sitereki zvekuti ndakapatarisa
paiva nani kupfuura pamai Jowero asi chandakaona
ndechekuti kutambura uku yaingova nyaya yekuti zvimwe
baba vake vaiva vakafa vasina kusiya vagadzirira mhuri
hupenyu asi musha waiva wakavakwa zvakanaka. Mai vacho
pavakanzwa mota kutinhira vakabva vabuda panze kwava
kumira pachivanze. Ndakaona kuti pavakaona mwana wavo
achibuda mumota zvakavanetsa.
"Titambire vanangu," vakadaro.
"Muchitambireiko mhamha?" ndakadaro
ndichivakwazisa.
"Vaenzizve, Brenda torera vamwe vako pekugara tigare
zvedu pabvute apo," vakadaro ndikaona vava kufamba
vachienda kubvute kuya tichibva tatevera. Brenda was active,
just by her mere appearance and the way she talk you could see that

77
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

she had qualities of a good wife. Akakurumidza kutiisira


pekugara tichibva tagara. Pakamboita karunyararo zvishoma.
"Hameno kwakadii kwabviwa vanangu?" vakabvunza
mufaro vachigadzirisa dhirezi ravo.
"Kutsvene mhamha hameno kuno kwakadiniwo?"
Mukuwe ndiye akapindura.
"Aiwa kuno kwakanaka," vakadaro.
"Mhamha," Brenda akadaro papera chinguva.
"Eh," vakadavira.
"Ndiye mukomana wandakakuudzai nezvake nezuro. Joel
ava ndivo mhamha vangu," akadaro Brenda.
"Hezvo! Heya ndiwe mwanangu? Ndaona nhasi oramba
kuinda kumusika achiti akati ndisaenda ndikati zvino
ukaramba torarama neiko nhai mwanangu?" mai vaBrenda
vakadaro.
"Yes I said so. Worry not you have found yourself a son. A son
who will take care of all your needs. What I want from you is one
thing mhamha, keep her for me. Just keep her very safe. I will come
back for her," ndakadaro. Zviya zvekunyara paiva pasina.
Ndakavaudza chokwadi chaiva pamwoyo pangu. Brenda
ndaimuda. Vakatora chinguva vasina kupindura vakatarisa
mwana wavo.
"Ichokwadi here Brenda? Muri kuwirirana here hatidi
zvinozotinetsa mangwana," vakadaro.
"Hongu mhamha," hana yangu yakarova pakataurwa izvi
naBrenda. Aiva andida pamberi pamai vake.
Ndakazovhundutswa ndiri pakati pekufara nefoni yangu
yakabva yapinda message ndakaivhura ndikaona, 'EcoCash:
Transfer Confirmation. USD 200.00 from Natchop Supermarkets
Approval Code: PP160917.1808.B02305. New wallet balance:
USD 241.60.' Nathan aiva azviita, aindida Nathan zviri extra
ordinary. Ndakadzosera foni muhomwe.
"Ah bva zvakanakai mwanangu. Chatinongoda kuti kana
vanhu vawirirana rudo rwavo rwovakwa nechokwadi,"
vakaenderera mberi.

78
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"Aiva akakakuudza here nhoroondo yehupenyu hwake iye


Brenda uyu," vakabvunza.
"Kwete mhamha taiva tisati tawana mukana wacho,"
ndakapindura.
"Yaa haana kukwanisa kuzoenderera mberi nechikoro
tashaya mari ipapa akagumira Form 3 nekuti tinoziva kuti
vanhu vechisikana ava vanonyepa oudza munhu kuti ini ndiri
muForm 6 zvenhema. Garai maudzana chokwadi zvichitanga
kudai," mai Brenda vakadaro.
"Harisi dambudziko mhamha kuchikoro munhu anoenda
chero achembera. Ndinomuda akadaro," ndakapindura.
"Ah kana muchiwirirana zvakanaka. Ko iwe chisimukazve
ugadzirire vamwe vako chikafu," vakadaro kuna Brenda.
"Kana mhamha chiregai. Ipapa tiri munzira kuenda
Masvingo kubva kumba kwaGutu, zvino toda kunopfuurira
Harare manheru ano chiregai timhanye kwakachena,"
ndakadaro.
"Hoo kwaGutu ndiko kumusha? Inga munobva padhuze
apa," vakadaro.
"Haa tiri pajinga apa. Oh mari iyi mozosara
muchiendawo kuchigayo," ndakadaro ndichivatambidza
$50.00.
"Ah waita zvako mwanangu huye wandibatsira chose.
Mwari vakukomborere pazvose zvaunobata nemaoko ako,"
vakadaro vachiombera.
"Muchitendei mhamha. Brenda ndava kuenda. I will call
you manheru handiti?" ndakadaro.
"Okay thanks very much. Waita hako nemari yawapa
mhamha. Ufambe bho," akadaro achiratidza kurwadziwa
nekuenda kwangu. Ndakamutarisa neziso rerudo ndikanzwa
kurwadziwa. Ndaidzoka chete kwaRoy nekukasira.

Takabva apa tava kudzokera kumashops kwataiva tasiya


Shorai nemurume wake.
"Yaa pane zvandaona Jowero," Mukuwe akadaro tava
munzira.

79
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"Chii Mukuwe?" ndakadaro.


"Mwana uyu unomuda. Paita rudo rwechokwadi apa. Plus
wapinda kubva wadanana nemunhu mai vake vachizviziva
kudai," akadaro Mukuwe.
"Ndinofarira kuvimbika, ndinofarira kutevedza zvinoda
mwoyo wangu, ndinoda rudo rwechokwadi. Mukuwe apa
ndipo pane mufaro wangu pana Brenda. Chero ndikafa nhasi
ndaudza iwe. Sara uvaudze, sara uvataurire. Anyway rega
timhanye titore vanhu ava vangazoshaya kuti ko vanhu
vangozoti nyaa hindava," ndakadaro ndichiwedzera kutsika
mota.

80
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

CHAPTER 12
Takasvika tikawana Shorai nemurume wake vakagara
zvavo mushop muya.
"Right hatifambei zvedu. Sorry mukwasha mazongosiiwa
makagara," ndakadaro.
"No problem tsano, ndizvo tanga tichitozororawo,"
mukwasha akadaro tava kupinda mumota. Handina kuda
kupedza nguva, ndaida kunopinda muMasvingo vekushop
vasati vavhara. Ndakatarisa nguva ndikaona dzava 15:06,
ndakabva ndaziva kuti ndaisvika nekuti kushop kwaivharwa
na8 manheru.

15:40 ndaipinda pabridge repaZimuto camp kupinda


mutown. Ndakabva ndangonanga pashop nekuti ndaida kuti
mukwasha abve angozivana naManager Mr Ruzive kuitira
paaizotanga basa.
"Right tasvika mukwasha pabasa. Chidzika uuye kuno.
Mukuwe naShorai munogona kumbosara zvenyu makagara
muno," ndakadaro ndichidzima mota tichibva tadzika
nemukwasha tava kupinda mukati. Vashandi vese vemo vaiva
vava kundiziva saka yaingova, "Good afternoon Sir, How are
you Sir?" kundikwazisa. Ndakasvikowana Manager varimo.
"Ah shefu madzoka?" vakadaro pavakaona ndichipinda.
"Yah ndazodzoka nekuno wena zvangozomukira
mumakumbo," ndakadaro tichibva tapiwa pekugara.
Ndakatanga nekuita maintroductions kuti mukwasha
naManager wake vazivane.
"Right Mr Ruzive, paissue iya yamakataura kuti mava
neshortfall pano, takuvigira umwe wamuchashanda naye.
Vanonzi Mr Parehwa ava ndivo vachapinda pane musikana
uya akasiya. Havana ruzivo rwakanyanya nezvazvo saka
motoudza supervisor wekuTake Away kuti anotoita
achivadzidzisa. I want his duties to commence tomorrow,"
ndakadaro.

81
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"Okay Sir. Haa zviri zvekusaziva harisi dambudziko


vanodzidziswa. Matotigonera chaizvo. Ngavauye zvavo
vatange mangwana," Mr Ruzive vakapindura. Takazofamba
tichiratidza mukwasha paaizouya achishandira achionana
naSupervisor weku department kwaaizoshanda. Tapedza
takazodana Shorai tava kumuratidzawo paizoshanda murume
wake.
"Mukwasha kuti mangwana ukapinda muno mutown
ungazoparasika pano?" ndakadaro tava kupinda mumota
kuenda kumba.
"Haa kana tsano handimbokanganwi," akapindura.
Takabva apa tava kunanga kuRujeko. Ndakasvika pagedhe
ndikaridza hooter Zondi achibva amhanya achiuya.
"Ah titambire Boss," akadaro achivhura gedhe kuti mota
ipinde.
"Don't worry Zondi mota haisi kupinda. Was thinking
zvekumborara kuno but ndazoona kuti nguva dzichipo idzi
ndinosvika Harare. Ndauya kuzokusiira hama dzako
dzauchange uchitandara nadzo pano. Handiti Boss Nathan
vanga vakufonera?" ndakadaro.
"Yaa vafona vakandiudza zvese. Mirai ndibve ndangotora
makey acho kuseri," akadaro achibva amhanya kuroom kwake
munguva pfupi aiva atodzoka.
"Ngatipindei zvedu," akadaro achikiinura door. Uuuum
maiva makanaka mumba imomo. Chii chaifanirwa kuva
mumba chawaishaya imomo. Masofa, Plasma, Firiji zvese
zvaivamo. Takabva tanogara zvedu pamasofa.
"Right baba namai Parehwa ndipo pamuchange
muchigara pano muchienda kubasa. Ndapota batai imba ino
zvakanaka. I think Zondi audzwa zvese achakuratidzai
bedroom rekurara nezvimwe zvese. Mukwasha apa ndipo
pandakwanisa kukusvitsa nemhuri yako. Chikumbiro changu
ndechekuti uchishanda nesimba. Asi ndapota usazokanganwa
kwawakabva. Chembere iya yamasiya musazoikanganwa.
Shorai zviri kunzwikwa?" ndakadaro.
"Hongu mukoma ndiri kuteerera," akapindura.

82
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"Chimwe chinhu mashanda mashanda chiregai


kuzorivadzwa nezvinhu zvisiri zvenyu izvi ndichafara ndava
kuzonzwa mava kunditi ah tava kukwanisa kunogarawo
kwedu tega matengawo midziyo yenyu pachenyu
kubudikidza nekushanda. Apa pangonzi muwane pekusvikira
mukagarawo gore aiwa munenge mayarukawo mozviitira
zvinhu zvenyu. Saka mukwasha mangwana unokwira kombi
apa wonanga kubasa I think mauniform uchanopiwa ikoko plus
wogerwa musoro nendebvu pamashops apo. Iwe Shorai
$100.00 iyi motsvaga chikafu nezvinhu zvekusanoshandisa.
Mukwasha $20 iyi ndeye transport to and from work any
problem munondibata tawirirana?" ndakadaro ndakavatarisa.
"Maita basa baba. Tinotenda," mukwasha akadaro.
"Right isu chiregai timhanye, zvizhinji Zondi
unovabatsira handiti? Mogara zvakanaka pano," ndakadaro
ndichibva ndasimuka.
"Horaiti Boss musandityira. Ndakuwanawo vekuvarairwa
navo pano panga pachibhowa," akadaro vava kutiperekedza
kumota. Ndakaimutsa pfungwa dzangu dzava kuHarare kuna
Nathan. Ndaiva nebasa raivako raiva rakandimirira. Basa
rekunotsvaga chaizofadza shamwari yangu. I wanted to go and
embark on a mission. A mission to find Nathan's beloved son.

Ndichibuda muMasvingo ndakatengera Mukuwe doro


ndichibva ndaitsika mota iye achinwa zvake. Chandaida
aisanyanya kushamisika zvake nezvakawanda nekuti
panhoroondo yake aiti aiva akamboita garden boy kuHarare
asati auya kuzofudza mombe kumusha mushure mekunge
apererwa nebasa. Taikurukura zvedu tiri munzira
ndichimuraira gwara rehupenyu huye kuti azonoitawo
munhu kwaye kwataienda uku.

20:00 ndairidza hooter pagedhe. Ndaiva ndafamba.


Ndakaona mudhara Sibanda ava kuvhura gedhe tichibva
tapinda.
"Madzokoyi boss," vakadaro.

83
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"Yaa tadzoka wena makasarawo zvakanaka?" ndakadaro.


"Aiwa takasara mushe. Varimo zvavo boss Nathan
mumba," mudhara Sibanda akadaro.
"Right uyu anonzi Mukuwe ishamwari yedu tichazenge
tiri tose. Mukuwe vanonzi mudhara Sibanda ava ndivo
vanotibatsira basa pano. Ndiwe waiti wakamboriita basa
iroro wotozopota uchivadzidzisawo zvimwe kkkkk,"
ndakadaro ndichifara zvangu.
"Kkkkk zvaJowero vakomana. Tafara kukuzivai baba,"
Mukuwe akadaro.
"Aiwa nesuwo tafara kukuzivai," mudhara Sibanda
vakadaro.

Ndakatakura zvinhu tava kupinda mumba. Takawana


Nathan akagara zvake pasofa achiona TV.
"Ah ah ah Joel Joel!!" akadaro achisimuka achifara.
"Hesi Nathan," ndakadaro.
"Ah asi wauya uchibhururuka kani. Ini ndiri kutoti
munhu ari kurara Masvingo anouya mangwana. Mukuwe
ndeipi? Wauya manje?" Nathan akadaro achimbundikira
Mukuwe.
"Yaa tauya wena tasiya ruzevha vakomana," Mukuwe
akadaro.
"Right gara zvako apa," Nathan akadaro achiratidza
Mukuwe pekugara.
"Tanga takakumirira. Kune basa rako kuno raunoda
kupiwa naJoel. Tichakurukura manheru ano nyaya yacho,"
Nathan akadaro.
"Yaa munokurukura zvenyu asi ini I am not here to stay.
Ndinoda kuzogara pano kamwe. Zvese muchasara muchiita
ndaenda. Ndaenda kurwendo rwuya Nathan. Mukuwe ndiwe
uchatosara woenda naye kuChitungwiza kunomuratidza
kwaachazoshandira nekwaachagara ini ndaenda. Ndiko saka
ndauya nhasi kudai," ndakadaro ndichigara pasi.
"Rwendo rwupi urwu rwausina kumbobvira
wandiudzawo Jowero?" Mukuwe akabvunza.

84
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"Don't worry I will tell you," Nathan akadaro.


"Anyway how was the journey guys?" akadaro Nathan.
"Very good wena. Tafamba zvakanaka," ndakadaro.
"Mukufamba ndakazosangana nezororo remwoyo wangu
Nathan," ndakadaro.
"Zororo remwoyo wako? What do you mean?" akabvunza.
"Ndakawana musikana wandinoda Nathan. Zita rake
anonzi Brenda. Ndinomuda, paari ndipo pane mufaro wangu.
Mwari andibatsire ndigone kubudirira pakuronga kwangu,"
ndakadaro.
"Wakamuona kupi? How? Asi wakatonyenga zvimasalad
zvemuMasvingo?" Nathan akabvunza.
"Musalad? Haasi musalad. She is just an ordinary village
girl," Mukuwe akapindura.
"Oh my God! I want to see that girl Joel. I want to meet her.
Are you sure you love her?" Nathan akadaro.
"Yes I do," ndakapindura.
"And what is your wish?" akabvunzazve.
"I want her to be my wife. I want to marry her," ndakadaro.
"If so I heard you. Don't worry relax. You want to marry her
like when Joel?" Nathan akabvunza.
"Once I bring your son here my mission will be successful. I
will marry thereafter," ndakadaro.
"Okay okay I heard you," akapindura.
"So kuwana mwana kwangu will determine when I will
marry. Saka ndichashanda nesimba," ndakadaro ndichikwenya
musoro.
"Handina nguva varume," ndakadaro.
"Can I join you pane urwu rwendo," Mukuwe akadaro.
"No I want to go alone. Sara uchiratidzwa basa ushande
hupenyu hwako hwushanduke," ndakamupindura.
"I want you to tell me more about this girl Joel, in fact I want
to see her first," Nathan akadaro.
"Mukuwe will tell you better than I may do. We visited her
village and met her mom together," ndakapindura.

85
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"Okay I will talk to Mukuwe then, ko wasimuka wava


kuendepi?" Nathan akadaro aona ndasimuka.
"I want to go to the bathroom. I want to take a quick shower
and rest. Before I forget, where did they used to stay? I mean their
address? I will start from there," ndakadaro ndichibva
ndambogara pasi.
"Meaning who?" Nathan akabvunza achishamisika.
"I mean Yolanda your late wife's parents," ndakadaro.
"Oh my God, okay let me explain. By that time they were
staying at their house in St Marys kuChitungwiza but I heard kuti
vakazobva not knowing kuti kubva kwavakaita kwaiva
kutengesa imba here kana kuti?" akadaro Nathan.
"Kubva? Going where?" ndakabvunza.
"That I don't know. They vacated the house just after
Yolanda's death. That's what I heard," Nathan akaenderera
mberi.
"Okay do you have the address? If so may I have it. I will start
from there," ndakadaro.
"Hapambodi address Joel, rega ndikupe madirections. Uri
kubva kuno kutown naSeke road handiti wakusvika
kuChitungwiza. Paunoyambuka bridge repaWater works turn
right paC.A paSt Marys Police Station. Wadaro ukaverenga
left turn one, two, three yechi four yacho inonzi Manyami turn
left uchipinda imomo. Wadaro tarisa dzimba dziri
kuruboshwe kwako pane imba inezigombi rakafa rakamira
ipapo ndiyo imba yekutanga ine razor wire ndipo ipapo.
Panonzi paMachiridza," Nathan akatsanangura ndichinyora
pasi.
"Well explained. I will be there tomorrow morning. That's
when my mission is going to commence," ndakadaro.
"Ah varume inombova nyaya yeiko yamuri kutaura
nezvayo muchiita kunge madimikira?" Mukuwe akazobvunza
mushure mekumboteerera zvataitaura.
"Relax Mukuwe I will tell you later," Nathan akadaro.
"Ah Nathan kutokanganwa. Vana Shorai ndazovasiya
kuMasvingo. Murume wacho ari kutanga basa kushop

86
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

mangwana so vava kumba kuRujeko now," ndakadaro kuna


Nathan.
"That's good. Magetsi anga achiriko zvawo?" Nathan
akadaro.
"Yaa ndaona anga achiriko not knowing kuti anga asara
akawanda sei," ndakadaro.
"Ah that's fine. Akapera Zondi anowanzofona. Chiratidza
Mukuwe room yake yekurara spare iri pamberi peyako. Then
mangwana ndichanomuratidza kubasa," Nathan akadaro.
"Haa don't worry naMukuwe togona kungorara tese
handiti ndezvemazuva mashoma here asati aenda
kuChitungwiza kushop," ndakadaro.
"Ah saka it's fine. Anodhiraivha here because kune Honda
Fit iriko yakangomira kushop isina anoshandisa. Taigona kuti
ombofanoshandisa iyoyo?" akadaro Nathan. Ndakaona
nyemwerero kumeso kwaMukuwe pakataurwa zvemota.
"Ah haagoni uyu but anodzidzira. Mr Muzevezi is a good
instructor anoenda ikoko," ndakadaro.
"Iii I am out of words. Thank you Nathan, thank you Joel,"
Mukuwe akadaro.
"Don't worry tenda Nathan uyu. Uuum ini varume regai
ndigeze ndizorore mangwana ndine rwendo. Sarai zvenyu
muchikurukura," ndakadaro ndichibva ndabuda. Ndaiva
ndafunga rwendo rwangu rwandaiva ndakatarisana narwo, a
journey to bring back Nathan's son.

87
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

CHAPTER 13
Nathan aiva ari munhu akasununguka. Munhu uya
asingadadi. Panguva diki yandakasvika naMukuwe vaiva
vava kutotaura nyaya vachiseka kunge vanhu vaiva
vakazivana gore rapera. Ndaivanzwa zvangu panguva
yandaigeza. Panguva dzandakafamba ndava kubuda
mubathroom ndava mupassage, ndakaedza kuteerera nyaya
dzaitaurwa naNathan naMukuwe. Mashoko andakanzwa
akaita kuti ndifungidzire kuti ndini ndaitaurwa hapana
mumwe.
"Don't worry isu tinongoita zvatinoita iye Joel asingazivi.
Anongozoona zvinhu zvatoitika chete. Handiti ipapa
mangwana ari kubuda achienda kwaanoenda isu tosara
tichironga. Hapana chaanofanira kuziva now," ndakanzwa
Nathan achitaura mashoko aya neinzwi raiva pasi pasi
zvaireva kuti vaisada kuti ndizvinzwe. Kushata kana kunaka
kwazvo ndakangoti handinei nazvo. Hazvina kundipa mwoyo
wekudzokera kumashure parwendo rwandaida kufamba
mangwana acho. Shuviro yangu huru yaiva yekuisa
nyemwerero pachiso chaNathan. Zvaizotevera zvaizovawo
zvimwe.

Ndakafamba ndava kubva mupassage ndichibva ndapinda


muroom mangu ndava kunozora zvangu mafuta.
"Asi Joel wabva watorara?" ndakanzwa inzwi raNathan
achitaura akamira padoor.
"No ndinouya titange tanamata ndozorara zvangu
ndizorore kuitira rwendo rwangu rwamangwana,"
ndakadaro. Handina kuzotora nguva refu, ndakapedza kuzora
mafuta ndichibva ndadzokera kulaunch kwaiva nevamwe.
"I think zvakatinakira kuti panguva ino tinyengetere,"
ndakadaro ndichigara pasofa.
"Yaa you are right," Nathan akadaro. Ndini
ndakatungamira munamato, ndakachema kuna Mwari

88
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

ndichiti vazonditungamirira pazvose zvandaizoita nerwendo


rwandaizofamba. Chandaiziva, chikuru chandaiziva
ndechekuti Mwari ndiMwari vanosvinurira varanda vavo.
Bedzi bedzi kana wazviisa pamberi pehuso hwavo.
Ndakanamata ndikati Amen, Nathan naMukuwe vakadavira.
Takaparadzana tava kunozorora.

Mangwana acho mangwanani takamuka munhu wese


achibva ageza. Mukuwe ndaiva ndamuisa mumaoko aNathan
saka ivo vaigadzirawo kubuda kuenda kunoratidzana kubasa
kwavo.
"Nathan, ndanga ndichikumbirawoka Navara nhasi
yakati kwirirei plus iyo yanyanya dust randakanopfumbura
kumusha so ndikamboda zvekuenda kuCar wash
ndinganonoka," ndakadaro pandakasangana naNathan
mupassage achibva kunogeza.
"Zvokumbirwa here izvozvo Joel. Munhu anongotora
mota yaari kuda kushandisa musi waanoda. Makey ese aripo
pakey rack mukitchen umo. Hazvina kana problem not knowing
kuti mune fuel here?" akadaro Nathan.
"Fuel don't worry ndinodira thanks," ndakadaro. Ndaiva
ndanonoka saka ivo handina kuda kuzovamirira kuti vapedze.
"Varume mozobudawo mega imi ini ndava kufamba,"
ndakadaro ndava kutora makey eNavara.
"Wish you the best Joel," Nathan akadaro
achindimbundikira achindibhabhadzira kumusana.
Ndakatarisa chiso chake paakandiregedza ndikaona
achidonhedza misodzi. Ndakarwadziwa.
"I will be fine. Worry not Nathan. I will bring you your son.
EMANUEL: God is with us Nathan. I am on my way. Mukuwe
best wishes friend. Enjoy your day guys. I am out," ndakadaro
ndichibva ndafambisa ndichibuda. Ndakanzwa misodzi yangu
ichierera pandakanogara mumota. Hameno
chakandichemedza. Ndakapukuta ndichibva ndamutsa mota.
Ndakabva pamba ndava kunanga kuChitungwiza.

89
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

Ndangariro dzakandibaya, ndaifunga zvizhinji pane iyi


nguva. Ndaizobudirira here kufadza shamwari yangu Nathan.

Ndakabva pamba kwava kupinda nemutown ndichidira


fuel. Mari ndaiva nayo iya yandaiva ndaisirwa paEcocash
naNathan nezuro wacho ndanga ndisina kuzoishandisa.
Ndichibva mutown ndakabva ndangonanga straight naSeke
road ndatarisa Chitungwiza. Ndakasvika paC.A kwava kutena
kupinda muSt Marys, sezvaiva zvataurwa naNathan
ndakaverenga road dzaitena kuruboshwe ini kwava kuzotena
neyechifour yacho. Ndakaona zveshuwa yakanzi Manyami
drive. Ndakafambisa mota zvishoma zvishoma ndichitarisa
imba yaiva nezigombi nerazor wire zvaiva zvataurwa
ndichibva ndaiona. Ndakamisa mota pagedhe ndichibva
ndaburuka ndava kugogodza gedhe. Pakabuda mai vechidiki
vachibva vauya kuzovhura gedhe.

"Mother makadii zvenyu?" ndakadaro ndichivakwazisa.


"Tiripo zvedu makadiiwo vahanzvadzi?" vakapindura
vachindipa mukana wekuti ndipinde.
"Tinosimba zvedu," ndakadaro ndichifamba ndichipinda
mugedhe. Ndakasvika ndichibva ndapinzwa mumba kwava
kugariswa pasofa. Maiva makanaka mumba macho
zvairatidza kuti maiva mumba mevanhu vairaramawo life iri
nani. Maiva mune tumwe tuvana tuviri twaitamba zvatwo
twakagara pacarpet.
"Ini ndinoitwawo Mr Zanda. Hameno ndipowo here
panonzi paMachiridza?" ndakadaro.
"Uuuuum yah paimbonzi zvapo paMachiridza before this
house was sold to us but now pava kunzi paMlauzi, vaimbova
pano vakabva zvavo mushure mekunge vatengesa imba ino
kumurume wangu," pavakataura izvi ndakapererwa.
Ndaizotangira papi manje. Ndakanetseka.
"Hey, so you mean mhuri yekwaMachiridza haichagari
pano? Imba yakatengeswa zvariini iyi?" ndakabvunza.

90
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"Yaa havachagari pano. This house was sold to us two years


ago if I am not mistaken," vakadaro.
"Yaa mahwani, mungaitawo here any idea kuti pavakabva
pano kwacho vakaenda kupi?" ndakabvunza.
"Uuum I am not sure but ndakanzwa sekuti vakabva
vaenda kumusha hanzi pakangoshaya mwana wavo musikana
ainzi Yolanda here what what," pavakadaro ndakabva ndaziva
kuti mai ava vaiziva zvavaitaura.
"Hamungazivewo here kuti kumusha kwavakaenda
ndekupi chaizvo? I mean kumusha kwavo ivo,"
ndakabvunzisisa.
"Uuum ndakangonzwa kuti vaibva kuChivhu not knowing
kuti papi exactly," vakadaro amai vaya. Ndakapererwa, zvino
vaigoti kuChivhu nemukuriro wayo ndaitangira papi chaizvo.
"Okay can you tell me more about their daughter Yolanda the
late?" ndakadaro.
"Uuuum ini handina zvandinonyanya kuziva nezvemhuri
iyi. Vanhu vatakangozozivanawo navo pakutengeserana imba
izvi zvekuti Yolanda akafa ndezvekutonzwirawo padenga.
Handina zvangu zvakawanda zvandingaziva pamusoro pavo
ndinganyepa," vakadaro mai vaya.
"Imi mumbori ani wavo?" mai vaya vakabvunza.
"I was their family Lawyer so pane zvandanga ndichida
kunzwisisa. Mungaite macontacts avo here ini I lost them?"
ndakadaro ndichinyepa, hakuna Lawyer rinorasa nhamba
dzeclient.
"Uuuum macontacts no maybe dai murume wangu aripo
aigona kukupai," vakadaro.
"Okay ambuya, zvisinei maita zvenyu basa regai
ndimhanye," ndakadaro.
"Uum okay okay mirai mbichana vahanzvadzi pane
zvandabva ndafunga, mirai," mai vaya vakadaro vachimhanya
kusimuka. Hana yangu yakarova kuti chii chaizvo chavaiva
vandimisira. Ndakaramba ndakagara pasi.

91
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

CHAPTER 14
Mai vaya vakasimuka vachibva vafambisa vachipinda
mubedroom mavo vachibva vadzoka vachiverenga mamwe
mapepa avaiva vakabata. Ndakaramba ndakavatarisa
vachingopenengura mapepa aya.
"And what are those papers for?" ndakazobvunza papera
chinguva.
"Oh sorry, I am trying to check their details on this affidavit
ratakanyorerana agreement of sale yeimba ino. Yah vanonzi
Charles Machiridza. Nhamba dzavakanyoresa pano it's
0772777468," vakadaro vachiverenga pabepa riya.
"Oh thank you very much," ndakadaro ndichibva ndabuditsa
foni yangu kwava kunyora nhamba dziya. Ndakabva
ndangodialer ndisati kana ndambodzisevha.
"The number you dialed is barred for incoming calls," oh my
God, nhamba dziya dzakabva dzaramba. Ndakaedza futi asi
ngoma yaingova ndiyo ndiyo.
"Shit! Dzaramba wena. Hapana here dzimwe
dzakanyorwa futi ipapo," ndakadaro.
"Uuuum mirai tione idzi dzakanyorwa pawitness dzinenge
dzemudzimai wavo. Try 0736584507," vakadaro. Faster faster
ndaiva ndatobaya nhamba dziya ndava kutodzifona. It was not
reachable. Ndakapererwa.
"Dzaramba futi but anyway chiregai ndichingodzisevha so
that I will keep trying, yah ko hapana here address
yavakanyoresa pabepa ipapo maybe togona kuwana
pekutangira?" ndakavunza.
"Yah you are right. Let me check. Vakanyoresa address inoti
Mahusvu Secondary School, P.Bag 401 Chikomba-Chivhu,"
vakadaro mai vaya. KuChivhu ndaikuziva. Ndakabva
ndangonyora zita rechikoro. Ndaizozviona ndava ikoko.
"Anyway thank you very much mother. Regai ndimhanye
kuChivhu kwacho just now. Maita basa," ndakadaro
ndichisimuka.

92
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"Ah kwakanyanyonaka here kwamabva mada


kutovatevera nekumusha nhasi chaiye kudaro?" mai vaya
vakabvunza.
"Kwakanaka mother, paChivhu padhuze apa just 146
kilometres from Harare not knowing kuti kuzobva muChivhu
macho kuenda ikoko pakazoreba sei but ndinosvika musatya.
Kuchiri kuseni uku," ndakadaro ndava kubuda padoor mai
vaya vachibva vandiperekedza kusvika kugedhe ndichibva
ndapinda mumota.

I checked my time. It was 9:06 am, nguva dzaiva dzichiripo.


Ndakatarisa fuel yangu ndikaona kuti it was above half tank.
KuChivhu ndaisvika. Ndakaisimudza mota ndava kunanga
nekwaHuruyadzo Chigovanyika kuti ndinobata tara
yeMakoni nekunze ndinange kuround about. Ndakanzwa foni
yangu yava kurira. Ndakatarisa ndikaona ari Brenda.
"Hallo my love," ndakadavira.
"Hallo Joe wamuka bhoo here?" akadaro.
"I am good my angel how are you?" ndakadaro neinzwi
raiva rakazara rudo.
"Ndiri bhoo zvangu ndanga ndichida kungonzwa zvangu
kuti wamuka sei," akadaro.
"Thanks very much babie. Very soon I am coming to marry you
my love," ndakadaro.
"Kkkk hoo tomboti. Uri kuiteiko hako?" akabvunza.
"Uuuum right now I am driving. I am on my way from
Harare to Chivhu pane meeting yandiri kumhanyira,"
ndakadaro ndichinyepa zvangu zvemeeting.
"Okay dia, ufambe bhoo. Take care of your sweet self,"
akadaro Brenda.
"Thanks Bee. I love you," ndakadaro.
"Love you more Joe," waaal that was my first time
kuudzwawo mashoko akadaro nemusikana. All along I didn't
know kuti mashoko erudo anotapira zvakadaro. Pakakata foni
ndakasara ndichingonyemwerera zvekuti vaitondiona

93
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

vaigona kutofunga kuti pane munhu wandaiseka naye


mumota. Zvakandifadza.

Ndakaitsika Navara ndichibva ndasvika paMbudzi kwava


kutena ndava kunanga neroad yeMasvingo. Ndakamira
paMbudzi pane vanhu vaimisa.
"Ndoda munhu one Chivhu," ndakadaro kuna hwindi
aivapo.
"One Chivhu! One ari kumhanya Chivhu!" hwindi uya
akadaidzira pachibva pamhanya mumwe musikana aiva
nechimonaki. Yah aiva akanaka zvekuti to me she was a living
temptation. Akabva auya kwava kugara pafront seat. Ini
ndaingoda zvangu munhu wekufamba ndichitaura naye
nyaya kuti rwendo rwusarwadza.
"Thanks mwana wamai," ndakadaro ndichipa hwindi uya
coin ndichibva ndasimudza mota.
"Ah maita bhoo mukoma," akazosara odaro ndatosimudza
mota.
"Eh makadii zvenyu hanzvadzi," musikana uya akadaro
tichangosimuka.
"I am good sister how are you?" ndakadaro.
"I am fine hwakadii hupenyu?" akabvunza.
"Yah kubhaizira. Mafungepiko apa Sunday kudai?"
ndakabvunza.
"Ndiri kumbomhanya zvangu kumusha ndiri kubva
kuchikoro tiri pasim-break," akadaro.
"Hoo asi mava kuita zvidzidzo zvepamusoro izvi?"
ndakabvunza.
"Yaa ndiri paU.Z. Ndiri kuita Economics ipapo ndava
muPart 2," akatsanangura.
"Oh that's wonderful. Dzidzai mugosimudzira nyika
mangwana, saka kuChivhu munobva papi?" ndakabvunza.
"Ndinobva panonzi paNharira, 31 kilometres kubva
muChivhu along Chivhu-Murambinda highway," akapindura.
"Okay. Ko kunonziwo kuMahusvu munokuziva here?"
ndakabvunza.

94
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"Yaa kudhuze nekwedu ikoko but imi munozosiya tara 5


kilometres before Nharira panonzi paHokonya mava kutora
dust road yekuMahusvu but panenge pava padhuze less than 30
kilometres," akatsanangura.
"Ah saka ndawana the right person. Mobva matondiratidza
pekuzotenera handichakusiyei muChivhu," ndakadaro
ndichiwedzera kutsika mota. Munzira mese ndaingowanza
tunyaya nyaya kuti tisawana nguva yekuzombotaura zvisizvo
kana kutarisana. Chandaitarisa ini itara zvekupassenger seat
uku I tried by all means to avoid. She was just beautiful but I loved
Brenda. Ndaiva ndakatsidza kuti ndiye wandaiva ndapa
mwoyo wangu. Ndaisazodazve mumwe munhu.

10:30 taipinda muChivhu. Handina kumira ndakabva


ndangotena neBuhera road. Ndichangotena foni yakabva
yarira. Aiva Nathan.
"Nathan ndeipi," ndakadavira.
"Hesi Joel. Kuri sei?" akadaro.
"Bhoo zvekuti. Ari sei Mukuwe?" ndakabvunza.
"Haa ari right uyo ndambomusiya pashop
yekuChitungwiza ndati ambojaira pabasa pake ndichibva
ndamuratidza maroom ake ekugara haa afara zvekuti,"
akadaro Nathan. Kana neni ndakafarawo.
"Ah that's wonderful, so nhasi uri kudii? Uri kuenda here
kuchechi?" ndakabvunza.
"Yaa from here ndakutoenda paZindoga. Iwe wadii uchiri
kuSt Marys?" Nathan akabvunza.
"No I am now in Chivhu. Ndichangobuda muChivhu ndava
kunanga neBuhera road," ndakadaro.
"Joel! Going where?" Nathan akadaro achishamisika.
"To look for your son, my son," ndakadaro.
"Why all those sacrifices Joel ipapa waenda mari yefuel
washandisa yako. Why Joel why?" Nathan akadaro.
"Because I love you. I value your happiness. I will call you
later. Let me drive," ndakadaro ndichikata foni ndichibva
ndaikandira kwakadaro uko.

95
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"Yaa tava kuda kusvika pamunotena. Pano patava


panonzi paMagamba so pachikoro chinotevera ndipo panonzi
paHokonya pamuchatena mava kusiya tara," akadaro
musikana uya wandisina kumbobvira ndabvunza zita rake
nekuti ndakaona kuti ndikadaro the next thing kuda phone
number. Mviro mviro dzemhanza ishosha.
"Okay mondiratidza tasvika," ndakadaro ndakatsika mota.
"Yah pano apa mava kufanira kuchitena. Mogona
kundisiya zvenyu pano apa ndozopedzisa," akadaro.
"Masara nedistance yakadii kusvika paNharira?"
ndakabvunza.
"About 5 kilometres," akapindura.
"Okay relax. I will go and drop you ndozouya ndotena,"
ndakadaro ndichipfuurira. Ndakasvika ndichibva ndamusiya
paNharira paRockview hanzi panonzi pasekuru. I made a u-
turn. Musikana uya akada kubuditsa mari achindipa.
"Don't worry mozonwawo drink. Ndanga ndichingodawo
zvangu munhu wekuita nyaya naye," ndakadaro.
"Thanks very much. This is my phone number chat with me on
whatsaap," akadaro achinditambidza chipepa chaiva
nenhamba. I don't know kuti hwaiva hudesperate here hwune
vana vemazuvano kupa mukomana nhamba dzaasina
kukumbira. Ndakatambira kwava kukanda mudashboard.

Ndakasimudza mota ndava kudzokera pandaifanira


kutenera paHokonya. Ndakabuda mutara, road yacho yaiva
isina zvayo kunyanya kushata. Ndakasvika paMasunda
paPrimary kwava kupfuura ndichibva ndayambuka bridge.
Kwaisava kure ndakangozoti fambe fambe ndichibva
ndatoona pakanzi Mahusvu. Ndakabva ndananga pamashops
pacho ndichida kutsvaga vanhu vekubvunza. Ndakamisa
mota ndichibva ndaona vamwe baba vaifamba zvavo vakabata
demo ravo mumaoko. Ndakadzika mumota kwava kufambisa
ndichienda kwavaiva.
"Baba makadii?" ndakadaro.

96
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"Tofara mwanangu wakadii zvako iwe?" vakapindura.


"Ndakasimba baba. Ndinokumbirawo kubvunza?"
ndakadaro.
"Ndinobvunzawo panonzi paMachiridza?" ndakabvunza.
"PaMachiridza unoda paani chaipo nekuti Machiridza
rinotova raini?" vakadaro.
"Panonzi paCharles Machiridza vane mwana musikana
ainzi Yolanda akafa achiita zvekuzviuraya," ndakatsanangura.
"Hoo uyu Charles wekushaya pamwe chete nemudzimai
wake mutsaona yebhazi manje manje uyu. Manje pamba
pacho unowana ani nhai mwanangu? Hapachagari vanhu apo.
Hey iwe uri ani wavo?" vakadaro. Hana yangu yakarova.
Ndakanzwa kupera simba muviri wangu ukarukutika.
Ndakazvibvunza kuti saka ndichibva apa ndaizoindepi?
"Ndaimbova mukwasha wavo. Ndini ndaiva ndakaroora
Yolanda," ndakadaro.
"Haa Yolanda aiva nemurume here? Isu kuno taiziva kuti
haana murume isu," vakadaro.
"Yah takazoparadzana," ndakadaro.
"Heyy mwanangu zvakaoma. Musha wakaparara uyu. Asi
eeeeeh mira tione. Ngatiite so," baba vaya vakadaro ndichibva
ndateya nzeve kuda kunzwa plan yavaiva vava nayo zvimwe
yaigona kundibatsira.

97
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

CHAPTER 15
"Mwanangu rega tidai, hande pana bamunini vacho
vakavaka musha wavo padivi nepana tezvara wako Charles.
Ndinovimba tikasvika ipapo vanogona kukubatsira
mukataura mese ipapo," baba vaya vakadaro. Ndaiva
ndatononokerwa. Ndakavatungamirira tichienda pamota
vachibva vapinda. Vakanditungamirira tichienda muraini
kusvika takazosvika pane mumwe musha wavakati ndimire.
Ndakamira.
"Ndipo pano mwanangu. Ngatisvike tione kuti pane
vanhu here? Totodaidzira nekuti pane imbwa dzinoruma.
Vepano! Pane vanhu here apo?" baba vaya vakadaro vachibva
vadaidzira nepahwindo.
"Svikai zvenyu tiripo," inzwi rechikadzi rakadavira
richibva kuchivanze. Pakabva paita vamwe mai vakafamba
vachiuya.
"Titambire. Ah ko ndimi Museyamwa?" mai vakadaro
vachikwazisana nababa vaya patakadzika.
"Eh ndini zvangu ndatoperekedza vaenzi venyu ava
vanga vachida kuenda pabamukuru venyu apo vasingatozivi
kuti vakashaya hapachina vanhu," baba vaya vakatsanangura.
"Ah wakadii zvako mwanangu?" mai vaya vakadaro
vachindikwazisa.
"Ndinofara mhamha. Ndidzo nhamoka idzi dzinoparadza
musha kudai?" ndakadaro.
"Zvakaoma mwanangu. Ko ngatipindei heduzve tigare
pasi," mai vaya vakadaro vachibva vapinda nesu muchivanze
tichibva tanopiwa pekugara pamumvuri waivapo.
"Saka imi ndimi ani zviya nhai mwanangu? Zvimwe
ndinodaro ndichiziva asi ndakanganwa," vakadaro mai vaya
tagara pasi.
"Ini ndini ndaiva ndakaroora mwana wavo Yolanda. In
fact mukoma wangu ndiye anga akaroora Yolanda saka ini
ndingati ndiri mukwasha futi," ndakadaro.

98
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"Hoo Yolanda mwana wedu wekushaya uyu. Uuum


zvakatirwadza kuti mwana anozviuraya achiri mudoko
kudaro," pavakadaro ndakaona kuti apa ndaigona kuwana
information chaiyo yandaida.
"Ko hanzi akazviuraireiko uye sei?" ndakabvunza.
"Uuum hazvina anoziva nyaya yacho yakangotsikwa
tsikwa zvimwe vabereki vake vekushaya ndivo vangatoziva.
Vakangosvikawo pakufa pasina chokwadi chabuda asi
zvinonzi wakangozoonekwa atofa ari muroom make kuimba
yavo yekuChitungwiza vasati vaitengesa," vakatsanangura.
"Zvakaoma hazvo. I am sure aiva ane mwana Yolanda.
Mungandiudzawo nezvemwana iyeye here?" ndakadaro.
"Yaa mwana aiva naye zvekuti akashaya akatosiya
mwana ari rusvava. Mai vake pavakabva Harare vachitouya
kurufu vakatouya nemwana wacho tikamuona. Ndivo vaiva
vava kutogara naye kusvika gore rapera pavakazoshayawo
nabamukuru mutsaona," vakatsanangura.
"Okay. Saka pamba zvapasisina munhu kudai mwana
akazotorwa nani?" ndakabvunza.
"Mwana taiva tatombonzi titore isu tichengete nekuti
paiva pasisina aisara achichengeta mwana. Asi ivo mai
Yolanda vaiva nemwana wemukoma wavo musikana
wavaimbogara naye pamba apa achipinda chikoro anonzi
Teurai. Iyeye ndiye anonzi akazoti aigona kutora mwana
ochengeta nekuti anonzi aiva ava kushanda kwaGutu uko
saka ndinovimba ndiko kwaakaenda naye," vakatsanangura.
"Oh my God! Mungaitewo nhamba dzake here Teurai
wacho?" ndakabvunza.
"Uuum ini handina. Mirai ndibvunze musikana wangu
aimbotamba naye uyu mazuva aaipinda chikoro kuno
anogona kuva nadzo. Iwe Clara! Clara!" mai vaya vakadana
mwana wavo anenge aiva mumba.
"Mhamha!" akadavira achibuda. Aiva musikana wechidiki
zvekuti pazera aigona kuita zvekuma 25 years.
"Ko haunzwi kuti pamba pasvika vaenzi here unoramba
wakazvivharira mumba mako imomo?" vakadaro mai vaya.

99
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"Handina kumbozvinzwa ini ndanga ndakatozvirara


zvangu. Eh makadii zvenyu?" akadaro Clara achiombera
akapfugama.
"Tinosimba makadiiwo?" ndakapindura.
"Tiripo," akadavira.
"Iwe ungaitawo nhamba dzaTeurai here uya waigara
nana mai Yolanda apa wawaitamba naye?" mai vake
vakamubvunza.
"Uuuum yaa ndinofanira kunge ndinadzo mirai nditarise
mumba," akadaro achisimuka munguva pfupi achibva adzoka
akabata kapepa.
"Idzi," akadaro achitambidza mai vake kapepa kaya.
"Oh mukwasha nhamba dzacho idzi," vakadaro
vachinditambidza.
"Maita basa. Zvinoita here kuti ndibve ndafona then Clara
wotaura naye iwe munhu waanoziva wonzwa kuti ari kupi
huye mwana ariko here?" ndakadaro ndaona kuti ndikafona
ini zvaizotitorera nguva ndavakumbo explainer kuti ndini ani
umwe anobva atokunyepera achifunga kuti unoda
kumunyenga.
"No problem fonai zvenyu," akadaro. Handina kunonoka
ndakabva ndabuditsa foni kwava kubaya nhamba dziya.
Dzakapinda mukamwe mukamwe. Ndakamutambidza foni.
"Hesi kani Teu....... Uuum ko kurova nhai
vasikana..........ndiClara kani hauchanzwi here?........Kana
handina kumbochinja nhamba ndidzodzi idzi.........eh uripiko
mazuvano?.......Iiiii kwaGutu uko. Papi chaipo?.......Hoo
paParadise Hotel apo I see......Ko ari seiko mwana waYolanda
nhai vasikana?........Iiii ndofunga kakura........Taura zvako
chengeta mwana wasisi vako God will reward you," Clara
akataura pafoni. Kahana kangu kakarova nemufaro
pandakanzwa kuti zvechokwadi mwana aivako.
"Eh chindipa nditaure naye asati akata," mai vaya
vakadaro vachida kutora foni.
"Okay Teu, taura namhamha vanoda kutaura newe,"
akadaro Clara achibva apa mai vake foni.

100
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"Eh hevozve nhai mwanangu?.....Ndinofara mwanangu


wakadiivo?....Wakadiiko mwana?.......Ah tinotenda wakaita
zvako nerudo irworwo......Chinzwa mwanangu tina baba
vemwana iyeye pano vanoda kutaura newe vanga vauya kuno
kumusha vachifunga kuti ndiko kune mwana.....Vanenge
vanoda kumuona taura navo," mai vaya vakadaro vachibva
vandipa foni.
"Hallo mainini," ndakadaro.
"Eh makadii zvenyu bamukuru. Kungoti hatina
kumboonana ndaingonzwa kuti kuna Nathan murume
waYolanda. Iye Yolanda aigara achitaura hake nezvenyu
asati ashaya," Teu akadaro.
"Yaa ichokwadi. Hameno chiri sei chikomana,"
ndakabvunza.
"Mwana ari bhoo iyezvino ndamusiya zvangu pacrache
pavo ini ndiri kubasa," akadaro.
"Hameno zvinoita here kuti tionane ndichimboona
mwana?" ndakadaro.
"Like when?" akabvunza.
"Like today. I will drive kuuya ikoko like now," ndakadaro.
"No problem ndiriko. Munouya paParadise Hotel mongoti
moda kuona anonzi Teurai. Munondiwana," akadaro.
"Okay I will be there in the next one hour," ndakadaro
ndichibva ndakata foni.
"Zvaitaka?" mai vaya vakadaro.
"Yaa zvaita saka ini handichagari. Ndava kutonanga
kwaGutu izvezvi," ndakadaro ndichisimuka.
"Mofamba zvakanaka mwanangu kungoti baba havapo
vakafamba mungadai maonana mataurirana. Asiwo kana
mazofunga kutora mwana chivanhu chinoitwa munochiziva?"
vakadaro.
"Hongu amai harisi dambudziko. Museyamwa maita
basa. Chihandei ndichikusiya pamashops muchinwa scud,"
ndakadaro tichibva tananga kumota. Ndakapfuura
nepamashops kwava kusiya ndatengera Museyamwa crate
yemascud ndichibva ndavatenda ndopinda muroad. Chivhu-

101
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

Gutu paiva pedo neNavara. 85 kilometres ndaida less than one


hour pakatondirwadza kubva kuMahusvu kusvika
pandakazobata tara paHokonya.

Ndichipinda muChivhu ndaiva ndava nenzara.


Ndakatarisa nguva twelve dzaiva dzachaya. Ndakaenda
paChicken Inn kwava kutsvaga chekudya ndichipedza
ndakabva ndaruma tara ndava kunanga paGutu.

102
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

CHAPTER 16
13:15 exactly ndaiva ndichipinda paGutu garage. Ndaiva
ndava pedyo nekumba kwandaiva ndabva nezuro wacho.
Ndakakasira kurasa pfungwa dzekufunga kumusha ndava
kuti regai ndiite zvandaiva ndafambira. Ndakatena ndoita
sendaiva ndodzika neroad yeChartsworths kwava kuzotena
ndava kupinda paParadise Hotel. Ndakasvika ndichibva
ndamisa mota yangu pedyo nechigazebo chiri nechekugedhe.
It was just a nice place that one can imagine of. Ndakadzika
netsoka ndava kunanga kureception. Ndakasvika pane
musikana wechidiki aivamo. Aiva ari mupfupi zvishoma ari
munaku pachiso with a descent beautiful face. By the time
yandakatarisana naye akabva atanga kunyemwerera giving me
a good reception thinking I was a customer. She was just good
pabasa rake.
"How are you Sir?" akandikwazisa aine nyemwerero
pachiso.
"I am fine young lady how are you?" ndakapindura.
"I am good Sir. How may I help you?" akadaro.
"Yaa ndingaonawo Teurai?" ndakabvunza.
"Kkkkkkkk you are talking to her," akadaro achibva aseka.
"You are Nathan right?" akadaro.
"Yes yes. Oh that's wonderful. How are you mainini?"
ndakadaro.
"Ndiri bhoo zvisingaute bamukuru muri sei zvenyu?"
akadaro.
"I am good, basa riri sei?" ndakabvunza.
"Basa riri right ndatopedza zvangu nhasi Sunday
ndinopedza na1," akadaro achivhura drawer rake achiburitsa
makey.
"Mirai ndibve ndavhara tiende zvedu kumba," akadaro
achisimuka pacheya yake achibva abuda kwava kukiya.
Ndakabva ndafamba ndava kunomumirira panze. Akatevera
mushure mechinguva.

103
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"Kumba kure sei kubva pano?" ndakabvunza tamira


panze.
"Ah padhuze ndinogara paimba iri seri kwewaya uko,"
akadaro.
"Zvekuti mota ndikaisiya apo iri safe handiti?" ndakadaro.
"Very safe unless kana muchida zvenyu kunoipaka pamba
kuti musazofamba," akadaro.
"Ah saka hatingoendai tibve tanoitora tinopaka kumba,"
ndakadaro achibva atevera. Ndakaona ava kuyeva zimota
randaiva naro. I think nechomumwoyo aingoti heya mwana
uyu ana baba vane mari kudai? Ndakamutsa mota ndava
kuizhozhonodza ndichibuda nayo pagedhe iye achindidirector
nzira yekumba. Paiva padhuze zvapo. Ndakamisa mota
ndakaitaridza paverondor achibva ati ndipinde mumba
ndichibva ndapinda. Aishandisa zvake one room but it was
just nice. Ndakapiwa cheya ndichibva ndagara.

"Saka kuri sei kuno uku mainini?" ndakadaro.


"Kuri right chaizvo kupisa chete," akadaro.
"Yaa taurai zvenyu. Saka munogara nani kuno?"
ndakabvunza.
"Ndega zvangu naTheo," akadaro. Ndipo pandakabva
ndaziva kuti mwana waNathan ainzi Theo.
"Ah asi hakusati kwava nabamunini kani?" ndakabvunza
ndichifara zvangu.
"Haa nguva yaMwari haisati yakwana. Ndiri kuzvigarira
zvangu nemwana wasisi vangu Yolanda," akadaro.
"That's true. So where is he?" ndakadaro.
"Okay mirai ndimutarise panext paanenge achitamba kana
akabva kuchikoro kwavo ndisati ndadzoka kubasa.
"Okay okay before you go. Ini my name is Joel, brother to
Nathan Theo's biological father. I am here to look for my brother's
son. He need him, he miss his own son. You may go, but we have a
lot to discuss when you are back," ndakadaro.

104
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"Okay nice to know you. Regai ndimutore muuye


mumuone," akadaro achibva abuda. Ndakasara mwoyo
wangu wakazadzwa nemufaro. Ndaiva ndawana chikuru
chandaitsvaga. Key to my friend Nathan's happiness. Hapana
kumbopera nguva ndakaona Teu adzoka akasimudza mwana.
Oh my Jesus, aiva Nathan zvake. Chii chawaibvunza, zvese
zvaiva pamwana aingova Nathan. There he came, son of my
friend. The one who was key to everything. My mission was
accomplished. Chinhu chaiva chasara kwaiva kunoisa mwana
mumaoko ababa vake. Zvese izvi ndaizvifunga Teu akamira
akasimudza mwana. Ndakasimuka ndava kunomutora.
Mwana haana kumbondiramba. Waiti wakatarisa mwana
wairamba kuti mwana aiva akafirwa namai ari rusvava. He
was healthy and smart. Zvairatidza kuti mwana airarama life
yakanaka achigara naTeu. Ndakashaya chipomerwa
pamwana.

"Thank you very much Teurai. Thank you very much for
taking good care of my brother's son. God himself will reward
you," ndakadaro.
"You are welcome. Ndiri kutevedzera zvaakasiya ataura
akanditi Teurai ugochengeta mwana wangu. She wrote a
suicide note before she committed suicide," akatsanangura.
"How? Hanzi why?" ndakadaro.
"I have a copy of her suicide note. Since you are Nathan's
brother I will show you. By the way where is he? I mean Nathan?"
akabvunza.
"Nathan is in Harare right now and I can't read that letter
before him. I have a request Teu," ndakadaro ndakabata mwana
mumaoko.
"Okay go ahead," akadaro achibva agara pasi.
"I want to go with you to Harare together with Theo. I want
him to meet his father. Nathan loves him and he was looking for
him for a long time," ndakadaro.
"I want to meet him as well. I was looking for him too. I have
his message from his late wife. I have no problem with that we will

105
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

go. Let me call my boss first ndivakumbire zuva ramangwana,


ndichaudza futi vana baba kumusha kuti ndozvandava kuita
nemwana vazive," akadaro Teu. Ndakaita sendichatsemuka
nemufaro paakabvuma kuenda neni kuHarare. Nguva yaiva
yakwana yekupedza rangu basa randaishuvira. Basa
rekufadza shamwari yangu Nathan as I promised him.
"No problem. Call them I will wait," ndakadaro. Teu akabva
atora foni yake ava kubuda nayo panze kunofona. Ndakasara
ndichitamba zvangu nemwana. Chaiva chimwana chiri
handsome even hembe dzachaiva chakapfekedzwa dzaiva
dzemhando. Waisabvuma kuti mwana aiva asingagare namai
nababa vake. Teu achingobuda foni yangu yakabva yarira.
Aiva Nathan.
"Nathan," ndakadavira.
"Joel uri kupi nhaiwe?" akadaro Nathan.
"Ndiri kwaGutu now," ndakadaro.
"KwaGutu? Asi wadzokera kumusha?" Nathan akadaro
achishamisika.
"Kwete handina kudzokera kumusha. Ndiri kwaGutu
kwandiri kutsvaga mufaro wako," ndakadaro.
"Joel I am out of words. Ko wadii kundiudzawo?"
akabvunza achiratidza kunetseka.
"Don't worry. Mwari vari kunditungamirira. Zvese zviri
kuendeka," ndakadaro.
"Ko fuel?" akabvunza.
"Usandityira. When need arise, I will call you," ndakadaro
ndichikata foni. Ndichingopedza Teurai akabva apinda.
"Yaa zvaita ndavaudza. Regai ndigadzire ndichinje
mwana tibve taenda. I am very happy today. I will deliver my
sister's message to the right person. I was worried day and night.
Thank you God," akadaro Teu.
"Amen," ndakadavira. Akatora hembe dzake dzaaida
kupfeka kwava kunopfekera kutoilet kwava kudzoka
achichinja mwana faster faster. Ndakaona ava kuvhura
muwadrobe make achibva abuditsa envelope hombe.

106
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"We may go," akadaro akabata envelope iya nebaby blanket


remwana.
"And what is in that envelope?" ndakabvunza.
"Tsamba yakasiiwa yanyorwa naYolanda asati
azviuraya," akadaro.
"Okay okay. Keep it. Nathan will open it himself," ndakadaro
tichibva tabuda ini ndakasimudza mwana. Teurai was lovely
and waisaziva kuti aisava mwana wake. She was a good mom to
Theo. Vashoma vanozvigona kubata zvakanaka vana vasiri
vavo.

Ndakavhurira Teurai kufront passenger's seat achibva


apinda ndichibva ndamutambidza mwana. Ndakatenderera
ndava kuenda kuseri mwoyo wangu wakazara mufaro.
Ndaiva ndamuwana mwana waNathan. Ndiyo yaiva Shuviro
yangu yaiva yazadziswa. Ndakati Mwari chinditungamirirai
ndava kupinda munzira neiyoyi mhuri ndichibva ndasimudza
mota. Teurai aiva akasununguka. She was friendly zvekuti
road yese taiita nyaya tichifa nekuseka pamwe pacho
taitorovana maoko. PaHarare pakaita padhuze zvekuti 19:00
taiva tichipinda paTollgate. Handina kuda kumboenda
nekumwe kunhu ndakabva ndangonanga kumba kuMt
Pleasant. Ndakasvika ndikavhura gedhe ndega nekuti
mudhara Sibanda manheru ainge achaisa. Ndakapinza mota
mugedhe ndichibva ndambosiya Teu nemwana vakagara
mumota ndichibva ndapinda mumba. Ndakawana Nathan
naMukuwe vachiona zvavo TV vachiita nyaya.
"Joel wasvika?" Nathan akadaro achiratidza kufara.
Handina zvandakakwanisa kupindura, ndakanozviwisira pasi
ndichipfugama pamberi paNathan misodzi yangu ichibva
yatanga kuerera. Nathan akanditarisa achibva andibata
pamapendekete. Ndakaona misodzi ichiyangarara mumaziso
ake. Pakaita chinguva takatarisana hapana akataura
nemumwe. Ndakachema zvekusvika pakuhwihwidza ndiri
pamberi paNathan. Mukuwe akapererwa akaramba
akangotitarisa akabata remote mumaoko.

107
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

CHAPTER 17
"Joel why?" Nathan akadaro papera chinguva.
"Nathan, allow me to declare my mission COMPLETE, here
I am and I am here with your beloved son. As I promised you before
that I was going to bring him back in your arms, today I have
fulfilled my promises. Stand up Nathan my beloved friend here on
earth and in heaven, let's go. Come and meet your son I am here
with him," ndakadaro misodzi ichierera.
"Joel you are not serious! Where is he?" Nathan akadaro
achisimuka paaiva akagara. Mukuwe akabva asimukawo.
Ndakabata Nathan ruoko ndichienda naye panze kumota.
"Here is your son Nathan. This is Teurai, your late wife's
young sister. She is the one who was taking care of Theo your son.
Mainini Teu meet Nathan Theo's father. Come, let's get inside,"
ndakadaro pandakavhura door remota. Nathan chaakatanga
kuita kusimudza mwana wake achibva apfugama pasi
akamubata.
"I welcome you my joy! I welcome you my beloved son. I can feel
that this is my son-my blood. Thank you Jesus you have answered
my prayers. As for you Joel I don't know how to thank you. God
will reward you but I will do so before him. I know you will deny
my offer but I know what I am going to do," Nathan akadaro
neinzwi rainzwisa tsitsi.
"Stand up Nathan. Let's get inside. Mukuwe huya
timusimudze. Mainini Teu pindai mumba. Feel at home,"
ndakadaro tichibva tabatsirana kusimudza Nathan
naMukuwe tichibva tapinda mumba. Inini panguva iyoyo I
was very tired. Ndaiva ndisina kumbozorora since morning.
That day I spent it behind the steering. I was just tired.

"Mainini I know we have never met before. I want to thank


you for taking care of my son. May God himself bless you
abundantly. You are a loving mom to my son. I thank you,"
Nathan akadaro akangobata mwana wake achimuyeva.

108
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"You are welcome. I have a message for you bamukuru from


your late wife who was my sister," Teu akadaro.
"I am listening," Nathan akapindura.
"She wrote me a letter telling me to tell you that she loves you
even after life. She wrote that letter just before committing suicide,"
Teu akatsanangura.
"I know, I know we loved each other but your parents were
heartless and took her out of my arms. God will judge them,"
Nathan akadaro achipukuta misodzi yake.
"And they are no more," akadaro Teu.
"What?" Nathan akadaro achivhunduka.
"Yes they are no more. They died in an accident a year after
Yolanda's death," Teu akatsanangura.
"Oh my God!" Nathan akadaro.
"And that was Yolanda's wish. Read her suicide note," Teu
akadaro achitambidza Nathan envelope iya. Ndakaona Nathan
ava kumboisa mwana pasofa achitambira tsamba iya. Isu
takaramba takangomuyeva. Akavhura akatanga kuverenga.
Ndakaona misodzi yake ichidonhera patsamba iya
achiverenga. Akapedza achibva aikandira pamakumbo pangu.
Ndakatanga kuiverenga.

HAMA DZANGU.

Ini Yolanda Machiridza ndaona zvakakodzera kuzorodza


mweya wangu nekuda kwehumbimbindoga hwevabereki
vangu vakambunyikidza mwoyo wangu only because they
are greedy. I found no reason to live in this unfair world.
Vakandibvisa pamunhu wandaida nhasi ndazvara mwana
ndava kutendekwa ndichinzi mvana yepa Machiridza oh no, I
can't. As for my parents, I think you are happy now but I
know my God will judge you accordingly.
YOLANDA my sister sara uchengete mwana wangu.
Paari ndipo pauri. See him as your own son. I trust you my
sister. Take care of Theo. If by any chance you see Nathan

109
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

tell him that I still love him even in death. Tell him that I
appreciate everything.
NATHAN I love you my beloved husband. Don't be
offended by my death I know you were very innocent. You
loved me from the bottom of your heart but my parents took
me out of your arms. God will bless you honey. Take care of
yourself till we meet again. Take care of your son Nathan.
Make sure pana Theo ndipo pauri my love. Feel free to
marry another woman but don't forget our son. I love you
Nathan. I know you are a man.
Sarai munyasha hama dzangu.
I AM GONE!!

Ndakapedza kuverenga tsamba iya misodzi yangu


ikaerera, ndakatarisa Nathan ndikaona misodzi ichibuda.
Ndakada kudzosera Nathan tsamba achibva andipa sign
yekuti ndipewo Mukuwe. Ndakaona Mukuwe achiverengawo
tsamba iya ndikaona tumisodzi. Ndakaona Nathan ava
kusimuka achienda kunopfugama pamberi paTeu.
Ndakaramba ndakamutarisa ndichida kuona zvaaiita.
"Teurai, I thank you. I thank you for everything but I
have a request," akadaro Nathan.
"Yes you may go ahead," Teu akadaro.
"I want you to stay here with me, taking good care of my
son Theo. Please I beg you. Let's fulfill the will of your sister.
She said you must be with him wherever you are and she told
me the same, so Teurai, honour your sister's will by staying
with me together with him here. Will you?" Nathan akadaro
akatarisa Teu mumaziso chaimo. Chandakaona ini Yolanda
aiva asiya achatisa vaviri ava because by saying kuna Teu
pana Theo ndipo pauri otizve kuna Nathan pana Theo ndipo
paunofanira kuva zvaireva kuti obvious vaviri ava aida kuti
vazogara pamwe chete. Ini mumwoyo wangu ndaizvishuvira.
"Yes, of course ndinogona kuda handigoni kuramba
zvakataurwa nasisi vangu but kubasa manje ndinozodii?"
Teurai akadaro.

110
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"How much were you getting per month as your salary?"


Nathan akadaro.
"I was getting $250.00," Teu akapindura.
"I will pay you $500,00 every month. Will you stay with
me?" Nathan akadaro.
"I am out of words. I will stay but allow me
kumbodzokera ndinoonekana nevandaisevenzera mune
zvakanaka," akadaro Teu. Hana yangu yakazara nemufaro
paakabvuma.
"No problem I will go with you pandiri kuenda
kumusha," Nathan akadaro achibva asimuka pana Teu
achibva azopfugama pamberi pangu.
"Joel I thank you. You are a true friend. I have no doubt
because today you have proved that to me. What do you
want me to do for you? Ask me for anything?" Nathan
akadaro akanditarisa.
"I want two things. The first thing is I want your smile
always no more tears Nathan. The other thing is marry
Teurai. Let her be your wife. Will you do that for me?"
ndakadaro.
"Yes I will do but Joel I am sorry I am going to do
something which might be bad to you but I have no option.
Forgive me in advance because I am going to do it," Nathan
akadaro asi hana yangu yakarova ipapo. Ndakazvishingisa
ndikati, "As long as you are smiling I have no problem with
that," ndakadaro.
"Okay," akadaro Nathan achibva asimuka.
"Tomorrow no one is going to work. We will all be here
welcoming my son back home okay," Nathan akadaro.
Neniwo mangwana acho ndaisada kuenda kubasa. I was very
tired.
"Kkkk ini ndagara ndanga ndisingatodiwo kuenda kubasa
kwacho," ndakadaro tava kuseka zvedu.
"Kkkk ini ndini wamauraya. Kwangu kwandinakidza ini
nhasi. Ko kwasiyanaka nekumombe," Mukuwe akadaro
tichibva tati bvuu kuseka tese.

111
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"Guys regai ndigeze ndimbozorora. Mainini sarai


mukurukure nevarume venyu mozoratidzwa room yenyu ini
ndava kuzorora," ndakadaro ndava kubuda.
"Okay good night," vakadaro ndichibva ndabuda.
Ndinofunga ndipo pandakasara ndichirongerwa dhende
manheru emusi uyu.

112
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

CHAPTER 18
Handina kuzoona nguva dzavakavata nekuti ini
ndakangozobva kunogeza kwava kunanga kunozorora.
Mangwana acho takamuka zvedu tichifara. Teu akabva
atomuka ava kutsvaira tsvaira mumba nekugezesa mwana.
Nathan aiva asingachadi kusiya mwana wake pasi.
Takambobuda zvedu panze nana Nathan tichibva taenda
kulawn tichiitira kuti Teu anyatsotsvaira mumba zvakanaka.
"This is the happiest day of my life," Nathan akadaro
akasimudza Theo.
"I will organise a big party for this," akadaro.
"Yaa itai isu vekunwa tigonwa zvedu tichifarira Nathan
Junior uyu," Mukuwe akadaro. Panguva iyi foni yaNathan
yakabva yarira. Mabviro aakaita pataiva akaratidza kuti aiva
asingadi kuti tinzwe zvaaitaura. Akangotarisa Mukuwe
achibva anyemwerera kwava kufamba achibva. Ndakavhura
nzeve kuti ndinzwe zvaaitaura.
"Hallo....yah mondiitiraka plan yacho nebuilding material
inodiwa ndinyorerei.....I need a construction company iri fast
because I want that job to be completed in less than a week.....yah
it's out of Harare.....okay I will call masikati acho......yah
everything kubva kuzvidhinha zvinobva kuno kuHarare
ndinotsvaga matrucks anotakura......okay kahwani," handina
kunzwisisa zvaitaurwa naNathan. Ndakafunga kuti asi aiva
atenga imwe stand yeshop yaaida kuti ivakwe kumusha kani.
Ko kana zvaiva izvo aitadza kundiudzawo here? Handina
kuzozviisa mumusoro. Paakadzoka achisvika patiri foni
yakarirazve.
"Hallo....yah nguva dzandataura ndidzodzo.....check your
whatsaap ndigokuudza zvakakwana.....deal," this time Nathan
akadavirira pataiva. Handina kuda kuzviisa mumusoro.
"Joel vari sei mainini Brenda? Mukuwe told me everything
about her and how you feel," Nathan akadaro.

113
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"I love her and she is my happiness. I want her to be part of my


life," ndakadaro.
"Then if she is your happiness, I am on a mission to make you
happy as well," Nathan akadaro. Handina kunzwisisa
zvaaireva. Ndakangoti, "Thank you bro."
"Nathan ndine journey tomorrow morning ndoda
kuzoperekedza Teu kwaGutu kuti anoclear naemployer wake.
So I am asking for a favour," Nathan akadaro.
"Yes," ndakadaro.
"I want you to go to Total Service Station yepana second
necoupon iri wonondiisirawo fuel muBMW. Be there at 11
o'clock so tikangopedza kudya breakfast woenda. Unoenda
naTheo wozodzoka nepaChicken inn uchimutsvagira
machips," Nathan akadaro.
"It's okay. Mukuwe toendaka tose?" ndakadaro.
"No Mukuwe haaindi. Ndati unoenda naTheo. Mukuwe
ndosarawo ndichiita naye nyaya pano," Nathan akadaro.
"Okay fine then," ndakapindura.

10:30 tichingopedza kunwa tea ndakatora mwana ndava


kumuisa mumota ndava kubuda. Ndakapuwa coupon re40
litres ndichibva ndaisa muhomwe. Ko ndaizivei kuti ndizvo
zvaizoitika. Ndakabva pamba ndichirezva zvangu Theo tiri
mimota tichienda kutown. Ndakananga paTotal ndichibva
ndamira paque yekunwa fuel. Chakandinetsa pandakatarisa
fuel gauge ndakaona yakapfuura half tank. Ndakati zvimwe
Nathan aiva asina kumbozvitarisa kuti fuel yainge ichirimo.
Ndakangoti chiregai ndizadzise. Mota yangu ndiyo yaiva
kumashure. Pandakati regai nditore foni yangu nditarise
zvangu mamessage ndakabva ndanzwa madoor ekumashure
achivhurwa nguva imwe chete. Ndakasimudza musoro
ndichiti nditarise kuti aiva ani. Oh my God, two armed men
were seating behind me pointing their pistols at me.
"Shhhhhhhhh reverse the car and drive off from here. Fast!!"
ndaiva ndisati ndakambotendekerwa pfuti hupenyu hwangu
hwose. Ndakaita sendichazvipazhira. Imagine uchinzwa barrel

114
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

repistol richitonhorera rakakubaya pahuro. Ignition


ndakaitsvanzvadzira ndikaishaiwa.
"Give me that phone and drive. Fast!" mumwe murume
akadaro.
"Heyy my friend drive fast. Dare us and try to play fowl with
us," mumwe wacho akadaro. Ndakatora foni ndikavatambidza
ndichibva ndamutsa mota.
"Turn right," akadaro mukuru wacho. Ndakatena muviri
wangu wese uchingobvunda.

Takadzira nasecond kwava kupfuura nepaEastgate. We


crossed Robert Mugabe tichibva tasvika paNational Railways
of Zimbabwe and we turned right into Kenneth Kaunda. We
passed Harare Central Police Station. Patakasvika apa
ndakambofunga kuti regai ndiroverese mota maune obvious
panoitika accident mapurisa aibva adzika mudenga muya fast.
Imwe pfungwa yakandirambira ndikati no ko Nathan
aizozvinzwisisa here or ndaigona kudaro vondipfura
vopfurazve mwana oh my God! Takapfuura paCharge office
and we turned left into Seke road tichipinda nemufly over.
Takaramba tiri straight naSeke road setaiva toenda
kuChitungwiza. We passed Coca-cola kwava kupfuura St
Martins. Takasvika paOld SPCA paya pane Nongerai
Hardware Complex tichibva tasvika pamarobots epaProspect
paTruworth.
"Turn right," akadaro mumwe wacho ndichibva ndaisa
right indicator. Robot raiva rakatsvuka. Richiti green ndakatena
setaiva toenda kuSunningdale 3. Tichingoti fambe pane
kabridge karipo pakaita kasango pasina kana dzimba. Just after
bridge iroro pane kaleft turn kanoyambuka nemuzibani
kachizonopinda muWaterfalls. Ipapo ndakanzi turn left.
Tichingoti fambe tava pakati pebani riya ndakabva ndanzwa,
"Stop!" Ndichibva ndamira ndakasimudza maoko. Theo
kaingotarisa kaizivei zvako.
"Get out of the car!" apa ndakafunga kuti zvimwe vaida
havo kutora mota chete voenda. Ndaiti kunzi buda uku

115
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

kwaiva kunzi ndichienda hangu. Ndakati regai ndisimudze


mwana ndibude naye.
"Leave him!" akadaro mudoko wacho. Ndakamusiya pasi
fast.
"Please don't harm the kid. I beg you in the name of Jesus.
Better kill me than the kid please my dear brothers," I pleaded with
them but to no avail. Ndakabuda.
"Come and sit back here, J.B tie his face and drive," mukuru
wacho akadaro ndikaona uya ainzi J.B ava kubuditsa jira
dema achibva andisunga kumeso nemaoko pandakanogara
paseat rekumashure. Ndakangonzonzwa mota yava kufamba
kuti takafamba sei handina kuziva but one hour yakakwana
mota ichingofamba. Payaitena ndaitonzwa kuti apa yatena.
Ndakabvunza Mwari kuti ko nhai baba vangu muripi? Ndiwo
here mukombe wavaiva vakandigadzirira? Kana zvirizvo
ndakati mukombe wacho dai wapfuura. Ndakachema asi
handina kugona kupukuta misodzi, ndakachema ndikataura
mashoko ari pana Psalms 62;

"Psalms 62
1 Truly my soul silently, waits for God; from Him comes my
salvation.
2 He only is my rock and my salvation; He is my defense; I
shall not be greatly moved.
3 How long will you attack a man?
You shall be slain, all of you, like a leaning wall and a
tottering fence."

Ndakataura mashoko aya ndichichema zvekuti ivo


vakatozvinzwa nekuti ndaisataurira mumwoyo.
"Heyy shut up. We don't need your God here," mukuru wacho
akadaro achindibata pahuro. Mota yakaramba ichifamba
ndikazonzwa yamira. Ndakanzwa kuvhurwa kwegedhe riya
remavhiri ndikanzwa mota yava kupinda. Ndakasvika
ndichibva ndaburutswa kwava kubatwa ruoko.

116
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"J.B go and behead the kid fast. I am taking him inside."


What? I almost collapsed pandakanzwa izvi.
"Please my brothers don't do that to him," ndakadaro
pandakanzwa mafootsteps aJ.B achifamba achienda nemwana.
"Shut up! We are not your brothers we don't know you.
Move!" akadaro ndichibva ndadhonzerwa mukati. Hameno
matakapinda hapana chandaiona ndaingova murima.

117
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

CHAPTER 19
Takatanga kupinda nemune imwe room mandakanzwa
mune radio yairirira pasi pasi. Ndakanzwa tava kupfuurira
kuenda kune imwe room.
"Sit down," akadaro ndikanzwa ndagariswa pamubhedha.
Ndakanzwa ava kufona.
"Hallo Boss.....Yaa it's done and I am with him right
now.....okay ari kuuya naye just now......okay boss will do that
right away," akadaro achitaura pafoni yake. Ndakaona ava
kundisunungura kumeso nemaoko. I was in a nice room. Yaiva
ine zvese TV plasma, DSTV, firiji, nice bed, carpet, fan, wardrobe
and everything. Ndakaramba ndakatarisa ndichiyeva mumba
muya.
"Come," akandidaro ndichibva ndasimuka achibva
anondivhurira rimwe door raivamo tichibva tapinda.
"This is your toilet and bathroom," akadaro achinditaridza
insuit yaivamo. It was nice mune tub and new towel raitova
muplastic, bath soap and everything.
"But why are you doing this to me?" ndakabvunza.
"Shut up! This is your wardrobe," akadaro achindivhurira
wardrobe yaiva nehembe new one dzega dzandaikwana. Zvese
zvaiitika zvakandinetsa kuti zvairevei.
"If you want some refreshments you open that refrigerator,"
akadaro achinditendekera firiji yaivamo. I opened it, everything
was there maMinute Maid, bottled water and some fruits. I closed
it. Ndakatarisa patable yaivamo ndikabva ndaona pane
landline yaivapo. Ndakaiyeva ndava kufunga zvandaifunga.
"Hello, relax my friend we disconnected it already. Relax,
relax you will stay in this room until time is up. As for meals you
will be saved from time to time. Anything you want you press that
button understood?" murume uya akadaro.
"Okay," ndakadaro ndichizviwisira pamubhedha. Zvese
zvaiva zvakanaka asi ndaiti ndikafunga mwana waNathan
mudumbu mangu maimonya. Ndaizomuti kudii? Plus munhu

118
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

chero ukawana zvakanaka zvese usina freedom hapana


chinokunakira pakurarama. Murume uya achirimo pakabva
papinda mumwe musikana aiva akabata tray yaiva nechikafu.
"Enjoy your lunch. When done you press that button,"
murume uya akadaro vachibva vabuda nemusikana uya
kwava kukiya door. Handina kudya ndakangonwa mvura
ndichibva ndanobaya button riya. Musikana uya akadzoka
achibva apinda achisekerera.
"Ko hamuna kudya wani. Please eat everything will be
alright," akadaro.
"Please my sister help me to get out of here," ndakadaro.
Haana kupindura akangoseka achibva asimudza tray yake
kwava kubuda achikiya door.

Paakabuda ndakabva ndamhanyira pafoni iya


ndakaisimudza ndichifunga kuti zvimwe Mwari vaiva vaita
munana. It was disconnected. Ndakapera simba. Ndakanorara
pamubhedha ndichiedza kufunga zvandaifunga. Ndakatarisa
nguva pawatch yaiva kumadziro, dzaiva 15:07. Ndakaramba
ndakavata. 19:00 exactly ndakanzwa door rava kuvhurwa,
musikana uya akapinda netray iya yaiva nesupper.
"Enjoy your supper," akadaro achibva andibatidzira TV
kwava kubuda. Yaiva yakaiswa kuYadah TV yePHD
Ministries. Ndaiva ndava nenzara. Ndakadya sadza riya
ndichiona TV. Ndapedza ndakabaya button riya achibva
adzoka.
"Don't worry everything is going to be alright," akangodaro
achibva asimudza tray yake kwava kubuda. Manheru acho
handina kurara asi paripo pandakazongobiwa nehope
zvishoma ndichibva ndatanga kurota Nathan.

Ndakaona ndiri mugomba randaitadza kubuda. Panguva


iyi ndakabva ndaona Nathan achipfuura nepagomba riya.
Ndakaedza kumudana kuti andibatsirewo asi haana kumira
akangonditarisa achibva aseka kunge zvinhu zvaiva zvisina
basa. Ndakapepuka hope idzi dzikandinetsa.

119
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

Ndakazovhunduka door rava kuvhurwa. Murume uya


akapinda akabata zvimabhuku.
"We forgot to tell you, when you want some fresh air and
sunshine you open that door it's not locked. As for entertainment
here are some interesting novels to read," akadaro achikanda
manovels aya pamubhedha pangu. Ndakasimuka ndava
kuenda kudoor riya raiva rakavharwa necurtain ndichibva
ndavhura. Ndakaona richindibuditsa panze paverondor paiva
nemacheya asi verondor racho raiva rakaiswa masimbi aya
nedoor raiva rakakiiwa. Kumberi kwacho kwaiva nelawn
yaiyevedza nezi durawal raiva rakabereba zvekuti hapana
chawaiona. Raingoti paraiperera waibva watoona makore.
Ndakasimuka ndava kudzokera mumba ndikawana murume
uya abuda. Ndakapinda mubath ndichibva ndageza kwava
kuchinja hembe. Dzaindikwana kunge munhu aiva atenga
aiva atenga ndiripo. Ndakadzoka ndava kuvhura maNovel
aya. Aiva four, paiva pane rakanzi NDIKO HERE KUDA
KWENYU MWARI, ZVIREME SEI NDICHARAMBA
NDICHINAMATA, MY RETURN and AFRICAN
DETECTIVE raiva rakanyorwa naBelieve Ndoro.
Ndakatanga kuverenga raiva rakanzi NDIKO HERE KUDA
KWENYU MWARI? It was interesting and ndakadzidza
kuvimba naMwari mubhuku iroro. Mazuva akapindana
ndichingogara muroom muya. Musikana uya aingouya
nechikafu and pese paaiuya aingoti, "Don't worry everything is
going to be okay."

I kept on wondering, who were these people? What did they


wanted from me? Why, why, why? Ko Nathan aiti ndiri kupi
nemwana wake? Ndakatanga ndicharwadziwa asi
ndakazopedzisira ndajaira ndava kutongoona sendaiva
kumba. Asi ndaizoti ndikafunga Theo misodzi yangu
yaibuda. Ndakafunga mai vangu kumusha, ndiani aivatarira?
Ndiani aivatumira chekudya? Ndairwadziwa mupfungwa.
Ndaiverenga mazuva, dzakaita dzinenge two weeks ndirimo.

120
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

Musikana uya ndiye aiva ava kungodzoka varume vaya


ndaingonzwa mavoice apo neapo vari muroom yekutanga iya.

**********

Pakazoti papera mazuva, mumwe musi ari mangwanani


kuma nine Ndakanzwa ruzha rwemota dzaipinda pamba paya.
Kutinhira kwadzo dzairatidza kuti dzaipfuura nhatu.
Ndakaramba ndakateerera ndiri mumba. Papera nguva
ndakanzwa door rava kuvhurwa. Murume uya akapinda.
"Bath yourself and dress up well. You wear these clothes.
Fast!" akadaro ndichibva ndasimuka nekukasira ndichipinda
mubathroom. Ndakageza kwava kuchinja ndichibva ndabaya
button riya. Murume uya akadzoka.
"Now follow me Sir? How was your stay?" ndakashamisika
nerespect yaakandipa panguva iyi achisekerera paaibuda neni.
"Fine," ndakadavira ndichimutevera. Takapfuura
nemulaunch tichibva tananga kudoor raibuda panze.
Zvandakaona mumaziso angu zvakandishamisa.

"Happy birthday to you!


Happy birthday to you!
Happy birthday to you Joel!
Happy birthday to you!"

Ndakashamisika ndikapotsa ndadonhera pasi. Vanhu


vandakaona vaiimba vakazara panze vakandishamisa. Vaiva
vakawanda vamwe vacho handina kuvaziva asi varipo
vandakaziva. Nathan was among them holding his son with some
papers in his right hand. I looked around and I saw my mother, my
real mother and she was dressed in an expensive lime green African
attire. Ndakaramba ndichitarisa oh my God I saw some of
Natchop employees including Nancy nana Mr Moyo. Mukuwe
was among them achiseka zvake. Teurai was also there but to my
surprise she was wearing some clothes which were matching with
Nathan's clothes. Both of them were clapping their hands singing,

121
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

"Happy birthday to you Joel!" Something I never imagined of


neither did I ever dreamt of me celebrating my own birthday. I
remember pamwe pacho raitopfuura wozozviyeuka ratopfuura
kuti ah kuswera zuro raiva birthday rangu.

Ndakaramba ndakamira ndakatarisana nevanhu vaiva


pamberi pangu vaifara vachiimba. Ndakaona Nathan ava
kutambidza Teurai mwana achibva afamba achiuya kwandiri.
Vanhu vakanyarara kuimba. Nathan akasvika achibva
andimbundikira achibva atanga kuchema. Ndakatanga
kubudawo misodzi.
"I am sorry for detaining you for such a long time. It was me
who was behind that deal to kidnap you. I wanted to pave way for
all the surprises which I will show you today. I am sorry Joel. You
are a true friend," akadaro achichema.
"Apology accepted," ndakadaro.

"Now everyone listen. I have some surprises for my friend. The


first surprise for him is that this house we are all looking at, I have
bought it and everything in it for my friend Joel as his birthday
present," ndakanzwa muviri wangu kurukutika. So for all that
long I was staying in my own house? Vanhu vaivapo vakatanga
kuita noise vachiombera vachipururudza. Mai vangu
ndakaona vava kufamba vachiuya kwandaiva vachierera
misodzi yemufaro vachibva vandimbundikira.
"Not only that. This house is not for him alone. I have another
surprise for him. That blue Toyota Hilux D4D with ribbons is for
you Joel, I bought it for you as a way of appreciating you for being
a good friend to me," Nathan akadaro. Ndaiva ndangopusa
nekupererwa. Ndakada kufamba kuenda kumota iya.
"Stop!" Nathan akadaro ndichibva ndamira.
"Thank you very much Nathan. You said this house belongs to
me and who?" ndakabvunza.
"Wait, inside that new car which I bought for you, there is
another surprise for you. Mukuwe go and open for him so that he
may see," Nathan akadaro Mukuwe achibva amhanya mberi

122
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

ndichibva ndatevera. Ndakanovhura mota and I failed to


believe what I saw. At the front passenger's seat there was my
angel. Brenda was sitting wearing expensive clothes which were
matching with the ones I was wearing. You could not believe kuti
ndiye Brenda weairtime paRoy.
"I love you Joel and I am here for you," akadaro
pandakapinza musoro mumota.
"I love you too babie," ndakadaro.
"And I am happy for you my children," ndakanzwa rimwe
inzwi rakataura richibva kuseat rekumashure. I turned my head
and I was shocked, I saw Brenda's mother. She was sitting in that
car paseat repamashure.
"Joel!" ndakanzwa Nathan ava kundidana ari mugotsi
mangu.
"We went to your wife's rural home naMukuwe and I paid
everything for lobola on behalf of you. I knew she is your happiness
so I want you to be happy always. This house is for both of you.
Live together happily as husbund and wife," Nathan akadaro.
Hama dzangu ndakapererwa.
"Joel l want to talk to you pasina vanhu. Come," Nathan
akadaro ndichibva ndatevera. Ndaida kunzwa zvaaida
kutaura.

123
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

CHAPTER 20
"I have good news for you," Nathan akadaro tava pedu
tega. Ava vamwe vanhu vaiva vava kutofara zvavo
vachitenderera vachiona imba yandaiva ndatengerwa
muHighlands.
"What is it my friend," ndakadaro.
"Teu agreed to marry me," Nathan akadaro.
"Waaal that's wonderful. You are now a new man,"
ndakadaro.
"Another thing I have a surprise for your mom. But this one
handidi kuti vanhu vazive kuti ndini ndakazviita even
Mukuwe haazvizivi. Izvi toda kuti uite surprise iwewe kuna
mhamha vako. I brought her here two weeks ago ndikavanyepera
kuti wakaenda kuSouth Africa on a business trip. I took
advantage of her absence at home and I hired a construction
company yakanogadzira kumusha. Zvizhinji uchanoona
tasvika. Iwewe unongoti ndiwe wakaitisa. I want you to have
blessings from her. Izvi tisu tiri two tiri kuzviziva okay?"
Nathan akadaro.
"I don't know how to thank you. So when are we going home?"
ndakadaro.
"Like now. You will be driving your new car nana mhamha
imomo and your wife. I will use Navara naTeu. Mukuwe is now
a driver he just passed kuVID and now ava kufamba neHonda
Fit yake achigara kuChitungwiza. So achange ainana Nancy
imomo tichienda kumusha. Then madam vako vanenge
vachichibva vanoonawo pamusha," akadaro Nathan.
"So we are going now?" ndakabvunza.
"Of course yes. Mukuwe mutsai mota handei. Udza vanhu
kuti tava kusimuka," Nathan akadaro achienda kuNavara
achibva anditambidza makey emota new one. Pandakaverenga
ndipo pandakaona kuti it's number plates were personalised.
Ndakaitarisa ndikaona yakanzi JOEL 01. I was happy. Mai
vakabva vauya vakagara nemumwe wavo kumashure

124
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

ndichibva ndamutsa mota tava kudungamidzana kuenda


kumusha. It was just good.

16:00 taisvika paChatikobo tava chinhambo kubva pamba


ndakaona chishamiso. Musha waiva wavakiswa naNathan
waityisa. Waiona uchiri kure because it was painted in cream
with red roof. Dzimba dzamai hadzina kuputswa akangovaka
paside.
"Hezvo ndiri kurota here?" mai vakadaro patakasvika.
"You are not dreaming," ndakadaro tichidzika mumota.
Vanhu vese vaiva vamira mira vakateerera. Ndakabva ndati,
"Today is a day of surprises. My friend Nathan surprised me and I
am here to surprise my mother as well. Mhai muroora wenyu uyu
and this is your new house I built for you when you were thinking
that I was in South Africa on a business trip. Destroy all these old
houses and move into your new house," ndakadaro vanhu
vakaridza mhururu nemuridzo. Takapinda mumba maiva
mune zvese, masofa, mibhedha mumabedroom ese. It was nice.
Rakava zuva rekupemberera hushamwari hwangu naNathan.
Pakaitwa mabiko manheru iwayo vamwe vemuraini
vakazouyawo. Takazodzokera kuHarare ini ndaiva ndava
kugara kuHighlands naBrenda as husband and wife,
ndakazomuendesa kuchikoro and she graduated and she is now
working for Old Mutual. Nathan got married to Teurai and they
lived a happy life. Mukuwe got married to Nancy some months
later and we lived a happy life as friends ever. Shorai's husband
Parehwa worked hard and proved to be a loving and responsible
husband to my sister. Some months later he came back home and
paid lobola for my sister and everyone was happy.

One day when we were sitting in Nathan's office Nathan said


to me, "Joel I thank you for giving me life. You are a good giver."
"As for you you Nathan I am out of words, you have gifted me
with a lot of things from day one, you know what? A gift speaks
volumes of a person's personality, generosity and creativity. Your
gifts suggests that you have a cool personality, you are a way too

125
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

genourous and you are creative at heart. I really appreciate.


Nathan I am here to congratulate you because you have been
awarded the title of the King in the art of gifting and I am pleased
to be the recipient of your abilities. I thank you Nathan. God bless
you," ndakadaro ndakamumbundikira.
"I am humbled. God bless you too," Nathan akadaro.

THE END.

126
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

OTHER INTERESTING BOOKS BY DR TM


TO READ.

MY RETURN

She came back from school only to find her beloved


mother's lifeless body in her bedroom. Who did that to her?
Who murdered her mother? Did she committed suicide? If so
why? Laiza a 16 year old girl had to embark on a mission to
find out what happened to her mother. Was it going to be an
easy mission?
"Find her!! Find her!!" Laiza's mother continued
appearing to her in her dreams saying these words. Find her
who? The murderer or her guardian angel? Did she
succeeded in her mission?
Let's find answers to all these questions in this
interesting book titled MY RETURN.

**********************************************
*****************************
ZVIREME SEI NDICHARAMBA
NDICHINAMATA

The author explores the deep cutting conflicts within the


Chirawu family stemming up from the differences in beliefs.
One sector believes in Christ while the other accepts African
Traditional Religion. Other external elements came into play
as a hardworking young man Prince and his family sees their
lives vastly blessed and doing well in developing themselves
while his brother Mukoma Benny was struggling because of
failing to accept Christ. The story unfolds with a built up of

127
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

other issues but Christ is the victor as the family finally


unites under him and peace and tranquility began to reign.
**********************************************
*****************************
SHUVIRO YANGU (VOLUME 1)

If anyone wanted to explain about poverty, he was a


good example. If anyone wanted to explain about suffering
Joel was a very good example. Since he completed his 'A'
level studies he remained in his rural home in Gutu while his
colleagues went to different towns in search of greener
pastures. One of them was his best friend Nathan who went
and made it very well and all of a sudden he showed up in
Joel's rural home driving an expensive car promising to take
Joel with him to the city for a better living.
Later on Joel started to have many unanswered questions
in his mind after he noticed that his friend was very rich.
Were all his riches God given? Was he taking him just to
show him love as a good Samaritan or he wanted to use him
for rituals? The other question which troubled Joel was that
his friend Nathan always predicted about his death. Why?
Was he going to die because he sacrificed his own life
because of riches? Will he know peace in his life? As the
story unfolds, Joel got no rest until he used his intelligence
to get answers to all those questions and the truth prevailed.

NDIKO HERE KUDA KWENYU MWARI?

After being coincidentally linked to and being the chief


suspect in a murder case of his fiance,Joe a Senior Police
Officer in the Police escapes from Police custody in order to
find the murderer who killed Lisa.While he digs up evidence
to exonerate himself,he faces the most lethal mafia and this

128
DR T.M (MORGAN TATENDA ZVENYIKA - +263735 879 183)

led to the death of his only brother Andrew.He is now


hunted from two sides,by the police and the mafia. Will he
survive the situation without co-opting the Police to help
him?The same police force want him for escaping lawful
custody. For Joe,only God is the answer.
**********************************************
*****************************
THESE BOOKS ARE NOW AVAILABLE ON SOFT
COPIES FOR ONLY $2 AND YOU CAN BUY USING
ECOCASH

HOW TO BUY

1) Send your payment to 0779570880


2) Send tittle ye book ramuri kuda, email yenyu kana musina
rinouya paWhatsaap no problem and proof of payment(transaction
message) to Dr TM's Whatsaap number on +263735879183.
3) Book rinouya ipapo ipapo rese from Chapter 1 to the end
riri paPDF Form then you enjoy.

GOD BLESS YOU!!

129

Вам также может понравиться