Вы находитесь на странице: 1из 96

Pass Your

Grade 7
Shona

UnvcinzYi paEvunze

Elvis Matangaidze
' *,*1.,*'B A (English and Communication Studies)
•'Diploma in Classroom Text and Discourse
• Advanced Diploma in Supervision
• Ceitificatc in Education

and .
■' * ^ h'*®5S&P
Charles Gwelo
• Bachelor of Technology
• Certificate in Education

PRIORITY PROJECTS PUBLISHING

PPP
P rii >rity Projects Consultancy ( P w iL t d
TAPRIORITY PROJECTS PUBLISHING
Suite 9, llig h lie ld Junction C o m p le x , Southerton
P ( ) Box K op je. H arare
T e le /l-‘a \: 2 fi3 -4 -7 7 5 % X /7 X I hW
C e ll: 01 I W)4 W b () y |2 313 f»S2 01 1 7lf> % l

W ebsite: w w w .p pp .co ./.w h -m a il: sales(.‘<ppp.co./.w

'u P rio rily Projects Publishing 200H

I'-irst published 200S by Priority Projects Publishing

Reprinted 20()y

IS B N : l)7X 0 7 l)7 4 3(>11 4

E D IT O R : Zabron M . M p o nd a

L A Y O U T A N D D b S IC .N : Z en/.ele Ncube

COVER D b S IC .N : Z e n /e lc N cube

P R IN T IN G : South A fric a

A ll rights reserved. Reproduction o f this publication in pari or lu ll is strictly prohibited.


N o m echanical or electrical recording/transm ission in any form or by any means,
photocopying or otherw ise, w ithout the p rio r consent and permission o f the copyright
ow n er in w ritin g .

The p u b lish er uses ree\ c lahle p a p e r

Acknowledgements
The Publishers are grateful to the following for permission to use copyright material.

1. Zimbabwe School Examinations Council (ZIMSEC), for using examination instructions


.in all the papers.

2. College Press, for extracts from Nhoroondo dzeChiShona naVa J.D. Hungwe.
ZVIRI MUKATI
Musoro Peii

CHIKWATA 1
Pepa 1 Mirayiro......................................... 5
Chikamu 1 ........................ ..................................................... 6
Chikamu 2 ..............................................................................11
Chikamu 3 .................. :.......................................................... 15
Chikamu 4 ..............................................................................20
Chikamu 5 ....................... ...................................................... 24
Chikamu 6 ..............................................................................28
Chikamu 7 ..............................................................................31
Chikamu 8 ..............................................................................34
Chikamu 9 ..............................................................................36
Chikamu 10 ..............................................................................38

CHIKWATA 2
Pepa 2 Mirayiro.........................................44
Chikamu 1 ..............................................................................45
Chikamu 2 ..............................................................................46
Chikamu 3 ..............................................................................47
Chikamu 4 ..............................................................................48
Chikamu 5 ..............................................................................49
Chikamu 6 ..............................................................................50
Chikamu 7 ..............................................................................51
Chikamu 8 ............................................................................. 53
Chikamu 9 ................................................. ............................54
Chikamu 10 .......................................................... ...................55

CHIKWATA 3
Mienzaniso yeTsamba neyeRondedzero.........58
Tsamba yeBasa...........................................................................58
Rondedzero yekutaura nyaya......................................................59
Bvunzo 1 ....... ..................................................................... 60
Bvunzo 2 .............................................................................64

CHIKWATA 4
Zvimwe Zvinobatsira paBvunzo...................... 67
Tsumo .............................................................................68
Madimikira .............................................................................78
Nyaudzosingwi............................................................................86
Ukama .............................................................................90
Mazwi anoreva zvakafanana...................................................... 92
MASHANDISIRWO EBHUKU RINO

Pass Your Grade 7 Shona ibhuku rinobatsira vana kugadzirira Bvunzo dzavo dzeZIMSEC.
Ibhuku rinobata zvizhinji zvinodiwa kuti mwana weGrade 7 agone kubudirira paBvunzo
dzake dzeChiShona pachinhanho ichochi.

Zvidzidzo zvirimo zvakanyorwa zvakafanana nemamiriro akaita Pepa reBvunzo yeZIMSEC


kuitira kuti anorishandisa asarasika pane zvinodiwa neveZIMSEC. Zvidzidzo izvi zvinogona
kuitwa muri mhuri yese kumba muchibatsira mwana, kana kuitwa nemwana wacho ari ega
zvake pasina vabatsiri nekuti bhuku iri rine “kamwana karo” kane mhinduro kune mibvunzo
irimo kanonzi Pass Your Grade 7 Shona Answer Book. Kana mwana aita ega, ngaape
mudzidzisi kana mubatsiri wake amukwenyere basa raaita.

Zvidzidzo zvemuChikwata 1 zvakamirira Paper 1 reBvunzo chaiyo. ZvemuChikwata


2 zvakamirirawo Paper 2 reBvunzo chaiyo. Saka mwana anogona kutora Chikamu 1
cheChikwata 1, ozotorazve Chikamu 1 cheChikwata 2. Izvi zvinoreva kuti anenge atoita
Paper 1 nePaper2dzeBvunzo sezvazvakaita paBvunzo chaiyo.

Chikwata 3 chine mienzaniso yemanyorerwo etsamba nerondedzero. Chikwata ichi chinoda


kunyatsonzwisisa kuti mwana arege kurasika pakunyora zvinhu zviviri izvi.

Chikwata 4 chakaisirwa kuti mwana achanyora Bvunzo abatsirikewo nezvimwe zvinobatsira


paruzivo rwake.
CHIKWATA 1 A
Pepa I

Nguva: Maawa Maviri

MIRAYIRO KUVANYORI:

1. Verenga mirayiro yebvunzo usati wanyora.

2. Usavhura bepa rebvunzo usati wapiwa mvumo.

3. Pindura mibvunzo yose panguva yakapiwa.

4. Tsvaga mhinduro inokodzera pane dzakapiwa.

5. Ipa mhinduro imwe chete pane dzakapiwa.

6. Kana usina kunzwisisa mirayiro iyi bvunza mudzidzisi akutsanangurire usati


watanga kunyora.

7. Pindura mibvunzo yose pabepa rekupindurira mibvunzo.

J
CHIKAMU I

NZWISISO

Verenga nyaya inotevera ugopindura mibvunzo.


“Mwanangu mari inozvara mabasa akanaka kana akashata.” Vakambonyarara VaTopora
vachiputitsa maputi murufuse. Apa Tonderai anga akanyarara akateya nzeve kumirira
kunzwa zvaiva mupfungwa dzababa vake. “Ndinofunga kuti uri kuona zviri kuitika pamusha
pano. Amai vako mazuva ano vakagarwa nezvekwavo pamusana pekushaikwa kwemari.
Vanomuka mashambanzou zuva rega regavachingozvituka kuti vakatadza zvikuru kuroorwa
netsuro zvayo inonwa mvura nembama.” Vakambonyarara vopukuta misodzi yanga yoerera
nekuda kweshungu.

“Mwanangu ndinoda kuti udzidze ugova neupenyu hwakatsetseka, kwete hwangu ini. Kana
ukatamba kuchikoro uko wobva waziva kuti ramangwana rako irima. Mazuva ano dzidzo
ndiyo nhaka youpenyu.” Tonderai akangokwanisa kugutsurira musoro, misodzi yake yava
mumaziso abayiwa nemashoko ababa vake.

Kuzoti zuva rati kwirei, Tonderai akatora tyava yake ndokunanga kumaodzanyemba kwaiva
nedanga remombe dzavo. Mumusoro make Tonderai aingozeya mashoko ababa vake.
Akaona amai vake semunhu aida zvemari chete kwete rudo nemhuri. Izvi zvakamupa
pfungwa dzekusada kuroora achitya kutevedza tsoka dzababa vake.

MIBVUNZO YENZWISISO

Sarudza mhinduro inokodzera pane dzakapiwa.


1. Nyaya iyi iri pamusoro pei?
A. kudemba B. kuraira
C. kutuka D. kuchema

2. Mai VaTonderai vanozvituka nguva dzipi?


A. kunyanhiriri B. ruvhunzavaeni
C. kufuramhembwe D. zuva rorova nhongonya

3. VaTopora munhu anoda_____________


A. runyararo B. bongozozo
C. mari D. hasha

4. Mundima zvinonzi “tsuro zvayo inonwa mvura nembama” zvinoreva


A. urombe B. unyope
C. urombo D. upenzi

5. Chii chakaita kuti misodzi yaTonderai ibude?


A. nhamo B. mavovo
C.shungu D. ruvengo

6. Musha waVaTopora waiva kudivi ripi kubva kudanga remombe dzavo?


V A. kumabvazuva B. kumavirira

6
C. kuchamhembe D. kumaodzanyemba

7. Tsoka dzababa dzaityiwa kutevedzwa naTonderai ndedzipi?


A. kuroora mukadzi akanaka B. kuroora mukadzi anonetsa
C. kuroora mukadzi anoyemurika D. kuroora mukadzi anodada

8. Tingati Tonderai mwana akaita sei?


A. anoputsa B. anoyema
C. anoteerera D. ane nharo

9. Mai VaTonderai vaishuvira upenyu hwakaita sei?


A. hwakafanira B. hwebopoto
C. hwakakwirira D. hwepasi pasi

10. Chii chinoratidza kuti Tonderai nababa vake vakaitira hurukuro paiva nemoto?
A. Maputi B. tyava
C. Danga D. rufuse

MUTAURO

A. Sarudza izwi rinokodzera kuzadzisa chirevo chimwe nechimwe.


1. Musikana achangokudza pachipfuva anonzi_____________
A. mhandara B. bunha
C. tsikombi D. ndumurwa

2. Musikana asingapfimbwi anonzi ane.


A. munyama B. manyukunyuku
C. rushambwa D. chinzvi

3. Munhu anoda kugara akashambidzika nguva dzose anonzi ane shavi re.
A. dandara B. kuchena
C. njuzu D. mangoromera

4. Kubvisa mwana pamukaka kunonzi


A. kuyamwisa B. kurumura
C. kuyamwira D. kusisidza

5. Zai risingatsotsonywi rinonzi


A. nhire B.shupa
C.zanda D. zai

6. Mbudzi inourairwa musikana atiziswa nemhuri yemurume wake inonzi


A. nhumburo B. nhumburamasoso
C. nhukutsa D. nhukutuka

7. Mbudzi inopuwa mbuya nemuzukuru kana mukwasha iri yekutenda ureri inonzi
A. chiredzwa B. mauchiro
C. mbwazukuru D. matendwa

7
Mukadzi kana murume asingabereki anonzi A
A. ngomwa B. mumvana
C. fuza D. ngavi

9. Mombe isingabereki inonzi


A. tsiru B. handa
C. nzombe D. ramba

10. Kukumbira moto wekuvesa kune imwe imba kunonzi


A. kukumbira B. kugoka
C. kupfuhwidzana D. kutungidzirana

B. Sarudza chirevo chakanyorwa zvakanaka.

1. A. Zigomana anoenda kumba kwake.


B. Mbudzi anofura mubindu raamai.
C. Nhasi kunze kuri kutonhora zvikuru.
D. Nezuro musikana atora zvinhu zvake.

2. A. Muti iri munyika muno inoyevedza.


B. Vanhu vemunyika ino anofara zvikuru.
C. VaMusikavanhu naVaTapera varume vane mukurumbira wenhabvu.
D. Zvana zvaVaChierera twaitamba madeko.

3. A. “Moto, Moto!” Chiedza akashevedzera.


B. “Moto! Moto!” Chiedza akashevedzera.
C. ‘Moto! Moto!,” Chiedza akashevedzera.
D. “Moto, moto! Chiedza akashevedzera.”

4. A. “Uri kuenda kupi mukomana akabvunza Sekai?”


B. “Uri kuenda kupi”? Mukomana akabvunza Sekai.
C. “Uri kuenda kupi?” mukomana akabvunza Sekai.
D. “Uri kuenda kupi?,” mukomana akabvunza Sekai.

5. A. Vachirapa naVaGudza vane ushamwari hwakasimba.


B. VaChirapa naVaGudza vane ushamwari hwakasimba.
C. vaChirapa navagudza vane ushamwari hwakasimba.
D. Vachirapa navaGudza vane ushamwari hwakasimba.

6. A. Shumba inonzi maswerasei yapedza mbudzi dzavanhu mudunhu reguruve.


B. Shumba inonzi maswera sei yapedza mbudzi dzavanhu mudunhu reGuruve.
C. Shumba inonzi Maswerasei yapedza mbudzi dzavanhu mudunhu reGuruve.
D. Shumba inonzi Maswerasei, yapedzambudzi dzavanhu mudunhu reGuruve.

7. A. Mushandira pamwe wedu wabudirira zvikuru.


B. Mushandirapamwe weduwa budirira zvikuru.
C. Mushandirapamwe wedu wabudirirazvikuru.
D. Mushandirapamwe wedu wabudirira zvikuru.

8
A. Amai vangu vanofarira matohwe chechete mazambiringa.
B. Amai vanguvanofarira matohwe, chechete, mazambiringa.
C. Amai vangu vanofarira matohwe, chechete nemazambiringa.
D. Amai vangu vanofarira matohwe, nechechete, nemazambiringa.

9. A. Pamba apo panogara nganga.


B. Pamba apo panogara na’nga.
C. Pamba apo panogara n’anga.
D. Pambaapo panogara n’anga.

10. A. “Uri kuenda kupi?”


B. Akandiudzajaiti ndipe bhuku rangu.
C. Nhasi taseva nyama nesadza.
D. Gan’a nzvimbo isinganayi mvura zhinji.

C. Isa mazwi anotevera muuzhinji:

Ushoma Uzhinji
1. chana ______
2. rurimi ______
3. rusero ______
4. rwaivhi ______
5. tswanda ______
6. chin’ai ______
7. munyengetero ______
8. bote ______
9. danda ______
10. gavi ______

D. Nderipi izwi rinopikisana nerakanyorwa nemavara akarereka?

1. Mai vaGundire vane undere.


A. utsanana B. uchapa C.unyope D. unhubu

2. Pamba apo panogara shirikadzi.


A. tsikombi B. tsvimborume C. pfunda D. mumvana

3. Nhasi pamusangano panga pazere tuchembere twanga twuine nharo.


A. tumbuya ■- B. tuharahwa C. turume D. tukadzi

4. VaGwatuta mupfumi anozivikanwa mudunhu redu.


A. imhare B. murambwi C. murombo D. ihombarume

5. VaChigwaba vanofarira mapudzi nemanhanga.


A. vanoyemura B. vanovenga C. vanokuridzira D. vanokarira

6. Zijaya riya rakanwa rikaguta.


A. zitsikombi B. zimhandara C. zidzikana D. zidhara

9
7. Nzira yatafamba nayo tichienda kwambuya yakapamhama.
A. yakafara B. yakareba C. yakasunha D. yakakurisa

8. Bvunzo yanga yakarerutswa.


A. yakapfaviswa B. yakaomeswa C. yakapusa D. yakafanira

9. Vanhu vazhinji vemudunhu raChihwapa vanofarira mambo wavo nokuda kwembiri yake
youparadzi.
A. yokutonga B. yokuwadzanisa G. yokupfuma D. yokutaurisa

10. Nhasi sekuru vangu vacharima gura ravo riri mujinga megomo.
A. tseu B. zunde C. bindu D. gombo

10
r ~ \

NZWISISO

Verenga nyaya inotevera ugopindura mibvunzo.


Hama dzangu, akuruma nzeve ndewako. Ndainzwa zvichinzi dzidzo inhaka youpenyu asi
kwandiri pakanga pasina ibvi kana mupimbira pakuenda kana kusaenda kuchikoro. Pfungwa
dzangu idzi dzakandisikira moto muziso. Ndakazoyeuka bako ndanaiwa nemvura. Hapana
wandaichema naye nokuti ndakange ndorumwa nechekuchera.

Ndakapedza guta rese reMasvingo ndichitsvaka basa asi zvakaramba. Ndakamboedza


kuzvishingisa ndichiti sango rinopa aneta asi ndakaona kuti zvaiva zvakafanana nekumirira
bete raenda kumukaka. Upenyu hwekukwata, kukwereta, maricho pamwe nekupfeka
madhumbu ndihwo hwakange hwava hwangu. Vandaitamba navo vose vakanga vava
pamutambarakede vosunga huni nemidzonga yenyama. Ndakange ndobaiwa neguruva
ravaindipfumburira vachienda pamwe nokubva kubasa.

VaMupatso nomudzimai wavo Marujata vaishushikana nehupenyu hwangu ini muzukuru


wavo Chitsiga. Vakazondivakiragota rangu nechekumavirira kwehozi yavo. Mugota makanga
musina rugare sezvo ndangariro dzakange dzondibaya. Upenyu hwakange hwondivavira
segavakava nokuda kwekusaenderera kwangu mberi nedzidzo.

MIBVUNZO YENZWISISO

A. Sarudza mhinduro yakakodzera pane dzakapiwa.


1. Ndiani akanyora nyaya iyi?
A. munyori B. VaMupatso
C. Marujata D. Chitsiga

2. Rungano urwu runotidzidzisa kuti_____________


A. moyo muti unomera paunoda
B. ndambakuudzwa akazoonekwa nembonje pahuma
C. rugare tange nhamo
D. chinoziva ivhu kuti mwana wembeva anorwara

3. Chii chakaita kuti shamwari dzaChitsiga dziwane mabasa akanaka?


A. kuita maricho B. kusaita maricho
C. kuzivikanwa D. kudzidza

4. Mundima zvinonzi, “ndakazoyeuka bako ndanaiwa nemvura”, mvura iyi inoreva--------


A. nhamo
B. magavakava
C. mvura yekunaya
D. mvura yemubako

5. Chii chiri kutadzisa Chitsiga kuwana basa?


A. urovha B. kusadzidza
C. usimbe D. kutamba
V

11
r B.
. Pindura mibvunzo inotevera zvizere. \
1. Chii chinoratidza kuti Chitsiga akanga asina mukadzi?

2. Paiva noukama hupi pakati paMarujata naChitsiga?

3. Nemhaka yei VaMupatso nomudzimai wavo vainetseka neupenyu hwaChitsiga?

4. Shamwari dzaChitsiga dzakanga dzava neupenyu hwakadii?

5. Munyaya zviri kunzi “zvaiva zvakafanana nekumirira bete raenda kumukaka”


zvinorevei?

MUTAURO

A. Tinoti munhu anovaka MUVAKI. Ko vanotevera tinoti chii?

1. Munhu anorima zvikuru


A. foromani B. mudzidzisi C. mudhibhisi D. hurudza

2. Munhu ane simba rokuziva zvichaitika munguva inotevera


A. nyusa B. svikiro C. munayisi D. muchairi

3. Munhu anobetsera madzimai pakuzvara


A. n’anga B. nyamukuta C. muporofita D. muparidzi

4. Munhu anofamba nen’anga achidudzira zvainotaura


A. nyanduri B. makumbi C. makwati D. muturikiri

5. Munhu anorapa vanhu achiita zvokushopera pamwe nokushandisa midzi


A. mukoti B. chiremba C. mutendi D. n’anga

6. Munhu anogarwa kana kuti anosvikirwa nemudzimu


A. homwe B. svikiro C. mureuriri D. nyakugarwa

7. Munhukadzi anorapa achishandisa midzi pamwe nokushopera


A. n’anga B. musharo C. nyahana D. muporofita

8. Munhu anoita basa rekupfura mapadza, matemo pamwe nezvimwe zvakadaro


A. mupfuri B. hombarume C. mhizha D. mubati

9. Munhu anotumwa nomumwe kunomupfimbira musikana


A. munyai B. gwevedzi C. mutumwa D. hwende

10. Munhu anotumwa namashoko


A. nhinhi B. nhubu C. nhume D. mukwasha

J
12
B. Nyora zvirevo zvinotevera zvakanaka.
1. Vovonora huni pabakwa.

2. Tichaona mukomana ano farira chikwata che Dynamos.

3. mukomana uyu anobva domboshava tapfuura guta guru remuno muzimbabwe rinonzi
Harare.

4. Kana wapedza kudya sadza vakadaro amai ugoisa usavi hwamanheru pamoto.

5. Mombe anorara mudanga usiku.

6. Pamuchato wavatete vangu paiva pakazara nyama yemombe huku doro zvinwiwa
mupunga.

7. Nyoka Nyoka Chipo akashevedzera achitiza.

8. Wana wacho vakaenda nezuro

9. Vakomana vaigadzira mitswairo vachishandisa tswatswa.

10. Unogara kupi mudzidzisi akabvunza Tarisai

C. Isa muuzhinji izwi rakanyorwa nemavara akarereka.

1. Nhasi denga rizere nemakore.


A. denga B. madenga C. matenga D. mazidenga

2. Vanhu vanobata vana zvibharo vanoita sevane mweya.


A. dzimweya B. mweya C. mamweya D. tu mweya

3. Vanakomana vazhinji vanofarira kufudza mbudzi.


A. mambudzi B. zvimbudzi C. dzimbudzi D. mbudzi

4. Kufamba nechikepe.kunoda vanhu vakashinga vasingatyi mvura.


A. chikepe B. kepe C. tukepe D. zvikepe

5. Tora mukombe ugondicherera mvura yokunwa.


A. mukombe B. makombe C. mikombe D. chimukombe

6. Vakarara usiku hwose vachiridza ngoma nehosho.


A. mahosho B. hosho C. gosho D. mazihosho

7. Kana kuchipisa ndinofarira mvura inotonhora.


A. mavhura B. dzimvura C. zvimvura D. mvura

8. Shumba imhuka inotyisa.


A. shumba B. dzishumba C. mashumba D. humba

3
Akamusvitsa bango paaipfurira imba.
A. bango B. mapango C. mipango D. pango

10. Nhasi kumba kwedu kuri kuuya muenzi.


A. muenzi B. vaenzi C. enzi D. maenzi

D. Nderipi izwi rinopikisana nerakanyorwa nemavara akarereka?


1. Kakomana kairwisana nemusuo kachiedza kupfiga.
A. kusudurutsa B. kuzarura C. kuswededza D. kusairira

2. Amai vake vaiva vakakotsira patakasvika.


A. vakasvunura B. vakadongorera C. vachivhumuka D. vakarara

3. Vavhimi vaitya kupinda mubako nokuda kwechiedza chaivemo.


A. maungira B. rima C. kutyisa D. mavivi

4. Vana vadiki vanofarira kufamba nemberi vanowanzowira pasi.


A. nedivi B. vakatsinzinya C. nhendeshure D.vanga

5. Nerhvura iriko nhaka kuchaita nzara.


A. maguta B. zhizha C. ruwadzano D.fararo

6. Muchero uyu unotapira zvikuru.


A. unonaka B. unokarakata C.unovava D. unogutsa

7. Amai vangu vakabvuma kuenda kumutambo kwavakakokwa.


A. vakaenda B. vakatambura C. vakaramba D. vakafarira

8. Pamba apo ndipo panogara muranda wedunhu rino.


A. jinda B. mambo C. gamba D. muchuchusi

9. Chido ndiye dangwe mumba mavo.


A. dangwe B. nhana C. kacheche D. gotwe

10. Mai vake vane mbiri yekunyima.


A. yekuseka B. yokutuka C. yokupa D.yokudada

14
r
CHIKAMU 3

NZWISISO

Verenga nyaya inotevera ugopindura mibvunzo.


Cholera chirwere chinokonzerwa neutachiona hunonzi Vibrio Cholerae. Vanhu vanobata
chirwere ichi kana vanwa mvura ine utachiona.

Kazhinji vanhu vanorwara necholera vanoita manyoka, dzimwe nguva nekurutsa uye
kurasikirwa nemvura mumuviri. Izvi zvinokonzera kushomeka kwemvura mumuviri
zvakanyanya, kupera simba nekufa.

Kupararira kwechirwere ichi kunogona kudzivirirwa kana isu vanhu tikatora matanho akaita
sekunwa mvura yakachena inobva mupombi, chibhorani, mutangi munopota muchiiswa
mushonga nematsime akadzivirirwa. Vanhu vanofanirwa kugeza maoko avo kana vabva
kunoshandisa chimbuzi vasati vabata zvimwe zvinhu. Vanofanirwa kugeza maoko vachiita
zvokuchururudzwa kwete kugeza vese nemvura yakaiswa mudhishi rimwe. Zvokudya
zvinofanirwa kubikwa zvichiibva zvakanaka uye zvodyiwa zvichiri kudziya. Michero
inofanirwa kugezwa zvakanaka nemvura yakachena inenge ichichururudzwa. Marara
anofanirwa kurasirwa mumabhini ovharwa kuti nhunzi dzishaye pokuberekera. Vanhu vose
vanofanirwa kushandisa chimbuzi zvakanaka zvisina kupushika-pushika tsvina pese pese
muchimbuzi imomo.

Kana munhu akabatwa nechirwere ichi anofanirwa kunwa mvura ine tsvigiri nemunyu
pachitorwa matanho ekuendesa murwere kukiriniki kana chipatara.

MIBVUNZO YENZWISISO

A. Sarudza mhinduro yakakodzera pane dzakapiwa.


1. Cholera chirwere chinokonzerwa ne_____________
A. nhunzi B. hutachiona C. mvura D. marara

2. Varwere ye cholera kazhinji kacho vano_____________


A. rutsa chete B. ita manyoka chete
C. rutsa nekuita manyoka D. zarirwa

3. Chii chinokonzera kufa kana munhu akarwara necholera orega kurapwa?


A. kurwadziwa nemanyoka B. kurwadziwa nemudumbu
C. kupera simba mumuviri C. kushomeka kwemvura mumuviri

4. Kupararira kwechirwere ichi kunogona_____________


A. kudzivirirwa B. kunetsa C. kukonekwa D. kuramba

5. Ndezvipi zvinokurudzirwa nguva dzose?


A. kugeza maoko mumvura iri mudhishi
B. kudya zvinhu zvakatonhora zvinenge zvabikwa
C. kuisa marara mubhini hombe risina muvharo
D. kushandisa chimbuzi nenzira yakatsvinda

15
a B. Pindura mibvunzo inotevera zvizere
1. Vibro cholerae chii?

2. Ndezvipi zviratidzo zvecholera?

3. Chii chinokonzera kuti cholera ipararire kune dzimwe nzvimbo?

4. Nemhaka yei varwere vecholera vachinzi vamwe mvura ine tsvigiri nemunyu?

5. Chii chinofanirwa kuitwa pane zvekudya?

6. Chii chakashatira kugeza maoko mumvura iri mudhishi?

7. Nemhaka yei vanhu vachikurudzirwa kuvhara mabhini?

C. Pedzisa neizwi rakakodzera.

1. Mushonga wokutorera vamwe zvirimwa zvemuminda yavo unonzi-------------


A. disa B. divisi 3 C. dinhu D. diningwe

2. Munhu anoyemurwa navanhu vazhinji anonzi ane__:----------


A. manhanha B. manhanhu C. manheza D. mudiwadiwa

3. Munhu anoti akabata mwana obva apera muviri anonzi ane.


A. nyengeredzi B. nyungururwi C. nyajambwa D.nyenyenye

4. Munhu anofarira kudya kudzimba dzavamwe ano________


A. kara B. nyima C. kwata D. tsverudza

5. Munyu unochengeterwa mu_____________


A. chinu B. gonan’ombe C. hwedza D.guchu

6. Mafuta anochengeterwa mu_____________


A. chinu B. gonan’ombe C. hwedza D.guchu

7. Hari yokukodzekera mukaka inonzi


A. hwedza B. hodzeko C. gate D. mbiya

8. Mombe yachembera inonzi_____________


A. dore B. ramba C. mukono D. dhonza

9. Kuchengetesa zvipfuwo kune umwe musha_____ :____


A. kurozva B. kuronzera C. chimanda D.kusunza

10. Pfuma inosaririra pakubviswa inonzi


A. chuma B. mauchiro C. jeredzwa D. chimandamanda

16
D. Ndechipi chirevo chakaumbwa zvakanaka?

1. A. Vanhu vazhinji vava kunamata Mwari.


B. Mhuka anonzi tsoko akarohwa mbama nagudo.
C. Nhasi takatsvaira mumba mukasara machena zvikuru.
D. Zigomana uyo arova mwana wedu.

2. A. Mombe nembudzi nemakwayi zvipfuwo zvepamusha.


B. Mombe, nembudzi, nemakwayi zvipfuwo zvepamusha.
C. Mombe, mbudzi, nemakwayi zvipfuwo zvepamusha.
D. Mombe, mbudzi nemakwayi zvipfuwo zvepamusha.

3. A. “Maiwe!, Maiwe!” Rudo akashevedzera.


B. “Maiwe! Maiwe!” Rudo akashevedzera.
C. “Maiwe Maiwe!” Rudo akashevedzera.
D. “Maiwe, Maiwe!” Rudo akashevedzera.

4. A. ‘Kana wapedza kukama mombe vakadaro baba ugozarura mombe.”


B. “Kana wapedza kukama mombe,” vakadaro baba, “Ugozarurira mombe.”
C. “Kana wapedza kukama mombe,” vakadaro baba, “ugozarurira mombe.”
D. “Kana wapedza kukama mombe” vakadaro baba “Ugozarura mombe.”

5. A. “Unogara kupi”? Tatenda akabvunza Sekai.


B. “Unogara kupi”?, Tatenda akabvunza Sekai.
C. “Unogara kupi?” Tatenda akabvunza Sekai.
D. “Unogara kupi?”, Tatenda akabvunza Sekai.

6. A. Nguva yehondo zvinhuzvaiva zvakaoma zvikuru.


B. Gore rino ndirikuita bhuku rechinomwe.
C. Muviri wangu uri kupindwa nechando.
D. Munhuwese achawana zvaafambira.

7. A. Vachuma vanobva kubuhera.


B. Mombe iyi inonzi bhandomu.
C. Vakaenda kuHarare kunoshava.
D. Tendai ndiye Chiremba mukuru pachipatara icho.

8. A. Nzvimbo ino haidi vanhu vanofamba-famba


B. Murume uyo ane meso-meso
C. Vanhu vaifamba vachiti tatarara-tatarara.
D. Akango tara-tara asinganyori zvakanaka.

9. A. Mumba muno makazara china’i.


B. Vanhu vaiva pamusangano vaigununu’na.
C. Vanhu ava vanogara kugan’a.
D. Akashama na’i.

10. A. Vakafamba usiku hwose vasinakana kumbozorora.


B. Nguva dzaka svika baba vake vaenzi vakanga vatoenda.

17
C. Chikoro chino ndechevana vakadzikama.
D. Shamwari yangu yaka tadza kusarudza musoro wenyaya wakanaka.

E. Sarudza uzhinji hwezwi rimwe nerimwe rakapiwa.

1. fodya
A. dzifodya B. mafodya C. fodya D. zvifodya

2. gaka
A. zvikaka B. magaka C. gaka D. mazigaka

3. bete
A. mapete B. mabete C. bete D. mazibete

4. ndege
A. ndege B. mandege C. dzindege D. zvindege

5. chana
A.chana B. twana C. tuvana D.zvana

6. nhondo
A. nhondo B. manhondo C. tunhondo D. zvinhondo

7. dohwe
A. dohwe B. madohwe C. matohwe D. tutohwe

8. rupasa
A. rupasa B. mapasa C. mhasa D. mamhasa

9. rukova
A. rukova B. makova C. mahova D. hova

10. guvhu
A. maguvhu B. makuvhu C.guvhu D. tukuvhu

F. Ipa izwi rinopikisana nerakapihwa.

1. kumononora
A. kusunungura B. kusunga C. kumonyoroka D. kurudunura

2. hombe
A. pfupi B. huru C. diki D. refu

3. tsikombi
A. pfunda B. tsvimborume C. mhandara D.jaya

4. kanganwa
A. koshiwa B. tondera C. hanganwa D. patika j

18
^5. ndonda
A. hwende B. nyasire C. murwere D. mufara

6. makata
A. makwidza B. mawere C. materu D. maware

7. kunyunyuta
A. kutaura B. kutsamwa C. kunyumwa D. kufara

8. udununu
A. usimbe B. udzenga C. umbwende D. ungwaru

9. kwidibira
A. vhara B. sunamisa C. pidigura D. shamisa

10. jongwe
A. hanga B. nhiyo C. gukurume D. mhambo

19
~ \

NZWISISO

Verenga nyaya inotevera ugopindura mibvunzo.


VaChipaumire vakafuma kubata jongwe muromo vachienda kwavasahwira wavo
VaMuradzikwa. Vakawana shasha yakaita ushamwari nomoto padare rayo sezvo kwaiva
nakamhepo kaivhuvhuta.

“Mhoro sahwira,” vakadaro VaChipaumire vachikwazisa sahwira wavo. “Madyirapanze svikai


zvenyu. Kwakanaka here kwamunofamba mapani namapani usiku hwakadai?” vakadaro
VaMuradzikwa vachitambanudza ruoko rwavo vachikwazisa sahwira wavo. “Sahwira ukaona
murume mukuru seni achifamba nguva dzino panenge pane chatuma.” Havana kumboswera
vachiti pamunhondo pamusasa. “Sahwira mumba mashanyirwa nemuenzi wandatadza
kudzinga. Ndati ndikauya kuno ungandibetserawo,” vakambonyarara vachibvisa chikararwa
changa chamedza izwi ravo. “Mumba mangu maita nzara. Nhasi vanhu mumba mangu
vanotosvusvura nekurarira mhepo, hapana kana nechekubata.” VaMuradzikwa vakaudza
sahwira wavo kuti asanetseka sezvo akanga auya patsime. Vaviri vakazoita havo dzimwe
hurukuro.

Kuzoti zuva rati kwirei VaChipaumire vakazotakura tsapo yavo vonanga kumusha kwavo.
Rwendo rwakavapfavira nekuda kwemufaro wokuwana zvavakange vafambira.

MIBVUNZO YENZWISISO

A. Sarudza mhinduro yakakodzera pane dzakapiwa.


1. VaChipaumire vakaenda kwavasahwira wavo nguvai?
A. ruvhunzavaeni B. rufuramhembwe
C. mambakwedza D. mauro

2. VaChipaumire vakaenda kwavasahwira wavo kuno_____________


A. pemha B. shava C. sunza D. mema

3. VaChipaumire vaiera chii?


A. Moyo B. Gumbo C. Tsoko D. Shumba

4. Kuita ushamwari nemoto sezvataurwa mundima zvinoreva_____________


A. kuwirirana nemoto B. kushamwaridzana
C. kudziya moto D. kukuchidza moto

5. Panga pane ukama hupi pakati pemhuri dziri mundima?


A. mukoma nemunin’ina B. ushamwari
C. tsano nemukwasha D. varumudzani

6. Hurukuro yakaitirwa_____________
A. padare B. mumba C. muhozi D. pachoto

20
7. Paiva nomufambo wakadii pakati pemisha yataurwa mundima?
A. mudikidiki B. mudiki C. wakafanira D. mukuru

B. Pindura mibvunzo inotevera zvizere.


1. Chii chakatuma VaChipaumire kuenda kwavasahwira wavo?

2. Muenzi akanga ashanyira mhuri yaVaChipaumire akanga ari wemhando ipi?

3. Nemhaka yei rwendo rwokudzokera rwakarerukira VaChipaumire?

4. Chii chinotiratidza kuti mumba maVaChipaumire makanga musisina zvokudya?

5. VaMuradzikwa vakakwanisa kudzinga muenzi akanga ashanyira mhuri yasahwira wavo


here? Tsigira mhinduro yako.

MUTAURO

A. Sarudza mhinduro yakakodzera pane dzakapiwa.


1. Kana mwana mucheche akabuditsa zvaadya nokumuromo tinoti
A. arutsa B. abukura C. asvodza D. ahotsira

2. Kana vanhu vakaenda kun’anga kunobvunzira zvakauraya mufi kunonzi kurova


A. gata B. makona C. hakata D. guva

3. Kudzora rriudzimu mumusha kunonzi kurova____________ _


A. gata B. mashavi C. makona D. guva

4. Mwana anofa asati amera mazino anonzi_________ ,___


A. mushakabvu B. gambe C. rusvava D. rushiye

5. Mwana anotanga kumera mazino kumusoro anonzi_____________


A. nhafu B. manenji C. durika D. chikuruvadzimu

6. Munhu ane misikanzwa yakawanda anonzi_____________


A. nhinhi B. nhire C. nhubu D. benzi

7. Nzvimbo isinganayi mvura inogara yakaoma nguva zhinji inonzi_______


A. gan’a B. bani C gura D. doro

8. Danda rinotsigira mamwe matanda kuti asadonhe pakuvaka denga remba yeuswa
rinonzi_____________
A. mhanda B. mbariro C. mbiru D. musimboti

9. Mari inopiwa n’anga pabasa rainenge yaita inonzi_____________


A. mazhenje B. makwati C. chikwereti D. hakata

10. Kana mukadzi akatorwa nemumwe murume guva remurume wake mushakabvu risati
ragadzirwa kunonzi __ _______________________________________

21
A. kufuratira guva B. kuchera guva C. kupisa guva D. kutsvaira guva

B. Sarudza chirevo chakanyorwa zvakanaka.

1. A. Mwana wavagotora vekuKariba.


B. Mwana waVaGotora vekukariba.
C. Mwana wavaGotora vekuKariba.
D. Mwana waVaGotora vekuKariba.

2. A. Goronga iro rine mvura.


B. goronga iro rine mvura.
C. Goronga iro rine Mvura.
D. goronga iro rine Mvura

3. A. dhorobha guru remuno muzimbabwe rinonzi Harare.


B. Dhorobha guru remunomuzimbabwe rinonzi Harare.
C. Dhorobha guru remuno muZimbabwe rinonzi harare.
D. Dhorobha guru remuno muZimbabwe rinonzi Harare

4. A. Patakatarisana akabva adzora maziso ake achinyara.


B. Nhasi chando cha fuma chakachena.
C. Mukomana haana kuziva kuti musikana wake waimu nyengedza.
D. Kana vanhu vachi teyamariva vanofanira kungwarira zvigunwe.

5. A. Ndiani atora shomhwe dzangu.


B. Ndiani atora shomhwe dzangu?
C. “Ndiani atora shomhwe dzangu?”
D. “Ndiani atora shomhwe dzangu”?

6. A. Mabhazi anoita mujaho anochisa kukwira.


B. Mukomana airidza chava yake ari mubani.
C. Kana ukaseva derere nesadza unonzwa parere moyo.
D. Tsikidzi dzinonyangadza zvikuru.

7. A. Anofarira magaka nechibage nemanhanga.


B. Anofarira magaka, chibage nemanhanga
C. Anofarira magaka, chibage nemanhanga.
D. Anofarira magaka, chibage, nemanhanga

8. A. Zvipunhu, migoti, ndiro, makapu midziyo yomumba.


B. Zvipunu, migoti, ndiro, nemakapu midziyo yomumba.
C. Zvipunu migoti ndiro nemakapu midziyo yomumba.
D. Zvipunu, migoti, ndiro nemakapu midziyo yomumba.

9. A. “Kana wadzoka vakadaro baba ugosuka mota”


B. “Kana wadzoka”, vakadaro baba, “Ugosuka mota.”
C. “Kana wadzoka,” vakadaro baba, “ugosuka mota.”
D. “Kana wadzoka,” vakadaro baba “ugosuka mota.”

22
10. A. “Ndiani atora mabhuku angu? “Mudzidzisi akabvunza.
B. “Ndiani atora mabhuku angu”? mudzidzisi akabvunza.
C. “Ndiani atora mabhuku angu”? Mudzidzisi akabvunza.
D. “Ndiani atora mabhuku angu?” mudzidzisi akabvunza.

C. Isa mazwi anotevera muuzhinji.

1. ronda _______________ 2. nhengeni


3. rwendo _______________ 4. dumbu
5. tsamba _______________ 6. mupepi
7. rwiyo _______________ 8. datya
9. chidziro _______________ 10. nhabvu

D. Nderipi izwi rinoreva zvinopesana nerakanyorwa nemavara akarereka?

1. Mukomana aipinza nhongo muchirugu chembudzi.


A. gotora B. mukono C. mbocho D. sheshe

2. Tichaona imftarechaiyo.
A. mushingi B. mbwende C. hwende D. mutiriri

3. Vatete vangu pamwe chete nasekuru vakadzoka kumusha nezuro manheru.


A. vakauya B. vakaenda C.vakatama D. vakarimbirira

4. Kumusha kwedu tava nemakore mana tichiradza munda wedu wekumatoro.


A. kaurura B. sakurira C. rima D. ganura

5. Mbuya vangu vanosema mukaka wakakora.


A. vanovenga B. vanonwa , C. vanofarira D. vanopungirira

6. Mukuru wapabasa pedu anorema.


A. anofarira B. anotyisa C. akasununguka D. anofadza

7. Nokuda kwekukara kwavo vaipangurirana muto wakagwamba


A. undika B. tonhora C. nyunguduka D. mandana

8. Chido mwana akazhangandira.


A. akafumuka B. akasununguka C. akangwarisa D. akadzikama

9. Nokutya kunzwikwa navanhu vaiva panze, VaGomba vakazevezera kumudzimai wavo.


A. shoshomera B. dudzira C. shevedzera D. reverera

10. Mvura yaiva gasva iri muchirongo.


A. yakazara B. yapera C. yadeuka D. yavhinza

23
r ~ \

NZWISISO

Verenga detembo rinotevera ugopindura mibvunzo.

AIDS! AIDS! AIDS!


Ndiro zita rangu.
Ndini Shuramatongo!
Ndazezesa pasi rose.
Vanachiremba vakanda mapfumo pasi neni.
Vose vane mbiri yokugadzira mishonga,
Vashaya mazano neni,
Handina tsitsi!
Handisarudzi kana ndouya:
Mutsvuku, mutema kana muchena;
Vakuru kana ndumurwa;
Vapfumi kana varombo;
Zvose ndinokumba.
Ndinouraya ndichiita zvokun’en’ena.
Paya paunenge uchiti ndiri kudya nyika rutivi,
Pfungwa dzako dzisina kugadzikana
Ndipo pandinouya
Ndonyatsopfunya chisero mauri.
Handichakusiyi kusvika waenda kwamupfiganebwe.
Anoda kuita ushamwari neni handirambe
Asi ziva kuti ushamwari hwangu ndehwerufu.

MIBVUNZO YENZWISISO

A. Sarudza mhinduro yakakodzera pane dzakapiwa.


1. Chii chazezesa pasi rose?
A. mishonga B. shuramatongo C. mapfumo D. vanachiremba

2. Kukanda mapfumo pasi mudetembo zvinoreva_____________


A. vanachiremba vashaiwa zvokuita
B. mishonga yonetsa kuwana
C. vanhu vose vokombwa neshuramatongo
D. shuramatongo yoita madiro

3. Mwana achangozvarwa sekutaurwa kwazvaitwa mudetembo,


A. haakwanisi kubatwa neshuramatongo.
B. anogona kubatwa wozoregedzwa neshuramatongo.
C. anogona kubatwawo neshuramatongo.
D. anogona kusabatwa neshuramatongo kana ari mutsvuku.

J
24
4. Munyaya zvinonzi shuramatongo inouraya---------------------
A. ichikurumidza B. ichikasika
C. ichinonoka D. ichitekenyedza

5. Kwamupfiganebwe zvinoreva.
A. kufarisa B. kugomo C. kwamambo D. kufa

B. Pindura mibvunzo inotevera zvizere.


1. Nemhaka yei vanachiremba vakakandiswa mapfumo pasi neshuramatongo?

2. Mudetembo, kudya nyika rutivi zvinorevei?

3. Nderipi rimwe zita reshuramatongo?

4. Nemhaka yei kubatwa neshuramatongo ari “ma^/okuda” sekutaurwa kwazvakaitwa


mudetembo?

5. Kushaya tsitsi kweshuramatongo kuri papi?

MUTAURO

A. Pedzisa sematauriro edu.

1. Nhembe yemberi inonzi_____________


A. shashiko B. nhahwamaringa C. nhivi D. nhava

2. Nhembe yeshure inonzi_____________


A. shashiko B. mhapa C. nhivi D. nhava

3. Ndiro inopakurirwa sadza rababa inonzi--- .------------------


A. pureti B. chikotoro C. gunere D. gwaku

4. Panochengeterwa ndiro muimba yokubikira panonzi__________


A. pachikuva B. pachengo C. pachigaravakwati D. pachoto

5. Panorasirwa madota panonzi_____________


A. durunhuru B. pagomba C. muguru D. paruzhowa

6. Sadza rezviyo rinosarira mundiro rinonzi_____________


A. musuva B. chinamu C. masariro D. munya

7. Mukadzi mukuru pabarika anonzi _


A. mukaranga B. murongo C. nyachide D. vahosi

8. Mukadzi wechipiri pabarika anonzi _


A. murongo B. nyachide C. vahosi D. svovi

9. Mukadzi anonyanya kudiwa pabarika anonzi-----------


A. svovi B. murongo C. vahosi D. muroora'

25
10. Kupinza muroora mumusha kunonzi_____________ A
A. kubvunzira B. kushonongora C. kupururudzira D.kuganha

B. Nyora zvirevo zvinotevera zvakanaka.

1. vakomana vaitamba mutambo wokufembera

2. Ini ndakakurira mumusha wamanhanga uri mudunhu rokwazimuto.

3. a ndisekai akadaro Rudo ndanga ndisina kana kumbokuonai

4. Murombo haarovichine nguo vakomana

5. Akandiudza kuti ndipe bhuku rangu riri mubhegi mangu.

6. Twuchembere vainakirwa nekuona bhora ravakomana.

7. Munhuwese ane kodzeroyokugara achifara muno munyika.

8. Ndokupa chii baba vakabvunza.

9. Vakomana naVasikana Vanonzi vari Kukurumidza kuita Dzimba.

TO. Akandingera musoro ndikasara ndava nemusvuu.

C. Sarudza izwi rinopikisana nerakanyorwa nemavara akarereka.

1. Bvunzo yatakanyora yanga ichigozha zvikuru.


A. yakaoma B. iri matombo C. yakapfava D. isinganyoreki

2. Tambudzai akachiva hembe yandakatengerwa naamai vangu kunze kwenyika.


A. akafarira B. akarumbidza C. akakumbira D. akavenga

3. Akanga zvino achizvambarara pazasi pemukute nokuda kwekuzvimbirwa.


A. kuguta B. kunakirwa C. nzara D. kutambura

4. Mazuva ano kutenga mbatya kwava kudhura.


A. chipa B. nyorova C. pusa D. nakidza

5. Sekuru vangu vakatapudza chibage chaiva musaga.


A. bvisa B. buritsa C. wedzera D. chera

6. Mombe dzedu dzinokamwa mangwanani.


A. masikati B. manheru C. mambakwedza D. usiku

7. Vana vepachikoro chiri pedo nechedu vanozova nenduramo.


A. unhu B. unhu hwakashata
C. upenzi D. unhu hwakanaka

J
26
8. Vanhu vainyepa pavaiti VaCheguru vanoona.
A. imhetamakumbo B. matsi C. chimumumu D. ibofu

9. Munda wedu uri kumaodzanyemba kana tichibva kumba kwedu.


A. mabvazuva B. mavirira
C. chamhembe D. mambakwedza

10. Tariro aiva akarara pamusoro pemubhedha.


A. parutivi B. padivi C. pazasi D. kumusoro

D, Nyora mazwi anotevera muuzhinji.

1. musha 11. detembo


2. mubereki 12. uswa
3. ndima 13. dondo
4. sanzu 14. rize
5. mubvunzo 15. zai
6. mubetseri 16. inda
7. chinyorwa 17. nzvenzvana
8. tsoka 18. chinyoreso
9. dhorobha 19. mhembwe
10. nyaudzosingwi 20. mwedzi

?7
r ■ \

NZWISISO

Verenga nyaya inotevera ugopindura mibvunzo.


David aiva ari muJudha. Aiva ari mwana waJesse. Aiva zvakare mukwasha waSauro. David
aiva neshamwari yake yainzi Jonathan kubva achiri mudiki. David akasarudzwa naMwari
kuti ave mutungamiri ari kumafuro. David akaita ufeve hwakanyangadza Mwari. Akachiva
Bathsheba aiva mukadzi wallriah. Akaronga mazano okuuraya Uriah kuti agonyatsotora
mukadzi wake pasina zvikanganiso. Akakwanisa kubudirira pazano rake iri ndokutora
Bathsheba soumwe wemadzimai ake.

Izvi zvakanyangadza Mwari. Mwari akatuma muporofita Nathan kuti adudzire mambo
David kutadza kwaakanga aita. Mwari akauraya mwana wokutanga waDavid naBathsheba
sechirango chekutadza kwaakanga aita. David akatsanya kwemazuva manomwe achifunga
kuti zvimwe mwana achadzoka . David akazokumbira ruregerero Mwari ndokumuregerera.
Mwari akazovapa mwanakomana wavakazopa zita rokuti Solomon. Solomon paakazokura
akatora nhaka youmambo kubva kuna baba vake.

MIBVUNZO YENZWISISO

A. Sarudza mhinduro yakakodzera pane dzakapiwa.


1. David aiva werudzi rwechii?
A. Jesse B. Judha C. Pharisee D. Moslem

2. Chii chakakonzera kuti David apare chivi?


A. unhubu B. ruchiva C. utongi D. kuuraya

3. Shamwari yaDavid yainzi ani?


A. Bathsheba B. Jonathan C. Nathan D. Uriah

4. Umambo hwaDavid hwakabva kuna_____________


A baba vake B. shamwari yake C. verudzi rwake D. Mwari wake

5. Kutsanya kunoratidza____________ kwaDavid.


A. kushumira B. kunamata C. kurwadziwa D. kurumbidza

B. Pindura mibvunzo inotevera zvizere.


1. Ufeve sekushandiswa kwarakaitwa mundima zvinoreva

2. Chii chinotiratidza kuti David aiva nebarika?

3. Bathsheba unomuona somukadzi akadii?

4. Chii chinoratidza kuti Mwari akazoregerera David?


J
28
r, Chii chakakonzera rufu rwallriah?

MUTAURO

A. Zadzisa pakashama nemazwi anokodzera kubva muChikamu B.

1. Kupa mwanasikana murume kunonzi_____________

2. Musikana anovinga mukomana kumba kwavo kuti amuroore asina kumbomupfimba


kunonzi_____________

3. Mukadzi anoroorwa nokuda kwekuti aripo achembera anonzi____________

4. Mukadzi anoroorwa nokuda kwekuti mumba mashaya mbereko anonzi

5. Mukadzi anoroorwa nekuda kwekuti atsive hamakadzi inenge yashaya anonzi

6. Imba inorara vakomana inonzi_____________

7. Imba inorara vasikana inonzi_____________

8. Kana mwana akayamwa pana amai vakazvitakura kunonzi_____________

9. Mwana anozvarwa nguva yake isina kukwana anonzi_______ _____

10. Hari inochengeterwa doro inonzi_____________

11. Doro rinomwiwa navanhu vamboti shandei rinonzi____________

12. Panobikirwa doro panonzi___ _________

13. Kuisa chimera mudoro ratsva kunonzi_____________

14. Doro rinobikirwa mumusha riri rokutengesera vanhu rinonzi

15. Hari yedoro inopiwa sabhuku kana mambo iri yokushuma doro rabikwa mumusha inonzi

16. Panogara makudo panonzi

17. Panomira gudo richitarisa vanhu mamwe achidya mumunda panonzi

18. Gudo rinotarisa vanhu mamwe achidya mumunda rinonzi_________

19. Gudo gadzi risingabereki rinonzi_____________

20. Gudo gonho rinowanzofamba roga rinonzi

29
Chikamu B

A. gate K. chisharaimvi
B. pabikiro L. gavamwedzi
C. pachiro M. horomba
D. chigadzamapfihwa N. kuyamwira
E. kuzvarira O. mboi
F. gota P. nharire
G. kupumha Q. chikururamabhachi
H. kuganha R. mbukuro
I. chimutsamapfihwa S. ndari
J. nhanga T. nharirire

B. Isa mazwi anotevera muuzhinji.

1. dununu 6. gwati
2. diro 7. nyeredzi
3. bimha 8. nyenganyenga
4. roro 9. dumba
5. demhe 10. fafitera

C. Ipa mazwi anopesana neanotevera.

1. tsinzinya 11. mudengadenga


2. manheru 12. kwira
3. kachembere 13. taura
4. nonoka 14. rasa
5. mambakwedza 15. mavambo
6. kunyunyuta 16. vhomora
7. kuremekedza 17. sanganisa
8. kupuwa 18. pungura
9. hombe 19. pfumbata
10. kuenda 20. chokwadi

30
CHIKAMU 7

NZWISISO

Verenga nyaya inotevera ugopindura mibvunzo.


“Mwanangu kuti munhu aonekwe pane vamwe vanhu hunge akadzidza. Saka iwe tenda
midzimu yako kuti vabereki vako vachiri vapenyu uye vari kukuendesa kuchikoro. Mwanangu
ndinoti kana waenda kuchikoro fambira chinhu chimwe. Ita semuchairi weamburenzi
anofambira chinhu chimwe chete, kwete kuzodzingirira tsuro mbiri ^nokuti hapana
yaunobata. Pano pamushatiri kupona namaricho. Danga redu rasara nemombe mbiri dzoga
dzatinozotengesa kana wava kunyora bvunzo dzako. Ini baba vako naamai vako tongova
hari dzofanzirofa. Hatichina zvimwe zvatichakwanisa kuita muupenyu kunze kwekumirira
kuzochengetwa newe pamwe chete nevanin’ina vako. Ndinoziva kuti mabhuku achakunetsa
asi kana ukashingirira unobudirira chete. Pese paunenge uchiita zvinhu rangarira tsumo
dzinoti, Rugare tange nhamo naapunyaira kumeso haashayi misodzi. Kana ukanotamba
hunenge hwava upenzi hwako. Ini ndapedza mwanangu.” Vakadaro VaVerenga vachiraira
mwana wavo akanga oenda kunopedzisa kosi yake yourairidzi.

Ava mangwana acho Tafara akafumobata jongwe muromo ogadzirira ..rwendo rwake.
Ava munzira Tafara aizeya mashoko ababa vake. Akaona kuti mhuri yavo yakanga yava
mumaoko ake. Izvi zvakamupa pfungwa yokushanda nesimba.

MIBVUNZO YENZWISISO

A. Sarudza mhinduro yakakodzera pane dzakapiwa.


1. Nyaya iyi iri pamusoro pe_____________
A. dzidzo % B. kuraira C. muteuro D. nhamo

2. Mhuri iyi yairarama noku__ ___________


A. kwata kune dzin/iwe dzimba
B. kwereta kune vanowana
C. tsvaga mabasa epamusoro mudhoroba
D. itira vamwe mabasa vachipuwa muripo

3. Chii chaifanirwa kutendwa naTafara?


A. ungwaru hwevabereki vake
B. upfumi hwevabereki vake
C. kuita semuchairi weamburenzi
D. mukana wekuenda kuchikoro

4. Baba vaTafara vaiva munhu anokoshesa____________


A. mudzimu B. dzidzo C. dzinza D. mombe

Chii chaitarisirwa nababa vaTafara kubva kuna Tafara?


A. kuzova baba vavo vokubereka
B. kuzova munhu anozivikanwa
C.kuzovachengeta
D. kuzovarasa

31
a Pindura mibvunzo inotevera zvizere.

1. Nyaya iyi inotidzidzisa chii?

2. Ndedzipi tsuro mbiri dziri kutaurwa mundima?

3. Zvinorevei kuti Tafara aizova baba vatsva vemhuri?

4. Nyaya iyi inotiratidza kuti Tafara mwana wakaita sei?

5. Tafara aida kuzoita basa re_____________

MUTAURO

A. Pedzisa zvinotevera nemazwi ari muChikamu B.

1. Jira rinogadzirwa nedehwe rinonzi_____________

2. Vanhu voukama vakaroorana zvinonzi vaita

3. Tinoti munhu anodya kusvika aguta, mvura tinoti anonwa kusvika a.

4. Tinofurura chibage, nzungu tino.____________

5. Tinocheka rukweza, nyimo tino_____________

6. Gomba rinochengeterwa mbambaira rinonzi_____________

7. Tinorodza mapanga, mapadza tino_____________

8. Mukadzi anotiza murume achinoroorwa pamwe anonzi

9. Huni dzinotsvakwa dzokudziya padare dzinonzi_____

10. Fodya inochengeterwa mu_____________

Chikamu B

A. umbura F. gonan’ombe
B. tsvingu G. deza
C. daunha H. vanga
D. gungwa I. tanhaura
E. pfimbi J. makunakuna

B. Sarudza izwi rakakodzera kuzadzisa zvirevo zvinotevera:

utwu idzi iri izvi ichi urwu uyu aya ava imi iyi

32
/T Chuma ndechani?

2. Zigudo ndiro rakatora chidhori chemwana.

3. Huni_ dzauya nengoro yambuya vangu.

4. Twana _ twaitamba mahumbwe pamusoro pechuru.

5. Chitupa. __ chakaraswa naVaMuchineripi.

6. Tora zvinhu _____ upe amai.

7. Nhanga___ inogara yakachena nguva dzose.

8. Rwizi_____ runonyudza.

9. Maonde __anotapira.

10. Mukomana ____ ndiye akakunda vose pakumhanya.

33
" \

NZWISISO

Verenga tsamba inotevera ugopindura mibvunzo.

Chimhashu School
Private Bag 206
Masvingo

15 Kubvumbi 2006

Sachigaro
Tsvatsvatsva Co-operative
Box 1840
Masvingo

Vanodiwa Changamire

KUTSVAGA NZVIMBO YOKUVA NHENGO YEMUSHANDIRAPAMWE

Zvichitevera kushambadza kwamakaita mupepanhau ra12 Kubvumbi 2006, jidiri kunyora


tsamba ndichitsvaka nzvimbo yokuva nhengo yemushandirapamwe. Ndiri mukomana ane
makore makumi maviri. Ndakapedza zvidzidzo zvangu zvefomu yechina makore matatu
apfuura. Ndakaita zvidzidzo zvekuveza zvokuti handizonetseka kana ndikava nhengo
yeboka renyu.

Kana muchida kuziva nezvangu ndinokukumbirai kuti munyorere mukuru wechikoro chinonzi
Muwiwi Secondary School, Box 377 Masvingo.

Ndinotarisira kuti ndichawana mhinduro inofadza.

Ndini anovimbika

Tawonga Chigutsa

MIBVUNZO YENZWISISO

A. Sarudza mhinduro yakakodzera pane dzakapiwa.

1. Ndiani akanyora tsamba iyi?


A. sachigaro B. mukuru wechikoro
C. Tawonga D. mushandirapamwe

2. Munyori anogamuchira tsamba dzake kupi?


A. Tsvatsvatsva Co-operative B. Chimhashu School
C. Muwiwi School D. mudhorobha reMasvingo

34
3. Munyori akaziviswa nani nezvenzvimbo yaiva kumushandirapamwe?
A. nasachigaro B. nemukuru wechikoro
C. nepepanhau D. neshamwari dzake

4. Tsvatsvatsva Co-operative iri mudunhu ripi?


A. Harare B. Masvingo
C. Gweru D. Mutare

5. Ndiani aiziva nezveunhu hwemunyori?


A. vabereki vake B. sachigaro wemushandirapamwe
C. mukuru wechikoro cheChimhashu D. mukuru wechikoro cheMuwiwi

B. Pindura mibvunzo inotevera zvizere.


1. Munyori akaita zvidzidzo zvesekondari kupi?
2. Munyori akapedza rugwaro rwefomu yechina ane makore mangani?
3. Mupepanhau romusi wa12 Kubvumbi makashambadzwa nezvei?
4. Mushandirapamwe uyu unotarisirwa kuita nezvei?
5. Nemhaka yei munyori akati aitarisira mhinduro inofadza?

MUTAURO

Pedzisa nemazwi anokodzera kubva muChikamu B.


1. K u d y a k w a m a s ik a ti k u n o n z i __________________

2. Kudya kwamanheru kunonzi_____________


3. Panosangana nzira panonzi_____________
4. Nzvimbo ine miti yamazhanje yakawanda inonzi____________
5. Tinoti munhu ane pamuviri, imbwa tinoti ine_____________
6. Tinoti huku ine mazai, mbudzi tinoti ine_____________
7. Mukadzi anongobereka vanasikana chete anonzi_____________
8. Mukadzi anongozvara vana vakafa anonzi ane_____________
9. Munda wamambo unonzi_____________
10. Panorasirwa madota panonzi_____________

Chikamu B
A. muteera / muterere F. zunde
B. mharadzano G. jiri
C. mauta H. zamu
D. durunhuru I. kusvusvura
E. machekanhembe J. kuraira

35
I

f R B H
NZWISISO

Verenga nyaya inotevera ugopindura mibvunzo.


“Mwanangu chahukura chaona. Unoti zvese zvatiri kunzwa manyepo?” vakadaro amai
Chipo vachibvunza mwana wavo. Chipo akapindura achivataurira kuti zvese zvaitaurwa
pamusoro pake aiva manyepo. “Zvisinei mwanangu tichaona kunowira tsvimbo nedohwe,”
vakabva vanyarara zvavo.

Chipo akaenderera mberi nezvidavado zvake zvekudya nyika rutivi. Haana kuziva kuti mafaro
mwena kuuteedza unoguma. Aiti akazvitarisa mugirazi aibva agutsikana kuti zvechokwadi
aiva akaumbwa Nyadenga achine nguva. Zvemabhuku kwaari yanga yava imwe nyaya
akanga osimbirira mune zvenyika. Zviya zvokuti kusasana kunoparira hazvina kumbouya
mundangariro dzake. Nekufamba kwenguva mwana wavaridzi akabva aita chamanzeve.
Aiti kwaatizira odzingwa sembwa.

VaMandirunga pavakanzwa nezvenyaya iyi vakapera simba. Misodzi yakanga yongoerera


pamatama vanyadzwa neura hwavo. Zai ravo rakanga ratamba nemadhaka pasina mvura.
Tarisiro yavo yokuti vachazoita mwana chiremba yanga yangofanana nekumirira bete
raenda kumukaka.

MIBVUNZO YENZWISISO

A. Sarudza mhinduro yakakodzera pane dzakapiwa.


1. Zvii zvanzi zvaihukurwa?
A. imbwa. B. zvousiku.
C. vanhu. D. mashoko.

2. Chii chaituma Chipo kuita zvaaiita?


A. vabereki vake B. kuomerwa nechikoro
C. kudzinga mbiri D. runako rwake

3. Mafaro ari kutaurwa mundima_____________


A. itsika dzine unhu B. itsika dzakashata
C. kuona mitambo yebhora D. kutamba kuchikoro

4. Zvinorevei kuti kunowira tsvimbo nedohwe munyaya?


A. kuchaperera manyepo aitaurwa
B. kuchaperera chokwadi chaitaurwa
C. kuchaperera mashoko aitaurwa
D. kuchaperera matambudziko aamai Chipo

5. Kubva munyaya “ura” zvinoreva________ .


A. unaku B. mwana
C. mapapu D. unhu

36
. Pindura mibvunzo inotevera zvizere.
1. Chii chakakanganisa tarisiro yaamai Chipo kuti isabudirira?

2. Ndeupi mubairo wakawanikwa naChipo kubva muzviito zvake?

3. Chii chinotiratidza kuti Chipo aidanana nevarume vakawanda?

4. Nemhaka yei tsumo yokuti “Kusasana kunoparira” yaishuvirwa kupinda mundangariro


dzaChipo?

5. Nyaya iyi ingabatsirei kumuverengi?

MUTAURO

Sarudza mhedziso yakanaka kubva muChikamu B.

1. Mombe hadzi isati yabereka inonzi_____________

2. Munhu anoti chero chaadya hachinaki anonzi ane mukanwa mune_________ _ _ .

3. Ukasvika pane vanhu vari kuita basa unoti_____________

4. Murume akasvika pane vamwe varume vari kuvhiya mhuka anoti_____________

5. Hari inokodzekerwa mukaka inonzi_____________

6. Mvura inobuda mumukaka wakakora inonzi_________

7. Munda mutsva unonzi____________

8. Munda wagara uchirimwa unonzi____________

9. Nzvimbo yaivigwa madzishe inonzi_____________

10. Muti unobukira pane umwe muti wakasiyana nawo unonzi____

Chikamu B

A. hodzeko F. tsiru
B. gura G. gombo
C. showoro H. ninga
D. mutuvi I. chishavapavarume
E. vashumi J. gomarara

37
r 'N

NZWISISO

Verenga nyaya inotevera ugopindura mibvunzo.


Chibage ndechimwe chezvirimwa zvinokosha munyika yedu. Chibage chinotipa kudya
kunopa simba. Kunze kwekuwana sadza tinowana zvinwiwa kubva muchibage. Hachidi
chando chakanyanya.

Mapfunde ndechimwe chezvirimwa zvinorimwa muno munyika yeZimbabwe. Mapfunde


anoita zvakanaka kunzvimbo dzakaoma dzakaita sekuMatabeleland nekunzvimbo
dzakaderera. Mbeu iyi haidi mvura zhinji.

Gorosi rinorimwa zvakare munyika ino. Tinowana chingwa kubva kugorosi. Chirimwa ichi
chinoda chando uye chinoita zvakanaka kana pakashandiswa nzira yekudiridzira. Izvi
zvinoreva kuti madhamu anodiwa kana tichida gorosi zhinji.

Nzimbe ndechimwe chirimwa chinokosha. Nzimbe dzinotipa tsvigiri iyo yatinoisa


musvutugadzike nezvimwewo zvatinoda kuti zvitapire. Nzimbe dzakawanda dzinorimwa
kunzvimbo dzakaderera. Ndiko kune ivhu rakakodzera uye mamiriro anenge akaita kunze
kunzvimbo idzi ndiwo anodiwa nenzimbe kuti dziite zvakanaka. Chiredzi ine mukurumbira
panyaya yenzimbe.

MIBVUNZO YENZWISISO

Pindura mibvunzo inotevera zvizere.

1. Kunze kwesadza, chii chatinowana kubva muchibage?

2. Ndeupi mwaka wegore usingaenderani nekurimwa kwechibage?

3. Ipa chikonzero chinoita kuti mapfunde aite zvakanaka kunzvimbo dzakaita


seMatabeleland.
*

4. Ndechipi chirimwa chisingadi kurimwa munguva inopisa zuva zvakanyanya?

5. Chii chinoita kuti nzimbe dzikoshe?

6. Nemhaka yei Chiredzi ine mukurumbira?

7. Nemhaka yei nzimbe dzakawanda dzisingarimwi munzvimbo dzakakwirira?

MUTAURO

A. Nyora zvirevo zvinotevera zvakanaka.

1. Akati ndipe bhuku rangu.


J
38
^ 2 . Nhasi taseva nyama yehuku nesadza rezviyo.

3. miti iri mugomo mazambara yakasikwa namwari

4. Ndiani akupa mvumo yokutamba bhora Mudzidzisi akabvunza mwana.

5. Mwanangu vakatura mafemo tichaenda kumusha mangwana Vakadaro VaChimoto.

6. Nhaudzatanzwa nhasidzanga dzichifadza zvikuru.

7. A ndizvo zvawaida nhai akadaro sekai

8. Chingwa mabhanzi makeke zvose zvinotengeswa muchitoro icho.

9. gara ndichauya ibhuku rakanyorwa nemunyori anemukurumbira

10. kambwanana kedu anofarira sadza nemukaka.

B. Verenga tsamba inotevera ugopindura mibvunzo.

Machokoto School
Box 341
Chivhu

10 Kurume 2006

Kuna Ruvimbo

Shamwari ndinonzwa mufaro mukuru kukukoka kubhavhadhe rangu musi wa10 Kubvumbi.
Ndichange ndichisvitsa makore gumi nemaviri. Mutambo wacho uchaitirwa kuchechi yedu
sezvo uchange uri musi wesvondo. Ndinotarisira kuti munhu wese achafara nekunzwa
mimhanzi ichange ichiridzwa nebhendi rechechi yedu.

Magadziriro ezuva iri akatotanga vhiki rapera. Zvokudya zvichange zviri mavhu namarara
kunze kwedoro nokuti mutemo wechechi haubvumiri doro. Mufundisi wedu ndiye achange
ari mutauri mukuru pazuva iri.

Ndinokumbira kuti uuye tichangovhara chikoro kuti uzondibatsira kuronga kuti zvinhu zvose
zvifambe zvakanaka.

Ndinovimba kuti unofara pamwe nemhuri yako.

Shamwari yako

Zorodzai

39
1. Munyori akanyora tsamba ane makore mangani?
A. gumi nerimwe B. gumi nemaviri
C. gumi nematatu D. gumi nemana

2. Ndiani ari kukokwa kumutambo?


A. Zorodzai B. Ruvimbo C. mufundisi D. mhuri yaRuvimbo

3. Mutambo uchaitirwa-------
A. kumba kwanaRuvimbo B. kumba kwaZorodzai
C. kwamufundisi D. kuchechi

4. Vanhu vanotarisirwa kunakidzwa ne.


A. doro B. mimhanzi C. mufundisi D. zvipo

5. Munyori akaratidza kuti shamwari yake


A. yaikosha pazuva iri B. yaifarira mabhavhadhe
C. yaizofarira mimhanzi D. yaizokoka vanhu pazuva iri

6. Chii chinotiratidza kuti mutambo webhavhadhe waikosheswa zvikuru?


A. kusatengwa kwedoro
B. kukokwa kweshamwari yapamoyo
C. magadziriro acho akakurumbidza kutanga
D. kunyorera shamwari yake tsamba

7. Ndiani akaramba doro?


A. mufundisi wechechi B. mutemo wechechi
C. vabereki vemunyori D. shamwari yomunyori

C. Zadzisa zvirevo nemazwi akakodzera.

8. Akanzi nechinyavada____________ pagumbo ndokuchema.


A. go B. n’a C. kachu D. nyeu

9. Mvura yainaya zvishoma ichiti---------------------


A. sinini sinini B. piti piti C. tsvoti tsvoti D. saka saka

10. Mazhanje akati____________ pasi pakadonha bhasikiti.


A. mwanda B. mwarara C. chechetere D. rakata

D. Zadzisa nedimikira rakakodzera.

11. Sarudzai haakurumidzi kutsamwa nekuti ane____________


A. moyo murefu B. moyo mukukutu
C. moyo mutete D. moyochena

12. Tambudzai paakasekwa neshamwari dzake---------------------


A. akaita chioko chegudo B. akaita mawiramombe
C. akaisa muromo mumhino D. akapeta muswe

40
E. Dudzira dimikira rinotevera.

13. Kuzvidya moyo


A. kutambudzika B. kunetseka
C. kufarisisa D. kufungisisa

F. Zadzisa tsumo inotevera.

14. Usajaidza makudo_________


A. neasingatori chakafa chega B. neanosendamira
C. neanokamhina D. anoruma mutokonyi

G. Sarudza tsumo ine dudziro inotevera.

15. Mwana mudiki anotaura chokwadi chete. Haana zviya zvokuti ichi hachirehwi kana kuti
ichi chinoera.
A. Mwana mudiki chirangaranga.
B. Mwana muduku kubvuma rwendo rwake ruri mukati.
C. Mwana muduku in’anga.
D. Mwana nyangonaka sei haaguswi musoro usiku.

H. Ipa tsumo inopikisana neinotevera.

16. Zviuya hazvidondani.


A. Mweni kudyisa hunge aona vohwo vachiita gapa.
B. Chikuni chinoda mukuchidziri.
C. Kupfuma kunowanikwa nedikita.
D. Dzinonanzvana dzakakora.

/. Sarudza tsumo ine dudziro yakafanana neinotevera.

17. Aniwa haachatyi kufamba mudova.


A. Akanga nyimo avangarara.
B. Wenhamo haachatyi kufamba murima.
C. Ateya mariva murutsva haachatyi kusviba magaro.
D. Gunguo rakatya mapapata aro mangani.

J. Verenga nyaya inotevera ugopindura mibvunzo.


Vana mazvikokota panyaya dzekurima vanoti makandiwa muminda anokosha panyaya
dzekuchengetedza ivhu kunyange kune vamwe vane pfungwa dzakaipa vanoti handizvo.
Makandiwa anowanisa mvura mukana wokufamba nawo zvodzivirira gukuravhu. Mvura
inofamba nemumakandiwa inochengetedzwa, pane dzimwe nzvimbo dzainonomira
yozoguma yavakushandiswa nevarimi ava nenzira dzinosanganisira kudiridzisa zvirimwa.

J
41
Kuitira kuchengetedza makandiwa aya varimi vanokurudzirwa kudyara uswa hunosimbisa
migero iyi, yakaita sebanna grass, kikuyu kana rimwewo sora remusango. Kudyara miti
yemichero kunokoshawo zvikuru panyaya dzekuchengetedza ivhu. Chirimerime panzvimbo
dzisina kukodzera sepadivi perwizi zvinokanganisa kuchengetedzeka kweivhu.

Minda yose inoiswa mumapoka zvichibva nokuti unorimika zvakadii. Minda isingarimiki
inoiswa zvakare mumapoka. Varimi vanokurudzirwa kushandisa midziyo yakakodzera
neminda yavo. Imwe yacho idisc plough, ripper nerooming disc.

18. Ndiani ari kukurudzira nezvekuchengeta ivhu?


A. nyanzvi dzekunyora B. nyazvi dzehurumende
C. nyanzvi dzekurima D. nyanzvi dzezviwanikwa

19. Pfungwa dzakaipa dzataurwa_____________


A. kuchera makandiwa B. kurima munzvimbo dzakafanira
C. kurima marimiro aunoda D. kurima kwamandorokwati

20. Inzira ngani dzataurwa dzakanakira makandiwa?


A. imwe B. mbiri C. nhatu D. ina

21. Gukuravhu rinokonzera____________


A. kushata kwamakandiwa B. kushata kwezvinhu zvose
C. kurasikirwa neivhu rakanaka D. kurasikirwa nesora rekikuyu

22. Nyaya iri pamusoro pe____________


A. kurudziro B. shungurudzo C. dudziro D. rairidzo

23. Chinangwa chikuru chemunyori ndechekuti____________


A. miti isimwe B. sora rikure C. goho rikure D. mvura inaye

24. Ndechipi chirevo chinotaura chokwadi kubva mundima?


A. Nyaya iri pamusoro pemapurazi chete.
' B. Sora harina kunakira murimi.
C. Makandiwa anongoda paminda mitsva yoga.
D. Sora rinobatsirawo murimi.

K. Zadzisa nemazwi anodudzira ukama.

25. Musikana anoti____________ kumwana watete vake.


A. mukomana B. mwana C. muzukuru D. sekuru

26. Mukadzi anoti____________ kune munin’ina wemurume wake.


A. babamukuru B. mainini C. tsano D. muramu

L. Sarudza izwi rinoreva zvakafanana nerakanyorwa nemavara akarereka.

27. Mukomana akatora dohwe raiva muhomwe.


A. munhava B. mumbudu C. muchanza D. musaki

42
28. Mbuya vangu vakakwanisa kutondera pavakaisa chuma chavo.
A. kurangarira B. kukanganwa C. kufembera D. kufungidzira

29. Ngwindi inogara mumvura.


A. garwe B. mupurwa C. mhatye ’ D. mvuu

30. Huku ine makodo anotsengeka.


A. mapapu B. dzondora C. mapfupa D. ura

M. Sarudza izwi rinopikisana nerakanyorwa nemavara akarereka.

31. VaChigutsa vakaenda kuvakarahwa vavo nezuro.


A. kumadzisahwira B. kuvakwasha C. kumadzimwene D. kuvakunda

32. Vanhu vatambudzwa netsvimborume dziri muruwa muno.


A. harahwa B. chembere C. majaya D. tsikombi

33. Amai vakavimbisa kuzouraya jongwe musi wekisimusi.


A. dhadha B.sheshe C. hanga D. nhiyo

N. Isa mazwi anotevera muuzhinji.

34. gan’a
A. gan’a B. magan’a C. makan’a D. zvikan’a

35. rize
A. marize B. maze C. mazirize B. rize

36. n’ombe
A. man’ombe B. n’ombe C. dzin’ombe D. madzin’ombe

O. Sarudza chirevo chakaumbwa zvakanaka.

37. A. Vovonora huni pabakwa.


B. Vovhonora huni pabakwa.
C. Vhovonora huni pabakwa.
D. Vhovhonora huni pabakwa

38. A. “Shamwari akadaro Chipo, “ndinoda kugara pasi.”


B. “Shamwari,” akadaro Chipo, “ndinoda kugara pasi.”
C. “Shamwari,” akadaro Chipo “Ndinoda kugara pasi.”
D. “Shamwari” akadaro Chipo “ndinoda kugara pasi.”

39. A. VaMusika naVaMuridzo vanogara kuchivhu.


B. VaMusika navaMuridzo vanogara kuChivhu.
C. VaMusika naVaMuridzo vanogara kuChivhu.
D. VaMusika navamuridzo vanogara kuchivhu.

40. A. Mombe anodya uswa.


B. Wana wacho vanofarira chingwa.
C. Twuchembere twaiona nhabvu.
D. Zigomana icho chinofara.

43
r ''N
CHIKWATA 2
Pepa 2
Nguva: Awa rimwe nechidimbu

MIRAYIRO KUVANYORI:

1. Verenga mirayiro yebvunzo unzwisise usati wanyora.

2. Usanyora bepa rebvunzo usati wapiwa mvumo.

3. Shandisa chinyoreso cheBlue kana Black pane zvose zvauchanyora pabepa


rekupindurira.

4. Pindura mubvurizo umwe chete pane mishanu yakapiwa.

5. Pindura mibvunzo neChiShona chakazara.

6. Unotarisirwa kutora awa rimwe nechidimbu papepa iri.

J
44
/f A
Rondedzero (20marks)

Pindura mubvunzo umwe chete kwete kuzopindura yose iri mishanu.

1. Nyora tsamba kumukuru wechikoro chako uchimupa mazano okuti chikoro chako
chingabudirira sei pane zvemitambo.

2. Nyora rondedzero uchitsanangura mutambo wenhabvu wawakamboona.

3. Nyora rondedzero pamusoro pezuva remibairo rakaitwa pachikoro pako.

4. Nyora rondedzero pamusoro pemwaka wegore waunofarira.

5. Nyora rondedzero pamusoro pekukosha kwemiti.

Nzwisiso (10 marks)

Kubva kare vakuru vainwa doro nekuda kwezvikonzero zvakasiyana-siyana. Zvimwe


zvezvikonzero zvaiva nhimbe, mabira kana mitambo yakaita seyekuwanana.

Kunwiwa kwaro doro kwaidzidzisa vanhu tsika dzavo nokuti mucheri wehari yedoro aichera
achitanga apa vakuru opedzisira navadiki. Zvakanga zvisingaiti kuti mwana mudiki atange
kupuwa hwahwa vakuru vasati vapiwa. Nokudaro kunwiwa kwedoro kwaidzidzisa vanhu
kukudza vakuru. lye zvino zvasiyana, pasi parohwa nenyundo. Ruremekedzo rwaiwanikwa
kare rwakabhururuka. Vana vadiki nevakuru yava nhangemutange pakutenga doro.
Hapachina achakudza mumwe. Vadiki vava kukudza homwe dzavo chete.

Pindura mibvunzo inotevera uchishandisa zvirevo zvizere.

1. Chii chaiva chisingangoitwi navakuru kare?

2. Kare vakuru vainwa doro zvaita sei?

3. Kunwiwa kwedoro kare kwaiva kwakakosherei?

4. Ndivanani vaitanga kupiwa doro nemucheri kare?

5. Ndezvipi zvaiera zvataurwa mundima?

6. Nyora izwi rakafanana nerekuti “doro” rataurwa munyaya.

7. Ndeapi mazwi ari munyaya anoreva kuti zvinhu zvapinduka?

8. Izwi rokuti “kubhururuka” riri kurevei mundima?

45
CHIKAMU 2

Rondedzero (20 marks)

Pindura mubvunzo umwe chete kwete kuzopindura yose iri mishanu.

1. Nyora rondedzero pamusoro penhimbe yawakambokokwa ukaenda.

2. Nyora tsamba uchipindura shamwari yako yakakukoka kumutambo wayo webhavhadhe


uchiitaurira kuti uri kuuya.

3. Nyora uchitsanangura nzvimbo yaungada kuzoshanyira.

4. Nyora detembo pamusoro pekurima.

5. Nyora rondedzero uchitsanangura zuva rawakashanyira chipatara.

Nzwisiso (10 marks)

Verenga nyaya inotevera ugopindura mibvunzo neChiShona chizere.

Vana inhaka yedu inokosha, vatungamiri vedu vamangwana. Utano hwakanaka ndiwo
musimboti mukurarama kwevana vadiki.

Kune zvirwere zvitanhatu zvinodzivirirwa kuvana vadiki kubvira pavanozvarwa kusvikira


vave nemakore mashanu. Zvirwere zvacho zvinoti rurindi, gwirikwiti, mhetamakumbo,
chipwembwe, chiomesashaya uye chemaronda pahuro. Zvirwere izvi zvinogona kuremadza
kana kuuraya vana kana pasina kuitwa dziviriro yakakwana.

Kana mwana achangozvarwa anobaiwa jekiseni rinonzi BCG rinodzivirira rurindi.


Pamwedzi mitatu anobaiwa jekiseni rinodzivirira zvirwere zvinoti chipwembwe,
chiomesashaya uye chemaronda pahuro. Mushonga wekudzivirira mhetamakumbo
unoita zvokudonhedzwa mumuromo memwana. Izvi zvinodzokororwa pamwedzi mina
nemishanu.

Kana mwana ave nemwedzi mipfumbamwe anobaiwa jekiseni rokudzivirira gwirikwiti.


Mwana ane gwirikwiti haabvumidzwi kugara pane chiedza nokuti zvinogona kukanganisa
maziso ake.

Kana mwana ave negore nemwedzi mitanhatu anodzivirirwa kumhetamakumbo,


chipwembwe, chiomesashaya nechemaronda pahuro. Kana mwanaasvitsamakore mashanu
anodzivirirwa kumhetamakumbo, chiomesashaya pamwe nechirwere chemaronda pahuro.
Nokudaro vabereki vose vanokurudzirwa kuti vadzivirire vana kuzvirwere izvi.

Pindura mibvunzo inotevera uchishandisa zvirevo zvizere.

1. Zvirwere zvingani zviri kutaurwa mundima?

46
Chii chinogona kuitika kumwana kana akasadzivirirwa kuzvirwere izvi?

4. Jekiseni reBCG rinodzivirira chii?

5. Nemhaka yei mwana ane chirwere chegwirikwiti asingatenderwi kugara pane chiedza
chakanyanya?

6. Chirwere chechipwembwe chinodzivirirwa kangani?

7. Ndezvipi zvirwere zvinodzivirirwa kana mwana asvitsa mwedzi gumi nemisere?

8. Ndechipi chirwere chinorapwa nekudonhedzerwa mumukanwa?

CHIKAMU 3

Rondedzero (20 marks) v


%
Pindura mubvunzo umwe chete kwete kuzopindura yose iri mishanu.

1. Nyora rondedzero pamusoro pemhosva yawakaona ichitongwa padare mumusha


menyu.

2. Nyora tsamba kuhama yako iri kune imwe nzvimbo uchiizivisa nezverufu rwehama
yako.

3. Nyora rondedzero pamusoro pemhuka yaunofarira.

4. Nyora tsamba kumukuru wechikoro uchitsvaga nzvimbo yeForm One.

5. Nyora rondedzero pamusoro perwumbo rwaunofarira nechidzidzo chaunowana kubva


murwumbo urwu.

Nzwisiso (10 marks)

Verenga nyaya inotevera ugopindura mibvunzo.

Pachivanhu paiva nechirevochinoti, “Murume tsvimbo ita mbiri, imwe ikapotsa, imwe inosara”.
Apa vakare vainge vachitaura kuti zvinhu zvaifambirana neupenyu hwenguva iyoyo. Kare
barika raiita kuti vanhu vawande pamusha nekubatsirana basa. Vakadzi vaiuya pabarika
nenzira dzakasiyana-siyana. Vamwe vaiita zvokupfimbwa, vamwe zvokuzvarirwa nevamwe
iri nhaka. Vamwe vairoora vakadzi vazhinji nekuda kweruchiva. Vamwe vaingotizira vasina
kumbopfimbwa. Madzishe, n’anga, hurudza nevaiva neunyanzvi ndivo vaiwanzoita barika.
Upenyu hwemazuva ano hwave hwemari uye vakadzi vacho vachenjera havachadi
zvokudzvinyirirwa. Vazhinji vava kutya kutapurirana chirwere cheshuramatongo sezvo
murume anenge asina kumirira mukadzi mumwe chete.

Pindura mibvunzo inotevera uchishandisa zvirevo zvizere.

1. Chaifananidzwa nekuva netsvimbo mbiri chii?


V:
47
^ 2 . Inzira ngani dzarehwa dzairoorwa nadzo vakadzi pabarika?

3. Ndechipi chirevo chiri mundima chinotsanangura izwi rokuti “kuganha”?

4. Ndevapi vaiwanzoita barika vataurwa?

5. Ndezvipi zvinhu zviviri zvaive zvakanakira barika kare?

6. Nderipi izwi riri mundima rinoreva zvimwe nekuti ‘kuchochora’?

7. Sei vakadzi vemazuva ano vasingachadi zvebarika?

CHIKAMU 4

Rondedzero (20 marks)

Pindura mubvunzo umwe chete kwete kuzopindura yose iri mishanu.

1. Nyora tsamba kuvabereki vako uchivataurira nezvebasa rauchada kuzoita kana uchinge
wapedza chikoro.

2. Nyora hurukuro pakati pako neshamwari yako pamusoro unoti ‘Kuchengetedzwa


kwevana vane vabereki vakaenda mhiri kwemakungwa’.

3. Nyora rondedzero pamusoro perwendo rwausingakanganwi.

4. Nyora nhetembo uchirumbidza mumwe wevabereki vako.

5. Nyora tsamba kumushamarari weRadio Zimbabwe uchitsvaga imbwa yako yakarasika.

Nzwisiso (10 marks)

Verenga nhetembo inotevera ugopindura mibvunzo inotevera.

Shumba Mhazi
Maita Shumba
Zvaitwa Mhazi
Mhondi inopendera pasina gwenzi,
Hekani Mukanyairi,
Maita vakuru vamasango,
Vanovhundutsa vamwe namukanya uri muzenze,
Vamadzvovera,
Vabanduri vamapfupa,
Vana meso anozezesa kuringa,
Mukakatira kwasviba,
Vapondi vezvipenyu zvinozvifambira,
Hekanhi Mupwanyanzombe,
Mudyandichiomba,

48
Madzvovakamwe, \
Mufandichiomba.

Pindura mibvunzo inotevera uchishandisa zvirevo zvizere.

1. Munhu anotendwa sezviri munhetembo iyi anenge achiera mutupo upi?

2. Izwi rekuti ‘mhondi’ rinotiudza kuti Shumba imhuka yakaita sei?

3. Sei shumba ichinzi “vakuru vesango”?

4. Zvinorevei kuti ‘Vabanduri vamapfupa?’

5. Ndeapi mazwi ari mundima anotaridza kuti shumba inouraya panguva dzeusiku?

6. Ndeipi mhuka yanzi inotyisa munhetembo?

7. Chinhu chinganzi “Mupwanyanzombe” chinhu chakaita sei?

8. Ndeapi mazita matatu apiwa shumba munhetembo iyi?

Rondedzero (20 marks)

Piridura mubvunzo umwe chete kwete kuzopindura yose iri mishanu.

1. Nyora rondedzero pamusoro pedzivo rakaitika munharaunda menyu.

2. Nyora tsamba kumumiriri wedunhu renyu mu Parliament uchimutsanangurira zviri


kutambudza vana vechikoro mudunhu menyu.

3. Nyora nhetembo yokurumbidza umwe wedzinza renyu aita zvakanaka.

4. Rondedzera zuva rakakutsamwisa zvikuru.

5. Nyora rondedzero pamusoro pemachikichori awakambosangana nawo.

Nzwisiso (10 marks)

Verenga nyaya inotevera ugopindura mibvunzo.


Musha waVaChinhema waiva musha wavanhu. Pwere, harahwa, chembere, majaya
nemhandara ndopaiva pachitambiro padzo. Misi mizhinji, kunyanya musi weSvondo,
vokubasa vakauya, munzanga maVaChinhema maigara iri mveyesanwa; runopururudza,
runotamba nemadzimai, chikwe-e chaingoswerobarika. Waiva musha worufaro. Musha
waVaChinhema wakanga usina dare zvaro. Kunyange zvawo waiva musha weguru, godo
J
49
raiva shoma somusha wakange uri wechizvarira pasina mutorwa. Chinhu chainyanya
kukwezva vanhu vazhinji kuti vaende mumusha maVaChinhema zvaiva zvokudya. Muzhizha
vanhu vaiswerera sadza, manhanga nemabarwe. Pwere dzainyanya kufarira nzungu
nenyimo. Kana vari vakuru vokuda hwahwa, iro rakange risina chirimo kana zhizha, vazhinji
vaitotama dzimba. Mukadzi mukuru waVaChinhema Mai Tinotenda, vaiti kana varibika
vomene, ravaiti mupisadire, hapana aisara. Vanhu vaitoziva kuti kana muchayiwa waro
waidhaka kunge doro chairo. Nguruve namadhongi zvaidya masese edoro raMai Tinotenda
waiwana zvorungaira.

Pindura mibvunzo inotevera uchishandisa zvirevo zvizere.

1. “Musha wavanhu” munyaya iyi zvinorevei?

2. Izwi rokuti “nzanga” rinorevei mundima?

3. Vahosi vaVaChinhema vainzi ani?

4. Hwahwa hwaibikwa nguva ipi?

5. Chii chaiita kuti vanhu vafarire musha waVaChinhema?

6. Zvinorevei kana zvichinzi “musha wechizvarira” kubva mundima?

7. Vanhu vaidya chii muzhizha?

8. Chii chaidhaka kunge doro chairo?

CHIKAMU 6

Rondedzero (20 marks)

Pindura mubvunzo umwe chete kwete kuzopindura yose iri mishanu.

1. Nyora rondedzero pamusoro pekunaka kwakaita dzidzo.

2. Nyora rondedzero pamusoro paambuya vako uchitsanangura kuti sei uchivafarira.

3. Nyora tsamba kuvakuru vezvikoro uchitsvaga basa rourairidzi mune zvimwe zvezvikoro
munharaunda maunogara.

4. Nyora nhetembo pamusoro pokukosha kwezvipuka zvakasikwa nanyadenga.

5. Nyora hurukuro pakati pavatete nemwana wehanzvadzi yavo vachitaurirana netsika


dzavako mazuva ano pakati pewanano.

Nzwisiso (10 marks)

Verenga nyaya inotevera ugopindura mibvunzo.


Tvihai Mai Chakanyuka, ko takatadzei isu? Chitema chedu chiri papi? Mwana uyu takaedza
nepatinogona kuti ave munhu savamwe munyika. Upenyu hwanhasi hauchiii hwamakarekare

50
kwete. Hakuna mana dzinorehwa muBhaibheri dzainzi valziraeri vaiswerononga sehuku
dziri pachivanze. Zvanhasi munhu kunzi munhu wotodya cheziya. Onaika Mai Chakanyuka
A
kuti isu tiri vaviri hataidya rinopisa, taiswera miromo yakati papata tichibata basa mubindu
redu, kuri kuitira kuti mwana wedu adzidzewo zvinoita vana vavamwe, kuri kutizve mapudzi
edu atakapiwa, ura hwedu tihuriritire. Ko, moda madanha akadini? Kumusana takaisa, zamu
takamupa, bota akadya nhasi kuchikoro tikati endawo, zvino takatadzei?”

“Asi Mai Chakanyuka mwana uyu, Chakanyuka, zvaatiitira izvi zvokuramba chikoro izvi
atibaya uye azviuraya pachake. Izvi zvinobaya mwoyo. Fata akanaka asina kuita mbereko.”
(Kubva muna ‘Nhoroondo dzechiShona’ naVa J.D. Hungwe).

Pindura mibvunzo inotevera uchishandisa zvirevo zvizere.

1. Ndiani aitsutsumwa mundima iyi?

2. Ndevapi vainzi vainhonga mana?

3. ‘Kudya cheziya’ kuita sei?

4. Munyaya iyi “mapudzi edu” zvinorevei?

5. Mundima, Fata munhu akaita sei?

6. Nyora dimikira rimwe chete rakashandiswa mundima rinoratidza kushanda kukuru.

7. Zvinorevei kubva mundima kuti “taiswera miromo yakati papata”?

8. Pamazwi akataurwa nababa vaChakanyuka, ndeapi anotiratidza kurwadziwa mwoyo


kwakadzikisisa?

Rondedzero (20 marks)

Pindura mubvunzo umwe chete kwete kuzopindura yose iri mishanu.

1. Nyora tsamba kushamwari yako yakarambwa nevabereki vayo uchiinyaradza nekuipa


mazano ekuti ingazviraramisa sei.

2. Nyora rondedzero pamusoro pezvakanakira kugara mumaruwa kana mudhorobha.

3. Nyora tsamba kushamwari yako yawakanzwa kuti yava kuba uchiitsanangurira kuipa
kwazvo.

4. Nyora rondedzero pamusoro perwendo rwaunoshuvira kufamba.

5. Nyora rondedzero pamusoro pezvakanakira kubatana pamwe semhuri imwe chete.

51
^Nzwisiso (10 marks)

Verenga zvinotevera ugopindura mibvunzo inotevera.

Mubati wehomwe: Vanhu vekuno makapusa chaizvo. Muri zvituta zvevanhu. Wanga
uchifunga kuti ungakwira bhazi rino mahara, kubva kwaZumba
kusvika kuMutora?
Ndorika: Aiwa kani! Ini handina kumboita pfungwa iyoyo. Imi ndimi manditi
pinda mubhazi ndozokupa tikiti tava kufamba.
Mubati wehomwe: Zvino wazoregererei kutenga tikiti rako bhazi paranga rava kufamba?
He-e! Kusvika kuno kwese uku wakangonyarara? Unofunga kuti
wakangwara handiti?
Ndorika: Aiwa! Ndanga ndichiti muchazouya mondipa tikiti.
Mubati wehomwe: Iwe musikana iwe! Dai ndanga ndisina kukubvunza tikiti handiti
wanga wava kutobuda, wava kutoenda zvako? Hee!
Ndorika: Nda-nda-nda.
Mubati wehomwe: Haikona kungoti nda-nda-nda apo! Pandakuti chindipa mari, wabva
vandipa $200 000. Hauzivi here kuti bhazi rinoita $500 000 kubva
kwaZumba kusvika kuMutora? Vasikana majaira kusabhadhara.
Ndorika: A-a-ah!
Mubati wehomwe: Wakapusa! Usandinyinurira mazizino seedhongi. Wanga uchifunga
kuti ndiri chituta zvino waigochera pautsi. Kana waisimbotamba iyoyo
nhasi wairasa. Tsuro haiponi rutsva kaviri, musikana. Musi mumwe
gava richadambura musungo.
Ndorika: Ndiregerereiwo! Ndouya neimwe mari yacho mangwana.
Mubati wehomwe: Kwete! Izvo wotonozvitaurira kumapurisa. Ini ndapedza newe.
Ndonokusiya kuvakomana vanochengetedza runyararo.

Pindura mibvunzo inotevera uchishandisa zvirevo zvizere.

1. Munyaya iyi mune vanhu vangani?

2. Vanhu vari kutaurirana vaiva pai?

3. Ndeipi mhosva yakaparwa naNdorika?

4. Ndorika aiva ashoterwa nemarii?

5. Bhazi iri raibva kupi?

6. Nemhaka yei Ndorika aingoti nda-nda-nda?

7. Ndivanani vanonzi nemubati wehomwe “vakomana vanochengetedza runyararo”?

8. Ndorika aifanirwa kuva nei kuti rwendo rwake runake?

9. Ndorika aiva munhu akaita sei?

10. Hurukuro iyi inotidzidzisa chii?

52
" \

Rondedzero (20 marks)

Pindura mubvunzo umwe chete kwete kuzopindura yose iri mishanu.

1. Nyora tsamba kushamwari yako uchimuudza nezvekuroorwa kwemusikana mukuru


wemumba menyu.

2. Nyora nhetembo pamusoro pemhuka yemusango yaunofarira.

3. Nyora rondedzero uchitsanangura pamusoro pebasa remumwe mushandi waunoziva


anoshanda mudunhu menyu.

4. Nyora rondedzero pamusoro pokukosha kwakaita vabereki mukurarama kwako.

5. Nyora nhaurirano pakati pemwana wechikoro nemudzidzisi pamusoro pekukosha


kwemutambo webhora pachikoro.

Nzwisiso (10 Marks)

Verenga tsamba inotevera ugopindura mibvunzo.

Kuedza Primary School


Private Bag 958
Kadoma

10 Nyamavhuvhu 2007

Mukoma Maenzanise

Ndinokuzivisai kuti kuno kumusha hakuna mufaro. Sekuru Zukwa vakashaya pakupera
kwesvondo. Vakazochengetwa neMuvhuro zuva rorereka. Hapana ati aziva chakasakisa
rufu rwavo, asi musoro namabvi avo zvaiva namavanga.

Sezvinhu zvamazuva ano, mapurisa aikasvika pamusha akati vigai henyu mutumbi wenyu.
Patakavachengeta pakange pasina vanhu vakawanda. Sekuru Madzimure namainini Svodai
vakasvika vachibva kwavo Shurugwi vakawana vanhu vachiri kugadzira imba. Mai vakati
isu vazukuru vomufi tisu taifanirwa kutenga bhokisi. Baba ndivo vakazobvisiswa mombe
yakauraiwa kuitira vanhu vakaungana vakarinda musasa. Amai vanonetseka zvikuru norufu
rwehanzvadzi yavo yavasingazivi kuti yakadyiwa nei. Chinonyanya kuvanetsa iburi rasiyiwa
nasekuru. Pakange pofushirwa sekuru vanhu vakatambura nokubata amai vaiti, “Regai
ndipinde mundifushirewo zvichipererana.”

Nomusi woMuvhuro mangwanani sekuru vakuru, amai nababa vakafumoenda musango


kundotevedzera. Zvinonzi hakata dzakabata midzimu yokwavo nezvimwe; zvizhinji zvazvo
uchazozvinzwa kana wauya.

53
Hapana chokuita sekuru vatungamira.

Wako

Shumbanhete

Pindura mibvunzo inotevera uchishandisa zvirevo zvizere.

1. Ndiani akanga afa?

2. Chii chaiva chakonzera rufu urwu?

3. Ndiani akanyorerwa tsamba iyi?

4. Tsanangura zvinoreva mazwi aya sokushandiswa kwaakaitwa mundima:


i) zuva rorereka
ii) kundotevedzera

5. Munyaya iyi kuti “vakatisiya” zvinorevei?

6. Ndiani akanyora tsamba iyi?

7. Akatenga bhokisi rasekuru ndiani?

8. Ndivanani vakafumoenda musango?

9. Ndivanani vaibva kuShurugwi?

CHIKAMU 9

Rondedzero (20 marks)

Pindura mubvunzo umwe chete kwete kupindura yose iri mishanu.

1. Nyora tsamba kushamwari yako iri kumusha uchiiyambira zvinhu zvose zvainofanira
kungwarira kana ichinge yava kuzoshanda nokugara mudhorobha.

2. Nyora tsamba kumukuru wechikoro chenyu uchimuudza misikanzwa iri kuitwa nevamwe
venyu.

3. Nyora nhetembo pamusoro pechikoro chako.

4. Nyora rondedzero uchitsanangura mamiriro akaita musha wenyu.

5. Nyora rondedzero uchitsanangura basa raunoda kuzoita kana wapedza chikoro.

V_________________________________ J
54
Nzwisiso (10 marks)

Verenga zvinotevera ugopindura mibvunzo.


Tichaona akatora tyava yake mugota ndokunanga kuchamhembe kwaiva kune danga
remombe dzavo. Mukomana aizvivaraidza achiimba karwiyo sezvo aiva oga.

Mukomana akatinha mombe achienda kugura raiva neuswa hwakasvibira uye hwakabatana
sechibage chepachuru. Ari mugura mukomana akasangana neshamwari dzake nhatu
ndokutanga zvavo kutaura nyaya uku mombe dzichitambisa miswe kuri kufarira mafuro.
Vakomana vakazofunga zvokutamba bhora. Vakanakidzwa nebhora kusvika vakanganwa
nezvemombe dzaifura. Pavakazoti meso tsve mugura, rakange rangova gura roga. Hana
dzavo dzakatanga kubika manhanga. Vana vakamhanya negura vava kutsvaka mombe.

Tichaona aiti akafunga baba vake hana yake yobva yanyanya kurova. Vakomana vakanga
vaigochera pautsi. Pavakazodziwana mombe dzakanga dzichitinhwa naVaChigutiro apa
dzakaguta nechibage chaiva mumunda mavo. VaChigutiro vakapopotera vana vazere
nehasha.Vakatorana voenda kuvabereki vevana kuti varipirwe mhaka yakanga yaparwa
nevana vavo.

1. Tichaona aishandisa chii kutinha mombe?

2. Musha wanaTichaona waiva kudivi ripi tichibva kudanga ravo?

3. Tichaona aiedza kudzinga chii paakaimba rwiyo?

4. Chii chinoratidza kuti Tichaona akanga asina mukadzi?

5. ‘Hana dzakabika manhanga’ zvinoreva_____________

6. Chii chaityiwa naTichaona?

7. Ndivanaani vaifudzira mombe mugura?

8 ’1mhosva yei yaida kuripirwa?

Rondedzero (20 marks)

Pindura mubvunzo umwe chete kwete kuzopindura yose iri mishanu.

1. Nyora tsamba kumukoma wako ari kure uchimukoka kumusangano wekereke uri kuitirwa
pamba penyu.

2. Nyora tsamba kumukuru anoona nezvemitambo mudunhu menyu wakamirira vamwe


vose uchikumbira mabhora nezvimwe zvamungashandisa muzvikoro.

3. Nyora rondedzero pamusoro pemutambo wawakambokokwa.

55
4. Nyora nhetembo pamusoro pemunhu waunofarira mudunhu menyu.

5. Nyora rondedzero pamusoro pambuya vako.

Nzwisiso (10 marks)

Verenga nyaya iri pazasi ugopindura mibvunzo neChiShona chizere.


VaNhau vakazoenda kundoona dangwe ravo Mupi kutorongo guru romuGokwe kwaakanga
akachengetedzwa nenhau yokuponda mumwe musikana. Pavakadzokera kumusha kwavo
kwaChireya, ivo pachavo vakanga vachiratidzika kungoneta nekusuruvara, kunge munhu
ari kurwara.

“Ko kwakanaka here kwamabva?” muroora wavo, MaGumbo akabvunza achiratidza


kuvhunduka. “Makawana vakadini havo Baba Tinashe?” VaNhau vakambotora gonamombe
ravo ndokuti fodya gu,gu,gu pachanza chavo choruboshwe, ndiye kwe-e, kwe-e kudhonza,
misodzi pamatama ndiye mokoto-mokoto. Pashure vakataurira MaGumbo zvose neinzwi
rakadzama, rakashoshomara iye akanyatsoteya nzeve.

Paakanzwa izvi, MaGumbo akabaiwa moyo, ndiye mhere pangu kunge pafiwa. Zvakamudya
moyo kuti zvechokwadi murume wake akanga otongerwa kufa. Kana ari Tinashe vanhu
vakashaya kuti voita sei naye. Hapana zuva raipfuura asina kumbochema.

Nyaya yaMupi yakabuda mumapepanhau ose zvawo. Pashure gweta rakanga rakamumiririra
pakutongwa kwake rakauya kuzotaurira verudzi rwomusungwa kuti rakanga radomboedza
napose paraigona napo, bva zvakanga zvakona n’anga murapwa achizvida! VaNhau
vakafunga danga rose remombe dzavakanga vaputsa vachibhadhara gweta zvikanyanya
kuvadya moyo.

Pindura mibvunzo inotevera uchishandisa zvirevo zvizere.

1. MaGumbo aiva chii chavaNhau?

2. Ndiani baba vaTinashe?

3. Gonamombe chii?

4. Chii chakabaya moyo waMaGumbo?

5. •‘Kunyatsoteya nzeve’ kudini?

6. Chii chakachemedza MaGumbo?

7. Ndiani anonzi ‘musungwa’ munyaya iyi?

8. Zvii zvinonzi zvakanga zvakona n’anga murapwa achizvida?

9. Musungwa aiva apara mhosva yei?

VaNhau vaigara kupi?


\

56
r CHIKWATA 3

Zvinofanirwa kuzivikanwa patsamba yebasa

• Kunyora kero zvakazara dziri mbiri


• Kunyora zuva, mwedzi negore zvakazara
• Kunyora donzo nemazvo
• Kutaura zvaunoda napapfupi
• Shandisa ChiShona chakanaka chisina madimikira, chinonzwisisika

MUENZANISO I

Tsam ba yebasa

Chanetsa School
Post Office Box 160
Murewa

18 Ndira 2008

Mukuru Wechikoro
Nyamombe High
Post Office Box 414
Goromonzi

Changamire

DONZVO: KUTSVAGA NZVIMBO YERUGWARO RWEKUTANGA

Ndanyora iyi tsamba ndichitsvagawo nzvimbo yeDanho Rekutanga redzidzo


yekusekondari.

Ini ndiri musikana ane makore gumi nemaviri. Ndiri murugwaro rweChinomwe pachikoro
chine kero iri pamusoro.

Muchikoro ndiri shasha chaiyo nekuti ndinodzidza nemwoyo wangu wose. Pabvunzo yepakati
pegore ndakaita wekutanga pavadzidzi zana nemakumi mana. Ndinoita mitambo inoti
nhabvu yevasikana, gakava netenesi. Ndiri mumwe wevatungamiriri wevana vechikoro.

Patsika dzangu nedzidzo munokwanisa kubvunza VaMarufu vanova mukuru wechikoro


chedu.

57
Ndakanzwa mbiri yekunaka kwechikoro chenyu naRuvaraishe uyo aidzidza ipapo gore
rapfuura ari mutungamiriri wevasikana vose.

Ndinotarisira kuwana nzvimbo pachikoro chenyu uye zvikaitika ndingafare chose.

Wenyu akavimbika

Runyararo Musoro

RONDEDZERO: Kutaura nyaya yakaitika

Zvi nofan irwa kuzivikanwa:


• Ngaive nyaya inoitika zuva rimwe kwete maviri.
• Vandudza pfungwa imwe pachikamu.
• Usapedza nguva uchiwawata.
• Nyora nyaya ine zvidavado zvinoenderana nekunzwa uye mafungiro ako.

MUENZANISO 2

Zuva randakarasa bhegi rangu


Regai vakuru vachiti zuva nezuva rine zvaro. Ndainge ndafamba kakawanda muhupenyu
hwangu ndichienda kuchikoro nedutavanhu.

Waive musi wa26 Chikunguru gore rapfuura apo kwaitonhora zvekukwidza hamba mumuti.
Ndakakwira dutavanhu samazuva ose ndokuisa bhegi rangu rechikoro paiva nemamwe
nekuti pekugara paive pakazara nevanhu.

Takadarika nzvimbo dzakati kuti dzakaburukira vanhu vazhinji asi hapana chandaka-
mbofungira. Patakazoti vhu-u pachikoro pedu wanike bhegi rangu yangova nzvimbo
chete. Ndakaudza mutyairi ndikabadarika kutsvaga asi hapana chandakawana. Kwakange
kwangove kutsvaga uta mugate. Vamwe vapachikoro chedu vakandibatsira kutsvaga asi
hapana chakabatsira.

Takazoburuka ndave kusvimha misodzi apa ndichipishana nepfungwa kuti kumba ndainoti
kudii. Bhegi rangu iri raive dema riine mabhandi matsvuku nechimufananidzo chetsuro
pahomwe yekunze. Murairidzi wangu akandinyaradza pamwe nekuzozivisa amai vangu
nenhare zvaiva zvaitika.

Zuva rarova nhongonya mutyairi akagogodza pagonhi akataura nemurairidzi. Akatsanangura


kuti bhegi rakanga raburutswa nemumwe mwana wepane chimwe chikoro achifunga kuti
raiva reshamwari yake. Pavakazozviona vasvika pachikoro pavo vakabva vanoridzorera.
Pandakadaidzwa ndikaudzwa izvi ndakachema nemufaro.

Ndakabva ndazoziva kuti havasi vose vanhu vasina kuvimbika vanoda kukohwa pavasina
kurima nekuti munhu uyu akange adzora chisiri chake.

58
BVUNZO 1

MUENZANISO WENZWISISO

Verenga ndima ugopindura mibvunzo inotevera.


Kuzoti musi waive nemakwikwi wasvika, Chiedza akafara zvikuru. Pachikoro pavo paive
nezvikoro zvisere zvaizokwikwidzana. Zuva rainge rakati genen’ene uye kamhepo kairova
zvinyoronyoro kachibva kumabvazuva. Chiedza akatora mbuva yake ndokuti nenzira tande
akananga kuchikoro.

Paakasvika kuchikoro pakanga patove nezvikoro zvitanhatu nechekare. Makwikwi akazotanga


zuva ratokwira zvikoro zvose zvasvika. Nyautenga, chaive chikoro chavanaChiedza, chakashura
mare. Vasikana vakatamba nhabvu zvainwisa mvura. Manhemba, Nyamhara, Musanhi
naGumbure zvakaoneswa ndondo. Gurure neKagande ndizvo zvakatomboedza. Rudawiro
chakadzoka achingova maoko chete. lye Chiedza ndiye akave nyanzvi yevamwe vose.

Sarudza mhinduro inokodzera pane dzakapiwa.

1. Zvikoro zvingani zvakauya pachikoro pavanaChiedza?


A. zviviri B. zvitatu C. zvinomwe D. zvisere

2. Makwikwi echii aizoitwa musi uyu?


A. kumhanya B. kuimba C. kurwa D. kutamba nhabvu

3. Inzwi rinoreva kuti zuva raive risiri mumakore ndi__


A. genen’ene B. mare C. tande D. nyamhara

4. Chikoro chaChiedza chaive ani?


A. Rundawiro B. Nyautenga C. Manhemba D. Gumbure

5. Chii chinonzi mbuva?


A. kudya kwemangwanani B. kudya kwemasikati
C. kudya kwemanheru D. kudya kuhotakurwa

6. Sei makwikwi akanonoka kutanga?


A. vadzidzisi vaikakavadzana B. vana vakanonoka kudya
C. zvimwe zvikoro zvakanonoka D. paive pasina mabhora

7. Ndechipi chikoro chakakundwa nezvese?


A. Rudawiro B. Nyautenga C. Manhemba D. Musanhi

8. Kubva munyaya, izwi rashandiswa kutsanangura kushungurudzwa ndi___


A. ndondo B. maoko C. nyanzvi D. mbuva

MUTAURO

Isa mazita anotevera muuzhinji.

9. rukova
A. makova B. mikova C. hova D. dzihova

59
10. kasikana
A. zvisikana B. vasikana C. madzikana D. twusikana

11. diro
A. mutiro B. madiro C. matiro D. twudiro

Sarudza izwi rakakodzera kuzadzisa pakashama.

12. Musha wake wese wai. nemoto mushure nekurohwa nemheni.


A. rova B. ririma C. dota D. pazika

13. Aka____ zviyo nerusero rwavatete.


A. sokora B. gadzira C. pepeta D. pura

14. Amai vakashayiwa musika wekusikisa hari yesadza vakabva vari.


A. kwatisa B. pakura C. fadzisa [D. pambira

Verenga nyaya iyi ugopindura mibvunzo inotevera.


Tozivepi aiva mukomana aifarira zvokuvhima zvikuru. Aiva neimbwa dzake nhatu dzaiti
Guhwa, Mhandu naChinyama. Imbwa idzi dzaiva dzichimhanya zvikuru zvaiita kuti vatenzi
vadzo vagare vachingodzimba. lye Tozivepi muriwo waitova mutupo. Aifarira kuvhima
nezvombo zvaiti tsvimbo, uta nemiseve. Zvombo izvi zvaimudzivirirawo kubva kuzvikara
zvesango. Aiwanzobatawo mhuka dzakaita setsuro, mhembwe nemhara.

Tozivepi aiva hombarume chaiyo. Aizivikanwa muruwa rwekwaMakore kuti shavi rake
raibuda pakuvhima. Murume uyu airwisana zvikuru nevamwe vavhimi kana vakatora mhuka
dzake dzaainge ateya. Vanhu vese vemuruwa rwake vakabva vapa pfungwa yokuti aive
ane mishonga yekuvhima.

15. Tozivepi aiva mukomana____________


A. aifarira mitambo B. aida zvokuvhima
C. aifarira muriwo D. aiera muriwo

16. Imhuka ngani dzataurwa mundima?


A. ina B. shanu C. nhatu D. sere

17. Izwi rinoreva kubata mhuka uchivhima ndi____________


A. mutupo B. zvombo C. zvikara D. dzimba

18. Mazwi okuti ‘muriwo waitova mutupo’ anoreva kuti____________


A. aive asingadyi nemuriwo B. aiera muriwo
C. aifarira muriwo D. airima muriwo

19. Munhu uyu anopihwa zita rokuti____________


A. hurudza B. hombarume C. mhizha D. nyamukuta

60
r*
20. Ndeapi mabasa maviri aiitwa nezvombo zvaTozivepi?
A. kurova vanhu nekuvhima B. kuuraya zvikara nekutengeswa
C. kuuraya mhuka nekurwa D. kuvhima nekuzvidzivirira

21. Tozivepi aiva


A. saimba B. tsvimborume C. jaya D. harahwa

22. Muvhimi uyu ataurwa aigara kupi?


A. maMakore B. maGuhwa C. maMhandu D. maChinyama

Sarudza izwi rinopikisana nerakanyorwa nemavara akarereka.

23. Maitiro aTapiwa ndeei/ngn/ari/chaiwo.


A. uroyi B. udzenga C. udununu D. unaku

24. Ambuya vakasvipa mushonga wavaive vanwa.


A. medza B. tangurira C. tsenga-tsenga D. dambura-dambura

25. VaZvada vanga vakagumbuka nokuti chibage chavo chakadyiwa nemombe.


A. fara B. suwa C. tsamwa D. futa
*

26. Apa paita zverume rakasviba.


A. dzikana B. svikadzi C. gadzi D. gamba

Verenga tsamba inotevera ugopindura mibvunzo zvizere.

Gomo School
Private Bag 9046
Shurugwi

21 Kubvumbi 2008

Kuna Ruramai

Ndanyora tsamba iyi mushure megore taparadzana.

lye zvino ndiri kudzidza pachikoro chiri pamusoro icho. Ndiri murugwaro rwechitanhatu.
Handisati ndave neshamwari pachikoro pano. Iwe ndiwe shamwari yangu yepamoyo.
Zvidzidzo zvose zviri kundiomera kunyanya ChiRungu. Iwe uri kuitawo zvakanaka here?

Ko, unofara here? Unouya kuno riini? Ndikawana mari ndichauya kuMasvingo munaZvita.
Upindure tsamba iyi nokukurumidza.

Ndini shamwari yako

Zodwa

61
27. Tsamba iyi yakanyorwa riini?
A. 21 Kubvumbi 2008. B. 21 Kubvumbi 2007.
C. 20 Kubvumbi 2008. D. 15 Kubvumbi 2007.

28. Munyori wetsamba iyi anogara kupi?


A. Masvingo. B. Mashava. C. Shurugwi. D. Zvishavane.

29. Vasikana ava vakanga vave ne____________ vaparadzana.


A. mwedzi B. mwedzi gumi C. gore D. makore matanhatu

30. Zodwa aiva asati ava nei pachikoro?


A. mabhuku B. shamwari C. zvidzidzo D. chirungu

31. Chii chaitadzisa Zodwa kushanyira Ruramai?


A. kwaiva kure B. aiva asingakuzivi
C. aiva asina mari D. aiva asina nguva

32. Zodwa aida kushanyira shamwari yake nguva ye_____________


A. zhizha B. chando C. chirimo D. masutso

33. Ruramai aibva ku_____________


A. Shurugwi B. Masvingo C. Gweru D. Mashava

34. Ndechipi chidzidzo chainyanya kuomera munyori?


A. masvomu B. ChiShona C. ChiRungu D. ChiNdevere

35. Tsamba iyi ndeye_____________


A. kutsvaga basa B. kutsvaga nzvimbo
C. kutsvaga zvinhu zvakarasika D. kusimbisa ushamwari hwakare

Zadzisa pakashama nezwi rakakodzera.

36. Mhou iri kuyamwisa mhuru___


A. yaro B. yavo C. yayo D. yawo

37. Nzira iyi _ svondo yakapera.


A. tichaifamba B. takaifamba C. tichazoifamba D. muchaifamba

38. Mukoma wangu akasvika __________ kunamata


A. tatopedza B. tichapedza C. takapedza D. taipedza

Sarudza chirevo chakaumbwa zvakanaka.

39. A. Uchauya rinhi Chipo akabvunza. B. Uchauya rini? Chipo akabvunza


C. “Uchauya rini?” Chipo akabvunza. D. “Uchauya rini”? Chipo akabvunza!.

40 A. Shamwari dzangu nditaurai nagarikai. B. shamwari dzangu ndiTaurai, naGarikai.


C. Shamwari dzangu nditaurai naGarikai D. Shamwari dzangu ndiTaurai naGarikai.

62
/ b VUNZO 2

Verenga ndima iyi ugopindura mibvunzo inotevera.


Vanhu vakare vairarama upenyu hwakareruka kudarika hwemazuva ano. Vairarama
nokudya nyama yemhuka, michero nezvimwewo. Vanasaimba nemajaya ndivo vaiita basa
rekuvhima. Madzimai nevasikana vaiitawo mabasa okubatsira mhuri. Vaive vasingadyi
zvekutenga nemari semazuva ano.

Vaive vasingagari panzvimbo imwe. Vainge vakadya nzembe. Vaiteverera kwaienda mhuka
dzavaivhima. Vaigara mumapako, kana mumisasa. Zvipfeko zvavo vaizviwana kubva
pamhuka dzavaivhima kana mashizha emiti.

Mazuva ano vanhu vava kurarama nekushandisa mari pose pavanenge vachida zvokudya
kana kupfeka. Mari ndiyo yava kushandiswa mukurarama kwevanhu.

1. Vanhu vekare vairarama nokudya_____________


A. matehwe B. zvirimwa
C. zvakasiyana-siyana D. mari

2. Vanasaimba vanhu_____________
A. vakakwegura B. vane mhuri
C. vasina dzimba D. vasina kuroora

3. Nemhaka yei upenyu hwakare hwaiva hwakanaka?


A. Vanhu vaidya nyama. B. Vanhu vaive vasina hembe.
C. Vaive vasingadzidzi. D. Vaiva vasingadyi zvokutenga.

4. Madzimai aiita basa rei?


A. rokuvhima B. rokurera vana
C. rokutengesa D. rokupemha

5. Munhu anonzi “akadya nzembe” anenge ane____________


A. rutamo B. unyope C. makaro D. ruvengo

6. Nzvimbo dzataurwa dzaigarwa nevanhu vekare ingani?


A. imwe B. mbiri C. nhatu D. ina

7. Vanhu vari kutaurwa mundima vaive_____________


A. varombo B. vachena C. vatorwa D. vatema

8. Kubva munyaya “kudya nzembe” kuita sei?


A. kufarira kudya shiri B. kufarira kugara panzvimbo imwe
C. kufarira kusagara panzvimbo imwe D. kufarira kugara uchimhanya zvikuru

MUTAURO

Isa mazita anotevera muuzhinji.

9. meno
A. mameno B. mazimeno C. meno D. mazino

63
10. murongo
A. murongo B. varongo C. rongo D. mirongo
A
11. ruware
A. ruware B. ndware C. maware D. matombo

Sarudza izwi rakakodzera kuzadzisa pakashama.

12. Mukomana akatora mabhuku ose.


A. uyu B. iwe C. ako D. uto

13. Mudzidzisi wake anopa dzidziso_____________


A.chakanaka B.dzakanaka C. rakanaka D. wakanaka

14. Ndinoda nyama


A. yose B. rose C. zvose D. dzose

Verenga nyaya iyi ugopindura mibvunzo inotevera.


Vana vanhasi ukavati vatore mutsubvu vavese moto vanoti hatizvizive. Kwavari moto
unoveswa nemachesa chete. Izvo zvokutora zvitanda zviviri zvomutsubvu nouswa vosika
moto wopfuta kwavari chisionekwi mudzi webwe.

Vanokanganwa kuti pasichigare machesa yainge isiko asi moto waiveswa. Waiona vakuru
vachishandisa moto mumvuto dzavo dzaigadzirwa nematehwe emhuka vopfura mapadza
nemapfumo. Vamwe ndivo vaishandisa moto kugocha nyama nduru yemhuka yoshandiswa
semunyu.

15. Muti unoshandiswa pakukwenya moto_____________


A. mupuranga B. muuzhe C. muora D. mutsubvu

16. Chii chiri kunzi chisionekwi mudzi webwe?


A. moto wemvuto B. moto wemazimbe
C. moto wemachisa D. moto wemutsubvu

17. Mvuto yaigadzirwa nei?


A. nedehwe remhuka B. nezvitanda zvemutsubvu 9
C. neuswa D. nemoto **

18. Chii chaishandiswa semunyu mukugocha nyama?


A. nduru B. bare C. munyu D. moto

19. Mvuto inoshandiswa ku____________


A. gocha nyama B. pfura simbi C. vesa moto D. sukuta matehwe

20. Nderipi izwi riri mundima rinoreva makare kare?


A. kure kure B. mapadza
C. pasichigare D. pasi pachakarohwa nenyundo

64
21. Ndezvipi zvinhu zviviri zvanzi zvinopfurwa?
A. mapadza nemapfumo B. mapadza nematehwe
C. mapfumo nemvuto D. mapfumo nemoto

22. Vanhu vaidya chii pavaipfura mvuto?


A. nyama B. munyu C. matehwe D. mafuta

Sarudza izwi rinopikisana nerakanyorwa nemavara akarereka.

23. Banga rake rakagomara chaizvo.


A. rakagurika B. rinopisa C. rakarodzwa D. rinocheka

24. Tendai inhubu yomwana. ^


A. akavimbika B. inyope C. itsotsi D. inhafu

25. Harahwa iyi inonetsa.


A. Chembere B. Tsvimborume C. Tsikombi D. Shirikadzi

26. Mbuya vaChamunorwa vane utsinye.


A. tsiye nyoro B. shanje C.hunhu D.godo

Verenga ndima iyi ugopindura mibvunzo.


Kubva zvakatanga Runesu kudzidza paGwenhoro School, zvinhu hazvina kumufambira
zvakanaka. Aive asina hembe dzokupfeka, mabhuku okunyora, mari yechikoro nepekugara
pakanaka. Aiva afirwa nevabereki vake achiri rushiye. Aitochengetwa naambuya mai vaamai
vake. Ivo mbuya vake vaidyawo nhoko dzezvironda. Vaipona nekupemha kana kuita maricho
papurazi raSmith. Ukuwo zvidzidzo zvose zvaive zvakaomera Runesu kunyanya ChiRungu
nemasvomhu.

27. Runesu aive_____________


A. mupfumi B. nyope C. nherera D. gotwe

28. Zvinhu zvaishaikwa naRunesu zvaive zvingani?


A. zvitatu B. zvina C. zvishanu D. zvitanhatu

29. Rushiye zvinoreva ____________


A. jaya B. dangwe
C. mwana mumwe D. mwana mucheche

30. Mbuya vaRunesu vaive---------------------


A. mai vaamai vake B. mai vababa vake
C. mai vomudzimai wake D. mai vatete vake

31. Munhu anodya nhoko dzezvironda akaita sei?


A. munhu anenge ane chirwere B. munhu uya anotambura zvikuru
C. munhu anokara muupenyu D. munhu anenge ari nyope huru

65
^ 3 2 . Kubva mundima ndiani aipemha?
A. Runesu B. Smith C. Ambuya D. Amai

33. Runesu aidzidza kupi?


A. Gwenhoro B. Shurugwi C. Smith D. Mambowa

34. Ndezvipi zvidzidzo zvainyanyonetsa Runesu?


A. ChiRungU nemasvomu B. ChiRungu neChiShona
C. ChiRungu neNdevere D. ChiRungu nemamwe ose

35. Nderipi vara rashandiswa mundima rinoratidza mwana achangozvarwa?


A. afirwa B. rushiye C. muchengetwa D. nherera

Zadzisa pakashama nezwi rakakodzera.

36_____________ akaridza mhere zvikuru.


A. Patakasvika B. Patichasvika C. Patozosvika D. Parinosvika

37. MaMoyo____________ tichitanhaura nzungu nezuro.


A. akawana B. achazowana C. aizowana D. anowana

Sarudza chirevo chakaumbwa zvakanaka.

38. A. Ndipeiwo sadza ndiye. B. Ndipeiwo sadza ndije


C. Ndipeiwo sadza ndidye. D. Ndipeiwo sadza ndidye?

39. A. “Mangwanani sekuru, akadaro Rudo” B. “Mangwanani” sekuru, akadaro Rudo


C. “Mangwanani sekuru,” akadaro Rudo. D. Mangwanani sekuru, akadaro” Rudo.

40. A. Ini ndinofarira kudya hove. B. Ini ndinofarira kuya hove.


C. Ini ndinofarira kundya hove D. Ini ndinofarira kudhya hove.

66
r CHIKWATA 4

TSUMO

A. Pedzisa tsumo dzinotevera.

1. Gonzo mhini gara mumhango______

2. Kupedzera miseve kumakondo_____

3. Katsindi kuchema_____________

4. Imhashu yomurwere_____________

5. Kudya chemuzvere____________

6. Zvaiwana ngwarati____________

7. Mombe tsiru____________

8. Manakira kure____________

9. Ukaravidza kachembere muto wegway

10. Mbudzi kudya_____________

B. Ndeipi tsumo inoreva zvakafanana neyakatanga kunyorwa r

1. Chara chimwe hachitswanyi inda.


A. Chimwango chokukumbira hachipedzi ndima.
B. Rume rimwe harikombi churu.
C. Zano mwene waro.
D. Yadya muunga nzoti kupinda mushanje.

2. Chinoziva ivhu kuti mwana wembeva anorwara.


A. Matakadya kare haanyaradzi mwana.
B. Nhambetambe inoregwa ichanaka.
C. Kugocha kunoda kwaamai kwemwana kunodzima moto.
D. Mudzimu wakupa chironda wati nhunzi dzikudye.

3. Kuseri kweguva hakuna muteuro.


A. Kure kwegava ndokusina mutsubvu.
B. Chisiri chako masimba mashoma.
C. Yadeuka yadeuka mvura yeguchu haiorerwi.
D. Mwana asingacheme anofira mumbereko.
J
67
4. Chaitemura chava kuseva.
A. Aiva mazambuko ava madziva.
B. Aiva madziva ava mazambuko.
C. Chaikanya chototsa.
D. Chitaura hauoni umhandara hwaamai.

5. Ateya mariva murutsva haachatyi kusviba magaro.


A. Muto wokupungurirwa haupedzi sadza.
B. Kwava kusakara kwedoo serisakambodyiwa nyama.
C. Mombe yokuronzera kama wakaringa nzira.
D. Akanga nyimo avangarara.

6. Mazvokuda mavanga enyora.


A. Mwana washe muranda kumwe.
B. Vatsva vetsambo kudzimonera vanofamba vachidziridza.
C. Simba mate hariperi.
D. Chida moyo zamu kumera pambabvu.

7. Chitiyo kupinda muzai huona amai.


A. Mbudzi kudya mufenje hufananyina.
B. Pfavira ngoma usiku hurefu.
C. Ura mapako hunozvara muroyi kana mbavha.
D. Muromo itsapo, inotaurira mwene wayo.

8. Tsapata rukukwe hazvienzani nokurara pasi.


A. Kudada kwavari mugomo kukumbira vari pasi mapfihwa.
B. Kurera imbwa nemukaka mangwana inofuma yokuruma.
C. Chembere mukadzi hazvienzani nokurara mugota.
D. Kuyera nyoka negavi iyo iripo.

9. Rugare tange nhamo.


A. Chaitemura chava kuseva.
B. Chinono chinengwe bere rakadya richifamba-
C. Wogotya kudonha ropa iwe waichemera nyora.
D. Mbwa nyoro ndidzo tsengi dzamatovo.

10. Kurova imbwa rova wakabata nyama.


A. Zvinamanenji dede kuwa mumuti.
B. Kugona mbavha huirongera.
C. Simba rehove riri mumvura.
D. Mugoni wepwere ndousinayo.

C. Ndeipi tsumo inopikisana neyakatanga kunyorwa?

1. Kutsva kwendebvu varume vanodzimurana.


A. Mhanza chironda inotevera akura.
B. Mbeva zhinji hadzina mashe.
C. Kukwira gomo hupoterera.
D. Kuwanda huuya museve wakapotera pamuzukuru.

68
2. Chaitemura chava kuseva.
A. Aiva madzivaava mazambuko.
B. Aiva mazambuko ava madziva.
C. Yadya muunga nzou kupinda mushanje.
D. Chenga ose manhanga hapana risina mhodzi.

3. Kudzipakata handi kunzi dziridze.


A. Ngoma inorira ichiti pangu pangu.
B. Chitiyo kupinda muzai huona amai.
C. Mombe yokuronzera kama wakaringa nzira.
D. Nhamo inhamo zvayo amai havaroodzwi.

4. Kuzvara komumwe ndokwako.


A. Kutaurirwa hunyimwa hauoni humhandara hwaamai.
B. Nhamo yemumwe hairambirwi sadza.
C. Pabva zino panosara vende.
D. Varoorana vava ndumudzane.

5. Chikomo chiremera chevari kure vari pedyo vanotamba nacho.


A. Kashiri kushaya besu musati kanyana.
B. Muromo itsapo inotaurirwa mwene wayo.
C. Mwana washe muranda kumwe.
D. Kudada kwavari mugomo kukumbira vari pasi mapfihwa.

6. Mwana asingachemi anofira mumbereko.


A. Rinonyenga rinokotama rozosumudza musoro rawana.
B. Chiripo chiripo ndarira imwe hairiri.
C. Bere zvarakatya mapapata aro mangani?
D. Mugoti unopiwa anyerere.

7. Mbudzi kudya mufenje hufananyina.


A. Mhembwe rudzi inozvara mwana ane kazhumu.
B. Kufana vhudzi handihwo ukama.
C. Muzivi wenzira yeparuware ndiye mufambi wayo.
D. Mangachena inoparira parere nhema.

8. Chinono chine ingwe bere rakadya richifamba.


A. Kumhanya handiko kusvika.
B. Kuseka urema hokuti kamba haana makwati iko kainawo.
C. Tsitsi dzinotsitsirira.
D. Avhuyira mbudzi kumusana kunzi vana vakwane.

9. Kurera imbwa nemukaka inofuma mangwana yokuruma.


A. Kufarira n’anga neinobata mai.
B. Imbwa hora haifinidzi nhando.
C. Kakara kununa hudya kamwe.
D. Chirere mangwana chigokurerawo.

69
10. Chafamba kamwe hachiteyewi.
A. Rume risinganyepi hariroori.
B. Kugona mbava huirongera.
C. Kashindi kuchema huona bako.
D. Yatsika musheche yamwa.

D. Sarudza tsumo ine tsananguro yakapiwa.

1. Munhu aiva nemukurumbira wokuita zvinhu wozotadza chinhu chidiki.


A. Zano ndega akapisa jira.
B. Kugocha kunoda kwaamai kwemwana kunodzima moto.
C. Chimedza matore akazodzipwa neganda remhuru.
D. Chitiyo kupinda muzai huona amai.

2. Munhu anowana ruremekedzo kana ari mudunhu rake kana akaenda kumwe anoonekwa
semunhu asina basa.
A. Yadya muunga nzou kupinda mushanje.
B. Mwana washe muranda kumwe.
C. Chinono chinengwe bere rakadya richifamba.
D. Zingizi gonyera pamwe maruva enyika haaperi.

3. Zvimwe zvinhu unotenda zvaitika.


A. Nzombe huru yakabva mukurerwa.
B. Mombe yetsiru manhenda waikama.
C. Rinemanyanga hariputirwe.
D. Chaitemura chava kuseva.

4. Kana munhu akashingirira kuita chimwe chinhu anototi awane zvimwe zvinobudirira.
A. Chiri pamuchena chiri pamutenure.
B. Matakadya kare haanyaradzi mwana.
C. Chembere yakanhuwa mukanwa yareva zvibviri.
D. Apunyaira kumeso haashayi misodzi

5. Munhu anogona kutyira kure kuita rimwe basa asi kana aritanga ozoona rakapfava
risingamunetsi.
A. Wogotya kudonha ropa iwe waichemera nyora.
B. Matanda makuru mazunungutswa unogona kusiya nerakaora.
C. Zvine manenji dede kuwa mumuti.
D. Gudo guru peta muswe vaduku vakutye.

6. Munhu anogona kupedza mari yake achitenga zvinhu zvisina basa, kana pakazouya
zvinhu zvine musoro oshaya mari yokutenga nayo.
A. Rega zvipore akabva mukutsva.
B. Rinonyenga rinokotama rozosumudza musoro rawana.
C. Kupedzera miseve kumakondo hanga dzichauya.
D. Bere zvarakatya mapapata aro mangani?

V _

70
7. Dzimwe nguva vakuru vepamabasa vanomboita misangano pachavo vega vachipanana
mazano maererano nemabasa avo.
A. Gudo guru peta muswe vaduku vakutye.
B. Madhambu dhanana varume vana vanobatsirana kutakura bandauko redzvinyu.
C. Panorairwa mwana wamambo nherera terera.
D. Zvikomo zvinopara mhute kuti mvura igonaya.

8. Mubereki anofanirwa kuda vana vake vose zvakafanana kunyangwe vamwe vari
varombo.
A. Chiripo chiripo ndarira imwe hairiri mugumbo.
B. Chengaose manhanga hapana risina mhodzi.
C. Chirema ndochave nemazano chinotamba chakazendama nemadziro.
D. Chikomba chinovirima kwacho.

9. Kazhinji mwana anofanana nevabereki vake paunhu hwake.


A Mwoyo muti unomera paunoda.
B. Chidembo hachivhiyiwi pane vazhinji.
C. Kunyangira yaona.
D. Mbudzi kudya mufenje hufana nyina.

10. Ukaona muvengi wako achiratidza semunhu ava kukufarira unofanirwa kungwara nokuti
zvimwe anenge achinyepera kukufarira kuti iwe urivare agonyatsokukuvadza.
A. Chinokanganwa idemo asi chigutsa hachikanganwi.
B. Zano pangwa hunge uine rako.
C. Rega zvipore akabva mukutsva.
D. Makungurunye kutarisana kwavakarambana.

E. Pedzisa tsumo dzinotevera uchitsvaka mhedziso kubva muChikamu B.

Chikamu A

1. Hapana mukuyu_____________
2. Ungaitore sei nhengure____________
3. Ngezvemo zvimbutu_____________
4. Dai yaive mbeu---------------------
5. Indura manhanga---------------------
6. Tsuro haiponi rutsva---------------------
7. Dai ndakaziva_____________
8. Chembere ndeyembwa_____________
9. Uswa hwenyati ndehuri mudumbu____________
10. Manhanga anowira_____________
11. Chiripo chariuraya____________
12. Panorairwa mwana wamambo---------------------
13. Takabveyo kumhunga_____________
14. Ngezve huni huru____________ _
15. Igangaidza mukwenyi---------------------

71
Chikamu B

A. doko dzinonyika miswe. B. huri pamuromo inofa nahwo.

C. zvamaonde. D. unovinga shiri.

E. iri pamutara wayo. F. kaviri

G. mhezi yavavira mumoyo. H. hakuna pwa.

I. zizi harifi nemhepo. J. nherera teerera.

K. kusina hari. L. mutengi kubara mbura.

M. yaidyarwa kumucheto kwemunda. N. haitungamiri.

O. yerume ndibaba vevana.

F. Ndeipi tsumo inoreva zvakafanana neyakatanga kunyorwa?

1. Simba rehove riri mumvura.


A. Regai dzive shiri mazai haana muto.
B. Nyoka huru haizvirumi.
C. Chikomba chinovirima kwacho.
D. Chati homu chareva.

2. Mviromviro dzemhanza mapfeka.


A. Muzivi wenzira yeparuware ndiye mufambi wayo.
B. Mharadzano dzakabva munzira
C. Chisi hachieri musi wacharimwa.
D. Chinobhururuka chinomhara.

3. Gona ana gona wakewo.


A. Chimedza matore akazodzipwa neganda remhuru.
B. Kuwanda huuya museve wakapotera pamuzukuru.
C. Nzombe huru yakabva mukurerwa.
D. Chimwango chokukumbira hachina ndima.

4. Wadziya moto wembavha watova mbavha.


A. Kugona mbavha huirongera.
B. Kurova imbwa rova wakabata nyama.
C. Yatsika musheche yanwa.
D. Akanga nyimo avangarara.

5. Dzvinyu kuzambira mushana huona mwena.


A. Kutaura kwewabaya kuti chiropa hachisevesi.
B. Kashindi kuchema huona bako.
C. Kuudza mwana hupedzisira.
D. Inyasha dzeyi tsvimborume kubvisa mwana wemvana madzihwa?

72
6. Moyo muti unomera paunoda.
A. Chitaurirwa hunyimwa mbare dzokumusana.
B. Chitaurirwa hauoni umhandara hwaamai.
C. Chidamoyo hamba yakada makwati.
D. Chitiyo kupinda muzai huona amai.

7. Charova sei chando chakwidza hamba mumuti.


A. Makungurunye kutarisa kwevakarambana.
B. Chiri mumusakasaka chinozvinzwira.
C. Takabva neko kumhunga hakuna ipwa.
D. Zvinamashura dede kuwa mumuti.

8. Kufana vhudzi handi ihwo ukama.


A. Wagotya kununa iwe wakasasikwa.
B. Zano pangwa hunge uine rako.
C. Kudzipakata handi kunzi dziridze.
D. Ateya mariva murutsva haachatyi kusviba magaro.

9. Kutaura kwewabaya kuti chiropa hachisevesi.


A. Moyo chena unoparira.
B. Tsitsi dzinotsitsirira.
C. Yadya muunga nzou kupinda mushanje.
D. Kupedza miseve kumakondo hanga dzichauya.

10. Apunyaira kumeso haashayi misodzi.


A. Anyumwa bere nderake.
B. Kuvhunduka chati kwatara hunge une katurike.
C. Sango rinopa aneta.
D. Danda haripotsi rutsva kaviri.

G. Sarudza tsumo ine tsananguro yakapiwa.

1. Kana munhu akatadza kubata zvinhu zvake zvakanaka hazvitori nguva huru zvisina
kuita zvitsaru.
A. Ura mapako unozvara muroyi kana mbavha.
B. Kurembera kwedamba hakuziko kudonha.
C. Nhava yebenzi haitani kusakara.
D. Kakara kununa hudya kamwe.

2. Kazhinji munhu anoshora chinhu achiona kuti ane chimwe chakanaka kupfuura
ichocho.
A. Chidhiidhii kuteta hundi moyo uri kumakoto.
B. Chiri pamuchena chiri pamutenure.
C. Ndezvewabaya kuti chiropa hachisevesi sadza.
D. Kushaya mano kwendiro kupakurirwa isingadyi.

3. Kazhinji munhu anoshora chinhu chinozomubatsira mangwana.


A. Kusvora mbodza neinozvimbira.
B. Chidamoyo hamba yakada makwati.

73
C. Yatsika dope yanwa.
D. Pfavira ngoma usiku hurefu.

4. Vanhu vazhinji vanobudirira nokushandisa vamwe.


A. Kare haagari ari kare.
B. Kakara kununa hudya kamwe.
C. Made etsvimborume okudya yakawaridza.
D. Nhamo inhamo amai havaroodzwi.

5. Kazhinji munhu haaiti usimbe kufamba rwendo kana kune zvinhu zvaanonyanya
kufarira.
A. Tichaona kunowira tsvimbo nedohwe.
B. Hapana mukuyu unovinga shiri.
C. Regai dzive shiri mazai haana muto.
D. Kure kwegava ndokusina mutsubvu.

6. Kazhinji munhu ajaira tsika yake haairegedzi.


A. Kuwanda huuya museve wakapotera pamuzukuru.
B. Vatsva wetsambo kudzimonera vanofamba vachidziridza.
C. Simba mukaka rinosinira.
D. Shiri inomuririro wayo haiuregi.

7. Chinhu chakashata chinoitika sokunge munhu achivingira.


A. Chakakodza bere mapfupa.
B. Museve kana woda nyama unodauka.
C. Charovedzera charovedzerera, bere rakatiza negwazo rembudzi.
D. Mudzimu weshiri uri mudendere.

8. Munhu ane usimbe haafaniri kutarisira vamwe kuti vamuitire basa.


A. Muromo hauzarirwi nerwizi.
B. Murombo haarovi chinenguo.
C. Nzou hairemerwi nenyanga dzayo.
D. Imire imire hapana mombe inofurira ivete.

9. Panzvimbo yega yega hapagoni kuita vatungamiri vaviri kana vakawanda nguva imwe
chete.
A. Chiuya idya nehama mutorwa ane hanganwa.
B. Imbwa nyoro ndiyo tsengi yamatoo.
C. Jongwe harikukuridze pane rimwe rinorumwa muchochororo.
D. Dzatsva nyemba kuuya dzarungwa.

10. Kuda kuitira munhu chakaipa, iye ava kutozviziva obva angwarira.
A. Maisokwadzo nyemba kutsva dzarungwa.
B. Kunyangira yaona.
C. Kuzvionera pamhino sefodya.
D. Zviuya zviri mberi.

74
H. Sarudza tsumo inoreva zvakafanana neyakatanga kupiwa. \

I. Dziva guru idiva kamwe ukadzokerako unowana ngwena dzasvinura.


A. Idya nemeso svita yapamawere.
B. Tsuro haiponi rutsva kaviri.
C. Aramba ukama apa huku yangu upenyu.
D. Bondo jena rakabva panyama.

2. Chiri pamuchena c^iri pamutenure.


A. Murombo haarovi chine nguwo.
B. Reva ishe wakakwira pachikomo.
C. Mbudzi kuzvarira pavanhu kuti nditandirwe imbwa.
D. Kutamba nemadhaka pasina mvura.

3. Ndarira imwe chete hairiri mugumbo.


A. Mhanza chironda inotevera akura.
B. Yadya muunga nzou kupinda mushanje.
C. Kuneta kwemukuyi sadza rinodyiwa neagere.
D. Rume rimwe harikombi churu.

4. Chokwadi hachifusirwe.
A. Imbwa hora haidzidziswe zvitsva.
B. Kupembera gona nerinobata mai.
C. Rina manyanga hariputirwi.
D. Chakakodza nguruve hachizivikanwi.

5. Pfupa jena rakabva panyama.


A. Nzombe huru yakabva mukurerwa
B. Imbwa hora haidzidziswi zvitsva.
C. N y o k a h u ru h a iz v ir u m e .
D . A ita t w a k e n d ih o m b a r u m e .

6. Chimwango chokukumbira hachipedzi ndima.


A. Wadziya moto wembavha watova mbavha.
B. Muto wokupungurirwa haupedzi sadza.
C. Simba rehove riri mumvura.
D. Sango rinopa waneta.

7. Kutsva kwendebvu varume vanodzimurana.


A. Kuwanda huuya museve wakapotera pamuzukuru.
B. Mbeva zhinji hadzina mashe.
C. Chako ndechako kuseva unosiya muto.
D. Kufarira n’anga neinobata mai.

8. Zvikomo zvikuru zvinopana mhute kuti mvura inaye.


A. Mudzimu waro bonga kusangana nehuku dzichirwa.
B. Bere zvarakatya mapapata aro mangani.
C. Dzaitawaro nyemba kutsva dzarungwa.
D. Makudo ndimamwe akaona mhani anowirirana.

75
r, Atanda nondo haachatyi kureba makan’a.
A. Mhembwe rudzi inozvara mwana ane kazhumu.
B. Ateya mariva murutsva haachatyi kusviba magaro.
C. Chako ndechawadya chesango mutoro wamambo.
D. Mhanza chironda inotevera akura.

10. Kuyeuka bako wanaiwa nemvura.


A. Usashora mbodza neinozvimbira.
B. Mombe tsiru manhenda waikama.
C. Zvakona n’anga murapwi achida.
D. Kuyeuka nhava masango atsva

I. Sarudza tsumo dzine dudziro dzakapiwa.

1. Kana munhu ari munzvimbo ine vavengi vake kana akasangana nomumwe munhu
asinei anoti ararama.
A. Chiro irombo kuroora mbuya ikazvara.
B. Kurarama kwehamba kusangana nousina demo.
C. Guyo kuchena kuona zviyo.
D. Maisokwadzo nyemba kutsva dzarungwa.

2. Kana munhu achiteta matambudziko, kana amuwira anototi ashinge kuti mutoro wake
ureruke.
A. Chakuyeredza chati chikupe vanga.
B. Chinoza uvete maranga nhamo inoza uchiona.
C. Nhamo inotya rombe.
D. Muzandiripo haarambiri pachigaro.

3. Hapana munhu angati haangawirwi nenhamo paupenyu hwake hwose.


A. Urombo hahuurayi.
B. Nhamo urimbo inonamira.
C. Urombo hwayo mhembwe kufa iri pamusungiro.
D. Igangaidza vavigi kusvunura kwemufi.

4. Vanhu vazhinji vanofarira munhu kana akagarika kana apinda munhamo vanosudurukira
kure naye.
A. Nherera inoguta musi wafa mai.
B. Mombe inobva kusina uswa inodyira kufa.
G. Munhu haarerwi nebonde.
D. Kurwara kwemuranda anorwara akatakura bonde.

5. Kana munhu akasuruvara uso hwake panenge paine zvinomunetsa. Asi uya akadekara
anoratidza mufaro.
A. Rugare rwedafi runouya nemvura kunaya.
B. Atandavara aguta apfunya ndowavata nayo.
C. Chigere idombo muti unowa.
D. Wagarika ngewafa mupenyu pfumo riri mushure.

76
6. Kana munhu awirwa nenhamo hapana chaanosarudza, anongokumba chero
chaasangana nacho.
A. Ukaimba rumbo rwenhamo waparara.
B. Chakaringanwa ibvudzi upfumi hahuna kuringanwa.
C. Kana shumba ikashaya nyama inodya uswa.
D. Ndongwe inyama hazvienzani nenhikiti.

7. Nyakuitira anokanganwa asi nyakuitirwa haakanganwi.


A. Murombo haarovi chine nguo.
B. Urombo uroyi hahuudzwi munhu.
C. Ndoita zvingani kuti mhanza, kuti mavende?
D. Chinokanganwa idemo asi chigutsa hachikanganwi.

8. Kazhinji munhu anoshaya kana akawana chinhu chingamubatsira kana kufa achisara
akabata maoko.
A. Nhamo ine dzimba dzayo.
B. Mudzimu wemvana kuroorwa ikarambwa.
C. Nzara chikomba chinonyenga asingarambi.
D. Nzara inodyisa mutupo.

9. Kuona munhu mupfumi otambura zvokupemha zvinenge zvichireva kuti panyika pava
nenhamo huru.
A. Chura kugara mumvura handikunwa.
B. Chawira hama chapfuura mangwana chinewe.
C. Yaruma sei nzara hurudza kurarira hute.
D. Chiri pamuchena chiri pamawere.

10. Kana chinhu chosakara chinoita zvishoma nezvishoma.


A. Kusakara kwechari kunotanga masa.
B. Chaidya nemuromo nhasi chava kudya nemeso.
C. Zambuko rowakarambwa rinomera sora.
D. Ugaro mwena kutevedza unoguma.

MADIMIKIRA

A. Dudzira madimikira anotevera.

1. Kutsenga mvura ichibuda masvisvinwa.


A. kukudza B. kutambura
C. kuzvida D. kunyara

2. Kupeta muswe.
A. kuzvidzora B. kutya
C. kutyisidzira D. kutambura

3. Chioko chegudo.
A. kubira vamwe B. kuseka vamwe
C. kutuka vamwe D. kurova vamwe

77
4. Kurasa muswe.
A. kurasika B. kuvarairwa
C. kukanganwa D. kufarisa

5. Kutambarara sorunyemba.
A. kuzvambarara B. kutambudzika
C. kugarika D. kutamba

6. Kuzvirova chipfuva.
A. kuzvikuvadza B. kuzvininipisa
C. kuzvishungurudza D. kuzvirumbidza

7. Kuruma nzeve.
A. kuyambira B. kunenera
C. kufadza munhu D. kutsamwisa munhu

8. Kutura befu.
A. kugara B. kuzorora
C. kurara D. kumira

9. Kufukura hapwa.
A. kutaura zvisingafadzi B. kutaura zvinofadza
C. kutaura tsindidzo D. kutaura manyepo

10. Kurara nezamu mukanwa.


A. kuyamwa B. kuyamwira
C. kungwara D. kupusa

B. Zadzisa nedimikira rinokodzera.

1. Akamutuka nezvinotsverudza nokuti____________


A. anodya magaka neminzwa yawo.
B. anozvirova chipfuva
C. haana ganda kumeso
D. akasekwa nenyika

2. Mbavha payakangoti mapurisa ba, yakabva yaita_____________


A. manyama amire nerongo
B. kutumira bete kumukaka
C. kurara hope dziri mumusoro
D. ushamwari nemhepo

3. Nhasi vavhimi____________ vangodzoka vakabata maoko chete.


A. vaisa zvitanda munzeve
B. varambwa nomudzimu
C. vapeta muswe
D. vaigochera pautsi

V____________ ____________________ J
78
4. Vakamboedza kumunyengetedza asi iye____________ ndokuramba.
A. ndokutsika madziro
B. ndokudya marasha
C. ndokuva chitsere chomunhu
D. ndokubata hana

5. VaChimoto____________ ndokupa mukadzi wavo gupuro.


A. vakagara badza
B.vakagura badza
C. vakasekwa nenyika
D. vakarovera matama pasi

6. Mwana uyu ane____________ _ anogara achirova vamwe vana.


A. ruoko
B. gumwe
C. chioko chegudo
D. moyo murefu

7. Kana munhu ari mukuru pabasa haafaniri____________ kuti agoremekedzwa.


A. kuita bhande nebhurukwa
B. kufamba akaisa zenze munyundwa
C. kuita tsiye nyoro
D. kuita moyochena

8. Tonderai akanga____________ paakadenha nhundu yemago ndokurumwa.


A. abatiswa dombo
B. arumwa nechekuchera
C. anzwa parere moyo
D. arumwa nzeve

9. Manayi____________ paakaona zvinhu zvaakanga asati amboona.


A. akakwenya mhino nekasiyanwa
B. akaoma mate mukanwa
C. akatamba nedhaka pasina mvura
D. akatswanya bete neura hwaro

10. Takasvika kumba vatete____________ vava kuda kuenda kwavo.


A. vaita pamunhondo pamupfuti
B. vafumobata jongwe muromo
C. vamira negumbo rimwe
D. vafambira dhongi rakaora

C. Nderipi dimikira rine dudziro yakafanana nerakatanga kunyorwa?

1. Kubereka tsoka.
A. kukanda tsoka B. kuruma chirebvu chezasi
C. kuita ushamwari nemhepo D. kutura befu

79
2. Kuva negunwe.
A kuisa zvitanda munzeve B. kugara makabata hana mumaoko
C. kusabvarura machira D. kubviswa chiri kumeso

3. Kutambarara serunyemba.
A. kurasa muswe B. kudzika midzi
C. kuisa gumbo muupfu D. kurovera matama pasi

4. Kuita ruoko rurefu.


A. kuita chioko chegudo B. kuva neruoko
C. kucheka dzafa D. kuva chitsere chomunhu

■5. Kurambwa nemudzimu.


A. masango matema B. Kudhambisa munhu
C. kushaya neremuromo D. Kuva mhashu yomurwere

6. Kubatiswa dombo.
A. kukandirwa nyoka mhenyu. B. kugarira guyo sembwa
C. kurovera moyo padombo D. kufira mafufu segonzo

7. Kuita hwetsuro nembwa.


A. kuita hwegonzo nechin’ai B. kuita bhandi neburukwa
C. kuita mukombe nechirongo D. kuita hwegonzo nekiti

8. Kutamba nemadhaka pasina mvura.


A. kuoma mate mukanwa B. kubviswa chiri kumeso
C. kuita matenganagudo D. kupinda nemwenje mudziva

9. Kuigochera pautsi.
A. kuzvipinza munataisireva B. kupona nepaburi retsono
C. kuzvibura mukanwa meshumba D. kuchema misodzi yegarwe

10. Kudya nhoko dzezvironda.


A. kudya marasha B. kuva munhu ndadya
C. kushaya chouviri D. kuchera mvura netswanda

D. Sarudza mazwi anokodzera kuzadzisa pakashama (madimikira).

1. Kubva panzvimbo uchapada


A. kusiya ngoma ichirira B. kudzika midzi
C. kuita mawiramombe D. kunzwa parere moyo

2. Hapana dziva risina chura zvinoreva


A. hapana nzvimbo isina chura B. hapana nzvimbo isina zvivakwa
C. hapana nzvimbo isina mvura D. hapana nzvimbo isina zvakaipa

3. Chipo pakunyima.
A. inhengwe chaiyo B. ruvangu chairwo
C. chapungu chaicho D. ihurekure chaiyo

80
4. Tonderai igwara
A. muchekadzafa B. mukombachoto
C. muvhundukabete D. musvetaropa

____________ ndokusimuka pagungano achiudza mambo pfungwa dzake.


A. Akazvirova chipfuva B. Akarovera moyo kudombo
C. Akarovera matama pasi D. Akasona muromo

6. achinetseka nezvaakange aita.


A. Akabata hana B. Akabata kumeso
C. Akazvidya moyo D. Akadya magaka mambishi

7. Paainenerwa zvaakanga asina kuita, Tichaona---------------------


A. akarara nezamu mukanwa B. akaisa muromo mumhino
C. akabvurabvura nyaya D. akachera mvura netswanda

8. Takangoziva kuti rudo rwavo hakuna kwarwaisvika____________ sezvo vaiva vana


vadiki.
A. vaingotsika mwedzi B. vaingoita gumbo mumba gumbo panze
C. vaingoita kutungana kwembudzi D. vaingoita zvokumera zenze kumusana

9. Tapiwa____________ anongoda zvokupedzisa mabasa anenge atangiwa nevamwe.


A. mumira negumbo rimwe B. murova imbwa wakaviga mupinyi
C. muchemi wemisodzi yegarwe D. muchekadzafa

10. Pana Tawanda____________ nokuti nyangwe akatsiurwa haatereri.


A. zvatova muropa B. chakabaya chikatyokera
C. kurara hope dziri mumusoro D. kuitwa nyama yamagora

E. Sarudza dudziro yemadimikira kubva muChikamu B.

A. Madimikira

1. Kuva munhu ndadya_______ ____

2. Kuita bhande nebhurukwa---------------------

3. Kukotsira nebadza mumaoko

4. Kuita gumbo mumba gumbo panze

5. Kugara mbabvu dzomusikana-------

6. Kuwana dzamira nemhuru_______

7. Kuzvisikira moto muziso________

8. Kuruma musikana

81
9. Matura azere

10. Kuchema misodzi yegarwe____________

Chikamu B

A. Munhu ane unyope

B. Kuita choupombwe.

C. Kuzvipinza mumatambudziko.

D. Kunyepedzera kunetseka mumoyo asi uchifarira zvinenge zvaitika.

E. Munhu anongokwanisa kuita zvinhu kana basa kana akaguta.

F. Munhu anenge iachiita zvechipfambi asi iye akaroora kana kuroorwa.

G. Kupfimba musikana.

H. Kuva nezvekudya zvakawanda pamusha.

I. Kuwana zvinhu zvaunenge wafambira zvapera.

J. Vanhu vanenge vachiwirirana/kushamwaridzana zvikuru.

F. Sarudza dimikira rine tsanangudzo yakapiwa.

1. Kuita chinhu uchiziva kuti hachibudiriri.


A. kutandavara serunyemba B. kuvhima nemunyu muhomwe
C. kudzinga mbiri D. kusviba moyo

2. Kushanda nesimba.
A. kubayira zanhi B. kuruma chirebvu
C. kusiya ngoma ichirira D. kutungana kwembudzi

3. Munhu akanyararisa.
■ A. kushaya musoro B. kubata maoko
C. kumera zenze kumusana D. chipfuwo zvacho chemunhu

4. Kuwedzera pane zvimwe.


A. kuisa gumi pazana B. kugara ura huri mudende.
C. kubvisa gumbo muupfu D. kugarira guyo sembwa.

5. Kana munhu ava kufamba rwendo.


A. kuenda kwamupfiganebwe B. kurova pasi
C. kurovera matama pasi D. kuita mawiramombe

V______________________________ __ J
82
r, Kuvengana
A. kuita gonzo nechin’ai B. kuita hwebhandi nebhurukwa
A
C. kurimirana pamuganhu D. kubatisana dombo

7. Kurwadziswa zvakanyanya.
A. kubatiswa dombo B. kurutsa ropa
C. kuchekwa nerakagomara D. kufira mafufu segonzo

8. Utsinye
A. kuva nemoyo murefu B. kuva nemoyo-chena
C. kuva nemoyo mukukutu D. kunzwa pare re moyo

9. Kudenha
A. kurumwa nechekuchera B. zuru rakapinda nyoka
C. kumutsa nyoka irere zvayo D. kupinda nemwenje mudziva

10. Chinhu chinenge chasakara.


A. hari yofanzirofa B. zuru rakapinda nyoka
C. kuva munhu akareruka D. kuva munhu ane pamuromo

G. Tsvaka dudziro yemadimikira anotevera kubva muChikamu B.

A Madimikira

1. Kutswanya bete neura hwaro

2. Kushaya neremuromo

3. Kutaura zvinonhuwa

4. Kurara hope dziri mumusoro

5. Kugara pfungwa

6. Kutaura seune muti mudama

7. Kusiya wapisa musha

8. Kupona napaburi retsono

9. Kuita jema newadya

10. Kutsindira mwena unobuda neshwa

B Chikamu B

A. Kutaura zvinhu zvinozoitika

V J

83
B. Kukwanisa kusapinda mumatambudziko napadikidiki

C. Munhu anenge asingadi kufunga achingoda kufungirwa navamwe

D. Munhu anonyepedzera kuchema matambudziko navamwe asi iye agere zvakanaka

E. Kushaya nechekutaura

F. Kutaura zvisingafadzi vamwe

G. Kutuka nokushaya hanya nemunhu anokubetsera nguva zhinji

H. Kuenda zvachose

I. Kunyatsoita zvinhu nemazvo

J. Kusavata zvakanaka

H. Sarudza dimikira rine tsanangudzo dzakapiwa.

I. Mhuri mbiri dzikaroorerana


A. chamuka inyama B. kuve muchakamanika
C. chimombe enda chimombe dzoka D. kukandirana nyoka mhenyu

2. Kurohwa zvikuru zvekusara munhu akuvara zvakaipisisa


A. kukandwa mukanwa meshumba B. kurutsa ropa
C. kubereka gumbo D. kuva nepfungwa

3. Kuva munhu akazhangandira.


A. kuva nebapu B. kuva neruoko
C. kuva nemeso meso D. kuva nechioko chegudo

4. Munhu anowana ruzivo rwezvimwe zvinhu kana achinge afamba kana kushanya
A. kutatamutsa chitoo nembambo B. kuve nhapamukanwa
C. chitsva chiri murutsoka D. murombo munhu

5. Kuona zvinhu zvinoshamisa zvikuru


A. kuoma mate mukanwa B. kushaya ganda kumeso
C. kurumwa nechekuchera D. kupeta muswe

6. Kazhinji vanhu vakuru vanowanzotaura zvinhu zvinozoitika


A. kuita mawiramombe B. kutaura sevane muti mukanwa
C. pamuromo pasingamharwi nenhunzi D. kudya magaka neminzwa yawo

7. Munhu achiri mudiki


A. majiwa asangana paburiro B. kutemwa dzinobuda ropa
C. kutsvaga uta nemugate D. kugara ura huri mudende

84
8. Munhu anongoita zvaanoda kunyangwe zvakashata
A. kutandanisa hwiza dzinobhururuka nemiti
B. mombe yamashanga
C. kudya uchibaya dura
D. kuisa gumbo murufuse

9. Munhu ane munyama


A. kugeza pakagezera bere B. kutamba nemuswe wasekuru
C. kukanda jecha kumeso D. kuita rufaro rwejekausiye

10. Kana munhu ava kuda kurara/kuvata


A. kufamba rwako woga B. kufuka rako wega
C. kundotaura navadzimu D. kutakurirana bandauko renda

NYAUDZOSINGWI

A. Zadzisa nenyaudzosingwi inokodzera.

1. Dhaka raivakiswa parakadonha pasi rakati_____________


A. dhii B. gada C. pwata D. pii

2. Mashizha akapupurutswa nemhepo ndiye____________ pamusoro pemvura yaiva


murwizi.
A. zivha B. nyakata C. yangarara D. mha

3. Nekuda kwemvura zhinji yakanaya chibage chedu chakabva chati____________ kuora


pachaiva chakayanikwa.
A. nho-o B. rakata C. gumbe D. tumbe

4. Vanhu vemaricho vainge zvino vati____________ nekuneta.


A. zii B. fatata C. zondoma D. rukutu

5. Nyatsai zvaakarumwa nejuru akabva a ti____________ kubva muhope.


A. kwaku B. pepu C. takarasima D. nyamu

6. Mbavha yakakaruka yangonzi____________ nemapurisa isingazvifungiri.


A. hatu B. kachu C. dzvi D. nzvi

7. Tichaona akati__________ kune shamwari yake yava kutaura zvisizvo kumapurisa.


A. kwenyu B. dzamu C. furukutu D. chee

8. Vanhu vaiva pachiteshi pavakaona huruva kuti ____________ mudenga vakabva


vaziva kuti bhazi rava kuuya.
A. mbumu B. kata C simu D. togo

9. VaDhobhi pavakasvika pachiteshi vakawana bhazi rati____________ kuenda.


A. pfacha B. tende C. hwa D. hutu

85
10. Tsoko yakati ____________kukwira mumuti yaona vanhu vachiuya kwairi.
A. taka B. kwati C. kata D. simu

B. Zadzisa nenyaudzosingwi inokodzera.

1. Vanhu vaiva pachiteshi vakaerekana bhazi rati____________ kusvika.


A. vho-o B. pfacha C. hatu D. ndi

2. Pakarira pfuti vanhu vakati____________ vachitiza kubva pavanga vakaungana.


A. waya B. rongondo C. mwarara D. mwanda

3. Chipo akanzi neigo____________ pahuma ndokuchema.


A. ndure B. n’a C. tibvu D. nyamu

4. Mukomana akavhunduka vhudzi rake ndiye____________ kumira.


A. nyandu B. simu C. tasa D. kuse

5. Imbwa yedu yakarohwa nemotokari ndiye____________ kufa.


A. ngondo B. nyakata C. tasa D pwa

6. Gudo rakanzi_________ nemuseve padumbu parakange richidya chibage mumunda.


A. gada B. gudegude C. tibvu D. nyengu

7. Muvhimi akaona mubako makati____________ kusviba ndokutya kupindamo.


A. mbu-u B. zete C. piriviri D. ndo-o

8. Paakangosimuka kuti ataure padare vanhu vakabva vati____________ kuseka.


A. nyemu B. furukutu C. nyena D. bvu-u

9. Akati____________ kuramba mhosva dzose dzaainenerwa.


A. taka B. tana C. tumba D. kwava

10. Mvura yaierera zvishoma ichiti__ __________ ichipinda mutsime.


A. tsvoti B. povo C. sakasaka D. sinini

C. Zadzisa nenyaudzosingwi inokodzera.

1. Pakavhuvhuta mhepo zhinji mazhanje aiva mumuti akati____________ pasi.


A. zivha B. mwanda C. pitipiti D. wararara

2. Paibaiwa vana vacheche majekiseni waingonzwa kuti____________ kuri kuchema.


A. maiwe B.we-e C. me-e D. n’e-e

3. Mukomana akazvisungirira pamuti ndiye____________ akadaro.


A. tumbi B. rezu C. zete D. zondoma

4. Nekuda kwezuva rwizi rwanga rwakaoma kuti_____________


A. hwa B. gwa C. nyakata D. ware

86
5. Paifamba musikana mvura yaiva mocftirongo yaingoti _ _ _ _______ ichirasika pasi.
A. dhi dhi B. pi pi C. saka saka D. teu teu

6. Mheni payakati--------------------- pakazofevera mupande waiita seuchatsemura dzimba.


A. weke B. vai C. penyu D. dhiriri

7. Tsuro payakati---------------------kunzvenga.. imbwa dzakabva dzadhumana.


A. warn B. nzve-e C. pote D. kwati

8. Mbavha payakati chikwama____________ yakabva yaita ushamwari nemhepo.


A. kwaku B. kacfru C. bvutu D. gwaju

9. Rudo akati mhere____________ paakarohwa nembama.


A. tsemu B. wi-i C. nje-e D. kwetsu

10. Nokuda kwokukara kwayo imbws yedu yakangoti____________ zinhindi renyama


mukanwa ndokudzipwa.
A. vhoo B. kacfru C. mvo-o D. wi-i

D. Zadzisa nenyaudzosingwi m&kodz&m.

1. Magetsi aiva akati fnujoptBS rsMasvingo.


A. piriviri B. C. n]e-e D. mbu-u

2. Zigomana rakati _______ rakananga kujinga kwegomo.


A. pesu B. tande C. kwati D. toro

3. Paakadira parafini moto wafcabva wan.


A. simu B. vho-o C. ngandu D. chakata

4. Vanhu vakati dungwe____________ vakananga kunopiwa zvokudya.


A. rakata B. rongoodo C. dzi-i D. kuse

5. Akarohwa nembama ndiye____________ kudonha pasi.


A. tana B. ngontio C. ctiechetere D. bvu-u

6. Katsuro kakati ______ kupinda mugwenzi kachitiza.


A. pfocho B. pfadia C. nyakata D. forokosho

7. Aiva akati _ __ akafufca muviri wake wose nejira.


A. kunguru B. gudegude C. zivha D. mho-o

8. Akabika muriwo ndokubva waibvfea kuti_____________


A. rororo B. mbombombo C. chechetere D. tonho

9. Mukomana paakangoti_______ achitiza akabva awira pasi.


A. ware B. kachu C. cheu D. mwanda

87
10. Musikana akazadza chirongo nemvura kuti------- :—
A. dzvamu B. vata C. zivha D. hutu

E. Zadzisa nenyaudzosingwi inokodzera.

1. Takakaruka taona sekuru vake vati____________ vachibva musango.


A. pindikiti B. kwaku C. nyuku D. tanana

2. Vanhu vakanga vachiti________ kutarisa zvakanga zvaitika.


A. tumbi B. tuzu C. jii D. tumbe

3. Akatora bute ndokuriti_________


A. fe-e B. gugugu C. pwititi D. kwe-e

4. Akati bakatwa rake__________ agadzirira zvino kurwa.


A. kwetsu B. vhomo C. kachu D.gwaju

5. Paiva pakanzi. kusungiswa.


A.nganganga B. mhomhomho C. mbombombo D.ndindindi

6. Makudo aiva akati _________ mumunda medu.


A. pfocho B. kwaku C. resva D.dhugu

7. Paakabatwa nehope akati bonde ____ ndokurara zvake.


A. rare B. chee C. ware D. tande

8. Paakorohwa miromo yake yanga yachiti____________ kuzvimba.


A. piriviri B. papata C. wareware D. tukutuku

9. Paakarohwa nechibhakera akati pasi_____________


A. ndute B. titiriri C. ngondo D. nyakata

10. Chiremba wemazino akangoti kamwe chete____________ kubvisa zino.


A. kwatu B. gwaju C. kupu D. bhagu

F. Zadzisa nenyaudzosingwi inokodzera.

1. . Musoro wambuya vangu wakachena kuti_____________


A. weke B. ngwe-e C. mbu D. piriviri

2. Nokuda kwezuva raipisa mombe dzose dzaiva dzakati____________ pasi pemimvuri.


A. fashafasha B. rakata C. besvu D. zondoma

3. Dombo rakati____________ rakandwa mumvura.


A. bhugu B. bhagu C. bhuva D. kubvu

4. Akazadza tswanda kuti ____________ nemakavhu.


A. tubu_____________ B. tucha_________ C. puti___________ D. puba___________ _

88
5. Nokuda kwokuoma kwemubvunzo akamboti____________ asati apindura.
A. nyevenu B. takarasima C. kunun’una D. tutururu

6. Angoti____________ nekuneta ndokurara ipapo.


A. tonho B. rukutu C. gudegude D. rashu

7. VaMuchaiwa vakati____________ nenzira vonanga kumusha kwavo.


A. tande B. toro C. tana D. kunguru

8. Zvaakanga anzwa nenzara akati dzinde renzungu_____ ndokutanga kumenya odya.


A. dzati B. dzupu C. kachu D. furunuka

9. Sarudzai paakangoti_____ _______ kutiza akabva awira pasi.


A. ware B. mwanda C. cheu D. kachu

10. Musikana akazvisungirira pamuti vanhu ndokuti____________ nazvo.


A. tumbi B. tubu C. dzvutu D. kata

G. Zadzisa nenyaudzosingwi inokodzera.

1. Murwere akanga asimba kuti_________


A. nganganga B. gwindiri C. mbambamba D. tundundu

2. Pakangonzi mukova wepabhangi____________ vanhu vakasundana vachipindamo.


A. nyetu B. kweya C. vhu-u D. bheu

3. Nokuda kweusimbe hwaamai vake, mbatya dzakaswera dzakati murwi_________


A. tomu B. puva C. chu D. pudu

4. Nokuda kwevana vaitamba mbakumba guruva rakanga rachiti_____________kuzara.


A. mbumu B. togo C. kuse D. tsvete

5. Madzimai aiva patsime akati chikwee_____________


A. kwetsu B. tekeshe C. kupu D. taka

6. Nguruve yakati____________ kurara.


A. svata B. gudegude C. kushu D. tiba

7. Paakati______ ;____ amai vake asingazvifungiri akabva ashaya zvokuita nokunyara.


A. ga B. ba C. do D. pi
8. Akati ronda rake____________ urwa ndokutanga kubuda.
A. zezete B. dzatu C. tsvoti D. dzipu

9. Paakarohwa nembama akakaruka rima rati_____________


A. ndute B. kachu C. zivha D. tiba

10. Amai pavakanzwa kuti____vakabva vaziva kuti Chenai akanga adonhesa ndiro yavo.
A. takarasima B. gwengwendere C. gagadu gagadu D. ware ware

89
UKAMA

A. Dudzira sepaukama hwedu.

1. Mukomana anoti chii kune mwanasikana wehanzvadzi yababa vake?


A. muzukuru B. mukunda C. muramu D. munin’ina

2. Murume anoti _ _____ kumunin’ina wemukadzi wake.


A. mukarahwa B.muramu C. hanzvadzi D. munin’ina

3. Musikana anoti ______ kune murume watete vake.


A. babaminini B. babamukuru C. mukwasha D. tezvara

4. Mukomana anoti ________kune murume watete vake.


A. babamunini B. babamukuru C. mukwasha D. tezvara

5. Mukadzi anoti _____ kuna baba vemurume wake.


A. tsano B. baba C. tezvara D. mukwambo

6. Mukadzi anoti _____ kuna amai vemurume wake.


A. amai B. ambuya C. vamwene D. amainini

7. Murume anoti _____ kuna amai vemukadzi wake.


A. amai B. ambuya C. vamwene D. amainini

8. Murume anoti _____ kuna baba vemudzimai wake.


A. baba B. tsano C. sahwira D. vatezvara

9. Varume vakaroora muimba imwe chete vanodaidzana---------------------


A. varumenyina B. vakwashanyina C. babamukuru D. babamunini

10. Vakadzi vakaroorwa muimba imwe vanodaidzana---------------------


A. mainini B. maiguru C. varooranyina D. vakadzinyina

B. Dudzira sepaukama hwedu.

1. Unoti chii kuna baba vaamai vako?


A. sekuru B. tezvara C. babamukuru D. baba

2. Munin’ina wababa vababa vako ndi__


A. babamukuru B. babamunini C. baba B. sekuru

3. Mukomana anoti ________kune hanzvadzi yomukadzi womukoma wake.


A. mukwasha B. sadombo C. tsano D. muzukuru

4. Unoti chii kune hanzvadzi yasekuru (baba vababa vako)?


A. mbuya B. vatete C. vamwene D. maiguru

90
5. Baba vasekuru (baba vababa vako) unovati_____________
A. sekuru B. murungani C. mukweguru D. tateguru

6. Murume anoti____________ kune hanzvadzi yomukadzi wake.


A. mukwasha B. hanzvadzi C. tsano D. munin’ina

7. Mukadzi anoti____________ kune munin’ina wemurume wake.


A. babamukuru B. muramu C. munin’ina D. muzukuru

8. Munin’ina wamai vako ndi_________:___


A. munin’ina B. maiguru C. mainini D. vakoma

9. Mukoma waamai vako ndi_____________


A munin’ina B. maiguru C. mainini D. vakoma

10. Mukoma wababa vako ndi_____________


A. baba B. mukoma C. babamunini D. babamukuru

c. Pedzisa ukama hunotevera.


1. Baba vanoti kune munin’ina womukadzi wemwana wavo.

2. Baba vanoti kune mukoma wemukadzi wemwana wavo.

3. Amai vanoti kune mukadzi wemwana wavo.

4. Amai vanoti kune murume wemwana wavo.

5. Amai vanoti kune mukoma wemurume wemwana wavo.

6. Baba vemurume vanoti kuna a m ai v e m u k a d zi w e m w a n a w avo .

7. Amai vemurume vanoti kuna am ai vem u kad zi w e m w an a w avo.

8. Baba vemukadzi vanoti ku n a h a h a v e m u ru m e w e m w a n a w a vo .

9. Baba vemukadzi vanoti kuna a m a i v e m u ru m e w e m w a n a w avo .

10. Murume anoti kune mukadzi wehanzvadzi yomudzimai wake.

D. Ukama

1. Munhu anofambisa mashoko ekupfimbana anonzi---------------------

2. JHfenzvadzi yomukadzi ndi_____________

3. Mufeadzi anoti____________ kune hanzvadzi yemurume wake.

V ______________________________________________________ :-----------------------
91
4. Musikana anoti kune mukadzi wehanzvadzi yake.

5. Mwanakomana anoti ____ kune mwanakomana wehanzvadzi yababa vake.

6. Musikana anoti____ kune mwanasikana wehanzvadzi yababa vake.

7. Mukomana anoti _ kune hanzvadzi yaamai vake.

8. Musikana anoti _ kune mwanakomana wehanzvadzi yababa vake.

9. Munin’ina wababa vababa vako ndi.

10. Murume anoti kune mwana wehanzvadzi yake.

E. Pedzisa sepaukama hwedu.

1. Hanzvadzi yamai vako ndi__

2. Mwanasikana anoti_______ . kune mwanakomana wehanzvadzi yababa vake.

3. Mwanasikana anoti_______ kune mwanakomana wehanzvadzi yababa vake.

4. Mwanasikana anoti_______ kune murume wemwana wehanzvadzi yamai vake.

5. Mwanakomana anoti kune murume wemwana wehanzvadzi yababa vake.

MAZWI ANOREVA ZVAKAFANANA

A. Nderipi izwi rinoreva zvakafanana nerakanyorwa nemavara akarereka?

1. Vakomana vaitengesa mashuku pamusika.


A. shuma B. mazhanje C. matamba D. chechete

2. Nezuro jana remombe raiva naTafara.


A. basa B. mafudzi C. mapure D. dzoro

3. VaZingoni vaipura rukweza.


A. mhunga B. maringazuva C. zviyo D. mapfunde

4. Zvinonzi kana ukatuka vanhu vakuru unoita munyama.


A. nhamo B. matambudziko C. rushambwa D. nhinhi

5. Tichaona anoita magwiriri kana avete.


A. mararo B. ngonono C. mbovha D. maranga

6. Munhu wese anofanirwa kugeza chero zuva kuti agova noutano hwakanaka.
A. kudhidha B. kukwesha C. kushamba D. kupukuta

V .

92
7. Vakomana vazhinji vanogona kuridza muridzo.
A. mheterwa B. matorohwiro C. chihwerure D. mabhanjo

8. Nhasi kune makundano ekujanuka.


A. mhanya B. rumbirira C. kwakuka D. makuwerere

9. Gore rino Tanaka ndiye akasarudzwa kuva nyanzvi yenhabvu.


A. mutevedzeri B. nyasire C. shasha D. mbodza

10. Akamudzimbira ronda raiva pachitsitsinho ndokuchema.


A. mupambari B. chidodoma C. gokora D. ibvi

B. Nderipi izwi rinoreva zvakafanana nerakanyorwa nemavara akarereka?

1. Tichaona ane mukurumbira panyaya dzezvibhakera.


A. tsiva B. horikotyo C. mhande D. muchongoyo

2. Vakomana vaichera mabura zuva richangoti kwirei.


A. mapuno B. mushonga C. mbambaira D. makavhu

3. VaMuchadenya ndivo vakatara guva remuzukuru wavo.


A. gomba B. imba C. dhunduru D. rinda

4. Amai vakawana Rudo ach\kurungira sadza pavakabva kumunda.


A. pambira B. mona C. kubvura D. pakura

5. Ukakwesha man’a nedombo anopera.


A. tauro B. vhinga C. ruware D. ibwe

6. Tichaona igwara remukomana anongotukwa nemunhu wese.


A. rombe B. dofo C. mbwende D. mhare

7. Tanatswa anotaura chokwadi nguva zhinji.


A. idi B. mandorokwati C. nhema D. tsindidzo

8. Chibage chedu chava nemuchekechera.


A. rebvu B. masakatira C. shashare D. runye

9. Ambuya vangu vanofarira muriwo wemuboora.


A, nyovhi B. mumowa C. mutikiti D. mufushwa

10. Usiga hunokonzera hwadzira kana hukadyiwa husina kuzorwa madota.


A. chrveve B. udenda C. mahumunya D. ugugu

C. Nyora izwi rinoreva zvakafanana nerakanyorwa nemavara akarereka.

1. Cfqpo aiundura huku achiisa manhenga mugomba.

93
2. Nekuda kwechirwere chemukondombera, vanhu havachakurudzirwi kuita barika.

3. Hazvinakidzi kunzwa kuti mwanakomana mudiki anotsvetsva vasikana.

4. Akatadza kudya nyama yaiva namakodo nokuda kwemanyada aainawo.

5. Baba vangu ndivo vakasvuura makavi ekusunga mbariro dzepadara.

6. Kugomera kwaaiita zvakaratidza kuti ronda raiva kumusana kwake raimurwadza


zvikuru.

7. VaMamoyo ndivo vaiva svoWyaVaZishiri.

8. Nhasi kune zvikoro zvishanu zviri kuita makwikwi ekuvanga pachikoro pedu.

9. Takati nonokei tikawana vatendi vose vakagwadama vachinamata.

10. Tichaona mukomana anozivikanwa zvikuru panyaya dzokupingudza mombe.

D. Nderipi izwi rinoreva zvakafanana nerakanyorwa nemavara akarereka?

1. Garwe imhuka inotyisa.


A. Dhumukwa B. Ngwena C. Tsaga D. Bugwa

2. Hana yake haitani kurova kana akavhundutswa.


A. Mapapu B. Chitsvo C. Chiropa D. Moyo

3. Pakaroorwa Chenai VaRuzvidzo ndivo vaive munyai.


A. tezvara B. tsano C. sadombo D. mukurungai

4. Kune vamwe vanhu vanofarira kudya mhashu.


. A. mandere B. tsambarapfuta C. hwiza D. harurwa

5. Muchitoro icho ndimo mandakatengera ambuya vangu jira.


A. bhutsu B. hembe C. gumbeze D. ngwani

6. Mudzidzisi akaudza mwana wechikoro kuti areve mazita evana vakanga vatiza.
A. adudze B. avige C. atondere D. anyarare

7. Tichaona akachonjomara achizvirova chipfuva paakamwisa chibodzwa chechipiri.


A. akaumburuka B.akagwadama C. akatonona D. svetuka

8. Sekai aitamba achidira mvura mumwena.


A. mumhango B. mugomba C. mumusingwi D. mudhunduru

9. Pamba pavo pane madhongi akawanda.


A. makwayi B. handira C. mbongoro D. nhongo

94
10. Mbuya vangu vanofarira kudya hacha.
A. cheche B. nyii C. shohwe D. chakata

E. Nderipi izwi rinoreva zvakafanana nerakanyorwa nemavara akarereka?

1. Shumba hadzi haina mvere muhuro.


A. mambava B. manhenga C. makushe D. mvindi

2. Paakarasa chikwama chaamai takaringa pose.


A. takasimudza B. takazama C. takatsvaka D. takaongorora

3. Shamwari yangu yatenga sanhu rakanaka pamusika.


A. badza B. mbezo C. demo D. banga

4. Muchikova icho makazara matatya.


A. maburuvuru B. makakanje C. mipurwa D. matafi

5. Akandidzvo/rorazvandisina kufarira.
A. finyamira B. nyenamira C. ongorora D. tarisa

6. Akadyisa kanyenye kavo nebere.


A. handira B. shere C. sheshe D. gwizana

7. Mwana weshumba anonzi mbwanana.


A. njenjeta B. handa C. marunga D. tsvana

8. Vanhu vokwaMutoko vane mbiri yokurima madomasi.


A. mapuno B. madirria C. magaka D. hanyanisi

9. Mwari ndiye akasika zvisikwa zvose.


A. Mudzimu B. Musikavanhu C. Zitateguru D. Mambo

10. Mwana uyu anogona kugeza mazino.


A. muromo B. meno C. rurimi D. matadza

F. Nderipi izwi rinoreva zvakafanana nerakanyorwa nemavara akarereka?

1. Vakamukira mangwanani kupura zviyo.


A. mapfunde B. mhunga C. njera D. nyemba

2. Baba vake vanogona kuchengeta hochi.


A. tsuro B. nguruve C. hwai D. mbudzi

3. Mombe yandakatenga kumapurazi ndakaiisa mucherechedzo.


A. chitorobho B. rugombe C. rupawu D. bhero

4. Mazuva ano ane denda rinomutsa zvikuru.


A. chirwere B. ronda C. nhamo D. shavi

95
5. Matambiro aTambudzai ndeeudununu haagoni kutevedzera zvinoitwa navamwe.
A. udzenga B. unhubu C. ungwaru D. ufuza

6. Imhosva kupfira mate pesepese.


A. kurasa B. kusvipa C. kusiya D. kutsveta

7. Chipo ndiye akasundidzira Farai mugomba.


A. nanaidzira B. sendemara C. zambira D. sairira

8. Musaona Munyaradzi kunyarara, inhubu yemwana.


A. inhinhi B. idzenga C. inyasire D. inyope *

9. Pamusoro pegomo pakafira kamubhemhe.


A. kamhondana B. kadhongwana C. kamarakadzi D. kamangoi

10. Mwana uyu aita zvinhu zvinotsverudza.


A. nyangadza B. fadza C.svodesa D. dadisa

G. Tsvaka mazwi anoreva zvakafanana neanotevera.

1. gumbikumbi 7. dova
2. kurisa 8. guruva
3. kuvimbika 9. shanje
4. pamuviri 10. manenji
5. uchapa 11. putsa
6. makata 12. mwene

H. Ipa mazwi anoreva zvakafanana neanotevera.

1. pfuti 11. chiredzo


2. materu 12. gandiwa
3. ziya 13. bere
4. kukara 14. murakwani
5. rupasa 15. mukoti
6. muchetura 16. kurangarira
7. mhindo 17. mugwagwa
8. kuminya 18. kuneta
9. kupamhama 19.. kuzvara
10. kuriritira 20. jereso

96

Вам также может понравиться